Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munzira Yokuenda Kunyika Itsva yaMwari

Munzira Yokuenda Kunyika Itsva yaMwari

Nyaya Youpenyu

Munzira Yokuenda Kunyika Itsva yaMwari

YAKATAURWA NAJACK PRAMBERG

Nechokunze kwekaguta kakanaka-naka keArboga kari muSweden, kune hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha ine vashandi vakazvipira vanopfuura 80. Ini nomudzimai wangu Karin tinogara uye tinoshanda ipapo. Zvakafamba sei kuti tizova pano?

ZANA remakore rechi19 rava kunopera, mumwe musikana wokuSweden aiva nemakore 15 akatamira kuUnited States. Ari pamusasa waisvikira vanobva kune dzimwe nyika muNew York City, akasangana nomumwe murume aishanda mungarava. Vakabva vadanana, ndokuroorana, ndokubva ndaberekwa. Izvi zvakaitika muBronx, New York, kuU.S.A., muna 1916, munguva yeHondo Yenyika I.

Ndangoberekwa, takabva tatamira kuBrooklyn, pedyo neBrooklyn Heights. Baba vangu vakazondiudza ndatokura kuti vakambofamba nekamwe kachikepe kaduku vaineni pedyo neBrooklyn Bridge, iro riri pamberi chaipo pedzimbahwe reZvapupu zvaJehovha. Ndaisatomboziva kuti zvaiitwa ipapo zvaizochinja sei upenyu hwangu.

Muna 1918 Hondo Yenyika I yakapera, uye kuurayana kwaiitwa muEurope kusina nomusoro wose kwakambomira. Mauto akadzokera kumisha yawo akasvikotarisana nomumwe muvengi: kushaya mabasa nourombo. Baba vangu vakaona zviri nani kudzokera kuSweden, saka takabva taenda muna 1923. Takasvikogara kuErikstad, kamusha kari pedyo nechiteshi chezvitima chomudunhu reDalsland. Baba vangu vakatanga bhizimisi rokugadzira michina ikoko, uye ndokwandakakurira ndikapinda chikoro.

Mbeu Yakadyarwa

Bhizimisi rababa vangu harina kufamba zvakanaka. Saka ma1930 achangotanga, vakadzokera kunoshanda kuzvikepe. Amai vakasara vachingozvidya mwoyo nezvinhu zvakawanda uye ini ndakasara ndichitarisira bhizimisi rababa. Rimwe zuva amai vakashanyira muramu wavo, babamunini Johan. Vachinetseka mupfungwa nezvemamiriro ezvinhu munyika, vakabvunza kuti: “Johan, zvinhu zvichangoramba zvakadai here?”

Vakati “aiwa.” Vakabva vaenderera mberi vachivataurira nezvechipikirwa chaMwari chokugumisa uipi nokuunza utongi hwakarurama panyika achishandisa Umambo hunotongwa naJesu Kristu. (Isaya 9:6, 7; Dhanieri 2:44) Vakatsanangura kuti Umambo uhwo Jesu akatidzidzisa kunyengeterera utongi hwakarurama, kana kuti hurumende, ichaunza paradhiso pasi pano.—Mateu 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Zvipikirwa izvozvo zveBhaibheri zvakabva zvati pamwoyo paamai vangu dyo. Vakaenda kumba vachingotenda Mwari munzira mose. Zvisinei, ini nababa hatina kufarira kuti amai vakanga vava kuda zvokunamata. Mazuva iwayo, pakati pema1930, ndakatamira kuTrollhättan iri kumavirira kweSweden, kwandakawana basa pane imwe kambani hombe yokugadzira michina. Baba, avo vakanga vachangodzoka kubva kubasa ravo rokuzvikepe, vakabva vangotamirawo ikoko pamwe chete naamai. Saka mhuri yedu yakanga yava pamwe chete zvakare.

Kuti vapedze nzara yavo yokuda kuziva Mwari, amai vakatsvaka Zvapupu zvaJehovha ikoko. Panguva iyoyo vaipindira misangano yavo mudzimba dzehama sezvaingoitwa nevaKristu vekare. (Firimoni 1, 2) Parakanga rava jana raamai kuti vanhu vapindire kumba kwedu, vachitya, vakakumbira baba kana zvaiita kuti vakoke shamwari dzavo. Baba vakapindura kuti, “Shamwari dzako ndedzanguwo.”

