Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kuva Noupenyu Hune Chinangwa!

Unogona Kuva Noupenyu Hune Chinangwa!

Unogona Kuva Noupenyu Hune Chinangwa!

VANHU vakawanda vari kuraramira mari nezvinhu zvainotenga. Vamwe vari kuraramira kuti vawane mukurumbira munyika. Vamwe vari kuraramira kuti vakwenenzvere unyanzvi hwavo. Kunewo vamwe vari kuraramira kubatsira vamwe. Asi vakawanda havazivi chavari kuraramira uye havazivi kuti nei vari vapenyu.

Ko iwe? Wati wambonyatsofungisisa kuti nei uri mupenyu here? Wadii wambotarisa zvimwe zvinoitwa nevanhu kuti uone kana zvichiita kuti vanzwe vabudirira uye vachigutsikana? Chii chinoita kuti upenyu huve nechinangwa?

Mari Nemafaro Zvine Zvazvinobatsira

Pana Muparidzi 7:12, Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri hunodzivirira kufanana nemari inodzivirira; asi zvakanakira zivo ndezvokuti uchenjeri hunochengetedza varidzi vahwo vari vapenyu.” Chokwadi, mari inobatsira. Unoda mari kuti urarame, kunyanya kana uchifanira kutarisira mhuri.—1 Timoti 5:8.

Tinganakidzwa noupenyu here kana tisina mari yokutenga zvimwe zvinhu? Kunyange zvazvo Jesu Kristu, uyo Akatanga chiKristu, akabvuma kuti akanga asina pokuisa musoro wake, aimbodyawo zvakanaka nokunwa waini inonaka. Uyezve, aimbopfekawo nguo inodhura.—Mateu 8:20; Johani 2:1-11; 19:23, 24.

Kunyange zvakadaro, Jesu haana kuraramira mafaro. Aikoshesa zvinhu zvakakodzera. Jesu akati: “Kunyange kana munhu aine zvizhinji upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.” Akabva ataura mufananidzo womumwe murume akapfuma akawana goho rakakura ndokubva afunga mumwoyo make kuti: “Zvino ndichaitei, zvandisina pokuunganidzira zvirimwa zvangu? . . . Ndichaputsa matura angu ndovaka makuru, uye ndichaunganidzira imomo zviyo zvangu zvose nezvinhu zvangu zvose zvakanaka; uye ndichati kumweya wangu: ‘Mweya, une zvinhu zvakanaka zvizhinji zvakachengeterwa makore mazhinji; zorora zvako, udye, unwe, ufare.’” Mafungiro omurume uyu akanga akaipirei? Mufananidzo wacho unoenderera mberi uchiti: “Mwari akati [kumupfumi wacho], ‘Iwe benzi, usiku huno vachati vanoda mweya wako. Saka, zvinhu zvawakachengeta zvichava zvaani?’” Kunyange zvazvo akachengeta goho rake, paakafa akanga asingachakwanisi kushandisa upfumi hwaakanga awana. Jesu akagumisa nokuudza vateereri vake chidzidzo ichi: “Ndizvo zvazvinoita nomunhu anozviunganidzira pfuma asi asina kupfuma kuna Mwari.”—Ruka 12:13-21.

Chokwadi, tinoda mari uye tinogona kufara muupenyu. Zvisinei, mari nemafaro hazvisi izvo zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu. Kuva vakapfuma kuna Mwari, kureva kuti kurarama upenyu hunoita kuti tidiwe naMwari, ndizvo zvinonyanya kukosha kupfuura zvimwe zvose.

Kuva Nomukurumbira Kunokosha Here?

Vanhu vakawanda vanoraramira kuva nomukurumbira. Kuda kuva nomukurumbira nechinangwa chokuda kuyeukwa nevamwe, hakuna hakwo kuipa. “Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka,” rinodaro Bhaibheri, “uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.”—Muparidzi 7:1.

Musi unofa munhu, zvinoita sokuti zvose zvaakaita zvakanyorwa. Kana akaita zvinhu zvakanaka, zuva rokufa kwomunhu iyeye riri nani kupinda zuva rokuberekwa kwake paakanga asina kana chaati amboita.

