Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unotsigira Uchangamire hwaJehovha Here?

Unotsigira Uchangamire hwaJehovha Here?

Unotsigira Uchangamire hwaJehovha Here?

“Itii pakati pemarudzi: ‘Jehovha ava mambo.’”—PISAREMA 96:10.

1, 2. (a) Chiitiko chipi chinokosha chakaitika munenge muna October, 29 C.E.? (b) Chiitiko ichocho chairevei kuna Jesu?

CHIITIKO chinokosha, chakanga chisati chamboitika pasi pano chakavapo munenge muna October, 29 C.E. Munyori weEvhangeri Mateu anoti: “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika, Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya [pana Jesu]. Tarira! Kwaivawo neinzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.’” Ichi chimwe chezviitiko zvishomanana zvakanyorwa nevanyori veEvhangeri vose vari vana.—Mateu 3:16, 17; Mako 1:9-11; Ruka 3:21, 22; Johani 1:32-34.

2 Kudururwa zvinooneka kwomudzimu mutsvene pana Jesu kwakamuzivisa seAkazodzwa, izvo zvinoreva kuti Mesiya, kana kuti Kristu. (Johani 1:33) Pakupedzisira, “mwana” uya akapikirwa akaoneka! Johani Mubhabhatidzi zvino akanga akatarisana chiso nechiso nouya ane chitsitsinho chaizopwanywa naSatani, uye aizopwanya musoro womuvengi mukuru wouchangamire hwaJehovha. (Genesisi 3:15) Kubvira ipapo Jesu ainyatsoziva kuti aifanira kuzadzisa chinangwa chaJehovha nezvouchangamire Hwake uye Umambo.

3. Jesu akazvigadzirira sei basa raaizoita pakutsigira uchangamire hwaJehovha?

3 Achizvigadzirira basa raiva mberi kwake, “Jesu, azere nomudzimu mutsvene, akabva kuJodhani, akaendeswa nomudzimu kuno nokoko murenje.” (Ruka 4:1; Mako 1:12) Ari ikoko kwemazuva 40, Jesu akava nenguva yokufungisisa nezvenyaya youchangamire yakamutswa naSatani uye zvaaizofanira kuita kuti atsigire uchangamire hwaJehovha. Nyaya iyoyo inobatanidza vanhu vose uye ngirozi, kureva kuti kudenga nepanyika. Saka tingaita zvakanaka kana tikafunga nezvokurarama kwakaita Jesu akavimbika, toona kuti tinofanira kuitei kuti tiratidze kuti tinotsigirawo uchangamire hwaJehovha.—Jobho 1:6-12; 2:2-6.

Uchangamire hwaJehovha Hunopikiswa

4. Satani akaitei chakabva chanyatsoti dyo panyaya youchangamire?

4 Zviri pachena kuti Satani aicherechedza zviitiko zvose zvataurwa apa. Haana kutora nguva asati atanga kurwisa “mwana” mukuru wo“mukadzi” waMwari. (Genesisi 3:15) Satani akaedza Jesu katatu, achimuudza kuti aite zvinhu zvaiita sezvakamunakira panzvimbo pokuita zvaainzi naBaba vake aite. Muedzo wechitatu ndiwo wakabva wanyatsoti dyo panyaya youchangamire. Achiratidza Jesu “umambo hwose hwenyika nokubwinya kwahwo,” Satani, asina kana ganda kumeso akati kuna Jesu: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.” Achinyatsoziva kuti Dhiyabhorosi ndiye ari kutonga “umambo hwose hwenyika,” Jesu akaratidza paamire panyaya youchangamire nokupindura kuti: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’”—Mateu 4:8-10.

5. Ibasa rei rakaoma raifanira kuitwa naJesu?

5 Mararamiro aJesu akaratidza kuti chinangwa chake chikuru chaiva chokutsigira uchangamire hwaJehovha. Jesu ainyatsoziva kuti aifanira kuramba akatendeka kusvikira aurayiwa naSatani, izvo zvakataurwa nenzira youprofita sokupwanya chitsitsinho cho“mwana” womukadzi, kuitira kuti aratidze kururama kwouchangamire hwaMwari. (Mateu 16:21; 17:12) Aifanirawo kupa uchapupu hwokuti Umambo hwaMwari ndihwo hwakapiwa simba naJehovha rokukurira Satani mupanduki hwoita kuti zvisikwa zvose zvivezve norugare norunyararo. (Mateu 6:9, 10) Jesu akaitei kuti akwanise kuita basa iri rakaoma?

