Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Sirivha Ndeyangu, Nendarama Ndeyangu”

“Sirivha Ndeyangu, Nendarama Ndeyangu”

“Sirivha Ndeyangu, Nendarama Ndeyangu”

MUZANA remakore rechitanhatu B.C.E., Mambo Koreshi wokuPezhiya akasunungura vanhu vaMwari vaiva nhapwa kuBhabhironi. Zviuru zvavo zvakadzoka kuJerusarema kuti zvivakezve temberi yaJehovha yakanga yava matongo. Vanhu vakadzoka vaiva varombo, uye vavakidzani vavo vaivavenga vaisada kuti vavakezve. Saka vamwe vavaki vakanetseka kuti vaizopedza here basa iroro raikosha.

Achishandisa muprofita wake Hagai, Jehovha akavimbisa vavaki kuti aiva navo. Mwari akati: “Ndichazunungusa marudzi ose, uye zvinhu zvinokosha zvemarudzi ose zvichauya; uye ndichazadza imba ino nokubwinya.” Kana iri nyaya yourombo hwavo, vanhu vaivaka vakaudzwa naHagai kuti: “‘Sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto.” (Hagai 2:7-9) Kubva pakataura Hagai mashoko iwayo anokurudzira, hapana kupera makore mashanu basa iroro risati rapera.—Ezra 6:13-15.

Mashoko aHagai akakurudzirawo vashumiri vaMwari munguva ichangopfuura pavaiita mabasa makuru ane chokuita nokunamata Jehovha. Muna 1879 pakatanga boka romuranda akatendeka akangwara kubudisa magazini ino, panguva iyoyo ichinzi Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence, yaiva nemashoko aya anoti: “‘Tinodavira kuti ‘Zion’s Watch Tower’ inotsigirwa naJEHOVHA, saka haizombopemhi kana kukumbira vanhu kuti itsigirwe. Kana iye anoti: ‘Ndarama yose nesirivha zviri mumakomo ndezvangu,’ akatadza kupa mari inodiwa, tichanzwisisa kuti inenge yava nguva yokuti tiregere kubudisa magazini yacho.”

Magazini yacho haina kumbomira kubudiswa. Magazini okutanga akabuda ari 6 000 muChirungu chete. Mazuva ano, magazini 28 578 000 paavhareji anodhindwa mumitauro 161. * Awake!, inobuda pamwe chete neNharireyomurindi, inodhindwa magazini anenge 34 267 000 mumitauro 81.

Zvapupu zvaJehovha zvinoita mabasa akawanda ane chinangwa chimwe chete necheNharireyomurindi, chokukwidziridza Jehovha saChangamire Ishe wezvose zvakasikwa uye chokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwake. (Mateu 24:14; Zvakazarurwa 4:11) Nanhasi Zvapupu zvichine chivimbo chazvakaratidza mumagazini ino muna 1879. Zvinotenda kuti Mwari anotsigira basa razvo uye kuti zvaanorikomborera richawanirwa mari. Zvisinei, mari inotsigira mabasa eZvapupu zvaJehovha inonyatsobva kupi? Uye mabasa api avari kuita kuti vaparidzire mashoko akanaka pasi pose?

Mari Inoshandiswa Inobva Kupi?

Kakawanda Zvapupu zvaJehovha pazvinenge zvichiparidzira zvinobvunzwa kuti, “Munobhadharwa here kuita basa iri?” Mhinduro ndeyokuti kwete hazvibhadharwi. Hazvibhadharwi nguva yazvinoparidza. Kuonga kunoita vaparidzi ava ndiko kunoita kuti vapedze nguva yakawanda vachiudza vamwe nezvaJehovha uye zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana riri nani. Vanoonga zvavakaitirwa naMwari uye kuti mashoko akanaka akachinja sei upenyu hwavo nemaonero avo. Ndosaka vachida kuudza vamwe mashoko akanaka. Vanotevedzera zvakataurwa naJesu kuti: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Zvechokwadi, chido chavo chokupupurira Jehovha naJesu chinoita kuti vashandise mari yavo kuudza vanhu zvavanotenda, kunyange vaya vanogara kure zvikuru navo.—Isaya 43:10; Mabasa 1:8.