Saka vanhu vakanga vasununguka kusangana kumba kwedu. Pavaingopinda, ini ndaibva ndabuda. Asi handina kutora nguva ndichidaro. Ushamwari hweZvapupu uye matsananguriro avaiita zvinhu nenzira iri nyore asi zviri zvechokwadi, akabva abvisa zvose zvandaivafungira. Mbeu yetariro yeramangwana yakatanga kukura mumwoyo mangu.

Kunoshanda kuGungwa

Ndinoti mbudzi kudya mufenje hufana nyina, pakuti iniwo ndakazonoshanda kugungwa. Chido changu chokuda kuziva Mwari chakaramba chichikurawo. Pataisvika panomirira zvikepe, ndaigara ndichiedza kutsvaka Zvapupu zvaJehovha. MuAmsterdam, kuHolland (yava kunzi Netherlands), ndakapinda mune imwe posvo ndikabvunza kwandaigona kuvawana. Pashure pokunge tambokurukura, vakandipa kero ndichibva ndananga ikoko. Mumwe musikana aiva nemakore gumi akanditambira noushamwari. Takanga tisingazivani, asi kufarirana kwandakabva ndatanga kuita naye nemhuri yake kwakanyatsondiratidza kudanana kwehama dzomunyika yose.

Kunyange zvazvo takanga tisingatauri mutauro mumwe chete, mhuri yacho payakabudisa karenda nepepa raiva nepurogiramu yokufamba kwezvitima ndokutanga kudhirowa mepu, ndakanzwisisa kuti vaireva kuti kwaizova negungano muguta riri pedyo reHaarlem. Ndakaendako, uye ndakanakidzwa kwazvo kunyange ndakanga ndisinganzwi zvaitaurwa. Pandakaona Zvapupu zvichipa vanhu mapepa okuvakoka kuhurukuro yavose yomusi weSvondo, ndakati dai ndikadarowo. Saka ndainonga mapepa ainge araswa nevanhu ndotanga kupawo vamwe.

Patakambomisa chikepe muBuenos Aires, kuArgentina, ndakawana hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha. Paiva nehofisi imwe chete neimba yokuisira zvinhu. Mumwe mukadzi akanga akagara seri kwedhesiki achiruka, uye kasikana, kangadaro kaiva kamwana kake, kaitamba nechidhori. Pakanga pava pakati pousiku, uye mumwe murume aibvisa mabhuku pasherefu. Rimwe remabhuku acho raiva Creation muchiSwedish. Pandakaona kufaranuka kwaiva kwakaita zviso zvavo vachinditambira, ndakabva ndafunga kuti dai ndavawo mumwe wavo.

Parwendo rwokudzokera kumusha, takakwidza mamwe masoja aiva nendege yemauto yokuCanada yakanga yadonhera pedyo nemahombekombe eNewfoundland. Mumazuva mashomanana patakanga tava pedyo neScotland, takasungwa nemauto omumvura okuEngland akabva atitakura nechikepe chawo. Takaendeswa kuKirkwall iri pazvitsuwa zveOrkney kuti tinoongororwa. Hondo Yenyika II yakanga yatanga, uye mauto aHitler eNazi akanga apinda muPoland nechisimba muna September 1939. Takazosunungurwa pashure pemazuva mashomanana, tikadzokera kuSweden zvakanaka-naka.

Iye zvino ndakanga ndadzoka kumusha uye ndava kuzokwanisa kunamata. Ndakanga ndava kunyatsoda kuva mumwe wevanhu vaMwari uye ndaipinda misangano yose. (VaHebheru 10:24, 25) Zvinondifadza kuyeuka kuti pandaishanda kuzvikepe, ndaigara ndichiparidzira vandaishanda navo, uye ndinoziva kuti mumwe wavo akazovawo Chapupu.

Basa Rakaisvonaka

Ndakashanyira hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha kuStockholm gore ra1940 richangotanga. Ndakatambirwa naJohan H. Eneroth, uyo akanga achitarisira basa rokuparidza muSweden. Pandakamuudza kuti ndaidawo kuita basa rokuparidza ndiri piyona wenguva dzose, akaramba akanditarira ndokuti, “Unobvuma here kuti rino ndiro sangano raMwari?”

Ndakati “Hungu.” Ndakabva ndabhabhatidzwa musi waJune 22, 1940, ndikatanga kushanda pabazi nehama dzakanaka kwazvo. Kupera kwevhiki kwoga kwoga taiswera muushumiri. Muzhizha, taienda kunzvimbo dziri kure nemabhasikoro uye taipedza kupera kwevhiki kwose tiriko tichiparidzira, uye tairara muuswa hwakaunganidzwa.

