“Ndapota Gamuchiraiwo Kachipo Kangu Aka”
“Ndapota Gamuchiraiwo Kachipo Kangu Aka”
MASHOKO aya aiva mutsamba yakagamuchirwa nehofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yokuRussia. Tsamba yacho yakauya nebhokisi raiva rakazara masokisi akarukwa.
Chipo chacho chakatumirwa naAlla, mumwe weZvapupu zvaJehovha ane makore 67, ari muungano iri kumabvazuva kweRussia. Alla ave achishumira Jehovha kwemakore anopfuura gumi, achishingaira kuparidza mashoko akanaka oUmambo. Zvisinei, sitiroko yakaita kuti asare aoma rutivi rwomuviri. Kunyange zvakadaro, nemhaka yorudo rwaainarwo, Alla akatevedzera zvakaitwa nomumwe mukadzi akararama muzana remakore rokutanga ainzi Dhokasi, uyo akasonera vaainamata navo nguo.—Mabasa 9:36, 39.
Alla akanyora mutsamba yake kuti: “Handichagoni kufamba, asi ndichiri kukwanisa kushandisa maoko angu. Saka ndinoparidza ndichiita zvokunyora tsamba.” Akawedzera kuti: “Ndakati sezvo ndichiri kukwanisa kushandisa maoko angu, regai ndiruke masokisi mashomanana anodziya. Ndingada kuti masokisi aya apiwe hama nehanzvadzi dziri kunovaka Dzimba dzoUmambo munzvimbo dzinotonhora, dzakadai sokumabvazuva kweRussia uye kuSiberia.”
Achitaura nezvevateveri vake vechokwadi, Jesu Kristu akati: “Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Rudo sorwakaratidzwa naAlla ndiwo mucherechedzo wevadzidzi vaJesu vechokwadi.