Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Nounhu Hungakubatsira Kudzidzisa Vanhu

Iva Nounhu Hungakubatsira Kudzidzisa Vanhu

Iva Nounhu Hungakubatsira Kudzidzisa Vanhu

“Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.”—MATEU 28:19.

1. Unyanzvi hwei uye maonero zvaifanira kuva nevamwe vashumiri vaMwari vekare?

DZIMWE nguva vashumiri vaJehovha vanoedza kuva nounyanzvi uye maonero zvinovabatsira kuita zvaanoda. Somuenzaniso, Abrahamu naSara vakarayirwa naMwari kuti vabve muguta raiva rakabudirira reUri uye pakupedzisira vaizofanira kudzidzira upenyu hwokugara mumatende. (VaHebheru 11:8, 9, 15) Joshua aifanira kuva noushingi, kuvimba naJehovha uye kuziva Mutemo wake kuitira kuti akwanise kutungamirira vaIsraeri muNyika Yakapikirwa. (Joshua 1:7-9) Uye unyanzvi hungadaro hwaitova naBhezareri naOhoriyabhi hwakavandudzwa nomudzimu waMwari kuitira kuti varume ivavo vabudirire kutarisira uye kuvaka tebhenekeri nokuita mamwe mabasa.—Eksodho 31:1-11.

2. Mibvunzo ipi yatichakurukura ine chokuita nebasa rokudzidzisa?

2 Kwapera mazana emakore, Jesu Kristu akarayira vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, . . . muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Vanhu vakanga vasati vambopiwa mukana wokuita basa rakakosha kudai. Tinofanira kuva nounhu hupi kana tichizoita basa rokudzidzisa? Tingaitei kuti tive nahwo?

Ida Mwari Zvakadzama

3. Murayiro wokuti tidzidzise vanhu unotipa mukana wei?

3 Kuti titaure nevanhu tichiedza kuvanyengetedza kuti vanamate Mwari wechokwadi tinofanira kunge tichida Jehovha zvakadzama. VaIsraeri vaigona kuratidza kuda kwavaiita Mwari nokuteerera mirayiro yake nomwoyo wose, kupa zvibayiro zvaigamuchirwa, uye kumurumbidza nokuimba. (Dheuteronomio 10:12, 13; 30:19, 20; Pisarema 21:13; 96:1, 2; 138:5) Sevadzidzisi, isu tinoteererawo mitemo yaMwari, uye tinoratidza kuti tinoda Jehovha nokuudza vamwe nezvake uye nezvezvinangwa zvake. Kuti titaure nomwoyo wose nezvetariro yatakapiwa naMwari, tinofanira kutaura nechivimbo, tichisarudza mashoko akanaka.—1 VaTesaronika 1:5; 1 Petro 3:15.

4. Nei Jesu ainakidzwa nokudzidzisa vanhu nezvaJehovha?

4 Jesu ainakidzwa chaizvo nokutaura nezvezvinangwa zvaMwari, Umambo, uye kunamata kwechokwadi nokuti aida Jehovha zvakadzama. (Ruka 8:1; Johani 4:23, 24, 31) Kutaura zvazviri, Jesu akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” (Johani 4:34) Mashoko aya omunyori wepisarema aireva Jesu, okuti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu. Ndakazivisa mashoko akanaka okururama muungano huru. Tarirai! Handidzivisi miromo yangu. Haiwa Jehovha, imi munonyatsoziva izvozvo.”—Pisarema 40:8, 9; VaHebheru 10:7-10.

5, 6. Vadzidzisi vanofanira kuva nounhu hupi hunokosha?

5 Nemhaka yokuti vanoda Mwari, vatsva vanenge vachangodzidza chokwadi cheBhaibheri dzimwe nguva vanotaura nezvaJehovha uye nezvoUmambo vaine chivimbo zvokuti vanobudirira kunyengetedza vamwe kuti vaongorore Magwaro. (Johani 1:41) Kuda Mwari ndihwo unhu hunokosha hunotikurudzira kuti tiite basa rokudzidzisa vanhu. Naizvozvo ngatirambei tiine rudo irworwo nokugara tichiverenga uye kufungisisa Shoko rake.—1 Timoti 4:6, 15; Zvakazarurwa 2:4.

6 Hapana mubvunzo kuti kuda Jehovha kwakaita kuti Jesu Kristu ave mudzidzisi aishingaira. Asi handizvo zvoga zvaiita kuti abudirire kuzivisa Umambo. Saka ndohupi humwe unhu hwakaita kuti Jesu ave mudzidzisi aibudirira?

Ratidza Kuti Une Hanya Nevanhu

7, 8. Jesu aiona sei vanhu?

