Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoshandisa Mikana Inomuka Kuudza Vamwe Zvaunotenda Here?

Unoshandisa Mikana Inomuka Kuudza Vamwe Zvaunotenda Here?

Unoshandisa Mikana Inomuka Kuudza Vamwe Zvaunotenda Here?

“KUNE chinonyatsonzi ichi ndicho chokwadi here?” Ndiwo waiva musoro werondedzero yemakwikwi aiitwa munyika yose yePoland. Zvaida kubudiswa nerondedzero yacho ndezvokuti: “Hatidi chinonyatsonzi chokwadi. Hapana anochida. Uye chagara chisiko.” Mumwe musikana ane makore 15 wokuchikoro chesekondari anonzi Agata ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, akasarudza kushandisa mukana uyu kuudza vamwe zvaanotenda.

Kuti agadzirire rondedzero yacho, Agata akatanga anyengetera kuna Jehovha ndokutanga kuunganidza mashoko okushandisa panyaya yacho. Akawana mashoko aienderana nenyaya yacho muNharireyomurindi yaJuly 1, 1995. Akadzokorora mubvunzo wakabvunzwa Jesu naPondiyo Pirato wokuti: “Chokwadi chii?” (Johani 18:38) Akanyora kuti mubvunzo iwoyo wairatidza kutsvinya, sokunge kuti aiti: ‘Chokwadi? Ndochii ichocho? Hakuna zvakadaro!’ Agata akanyora kuti, “Mubvunzo waPirato unondiyeuchidza zviri kuda kuti rondedzero iyi ibudise.”

Akabva azotsanangura matangiro akaita pfungwa yokuti chinhu chinonzi chokwadi kune mumwe munhu chingasava chokwadi kune mumwewo uye kuti vose vangava “vakarurama.” Akabvunza mibvunzo yakadai seyokuti, “Ndiani aizokwira ndege kudai taisava nechokwadi nemitemo yomuchadenga?” Akabva azotaura nezveBhaibheri achiti: “Tinofanira kuvimba neShoko raMwari nokuti pane zvakawanda zvinotsigira kuti nderechokwadi.” Akataura kuti aivimba kuti vaya vanotsvaka chokwadi chaicho vachachiwana kana vakava nomwoyo murefu.

Agata akapiwa gwaro rokuremekedzwa uye akava nomukana wokukurukura pamberi pekirasi yose. Vakawanda vepachikoro pake vakabvuma kuti avadzidzise Bhaibheri. Agata anofara kuti akashandisa mukana uyu kuudza vamwe zvaanotenda. Kungwarira mikana yokuudza vamwe zvaunotenda zvechokwadi kunogona kuunza mubayiro. Mikana ipi yaungashandisa?