“Umambo hwaMwari Hwaswedera Pedyo”

6. Jesu akazivisa sei kuti Umambo ndihwo hwaizoshandiswa naJehovha ‘kuputsa mabasa aDhiyabhorosi’?

6 Kutanga, “Jesu akapinda muGarireya, achiparidza mashoko akanaka aMwari, achiti: ‘Nguva yakatarwa yakwana, uye umambo hwaMwari hwaswedera pedyo.’” (Mako 1:14, 15) Chaizvoizvo akatoti: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.” (Ruka 4:18-21, 43) Jesu akafamba kuno nokoko “achiparidza nokuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari.” (Ruka 8:1) Jesu akaitawo zvishamiso zvakawanda, kupa mapoka evanhu zvokudya, kunyaradza mamiriro okunze akaipa, kurapa vairwara, uye kumutsa vakafa. Paaiita izvi Jesu airatidza kuti Mwari anogona kugadzirisa zvose zvakakanganisika nemhaka yokupanduka kwakaitika muEdheni uye ‘kuputsa mabasa aDhiyabhorosi.’—1 Johani 3:8.

7. Jesu akarayira vadzidzi vake kuitei, uye vakabudirira zvakadini?

7 Kuti mashoko akanaka oUmambo aparidzwe kuvanhu vakawanda, Jesu akaunganidza vateveri vake vakatendeka akavadzidzisa kuita basa iroro. Akatanga nokutuma vaapostora vake 12 “kunoparidza umambo hwaMwari.” (Ruka 9:1, 2) Ndokuzotuma vamwe 70 kuti vazivise shoko rokuti: “Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo nemi.” (Ruka 10:1, 8, 9) Pakadzoka vadzidzi ava vachiudza Jesu nezvokubudirira kwavakanga vaita mubasa rokuparidza Umambo, iye akati: “Ndatotanga kuona Satani atowa semheni achibva kudenga.”—Ruka 10:17, 18.

8. Upenyu hwaJesu hwakanyatsoratidzei?

8 Jesu akashanda nesimba uye akashandisa mikana yose kupupura nezvoUmambo. Akashanda siku nesikati, achitotadza kana kudekarawo sevamwe. Akati: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Ruka 9:58; Mako 6:31; Johani 4:31-34) Ava pedyo nokufa, Jesu akaudza Pondiyo Pirato noushingi kuti: “Ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Upenyu hwaJesu hwose hwakaratidza kuti akanga asiri mudzidzisi mukuru chete kana kuti munhu wezvishamiso kana kuti kunyange Muponesi akazvipira, asi akauya kuzotsigira uchangamire hwaJehovha uye kuzopa uchapupu hwokuti Mwari anogona kuita kuda kwake achishandisa Umambo.—Johani 14:6.

“Zvaitika!”

9. Satani akazobudirira sei kupwanya chitsitsinho cho“mwana” womukadzi waMwari?

9 Zvose zvakaitwa naJesu nezvoUmambo hazvina kufadza Muvengi, Satani Dhiyabhorosi. Achiedza aedzazve, kushandisa “vana” vake vepasi pano, vezvematongerwo enyika nevezvitendero, Satani aida kuuraya “mwana” womukadzi waMwari. Kubvira achizvarwa kusvikira afa, Jesu ndiye akanga akangonzi nanga nanga naye naSatani nevatsigiri vake. Pakupedzisira, muna 33 C.E., nguva yakanga yasvika yokuti Mwanakomana womunhu aiswe mumaoko oMuvengi kuti apwanywe chitsitsinho. (Mateu 20:18, 19; Ruka 18:31-33) Nhoroondo dzeEvhangeri dzinonyatsoratidza kuti Satani akashandisa sei vanhu vakadai saJudhasi Isikariyoti, vapristi vakuru, vanyori, vaFarisi, uye vaRoma kuti vawanire Jesu mhosva ndokumuuraya zvinorwadza padanda rokutambudzikira.—Mabasa 2:22, 23.

10. Rufu rwaJesu padanda rokutambudzikira rwakanyanya kubatsira chii?

10 Chii chinouya mupfungwa dzako paunofunga nezvaJesu ari padanda rokutambudzikira achifa zvishoma nezvishoma uye zvinorwadza? Zvichida unofunga nezvechibayiro chorudzikinuro chakapiwa naJesu nemwoyo wose achiitira zvivi zvevanhu vose. (Mateu 20:28; Johani 15:13) Ungashamiswa norudo rukuru rwakaratidzwa naJehovha pakupa kwaakaita chibayiro ichocho. (Johani 3:16) Pamwe unonzwa sezvakaita mukuru weuto reRoma uyo akati: “Chokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” (Mateu 27:54) Zvechokwadi zvakakodzera kuti unzwe uye ufunge saizvozvo. Uyewo yeuka kuti mashoko okupedzisira aJesu ari padanda rokutambudzikira aiva okuti: “Zvaitika!” (Johani 19:30) Zvii zvaiva zvaitika? Kunyange zvazvo upenyu hwaJesu norufu zvakabatsira pazvinhu zvakawanda, chinhu chikuru-kuru chaakauyira pasi pano kuzogadzirisa yaiva nyaya youchangamire hwaJehovha. Uye sezvakagara zvataurwa, “mwana” aizotambudzwa zvakaoma naSatani kuti atsvenese zita raJehovha. (Isaya 53:3-7) Izvi zvakanga zvakaoma, asi Jesu akazviita zvakazara. Chokwadi zvakaitika!

