Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uchangamire hwaJehovha noUmambo hwaMwari

Uchangamire hwaJehovha noUmambo hwaMwari

Uchangamire hwaJehovha noUmambo hwaMwari

“Haiwa Jehovha, ukuru nesimba norunako nouchangamire nokukudzwa ndezvenyu . . . Haiwa Jehovha, umambo ndohwenyu.”—1 MAKORONIKE 29:11.

1. Nei Jehovha aine kodzero yokuva Changamire wezvinhu zvose?

“JEHOVHA akasimbisa kwazvo chigaro chake mumatenga; umambo hwake hunodzora zvinhu zvose.” (Pisarema 103:19) Nemashoko iwayo, munyori wepisarema akataura pfungwa inokosha nezvoutongi. Sezvo ari iye Musiki, Jehovha Mwari ane kodzero yokuva Changamire wezvinhu zvose.

2. Dhanieri akarondedzera sei zvaakaona nezvoutongi hwaJehovha pazvisikwa zvake zvomudzimu?

2 Kuti mutongi aratidze kuti ndiye changamire, zviri pachena kuti panofanira kuva nevaanenge achitonga vacho. Jehovha akatanga kuratidza utongi hwake pazvisikwa zvomudzimu. Akatanga kusika Mwanakomana wake akaberekwa ari oga ndokuzosika ngirozi dzakawanda. (VaKorose 1:15-17) Pashure pemakore akawanda, muprofita Dhanieri akati ratidzwei zvaiitika kudenga. Akati: “Ndakaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoumambo zvaiswa, Akakwegura Pamazuva akagara ipapo. . . . Paiva nezviuru zvine chiuru zvairamba zvichimushumira, uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi zvairamba zvimire pamberi pake chaipo.” (Dhanieri 7:9, 10) Kwemakore asingaverengeki Jehovha, “Akakwegura Pamazuva,” aitungamirira saChangamire mhuri yake yakakura uye yakarongeka yevanakomana vomudzimu, avo vaishanda se“vashumiri” vachiita kuda kwake.—Pisarema 103:20, 21.

3. Uchangamire hwaJehovha hwakawedzera sei pazvinhu zvose zvinooneka?

3 Nokufamba kwenguva, Jehovha akawedzera utongi hwake nokusika zvinhu zvakawanda zvakaoma kunzwisisa, kusanganisira pasi rino. (Jobho 38:4, 7) Kumunhu anenge achitarisa ari pasi pano, zvinhu zviri mudenga zvinofamba zvakarongeka zvokuti zvinoita sokuti hazvidi munhu anozvitungamirira. Asi munyori wepisarema akazivisa kuti: “Iye [Jehovha] akarayira, izvo zvikasikwa. Iye anoramba akazvimisa nokusingaperi, nokusingagumi. Akazvipa murau, uye hauzopfuuri.” (Pisarema 148:5, 6) Nguva yose iyi Jehovha ave achiratidza uchangamire hwake achitungamirira uye achidzora mashandiro ezvisikwa zvomudzimu pamwe chete nezvinooneka.—Nehemiya 9:6.

4. Jehovha anoratidza sei kuti ndiye changamire wevanhu?

4 Mwari akaratidza kuti ndiye changamire neimwezve nzira paakasika vanhu vaviri vokutanga. Pane kungopa vanhu zvose zvavaida kuti vararame upenyu hune chinangwa uye hunogutsa, Jehovha akavapawo simba rokutarisira zvisikwa zvakaderera zvepanyika. (Genesisi 1:26-28; 2:8, 9) Saka kutonga kwaMwari kwakanaka, ndokwemutsa uye anoremekedza vanhu vaanotonga. Adhamu naEvha vaitarisira kurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano chero bedzi vaizoramba vachizviisa pasi pouchangamire hwaJehovha.—Genesisi 2:15-17.

5. Tingatii nezvouchangamire hwaJehovha?

5 Saka tingati chii? Chokutanga, Jehovha ave achiratidza uchangamire hwake pazvisikwa zvake zvose. Chechipiri, Mwari anotonga zvakanaka uye anoremekedza vaanotonga. Chokupedzisira, kana tikateerera uye tikatsigira kutonga kwaMwari tichawana zvikomborero zvisingaperi. Ndosaka Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare akati: “Haiwa Jehovha, ukuru nesimba norunako nouchangamire nokukudzwa ndezvenyu; nokuti zvinhu zvose zviri kumatenga nepanyika ndezvenyu. Haiwa Jehovha, umambo ndohwenyu, imi muri kuzviisawo pamusoro kuti muve mukuru wezvose.”—1 Makoronike 29:11.