Zvisinei, taiwanzoparidzira paimba neimba muStockholm nenzvimbo dzakapoteredza. Pane imwe nguva ndakaona mumwe murume aiva mushishi kugadzira bhaira rake. Saka ndakabva ndakwinya maoko ehembe yangu ndokumubatsira. Tapedza kunama paibvinza, murume wacho akanditarira achionga ndokuti: “Ndinofunga kuti pamwe pane zvimwe zvawavinga. Saka handei tinogeza maoko timbonwa kofi.” Takaenda, uye patainwa kofi ndakamuparidzira. Nokufamba kwenguva, akazova Chapupu.

Pasinei nokuti Sweden yaiva isina rutivi rwayaitsigira, zvaiitika muhondo zvakakanganisa vanhu vemo. Varume vaingoramba vachidaidzwa kuti vadzidziswe zvechiuto. Ini ndakadaidzwawo. Pandakaramba kudzidzira zvechiuto ndaimboiswa mujeri ndichibudiswa. Ndakazopedzisira ndatongerwa kunoshanda mumusasa wevasungwa. Zvapupu zvechiduku zvaiwanzomiswa pamberi pematare, uye zvakaita kuti tipupure nezvoUmambo hwaMwari. Izvi zvaienderana nouprofita hwaJesu hwokuti: “Muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari uye kune mamwe marudzi.”—Mateu 10:18.

Upenyu Hwangu Hunochinja

Muna 1945, zvombo zvakakandwa pasi muEurope. Gore iroro rava kunopera, Hama Nathan Knorr, avo vaitungamirira basa renyika yose, vakatishanyira vachibva kuBrooklyn, vaine munyori wavo, Milton Henschel. Kuuya kwavo kwakabatsira zvikuru pakurongazve basa rokuparidza muSweden. Kana ini ndakabatsirwawo. Pandakanzwa kuti zvaiita kuti ndipinde Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, ndakabva ndangonyorera.

Gore rakatevera, ndakapinda chikoro chacho icho chaiitirwa nechokunze kweSouth Lansing, muNew York. Zvandakadzidza pakosi iyoyo yemwedzi mishanu, zvakawedzera kukoshesa kwangu Bhaibheri uye sangano raMwari. Ndakaona kuti vaya vanotungamirira basa renyika yose rokuparidza, vanhu vanotaurika navo uye vanonzwisisa. Vaishanda zvakaoma pamwe chete nesu. (Mateu 24:14) Kunyange zvazvo izvozvo zvisina kundishamisa, ndakafara kunyatsozviona zvichiitika.

Pasina nguva, musi waFebruary 9, 1947, kirasi yechisere yeChikoro cheGiriyedhi yakapedza zvidzidzo. Hama Knorr vakazivisa nyika dzaizoendeswa vadzidzi. Pavakasvika pazita rangu vakati, “Hama Pramberg vari kudzokera kuSweden kunobatsira hama dzavo ikoko.” Kutaura chokwadi, zvakandisvota kuti ndaive ndava kudzokera kwandakabva.

Kuita Basa Rakaoma

Pandakadzokera kuSweden, ndakaudzwa kuti kwaizotanga kugadzwa vatariri veruwa munyika dzakawanda pasi pose. Ndakagadzwa kuti ndive mutariri weruwa wokutanga, uye ndaifambira muSweden yose. Ndaironga nokutarisira magungano edunhu aiitirwa mumaguta muSweden yose. Sezvo urongwa uhwu hwaiva hutsva, mirayiridzo yandaipiwa yaiva mishomanana. Ini naHama Eneroth taigara pasi toronga purogiramu nepataigona napo. Ndaizengurira basa racho zvokuti ndainyengetera kuna Jehovha kakawanda. Ndakava neropafadzo yokuita basa iroro kwemakore 15.