7 Jesu aiva nehanya nevanhu uye aivada chaizvo. Kunyange paaiva “mhizha” yaMwari asati auya pasi pano, aida zvinhu zvaiva nechokuita nevanhu. (Zvirevo 8:30, 31) Paakanga ava munhu pasi pano, Jesu ainzwira vanhu urombo, uye aizorodza vaya vaiuya kwaari. (Mateu 11:28-30) Jesu akatevedzera rudo uye kunzwira urombo kwaJehovha, uye izvi zvakaita kuti vanhu vade kunamata Mwari wechokwadi chete. Vanhu vemarudzi ose vaiteerera zvaitaurwa naJesu nokuti aiva nehanya navo uye nemamiriro avo ezvinhu.—Ruka 7:36-50; 18:15-17; 19:1-10.

8 Mumwe murume paakabvunza kuti aifanira kuitei kuti agare nhaka youpenyu husingaperi, “Jesu akamutarira, akamuda.” (Mako 10:17-21) Nezvevamwe vanhu vakadzidziswa naJesu kuBhetani, tinoverenga kuti: “Jesu aida Marita nomunun’una wake naRazaro.” (Johani 11:1, 5) Jesu aiva nehanya chaizvo nevanhu zvokuti akarega kuzorora kuti avadzidzise. (Mako 6:30-34) Kuva nehanya nevanhu zvakadzama ikoko kwakaita kuti Jesu abudirire zvikuru kupfuura vanhu vose pakuita kuti vanhu vade kunamata kwechokwadi.

9. Zvaaiva mudzidzisi, Pauro aiva nemaonero api?

9 Muapostora Pauro aivawo nehanya chaizvo nevanhu vaaiparidzira. Somuenzaniso, akaudza vaya vakanga vava vaKristu muTesaronika kuti: “Zvataikudai kwazvo, hatina kungofara kukupai mashoko akanaka aMwari chete, asiwo mweya yedu, nokuti makadiwa nesu.” Nemhaka yezvakanga zvaitwa naPauro, vamwe vaiva kuTesaronika ‘vakatendeukira kuna Mwari mupenyu vachibva kuzvidhori zvavo.’ (1 VaTesaronika 1:9; 2:8) Kana tiine hanya nevanhu zvechokwadi, sezvaiita Jesu naPauro, isuwo tingafara kuona mashoko akanaka achisvika pamwoyo yevaya vane “mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi.”—Mabasa 13:48.

Zvipire

10, 11. Nei kuzvipira kuchidiwa patinenge tichiedza kudzidzisa vanhu?

10 Vadzidzisi vanobudirira vanoda kuzvipira. Havakoshesi kuwana pfuma kupfuura zvimwe zvinhu zvose. Kutaura zvazviri, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Chichava chinhu chakaoma sei kuti vaya vane mari vapinde muumambo hwaMwari!” Vadzidzi vakashamiswa kunzwa izvi, asi Jesu akawedzera kuti: “Vana, chinhu chakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari! Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” (Mako 10:23-25) Jesu akati zvaiva nani kuti vateveri vake vararame upenyu huri nyore kuitira kuti vanyanye kuita basa rokudzidzisa vanhu. (Mateu 6:22-24, 33) Nei kuzvipira kuchitibatsira kudzidzisa vanhu?

11 Zvinoda kushanda nesimba chaizvo kuti tidzidzise zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu. Kazhinji mudzidzisi anoshingaira anoedza kudzidza Bhaibheri vhiki yoga yoga nomunhu anofarira. Vamwe vazivisi voUmambo vakachinja basa ravaishanda kuti vasashanda nguva dzose vachiitira kuti vawedzere mikana yokuwana vanonyatsofarira. VaKristu vakawanda chaizvo vakadzidza mumwe mutauro kuitira kuti vataure nevanhu vemamwe marudzi vari munharaunda yavanogara. Vamwe vadzidzisi vakatamira kune imwe nzvimbo kana kune imwe nyika kuti vanyatsoita basa rokukohwa. (Mateu 9:37, 38) Zvose izvi zvinoda kuzvipira. Asi pane zvimwe zvinodiwa kuti uve mudzidzisi anobudirira.

Shivirira Asi Usatambisa Nguva

12, 13. Nei zvichikosha zvikuru kushivirira patinenge tichidzidzisa vanhu?