Nei Umambo hwaMwari Huchidiwa?

6. Uchangamire hwaMwari hunei chokuita noUmambo hwake?

6 Sezvo Jehovha, agara ari Changamire Wezvose ane simba, nei Umambo hwaMwari huchidiwa? Kazhinji changamire anoratidza simba rake achishandisa munhu anomumiririra pakutonga. Naizvozvo, Umambo hwaMwari ndeimwe nzira yokuratidza nayo uchangamire hwake pazvisikwa zvake, kana kuti kutonga kwake.

7. Nei Jehovha akaronga kuratidza uchangamire hwake neimwe nzira itsva?

7 Jehovha akaratidza uchangamire hwake munzira dzakasiyana-siyana panguva dzakasiyana. Akaronga imwe nzira yokuratidza nayo uchangamire hwake nokuti pane chimwe chinhu chakanga chaitika. Izvi zvakaitika pakapanduka mumwe wevanakomana vaMwari vomudzimu Satani, uyo akafurira Adhamu naEvha kuti vapandukire utongi hwaJehovha. Kupanduka ikoko kwaitova kushora uchangamire hwaMwari. Sei? Paakaudza Evha kuti ‘aisazofa zvechokwadi’ kana akadya muchero wakanga warambidzwa, Satani aitoreva kuti Jehovha ainyepa uye kuti akanga asina kuvimbika. Satani akazoudza Evha kuti: “Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” Satani aireva kuti Adhamu naEvha vaigona kubudirira kana vakarega kuteerera Mwari vozviitira zvavo voga. (Genesisi 3:1-6) Uku kwaiva kunyatsoshora kodzero yaMwari yokutonga. Jehovha aizoita sei?

8, 9. (a) Munhu anotonga angaita sei kana akapandukirwa? (b) Jehovha akaita sei nokupanduka kwakaitwa muEdheni?

8 Tingatarisira kuti mutongi aite sei kana akapandukirwa? Vanoziva magariro evanhu vanogona kuyeuka zvimwe zvinhu zvakadaro zvichiitika. Pane kuti angosiya vapanduki vacho vakadaro, kazhinji mutongi ane simba uye akachenjera anobva apa vapanduki vacho mutongo wakaoma. Mutongi wacho anogona kubva apa mumwe munhu simba rokurwisa vapanduki vacho nokudzorera runyararo. Jehovha akaratidzawo kuti akanga achidzora zvinhu zvose paakatora matanho pakarepo ndokupa mutongo pavapanduki vacho. Akapa mutongo wokuti Adhamu naEvha vakanga vasina kukodzerwa nechipo choupenyu husingaperi uye akavadzinga mumunda weEdheni.—Genesisi 3:16-19, 22-24.

9 Paaipa mutongo wake kuna Satani, Jehovha akazivisa nzira itsva yaaizoratidza nayo uchangamire hwake, iyo yaaizoshandisa kuita kuti vanhu vaanotonga vavezve norunyararo uye vagadzikane. Mwari akati kuna Satani: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.” (Genesisi 3:15) Saka Jehovha akazivisa kuti chinangwa chake chaiva chokupa “mwana” simba rokupwanya Satani neuto rake nokuratidza kuti iye ndiye ane kodzero yokuva changamire.—Pisarema 2:7-9; 110:1, 2.

10. (a) “Mwana” akazozivikanwa saani? (b) Pauro akati chii nezvokuzadziswa kwouprofita hwokutanga?

10 “Mwana” iyeye akazozivikanwa kuti ndiJesu Kristu, pamwe chete neboka revaanotonga navo. Vose vakadaro vanoumba Umambo hwaMwari hunotungamirirwa naMesiya. (Dhanieri 7:13, 14, 27; Mateu 19:28; Ruka 12:32; 22:28-30) Zvisinei, zvose izvi hazvina kuziviswa pakarepo. Chaizvoizvo uprofita hwokutanga hwakaramba huri “chakavanzika chitsvene chakaramba chakanyararwa kwenguva dzisingaperi.” (VaRoma 16:25) Kwemazana emakore varume vaiva nokutenda vakamirira nguva yaizoziviswa “chakavanzika chitsvene” uye kuti uprofita hwokutanga huzadziswe zvichizoreverera uchangamire hwaJehovha.—VaRoma 8:19-21.