11. Jesu achaitei kuti azadzise zvakazara uprofita hwakataurwa muEdheni?

11 Nokuti akanga akatendeka uye akavimbika, Jesu akamutswa asisiri munhu wenyama asi ava “mudzimu unopa upenyu.” (1 VaKorinde 15:45; 1 Petro 3:18) Jehovha akavimbisa Mwanakomana wake akakwidziridzwa kuti: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.” (Pisarema 110:1) “Vavengi” vacho vanosanganisira muparanzvongo wacho mukuru Satani, ne“vana” vake vose. SaMesiya, Mambo woUmambo hwaJehovha, Jesu Kristu achatungamirira pakuparadza vapanduki vose kudenga nepanyika. (Zvakazarurwa 12:7-9; 19:11-16; 20:1-3, 10) Zvadaro, panozotevera kuzadzika kwouprofita huri pana Genesisi 3:15 uye munyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake wokuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.”—Mateu 6:10; VaFiripi 2:8-11.

Muenzaniso Wokutevedzera

12, 13. (a) Vanhu vari kuita sei pavari kuparidzirwa mashoko akanaka oUmambo? (b) Tinofanira kuzvibvunza mibvunzo ipi nezvokutevera muenzaniso waKristu?

12 Nhasi, mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzwa munyika dzakawanda, sezvakaprofitwa naJesu. (Mateu 24:14) Izvi zvaita kuti vanhu vanosvika mamiriyoni vatsaurire upenyu hwavo kuna Mwari. Vanofadzwa nezvikomborero zvichaunzwa noUmambo. Vanotarisira kurarama nokusingaperi murugare uye vasina chavanotya muparadhiso pasi pano, saka vanoudza vamwe nezvetariro iyi. (Pisarema 37:11; 2 Petro 3:13) Uri mumwe wevazivisi ivavo voUmambo here? Kana zvakadaro uri kuita zvakanaka. Zvisinei, pane chimwe chinhu chatinofanira kufunga tose.

13 Muapostora Petro akanyora kuti: “Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Cherechedza kuti pano Petro haana kutaura nezvokushingaira kwaJesu pakuparidza kana kuti unyanzvi hwake hwokudzidzisa, asi nezvokutambura kwaakaita. Sezvo akazvionera oga, Petro ainyatsoziva kuti Jesu aiva akazvipira kutambura kuti azviise pasi pouchangamire hwaJehovha oratidza kuti Satani murevi wenhema. Saka tinofanira kutevedzera Jesu sei? Tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndakazvipira zvakadini kutambura kuti nditsigire uye ndiremekedze uchangamire hwaJehovha? Mararamiro angu noushumiri hwangu zvinoratidza kuti kutsigira uchangamire hwaJehovha ndicho chinhu chandinonyanya kukoshesa here?’—VaKorose 3:17.

14, 15. (a) Jesu akaita sei paakaudzwa zvinhu zvaiita sezvakamunakira uye pakamuka mukana waiita sowakamunakira, uye nei akadaro? (b) Inyaya yei yatinofanira kugara tichifunga? (Batanidza mashoko ari mubhokisi rakanzi “Tsigira Jehovha.”)

14 Mazuva ose tinotarisana nemiedzo uye tinofanira kusarudza zvokuita, zvikuru uye zviduku. Chii chinofanira kutituma zvokuita? Somuenzaniso, kana tikatarisana nomuedzo wokuita chimwe chinhu chingakanganisa kunamata kwedu, tinoita sei? Jesu akaita sei paakaudzwa naPetro kuti azvinzwire tsitsi? Akataura nesimba kuti: “Enda shure kwangu, Satani! Haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.” (Mateu 16:21-23) Kana kuti pakamuka mikana yokuwana mari kana yokusimudzirwa pamabasa izvo zvichikanganisa kunamata kwedu, tinoita sezvakaitwa naJesu here? Jesu paakaziva kuti vaya vakanga vaona achiita zvishamiso “vakanga vava kuda kuuya kuzomubata kuti vamuite mambo,” akakurumidza kubva pavari.—Johani 6:15.