Mambo Soromoni ndiye akanyora bhuku reBhaibheri rinonzi Muparidzi. Mukoma waSoromoni ainzi Absaromu aida mukurumbira. Zvisinei, zviri pachena kuti vanakomana vake vatatu, vangadai vakaita kuti zita rake rirambe riripo, vakafa vachiri vaduku. Saka Absaromu akaitei? Magwaro anoti: “Absaromu . . . akazvimisira shongwe yacho, iri muBani raMambo, nokuti akati: ‘Handina mwanakomana achazoita kuti zita rangu rirambe richiyeukwa.’ Naizvozvo akatumidza shongwe yacho zita rake.” (2 Samueri 14:27; 18:18) Matongo eshongwe iyi haasati awanikwa. Kana ari Absaromu, vanhu vanodzidza Bhaibheri vanomuziva somupanduki akaipa aironga kubvutira baba vake Dhavhidhi chigaro.

Mazuva ano vakawanda vanoedza kuita mabasa anoita kuti vayeukwe. Vanotsvaka kuwana mukurumbira kuvanhu vanochinja-chinja zvavanofarira. Asi chii chinoitika kumukurumbira iwoyo? Mubhuku rinonzi The Culture of Narcissism, Christopher Lasch anonyora kuti: “Mazuva ano, pazvinonzi wakabudirira kana uchiratidza kuti uri muduku, wakanaka, uye unoita zvinhu zvitsva, mukurumbira unokurumidza kupera kupfuura zvawaiita kare, uye vaya vane mukurumbira vanogara vachinetseka kuti vacharasikirwa nawo.” Vakawanda vakakurumbira vanoguma vava kushandisa zvinodhaka nokunwa doro, kazhinji vachigurisira upenyu hwavo panzira. Zvechokwadi, hazvibatsiri kutsvaka mukurumbira.

Saka tinofanira kuva nezita rakanaka kuna ani? Achitaura nezvevamwe vaichengeta Mutemo wake, Jehovha akataura achishandisa muprofita Isaya achiti: ‘Ndichavapa chiyeuchidzo nezita mumba mangu nomukati memasvingo angu. Ndichavapa zita nokusingagumi, riya risingazodzimwi.’ (Isaya 56:4, 5) Nemhaka yokuteerera kwavanoita Mwari, vaya vanofarirwa naye vachava ne“chiyeuchidzo nezita.” Mwari achayeuka mazita avo “nokusingagumi” zvokuti havazoparadzwi. Ndiro zita ratinokurudzirwa neBhaibheri kuva naro, zita rakanaka kuna Jehovha Musiki wedu.

Isaya akanga ari kuprofita nezvenguva apo vanhu vakatendeka vachawana upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. “Upenyu husingaperi” muParadhiso iyoyo ndihwo “upenyu chaihwo,” kureva upenyu hwakanga hwarongerwa vanhu naMwari paakavasika. (1 Timoti 6:12, 19) Pane kurarama upenyu husingagutsi uye hunokurumidza kupera, hatifaniri here kutsvaka upenyu husingaperi?

Kuvandudza Unyanzvi Hwako Kana Kuti Kuyamura Vanhu Hazvigutsi

Vakawanda vane unyanzvi vane chido chokuhunatsiridza kuti vasvike pakuita zvavanoti ndizvo zvakanakisisa. Asi upenyu hwatiri kurarama hupfupi zvokuti havazvikwanisi. Paaiva nemakore okuma90, Hideo, nyanzvi yokudhirowa yataurwa munyaya yapfuura, akashanda nesimba kuti avandudze unyanzvi hwake. Kunyange kana munhu ane unyanzvi akazosvika pakugutsikana nebasa rake, panguva iyoyo anenge asingachakwanisi kuita zvakawanda zvaangadai aiita paaiva achiri kutemwa dzinobva ropa. Asi zvakadini kudai aiva noupenyu husingaperi? Chimbofunga nezvemikana yose yaaizova nayo kuti akwenenzvere unyanzvi hwake!