12 Kushivirira ndohumwe unhu hunotibatsira kudzidzisa vanhu. Shoko redu rechiKristu rinoda kukurumidza kuparidzirwa, asi kazhinji kudzidzisa vanhu kunoda nguva yakati wandei uye kunoda kushivirira. (1 VaKorinde 7:29) Jesu akashivirira munun’una wake Jakobho. Kunyange zvazvo zviri pachena kuti Jakobho akanga akajairana nokuparidzira kwaiitwa naJesu, kwenguva yakati pane chaimutadzisa kuva mudzidzi. (Johani 7:5) Zvisinei, munguva pfupi yepakati pokufa kwaJesu nePendekosti ya33 C.E., zviri pachena kuti Jakobho akava mudzidzi, nokuti Magwaro anoti akaungana pamwe chete naamai vake, vanun’una vake, uye vaapostora kuti vanyengetere. (Mabasa 1:13, 14) Jakobho akafambira mberi zvakanaka pakunamata, uye pave paya akapiwa mabasa makuru muungano yechiKristu.—Mabasa 15:13; 1 VaKorinde 15:7.

13 Sezvinoita varimi, vaKristu vari kurima zvinhu zvinowanzononoka kukura, zvaka- dai sokunzwisisa Shoko raMwari, kuda Jehovha, uye kuva nemaonero akaita seaKristu. Izvi zvinoda kushivirira. Jakobho akanyora kuti: “Hama, shivirirai kusvikira pakuvapo kwaShe. Tarirai! Murimi anoramba achimirira chibereko chinokosha chenyika, achishivirira nokuda kwacho kusvikira awana mvura yokutanga nemvura yokupedzisira. Nemiwo shivirirai; simbisai mwoyo yenyu, nokuti kuvapo kwaShe kwaswedera pedyo.” (Jakobho 5:7, 8) Jakobho akanga ari kukurudzira vaainamata navo kuti ‘vashivirire kusvikira pakuvapo kwaShe.’ Vadzidzi pavaitadza kunzwisisa chimwe chinhu, Jesu aivatsanangurira kana kuvapa muenzaniso achishivirira. (Mateu 13:10-23; Ruka 19:11; 21:7; Mabasa 1:6-8) Iye zvino Ishe zvaavapo, tinofanirawo kushivirira patinenge tichiedza kudzidzisa vanhu. Vaya vanova vateveri vaJesu mazuva ano vanoda kuti tivarayiridze tichishivirira.—Johani 14:9.

14. Kunyange zvazvo tichishivirira, sevadzidzisi, tingashandisa sei nguva yedu nokuchenjera?

14 Kunyange zvazvo tichishivirira, shoko redu haribereki zvibereko muvanhu vakawanda vatinotanga kudzidza navo Bhaibheri. (Mateu 13:18-23) Saka kana tichinge taedza kuvabatsira, hatitambisi nguva nevanhu vakadaro asi tinotsvaka vaya vangangokoshesa chokwadi cheBhaibheri. (Muparidzi 3:1, 6) Kutaura zvazviri, kunyange vanhu vanokoshesa chokwadi vangada kubatsirwa kuti vachinje maonero avo, mafungiro avo, uye zvavanokoshesa muupenyu. Saka tinoshivirira, sezvaiita Jesu aishivirira vadzidzi vainetseka kuva nemaonero akanaka.—Mako 9:33-37; 10:35-45.

Iva Nounyanzvi Hwokudzidzisa

15, 16. Nei kudzidzisa zviri nyore uye kunyatsogadzirira zvichikosha pakudzidzisa vanhu?

15 Kuda Mwari, kuva nehanya nevanhu, uye kuzvipira nokushivirira zvinhu zvinokosha pakudzidzisa vanhu zvinobudirira. Tinofanirawo kuva nounyanzvi hwokudzidzisa, nokuti hunotibatsira kutsanangura zvinhu nenzira yakajeka, iri nyore. Somuenzaniso, zvakawanda zvakataurwa noMudzidzisi Mukuru, Jesu Kristu, zvaiva nesimba nokuti zvakanga zviri nyore kunzwisisa. Ungadaro uchiyeuka mashoko akataurwa naJesu okuti: “Zviunganidzirei pfuma kudenga.” “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene.” “Uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” “Dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.” (Mateu 6:20; 7:6; 11:19; 22:21) Chokwadi, Jesu haana kungotaura zvirevo zvipfupi chete. Aidzidzisa zvakajeka uye aitsanangura zvinhu pazvainge zvakakodzera kuti adaro. Ungatevedzera sei madzidzisiro aJesu?

16 Kunyatsogadzirira ndiwo musimboti wokudzidzisa zviri nyore uye zvakajeka. Mudzidzisi anenge asina kunyatsogadzirira anowanzotaurisa. Anobva adzikatidza pfungwa dzinokosha nemashoko ake akawandisa, paanenge achitaura zvose zvaanoziva nezvenyaya yacho. Asi uya anenge akagadzirira anofunga nezvomunhu waari kudzidzisa, ofungisisa nezvomusoro wenyaya, ongotaura zvinenge zviine basa chete. (Zvirevo 15:28; 1 VaKorinde 2:1, 2) Anofunga zvinotozivikanwa nomudzidzi uye kuti ipfungwa dzipi dzichada kusimbiswa. Mudzidzisi wacho angave achiziva zvakawanda zvinonakidza nezvenyaya yacho, asi kuti zvijeke anofanira kusiya zviya zvisinganyanyi kukosha.