15 Nei Jesu asina kuita zvokutamba pazviitiko izvi nezvimwewo? Nokuti ainyatsoziva kuti yaisava nyaya yokungotsvaka zvaiva zvakamunakira. Aida kuita kuda kwaBaba vake uye kutsigira uchangamire hwaJehovha kunyange zvodii. (Mateu 26:50-54) Saka kana tikasaita sezvaiita Jesu zvokugara tichifunga nezvenyaya youchangamire, nguva dzose pane ngozi yokuti tipedzisire taita zvatanga tisingadi kana kuti tikundikane. Nei zvichidaro? Nokuti tiri nyore kubatwa mumisungo yaSatani, shasha yokuita kuti zvinhu zvakaipa zviite sezvakanaka, sezvaakaita paakaedza Evha.—2 VaKorinde 11:14; 1 Timoti 2:14.

16. Ndechipi chinofanira kuva chinangwa chedu chikuru pakubatsira vamwe?

16 Kana tiri muushumiri tinoedza kutaura nevanhu nezvezvinovanetsa tovaratidza mhinduro dzinobva muBhaibheri. Iyi inzira inobudirira yokuita kuti vafarire kudzidza Bhaibheri. Asi chinangwa chedu chikuru hachisi chokungobatsira vanhu kuziva zvinotaura Bhaibheri kana kuti zvikomborero zvichaunzwa noUmambo hwaMwari. Tinofanira kuvabatsira kunyatsonzwisisa nyaya youchangamire. Vanoda kuva vaKristu vechokwadi vanotakura ‘danda ravo rokutambudzikira’ uye votambura nokuda kwoUmambo here? (Mako 8:34) Vakagadzirira kubatana nevaya vanotsigira uchangamire hwaJehovha vachiratidza kuti Satani murevi wenhema uye mucheri here? (Zvirevo 27:11) Iropafadzo yedu kuita izvozvo uye kubatsira vamwe kuzviita.—1 Timoti 4:16.

Mwari Paachava “Zvinhu Zvose Kuvanhu Vose”

17, 18. Inguva ipi yakanaka zvikuru yatingatarisira mune remangwana kana tikaratidza kuti tinotsigira uchangamire hwaJehovha?

17 Sezvatinoita nepatinogona napo iye zvino kuti tiratidze netsika dzedu uye noushumiri hwedu kuti tinotsigira uchangamire hwaJehovha, tinomirira nguva apo Jesu Kristu “anogamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba.” Ndirini iyeye? Muapostora Pauro anotsanangura kuti: “Paanenge aparadza hurumende dzose nechiremera chose nesimba. Nokuti anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake. . . . Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VaKorinde 15:24, 25, 28.

18 Hakusi kufadza kwazvichaita Mwari paachava “zvinhu zvose kuvanhu vose!” Umambo huchange hwapedza basa rahwo. Vose vanopikisa uchangamire hwaJehovha vachange vaparadzwa. Zvinhu zvose zvichavazve norugare norunyararo kwose kwose. Mumashoko omunyori wepisarema, zvisikwa zvose zvichaimba zvichiti: “Ipai Jehovha kukudzwa kwezita rake. . . . Itii kumarudzi: ‘Jehovha ava mambo.’”—Pisarema 96:8, 10.

Ungapindura Here?

• Jesu akakoshesa sei nyaya youchangamire hwaMwari?

• Ushumiri hwaJesu norufu rwake zvakanyanya kubatsira chii?

• Tingatevedzera sei muenzaniso waJesu pakuratidza kuti tinotsigira uchangamire hwaJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 29]

TSIGIRA JEHOVHA

Kungofanana nehama dzakawanda dziri kuKorea nokune dzimwe nyika, kana tatarisana nemiedzo yakakura, zvakanaka kunyatsonzwisisa kuti nei miedzo yakadaro ichitiwira.

Mumwe weZvapupu zvaJehovha akamboiswa mujeri nguva dzehurumende yeSoviet akati, “Chakatibatsira kutsungirira ndechokuti tainyatsonzwisisa nyaya yakamutswa mumunda weEdheni, nyaya yekodzero yaMwari yokutonga. Taiziva kuti taiva nomukana wokutsigira kutonga kwaJehovha. . . . Izvi zvakatisimbaradza uye zvakaita kuti tirambe takavimbika.”

Mumwe weZvapupu zvaJehovha akatsanangura zvakavabatsira pavaiva mumusasa wechibharo. Akati, “Jehovha akatitsigira. Pasinei nokuti zvinhu zvakanga zvakaoma sei, takanga takamuka pakunamata. Taigara tichikurudzirana nokuyeuchidzana kuti taitsigira Jehovha panyaya youchangamire.”

[Mufananidzo uri papeji 26]

Jesu akatsigira sei uchangamire hwaJehovha paaiedzwa naSatani?

[Mufananidzo uri papeji 28]

Rufu rwaJesu rwakabatsira chii?