Ukuru hwebasa rokuparidza uye zvinoshandiswa pakuriita—nzvimbo dzokudhindira, mahofisi, Dzimba Dzemagungano, misha yemamishinari nezvimwewo—zvinoda mari yakawanda. Saka inobva kupi? Inobva pamari yezvipo zvokuzvidira. Zvapupu zvaJehovha hazvimanikidzi vanhu vomuungano kutsigira nemari yavo mabasa esangano, uye hazvibhadharisi mabhuku azvinoparadzira. Kana munhu achida kupa mari yechipo kuti atsigire basa razvo rokudzidzisa, Zvapupu zvinofara kuigamuchira. Ngatikurukurei chimwe chezvinhu zvinoitwa kuti mashoko akanaka aparidzwe pasi pose—shanduro.

Mabhuku Anowanika Mumitauro 437

Kwemakumi emakore mabhuku eZvapupu zvaJehovha ndemamwe ave achishandurwa kupfuura mamwe ose pasi pose. Maturakiti, mabhurocha, magazini nemabhuku zvave zvichishandurirwa mumitauro 437. Chokwadi, kushandura kwakangofananawo nemamwe mabasa anotsigira basa rokuparidzira pakuti kunoda zvinhu zvakawanda. Chii chaizvo chinonyatsoitwa panenge pachishandurwa?

Kana nyaya dzapera kunyorwa muChirungu uye vapepeti vemabhuku eZvapupu zvaJehovha vadziongorora, vanobva vadzitumira pasi pose nemakombiyuta kuvashanduri vakanyatsodzidzira basa racho. Mutauro mumwe nomumwe unenge uine boka revashanduri. Boka rimwe nerimwe rinogona kuva nevashanduri 5 kusvika ku25 zvichienderana nokuti pari kushandurwa zvinhu zvakawanda sei uye kuti mutauro wacho wakaoma zvakadini.

Nyaya inenge yashandurwa inoverengwa ichiongororwa kururama kwayo. Chinangwa chacho ndechokuti, nepazvinobvira napo, zviri kutaurwa kuChirungu zvinyatsobuda mumutauro uri kushandurirwa wacho. Izvi hazvisi nyore. Pavanenge vachishandura dzimwe nyaya dzakaoma, vashanduri vangafanira kutsvakurudza (muChirungu kana kuti mune mimwe mitauro ingave yakashandiswa pakunyora yakadai seFrench, Russian, kana Spanish) uye mumutauro wavanenge vari kushandurira kuti zvinyatsobuda. Somuenzaniso, kana imwe nyaya muAwake! ichitaura nezvesayenzi kana kuti zvakaitika kare, panoda kutsvakurudza kwakaoma.

Vashanduri vakawanda vanoshanda nguva yakazara kana kuti vanopota vachibatsira pahofisi dzemapazi eZvapupu zvaJehovha. Vamwe vanoshanda vari kunzvimbo dzinotaurwa mutauro wavanoshandurira. Havabhadharwi. Vashanduri venguva yakazara vanongopiwa pokugara, zvokudya uye mari shomanana yokutenga zvinhu zvinokosha. Pasi pose pane vashanduri vanenge 2 800. Iye zvino hofisi 98 dzemapazi eZvapupu zvaJehovha dzine mapoka evashanduri kana kuti dzinotarisira vashanduri vanogara kune dzimwe nzvimbo. Somuenzaniso, bazi rokuRussia rinotarisira vashanduri vanopfuura 230 venguva yakazara kana kuti vanopota vachibatsira vanoshandurira mumitauro inopfuura 30, kusanganisira mimwe isinganyanyi kuzivikanwa yakadai seChuvash, Ossetian, neUighur.

Kunatsiridza Shanduro

Hazvisi nyore kushandura pfungwa dzakaoma zvakarurama sokuoma kwazvakangoita kuti munhu adzidze mumwe mutauro. Chinangwa chacho ndechokunyatsobudisa pfungwa dzacho uye kuita kuti nyaya yacho inyatsoverengeka sokunge kuti yakatotanga kunyorwa mumutauro washandurirwa wacho. Izvi zvinotoda unyanzvi. Zvinotorera vashanduri vatsva makore kuti vagone kushandura, uye Zvapupu zvaJehovha zvinoramba zvichironga purogiramu dzokudzidza. Dzimwe nguva varayiridzi vanoshanyira vashanduri vachivabatsira kunatsiridza unyanzvi hwavo uye kushandisa makombiyuta.