17. Tingabatsira sei vanhu kutsanangura zviri muMagwaro?

17 Jesu aisangoudza vanhu zvaaiziva asi aivabatsirawo kufunga. Somuenzaniso, mumwe musi akabvunza kuti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anogamuchira miripo kana mutero womunhu wose kubva kuna vanaani? Kubva kuvanakomana vavo here kana kuvamwe vanhuwo zvavo?” (Mateu 17:25) Tinganakidzwa nokutsanangura Bhaibheri zvokuti tingatofanira kuzvidzora kuti tisiye mudzidzi achitsanangura zvaanofunga kana kuti zvinenge zvichidzidzwa pachidzidzo cheBhaibheri chepamusha. Tagara hatifaniri kunaya vanhu nemibvunzo. Asi kana tikashandisa mienzaniso, mibvunzo yakanyatsofungwa uye kungwarira, tinogona kuvabatsira kunzwisisa pfungwa dzomuMagwaro dziri mumabhuku edu.

18. Zvii zvinobatanidzwa pakuva no“unyanzvi hwokudzidzisa?”

18 Magwaro anotaura nezvo“unyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Timoti 4:2; Tito 1:9) Kudzidzisa kwakadaro hakurevi kungobatsira mumwe munhu kuzongoyeuka mamwe mashoko. Tinofanira kuedza kubatsira ari kudzidza Bhaibheri kuti anzwisise kusiyana kwakaita chokwadi nenhema, zvakanaka nezvakaipa, uye uchenjeri noupenzi. Patinoita izvi uye patinobatsira munhu kuda Jehovha nomwoyo wose, angaona kuti nei achifanira kumuteerera.

Shingairira Kudzidzisa Vanhu

19. VaKristu vose vanobatsira sei pakuita kuti munhu ave mudzidzi?

19 Ungano yechiKristu isangano rokudzidzisa vanhu. Kana mumwe munhu akava mudzidzi, muparidzi akamuwana akamubatsira kudzidza Bhaibheri haasi iye oga anofara. Zvikanzi kune mwana arasika, vanhu vangaita fararira kumutsvaka, asi anogona kuzowanikwa nomunhu mumwe chete. Zvisinei, kana mwana uya adzoka kuvabereki vake, vose vanga vachimutsvaka vanofara. (Ruka 15:6, 7) Saizvozvowo, basa rokudzidzisa vanhu mushandirapamwe. VaKristu vose vanoita basa rokutsvaka vanhu avo vangazova vadzidzi vaJesu. Kana munhu mutsva akatanga kupinda misangano paImba yoUmambo, muKristu wose anenge aripo ane zvaanomubatsira nazvo kuti akoshese kunamata kwechokwadi. (1 VaKorinde 14:24, 25) Saka vaKristu vose vanofara kuti mazana ezviuru zvevanhu ari kudzidziswa gore negore.

20. Unofanira kuitei kana uchida kudzidzisa vamwe chokwadi cheBhaibheri?

20 VaKristu vakawanda vakatendeka vangafara kudzidzisa mumwe munhu nezvaJehovha nokunamata kwechokwadi. Zvisinei, vanogona kukundikana kunyange vachiedza nepavanogona napo. Kana iwe uri kukundikanawo, ramba uchisimbisa ukama hwako naJehovha, uchiva nehanya nevanhu, uchizvipira, uchishivirira, uye edza kuvandudza unyanzvi hwako hwokudzidzisa. Chinonyanya kukosha ndechokuti unyengetere nezvechido chako chokudzidzisa chokwadi. (Muparidzi 11:1) Nyaradzwa nokuziva kuti zvose zvaunoita mubasa raJehovha zvinobatsira pabasa rinoita kuti akudzwe rokudzidzisa vanhu.

Ungatsanangura Here?

• Nei basa rokudzidzisa vanhu richiratidza kuti tinoda Mwari here kana kuti kwete?

• Vanodzidzisa vanhu vanofanira kuva nounhu hwakaita sei?

• Zvii zvinobatanidzwa pakuva no- “unyanzvi hwokudzidzisa?”

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

VaKristu vanoratidza kuda kwavanoita Mwari zvakadzama pavanodzidzisa vanhu

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nei vadzidzisi vachifanira kufarira vamwe?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Ndohupi humwe unhu hunofanira kuva nevadzidzisi?

[Mufananidzo uri papeji 25]

VaKristu vose vanofara kuona zvibereko zvebasa rokudzidzisa