“Chakavanzika Chitsvene” Chinoziviswa Zvishoma Nezvishoma

11. Jehovha akaudza Abrahamu kuti chii?

11 Nokufamba kwenguva, Jehovha akazivisa zvishoma nezvishoma zvimwe zvinhu nezve“chakavanzika chitsvene choumambo hwaMwari.” (Mako 4:11) Mumwe wevanhu vakaziviswa naJehovha ndiAbrahamu, uyo akanzi “shamwari yaJehovha.” (Jakobho 2:23) Jehovha akavimbisa Abrahamu kuti aizomuita “rudzi rukuru.” Pava paya Mwari akaudzazve Abrahamu kuti: “Madzimambo achabuda mauri,” uye “marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako.”—Genesisi 12:2, 3; 17:6; 22:17, 18.

12. Vana vaSatani vakazviratidza sei pashure peMafashamo?

12 Panguva yakazorarama Abrahamu, vanhu vakanga vatotanga kuedza kutonga vamwe uye kuvadzvinyirira. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti nezvaNimrodhi muzukuru chibvi waNoa: “Ndiye akatanga kuva munhu ane simba panyika. Iye akava muvhimi ane simba airwisana naJehovha.” (Genesisi 10:8, 9) Nimrodhi nevamwe vatongi vakazvigadza vaingoshandiswa naSatani. Ivo nevatsigiri vavo vakavawo vana vaSatani.—1 Johani 5:19.

13. Achishandisa Jakobho Jehovha akafanotaura nezvei?

13 Pasinei nokuti Satani ari kuedza sei kuti pave nevatongi, chinangwa chaJehovha chiri kungofambira mberi. Achishandisa Jakobho, muzukuru waAbrahamu Jehovha akazivisa kuti: “Tsvimbo youmambo haizobvi kuna Judha, naiwo mudonzvo womutungamiriri pakati petsoka dzake, kusvikira Shiro auya; uye marudzi achamuteerera.” (Genesisi 49:10) Shoko rokuti “Shiro” rinoreva kuti “Muridzi; Mwene Wahwo.” Saka mashoko aya ouprofita anoratidza kuti kwaizouya munhu ane kodzero yepamutemo yokugamuchira “tsvimbo youmambo,” kana kuti uchangamire, uye “mudonzvo womutungamiriri,” kana kuti utongi, ‘pamarudzi’ kana kuti pavanhu. Aizova ani iyeyu?

“Kusvikira Shiro Auya”

14. Jehovha akaita sungano yei naDhavhidhi?

14 Mudzinza raJudha, wokutanga kusarudzwa naJehovha kuti ave mambo pavanhu vake aiva mufudzi wemakwai, Dhavidhi mwanakomana waJese. * (1 Samueri 16:1-13) Pasinei nezvivi zvake nokukanganisa kwake, Dhavhidhi akafarirwa naJehovha nokuti aitsigira uchangamire hwaJehovha nokuvimbika. Achiwedzera kujekesa uprofita hwomuEdheni, Jehovha akaita sungano naDhavhidhi, achiti: “Ndichamutsa mwana wako anokutevera, achabuda mukati mako; uye chokwadi ndichasimbisa umambo hwake kwazvo.” Izvi zvaisangoreva mwanakomana waDhavhidhi akamutevera pakuva mambo, Soromoni, nokuti sungano yacho yaiti: “Ndichasimbisa kwazvo chigaro choumambo hwake nokusingagumi.” Sungano iyoyo yakabudisa pachena kuti “mwana” iyeye akavimbiswa woUmambo aizouya nomudzinza raDhavhidhi.—2 Samueri 7:12, 13.

15. Nei zvinganzi umambo hwaJudha hwaitova muenzaniso woUmambo hwaMwari?

15 Pana Dhavhidhi ndipo pakatangira mutsara wemadzimambo edzinza rake aizodzwa nemafuta matsvene nomupristi mukuru. Saka madzimambo iwayo aigona kunzi vakazodzwa kana kuti vanamesiya. (1 Samueri 16:13; 2 Samueri 2:4; 5:3; 1 Madzimambo 1:39) Vainzi vakagara pachigaro choumambo chaJehovha uye vaitonga vachimumiririra semadzimambo muJerusarema. (2 Makoronike 9:8) Mupfungwa iyoyo, umambo hwaJudha hwaimiririra Umambo hwaMwari uhwo hunoratidza uchangamire hwaJehovha.