Mazuva iwayo zvainetsa kuwana nzvimbo yakakodzera yokuitira magungano. Taitozoshandisa dzimba dzaiitirwa madhanzi nedzimwewo, idzo dzaiwanzotonhora uye dzimwe nguva dzakanyangara. Ndizvo zvakanga zvakaita patakapindira gungano muRökiö kuFinland. Imba yacho yaimboitirwa mitambo yomuguta imomo asi yakanga yava nenguva isingashandiswi. Sinou yainaya zvokuti dhu, uye kwaitonhora zvokukwidza hamba mumuti. Saka takavesa moto muzvitofu zvikuru zviviri zvaiva zvakagadzirwa nemadhiramu eoiri. Hatina kumboziva kuti shiri dzaiva dzakavakira matendere panobuda noutsi. Utsi hwacho hukati hwozara mumba imomo! Asi takazviputira nemajasi, maziso achivava, tose takangoramba takagara. Zvakangoita kuti gungano racho risambokanganwika.

Chimwe chezvinhu zvainzi tiite pakuronga magungano aya emazuva matatu, chaiva chokuti vaipinda vawane zvokudya. Pakutanga taiva tisina zvokushandisa uye taiva tisingazivi kuti zvinoitwa sei. Asi taiva nehama nehanzvadzi dzakanaka zvikuru dzaifarira kuita basa racho. Waigona kuvaona vakati misoro kota kota vachimenya mbatatisi uku vachikurukura zvavakasangana nazvo vachinakidzwa zvavo nokugadzirira zuva remangwana acho regungano. Vakawanda vakabva vava shamwari neshamwari kubvira ipapo pavaishanda vose.

Chimwe chataiita ndechokufora nezvikwangwani tichizivisa magungano aya. Taifamba takaita mudungwe mumaguta kana kuti mumisha, tichikokera vanhu kuhurukuro yavose. Vanhu vakawanda vaiwanzova nomutsa uye vachiremekedza. Muguta reFinspång, takambowana mugwagwa wakazara nevanhu vaibuda mune imwe fekitari. Mumwe wavo akabva adaidzira kuti: “Ee varume, ava ndivoka vanhu vaya vakatadzirirwa naHitler!”

Chiitiko Chinokosha Muupenyu Hwangu

Upenyu hwangu somutariri anofambira hwakachinja pandakasangana naKarin, musikana akanaka kwazvo. Tose takakokwa kunopinda gungano renyika dzakawanda kuYankee Stadium, muNew York City, muna July 1953. Takachatiswa panguva yokumbozorora naHama Milton Henschel musi waJuly 20, uri Muvhuro. Chinhu chaisawanzoitika munhandare iyi yaizivikanwa nokutambirwa baseball. Pashure pokushanda tose mubasa rokufambira kusvikira muna 1962, takakokwa kunoshanda kuBheteri yokuSweden. Ndakatanga kushanda muDhipatimendi Remagazini. Sezvo ndaiva noruzivo rwokugadzira michina, ndakazopiwa basa rokutarisira michina yokudhinda nemimwewo yaiva pabazi. Karin akashanda kwamakore akati wandei kudhipatimendi rokuwacha mbatya. Iye zvino ava nemakore achishanda kudhipatimendi rinoverenga zvinenge zvashandurwa.

Makore anopfuura 54 takaroorana tichishumira Jehovha ave akazara nezviitiko zvinokosha, aine chinangwa uye achifadza kwazvo! Zvehokwadi Jehovha ave achikomborera sangano rake rine vanhu vanodanana uye vanoshanda nesimba. Muna 1940 pandakatanga kushanda pabazi, muSweden maingova neZvapupu 1 500. Asi iye zvino tava kupfuura 22 000. Zvapupu zvave zvichitowedzera zvikuru mune dzimwe nyika zvokuti iye zvino pasi pose zvava kupfuura mamiriyoni matanhatu nehafu.

Mudzimu waJehovha uri kufambisa basa redu sezvinoitwa maseiri echikepe nemhepo. Nemaziso okutenda tinongotarira gungwa risina kugadzikana revanhu venyika, asi isu tisingatyi. Tiri kunyatsoona nyika itsva yaMwari iri mberi kwedu chaiko. Ini naKarin tinotenda Mwari nokunaka kwake uye tinonyengetera mazuva ose kuti atisimbaradze tirambe takatendeka kusvikira tazadzisa chinangwa chedu choupenyu husingaperi!—Mateu 24:13.

[Mufananidzo uri papeji 12]

Ndiri pamakumbo paamai vangu

[Mufananidzo uri papeji 13]

Patakambofamba nababa vangu nekachikepe ma1920 achangotanga

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ndiina Herman Henschel (baba vaMilton) kuGiriyedhi, muna 1946

[Mifananidzo iri papeji 16]

Takachatira muYankee Stadium musi waJuly 20, 1953