Purogiramu iyi yokudzidzisa iri kubudirira zvikuru. Somuenzaniso, bazi reZvapupu zvaJehovha rokuNicaragua rinoti: “Kokutanga, vashanduri vedu vomutauro weMiskito vakadzidziswa maitirwo ebasa racho nounyanzvi nomumwe murayiridzi akabva kubazi reMexico. Izvi zvabatsira vashanduri kufambira mberi zvikuru pamaitiro avanoita basa ravo. Shanduro yazova yemandorokwati.”

Mashoko Anoita Kuti Vanhu Vafarire

Chinangwa chezvose zviri kuitwa pakubudisa Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura mururimi rwaamai ndechokuti vanhu vanyatsorifarira, uye izvi ndizvo zviri kuitika. Muna 2006, Zvapupu zvaJehovha zvokuBulgaria zvakafara kwazvo pakabudiswa Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki mumutauro wokuBulgaria. Bazi rokuBulgaria rinoti rakagamuchira mashoko akawanda okuonga. Vanhu vomune imwe ungano vanoti “iye zvino Bhaibheri rava kunyatsoti dyo mwoyo yavo, kwete chete pfungwa dzavo.” Vamwe sekuru vokuSofia vakati: “Ndakaverenga Bhaibheri kwemakore akawanda, asi handina kumboverenga shanduro iri nyore kunzwisisa uye inobva yanyatsoti dyo zvakadaro.” Uyewo, kuAlbania chimwe Chapupu chapiwa Shanduro yeNyika Itsva yakazara mumutauro wacho, chakati: “Zvinofadza kwazvo kuverenga Shoko raMwari mumutauro wangu! Kunyatsotaurwa nesu naJehovha mumutauro wedu iropafadzo chaiyo!”

Zvingatora makore akawanda kushandura Bhaibheri rose. Asi kana zvichizoita kuti mamiriyoni evanhu anyatsonzwisisa Shoko raMwari kokutanga muupenyu hwavo, hazvina kukodzera kuti pashandwe zvakadaro here?

“Tiri Vashandi Pamwe Chete naMwari”

Chokwadi, basa rokushandura handiro roga rinokosha pakutsigira basa rokuparidza mashoko akanaka zvinobudirira. Ibasa chairo uye zvinoda mari yakawanda kunyora, kudhinda, kutumira mabhuku uye kuita mamwe mabasa pamapazi, mumatunhu nomuungano dzeZvapupu zvaJehovha. Asi vanhu vaMwari ‘vanozvipa nomwoyo unoda’ kuita basa iri. (Pisarema 110:3) Zvinotovafadza kuti vanogona kupa zvipo zvavo, saka Jehovha anovati “vashandi pamwe chete” naye.—1 VaKorinde 3:5-9.

Ichokwadi kuti uyo anoti “sirivha ndeyangu, nendarama ndeyangu” haadi hake rubatsiro rwemari kuti basa rake riitwe. Asi Jehovha akaremekedza vashumiri vake nokuvapawo mukana wokutsvenesa zita rake vachipa mari yokutsigira basa rokuparidza chokwadi chinoponesa “kumarudzi ose.” (Mateu 24:14; 28:19, 20) Hazvikuiti kuti uite zvose zvaunogona kutsigira basa iri risingazombodzokororwi here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Kuti uone pakarongwa mitauro yacho, ona peji 2 yemagazini ino.

[Bhokisi riri papeji 18]

“ANOITA KUTI TINYATSOFUNGISISA”

Mumwe musikana ane makore 14 akanyora tsamba kubazi rokuCameroon reZvapupu zvaJehovha achiti: “Pandakatenga zvinhu zvangu zvokushandisa kuchikoro zvegore rino, ndakazotengesa mamwe mabhuku maviri egore rapera nemafranc 2 500 [$5, U.S.] Ndiri kupa mari iyi uye ndawedzera mamwe mafranc 910 [$1.82, U.S.] pane yandakachengeta. Ndinoti rambai muchiita basa renyu rakanaka. Ndinokutendai nemagazini eNharireyomurindi neAwake! Anoita kuti tinyatsofungisisa.”