Zvakadini nokuedza kuita mabasa okuyamura vamwe muupenyu? Zvakanaka kuti munhu afunge nezvevarombo uye ashandise zvaainazvo kubatsira vanoshayiwa. Bhaibheri rinoti: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.” (Mabasa 20:35) Kuva nehanya nemagariro evamwe kunogutsa zvechokwadi. Zvisinei, munhu mumwe chete angabatsira vanhu vakawanda sei, kunyange kana akazvipira kuyamura kwoupenyu hwake hwose? Sevanhu, tine patinogumira pakuyamura vamwe vanotambura. Kunyange zvazvo vakawanda vachibatsira vanhu, pane chimwe chinhu chinokosha chavasingawanzofungi nezvacho uye chavanongosiya chakadaro. Chii ichocho?

Chinhu Chatakasikwa Tichifanira Kufunga Nezvacho

MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akataura nezvechinhu chinokosha chatakasikwa tichifanira kufunga nezvacho paakati: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” (Mateu 5:3) Saka, maererano neBhaibheri, pfuma, mukurumbira, unyanzvi hwatingava nahwo, kana kuti kuyamura vanhu hazvisizvo zvinoita kuti tifare zvechokwadi. Asi kuti tifare zvechokwadi tinofanira kuziva zvinodiwa zvedu zvomudzimu, kureva kuti tinofanira kunamata Mwari.

Muapostora Pauro akakurudzira vaya vakanga vasingazivi Musiki kuti vamutsvake. Pauro akati: “[Mwari] akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare pamusoro penyika yose, uye akatema nguva dzakatarwa nemiganhu yakaiswa yokugara kwevanhu, kuti vatsvake Mwari, vamutsvangadzire, vamuwane, chokwadi, kunyange zvazvo asiri kure nomumwe nomumwe wedu. Nokuti naye tine upenyu, tinofamba uye tiripo.”—Mabasa 17:26-28.

Kunamata Mwari wechokwadi ndiko kunoita kuti tinyatsofara muupenyu. Kunamata Mwari kunoitawo kuti tive netariro yokuwana “upenyu chaihwo.” Funga nezvomuenzaniso waTeresa, uyo akava munhu mutema wokuAmerica wokutanga kubuda mumutambo wepaterevhizheni waitora awa imwe chete waakanga atanga iye. Zvisinei, pashure penguva pfupi akarega zvose izvozvo. Akaregererei? Akati: “Ndine chokwadi chokuti kuteerera zano riri muShoko raMwari ndiwo mararamiro akanakisisa.” Teresa akanga asingadi kukanganisa ukama hwake naMwari nokutamba mutambo wepaterevhizheni waikurudzira zvepabonde uye zvechisimba. Akasiya zvokubuda paterevhizheni ndokutanga kurarama upenyu hunogutsa, nokuti akazoshumira ari muparidzi wenguva yakazara wemashoko akanaka oUmambo hwaMwari, achiedza kubatsira vamwe kuti vave noukama hwakanaka naMwari.

Achitaura nezvokurega kwaTeresa kutamba mutambo uyu, zvinonzi mumwe waaimboshanda naye akati: “Ndakarwadziwa chaizvo pandakaona achikanda pasi zvandaifunga kuti ndizvo zvake chaizvo. Asi airatidza kuti akanga awana chimwe chinhu chaikosha uye chaimugutsa.” Teresa akazofira mutsaona. Zvisinei, pashure pokunge afa, uya waaimboshanda naye akati: “Aifara, uye ndizvo zvinongodiwa muupenyu. Vangani vedu vangataura kuti vari kufara?” Vaya vanenge vakoshesa ukama hwavo naMwari muupenyu asi vofa, vane tariro yakanaka kwazvo yokumutswa Umambo pahunenge hwava kutonga.—Johani 5:28, 29.

Musiki ane chinangwa nenyika ino nevanhu vanogara mairi. Anoda kuti unzwisise chinangwa ichi uye urarame upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano. (Pisarema 37:10, 11, 29) Iye zvino ndiyo nguva yokudzidza nezvoMusiki wematenga nenyika, Jehovha, uye kudzidza zvaakakurongera. Zvapupu zvaJehovha zvokwaunogara zvichafara kukubatsira kuti uwane zivo iyoyo. Tapota taura nazvo, kana kuti nyorera vanobudisa magazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Mafungiro omupfumi womumufananidzo waJesu akanga akaipirei?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Ungada kurarama upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano here?