Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinoita Kuti Upenyu Hwako Huve Nechinangwa?

Chii Chinoita Kuti Upenyu Hwako Huve Nechinangwa?

Chii Chinoita Kuti Upenyu Hwako Huve Nechinangwa?

KENNY aishandira imwe kambani yakabudirira zvikuru yaiita zvokutengesa, aiva nemotokari inodhura chaizvo, uye aiva neimba yemaoresa munharaunda yembozha yerimwe guta guru. Zvaaiva nounyanzvi hwokudonha mundege achishandisa parachuti, ainakidzwa chaizvo nokudonha kubva mudenga nemamita zviuru. Aigutsikana noupenyu hwake here? Maererano neimwe magazini inonzi The Wall Street Journal, akati: “Iye zvino ndava nemakore 45, asi upenyu hwangu hahuna kwahwakananga. . . . Upenyu hwangu hahuna chinangwa.”

Elyn akashanda nesimba kuti ave nyanzvi yokutsvedza muaizi. Akapedzisira ava kuzivikanwa zvikuru. Elyn akanga ava nomukurumbira waaida. Akachema-chema achiti: “Ko sei ndisiri kufara sezvandaitarisira? Ndaingosurukirwa zvikuru. Munguva pfupi ndaizochembera, uye kunyange zvazvo ndaiva nemari yakawanda, upenyu hwangu hwaizova husina chinangwa kana izvi zviri izvo chete zvandairaramira.”

Hideo uyo aizivikanwa nounyanzvi hwake hwokudhirowa akazvipira kuita izvi kwoupenyu hwake hwose. Akanga asingatengesi zvinhu zvaaidhirowa; aifunga kuti zvaizokanganisa unyanzvi hwake hwokudhirowa. Paakanga ava pedyo nokufa ava nemakore 98, akapa imwe muziyamu zvinhu zvakawanda zvaaidhirowa. Akaita zvokudhirowa kwoupenyu hwake hwose. Asi hazvina kumugutsa, nokuti aifunga kuti aisazombokwanisa kudhirowa zvinhu zvisingadi kugadziriswa.

Vamwe vanhu vanoita zvose zvavanogona kuti vabatsire vamwe. Somuenzaniso, funga nezvomumwe mukuru mukuru wemafirimu kuHollywood. Zvaaiva mutevedzeri womutungamiriri weimwe yemakambani makuru anoita zvemafirimu muUnited States, aishamwaridzana nevanhu vane mukurumbira uye aigara munzvimbo yembozha. Paakashanyira nyika yeCambodia ari pazororo, mumwe musikana akauya kwaari achipemha mari paakanga achidya muresitorendi muPhnom Penh. Akamupa dhora nedhiringi. Musikana wacho akafara chaizvo. Zvisinei, mangwana acho manheru akamuonazve achipemha. Akaona kuti aisafanira kungomubatsira nemari nezvokudya zvishomanana chete.

Kwapera gore, mukuru mukuru uyu akasarudza kuchinja basa. Akarega kushandira makambani emafirimu kuti abatsire varombo muCambodia. Akaita kuti pave nechikoro chaipa vanhu pokugara, zvokudya uye dzidzo. Asi anogara achinetseka. Zvaanonzwa zvinochinja-chinja, anombofara uye anombogutsikana nezvaari kuita asiwo anoora mwoyo uye anovhiringidzwa nematambudziko anoramba achiwedzera aanofanira kugadzirisa.

Vanhu vana vose ava vataurwa vaifunga kuti vanoziva chinangwa choupenyu. Asi kunyange pavaibudirira kuita zvavaida, vakanga vasingagutsikani. Ko iwe uri kuraramirei? Chii chaunonyanya kukoshesa muupenyu? Une chokwadi kuti hauzodembi mararamiro auri kuita here?