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]

CHIPO CHAKASIYANA NEZVIMWE

Bazi reZvapupu zvaJehovha rokuMexico rakatambira tsamba inotevera yakabva kuna Manuel, mumwe mukomana ane makore matanhatu anogara kuChiapas State. Sezvo asati ava kugona kunyora, shamwari yake yakamunyorera. Manuel anoti: “Ndakapiwa nguruve naambuya vangu. Payakabereka, ndakatora imwe yakanga yakanakisisa ndichibva ndaichengeta ndichibatsirwa nehama dzomuungano. Ndinofara kutumira sechipo mari yandakawana pandakaitengesa. Yairema makirogiramu 100, uye ndakawana 1 250 pesos [$110, U.S.]. Ndapota ipai Jehovha mari yacho.”

[Bhokisi riri papeji 19]

‘ISHANDISEI KUSHANDURA BHAIBHERI’

Pagungano reruwa ra2005 reZvapupu zvaJehovha kuUkraine, Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki rakabudiswa mumutauro wokuUkraine. Mangwana acho, mubhokisi remari yezvipo pagungano racho makawanikwa katsamba kaiva nemashoko aya: “Ndine makore mapfumbamwe. Maita zvenyu neMagwaro echiGiriki. Ini nomunun’una wangu takapiwa mari naamai vedu yokukwirisa bhazi kuenda kuchikoro. Asi pakwaiva kusinganayi, taiita zvokufamba kuenda kuchikoro tichibva tachengeta 50 hryvnia [$10, U.S.] iyi. Ini nomunun’una wangu tinoda kuti mushandise mari iyi kushandurira Bhaibheri rose mumutauro wedu.”

[Bhokisi riri papeji 20, 21]

Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo

ZVIPO KUTI VATSIGIRE BASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”

Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, Attention Treasurer’s Office, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watch Tower.” Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti zvipo.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Watch Tower ingachengeteswa mari kuti ishandiswe munyika yose. Zvisinei, muridzi anogona kudzorerwa mari yake kana akaikumbira. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera Treasurer’s Office pakero iri pamusoro apa.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti Watch Tower izopiwa inishuwarenzi yake youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe kana kuti azopiwa Watch Tower kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi Neyakakwereteswa: Watch Tower ingapiwa mugove waiva nomunhu pabhizimisi nemagwaro anoratidza mari yaakakweretesa yaanofanira kudzorerwa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sechipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, anenge apa wacho anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo rokupa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Gore Negore: Uhwu urongwa hwokuti gore negore munhu anotamisa mari kana kuti mubereko wayo achizviendesa kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Munhu wacho kana kuti mumwe munhu waanosarudza anozowana mari inenge yabvumiranwa gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anoderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka uye Pfuma Yakachengeteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingasiyirwa zvinhu sechido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania inganzi ndiyo inozotora zvinhu zvinenge zvakachengeteswa. Zvinhu zvakachengeteswa zvinobatsira sangano rechitendero zvingava nezvazvinobatsira pakudzikisirwa mutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide, rinoyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha nedzimwe nzira. Bhurocha racho rakanyorerwa kupa mashoko enzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo kana mari iye zvino kana kuti pakufa. Vaverenga bhurocha iri uye vataura navanachipangamazano vavo vomutemo kana kuti vemitero, vakawanda vave vachikwanisa kutsigira basa rechitendero uye rokubatsira vanhu rinoitwa neZvapupu zvaJehovha munyika yose, uye pavanenge vachidaro ivo vanenge vachibatsirwa pamutero wavanobhadhara. Ungawana bhurocha iri kana ukarikumbira kuCharitable Planning Office.

Kana uchida mamwe mashoko, ungataura neCharitable Planning Office, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa, kana kuti nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001, Westgate

Runhare: 332137/8

[Mifananidzo iri papeji 19]

Vashanduri vomutauro weMiskito, pabazi reNicaragua