16. Kutonga kwemadzimambo aJudha kwaguma sei?

16 Mambo nevanhu vose pavaizviisa pasi pouchangamire hwaJehovha, iye aivadzivirira nokuvakomborera. Somuenzaniso, nguva yaitonga Soromoni haina imwe yakafanana nayo pakuva norugare uye kubudirira. Izvi zvakaratidza nenzira youprofita zvichange zvakaita kutonga kwoUmambo hwaMwari kana Satani abviswa zvachose uye uchangamire hwaJehovha hwarevererwa. (1 Madzimambo 4:20, 25) Chinosuwisa ndechokuti madzimambo akawanda mumutsara waDhavhidhi akakundikana kuita zvaidiwa naJehovha, uye vanhu vakapedzisira vonamata zvidhori nokuita unzenza. Jehovha akazopedzisira aita kuti umambo hwacho huparadzwe nevaBhabhironi muna 607 B.C.E. Zvakaita sokuti Satani akanga abudirira pakuedza kwake kupikisa uchangamire hwaJehovha.

17. Chii chinoratidza kuti Jehovha akanga achiri iye changamire pasinei nokuparadzwa kwoumambo hwomumutsara waDhavhidhi?

17 Kuparadzwa kwoumambo hwomumutsara waDhavhidhi pamwe nekwoumambo hwokumusoro hwaIsraeri hakuna kuratidza kukundikana kwouchangamire hwaJehovha, asi kuti kwakaratidza migumisiro inosuwisa yokutonga kwaSatani uye yokuti munhu azvimiririre. (Zvirevo 16:25; Jeremiya 10:23) Achiratidza kuti akanga achiri iye changamire, Jehovha akashandisa muprofita Ezekieri kuzivisa kuti: “Bvisa ngowani, ubvise korona. . . . Dongo, dongo, ndichariita dongo. Kana zviri izviwo, hazvizovi zvomunhu chero upi zvake kusvikira ane kodzero yepamutemo asvika, uye ndichamupa izvozvo.” (Ezekieri 21:26, 27) Mashoko iwayo akaratidza kuti “mwana” akapikirwa “ane kodzero yepamutemo,” akanga asati asvika.

18. Ngirozi Gabrieri yakazivisa Mariya kuti chii?

18 Mava muna 2 B.C.E, ngirozi Gabrieri yakatumwa kuna Mariya, imwe mhandara yokuNazareta, guta romuGarireya kuParestina. Yakazivisa kuti: “Tarira! uchabata pamuviri, wobereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza kuti Jesu. Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.”—Ruka 1:31-33.

19. Inguva yezviitiko zvipi zvinofadza yakanga yaswedera?

19 Pakupedzisira, nguva yokuzivisa “chakavanzika chitsvene” yakanga yaswedera. Mukuru pa“mwana” akapikirwa aizokurumidza kusvika. (VaGaratiya 4:4; 1 Timoti 3:16) Aizopwanywa chitsitsinho naSatani. Asi “mwana” wacho aizopwanyawo Satani musoro, achimuita kuti iye pamwe nevanomutsigira vasashanda. Aizopawo uchapupu hwokuti Umambo hwaMwari ndihwo hwaizoshandiswa kubvisa zvose zvakakanganiswa naSatani uye hworeverera uchangamire hwaJehovha. (VaHebheru 2:14; 1 Johani 3:8) Jesu aizoita sei izvozvo? Akatisiyira muenzaniso upi wokutevedzera? Tichaona mhinduro dzacho munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Sauro, uyo akatanga kusarudzwa naMwari kuti atonge Israeri, aiva wedzinza raBenjamini.—1 Samueri 9:15, 16; 10:1.

Ungatsanangura Here?

• Chii chinoita kuti Jehovha akodzere kuva Changamire wezvinhu zvose?

• Nei Jehovha akaronga kuti kuve noUmambo?

• Jehovha akazivisa sei zvishoma nezvishoma “chakavanzika chitsvene”?

• Chii chinoratidza kuti Jehovha akanga achiri iye changamire pasinei nokuparadzwa kwoumambo hwomumutsara waDhavhidhi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Achishandisa Abrahamu Jehovha akafanotaura nezvei?

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nei kuparadzwa kwoumambo hwomumutsara waDhavhidhi kusina kuratidza kukundikana kwouchangamire hwaJehovha?