Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Aiva neBhaibheri Here?

Jesu Aiva neBhaibheri Here?

Jesu Aiva neBhaibheri Here?

AIWA, Jesu akanga asina Bhaibheri. Nei? Nokuti Bhaibheri rakazara seratiinaro nhasi rakanga risipo munguva yake. Zvisinei, masinagogi aichengeta mipumburu ine zvinhu zvakanyorwa zvakazova chikamu cheBhaibheri ratiinaro iye zvino. Jesu akaverenga mumupumburu waIsaya musinagogi kuNazareta. (Ruka 4:16, 17) Muapostora Pauro akanzwa ‘Mutemo neZvakanyorwa nevaprofita zvichiverengerwa vanhu vose’ muAndiyoki muPisidhiya. (Mabasa 13:14, 15) Uye mudzidzi Jakobho akati zvakanyorwa naMosesi zvai“verengwa zvinonzwika musinagogi pamasabata ose.”—Mabasa 15:21.

Muzana remakore rokutanga munhu aigona kuva nemipumburu yeMagwaro Matsvene yake pachake here? Zviri pachena kuti mukuru mukuru wokuItiopiya wedare raMambokadzi Kandase aiva nawo, nokuti akanga “agere mungoro yake achiverenga zvinonzwika bhuku romuprofita Isaya” paakasangana nomudzidzi Firipi pamugwagwa unoenda kuGaza. (Mabasa 8:26-30) Muapostora Pauro akakumbira Timoti kuti auye “nemipumburu, kunyanya iya yematehwe.” (2 Timoti 4:13) Kunyange zvazvo Pauro asina kutaura kuti mipumburu yacho yaiva yei, ingangodaro yaiva zvikamu zveMagwaro echiHebheru.

Alan Millard, purofesa wemitauro yaitaurwa kumabvazuva akati vaJudha avo vaiva nemipumburu yeMagwaro yavo pachavo zvichida vaingova “varume vashomanana vepamusoro muParestina uye vanhu vose vaizviti vakadzidza, nevamwe vaFarisi uye vadzidzisi vakadai saNikodhimo.” Chimwe chikonzero chaiva chemari. Millard anofungidzira “kuti mutengo wemupumburu waIsaya waiva madhinari matanhatu kusvika kugumi” uye anoti Bhaibheri rakazara rechiHebheru “raiva nemipumburu 15 kusvika ku20,” kana kuti raigona kutengwa nemari inenge hafu yomubhadaro wepagore.

Bhaibheri harina zvarinotaura nezvokuti Jesu kana kuti vadzidzi vake vaiva nemipumburu yavo pachavo yeBhaibheri here kana kuti kwete. Zvisinei, hapana mubvunzo kuti Jesu aiziva Magwaro kwazvo zvokuti aigona kutaura zviri maari kana kuti kuataura nomusoro. (Mateu 4:4, 7, 10; 19:4, 5) Izvi hazvitikurudziri kunyatsoziva Bhaibheri here, sezvo kazhinji risingadhuri uye richiwanikwa nyore mazuva ano?