Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Chipo Chenyu Chinokosha Zvikuru”

“Chipo Chenyu Chinokosha Zvikuru”

“Chipo Chenyu Chinokosha Zvikuru”

NDIZVO zvakataurwa neaimbova mutungamiriri wehurumende yeBelgium achireva bhuku rinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama. * Muvakidzani wake akanga amushanyira, uye akabvuma kupiwa bhuku iri. Akazonyora tsamba yokuonga achiti: “Kundishanyira kwawakaita kwakandibaya mwoyo, uye izvi zvakawedzera nemhaka yechipo chako chinokosha zvikuru: bhuku rinotaura ‘nezvoMunhu Mukurusa.’”

Murume uyu akaongorora bhuku iri ndokugumisa kuti: “Kudai vanhu vaifarira mashoko eEvhangeri voshandisa zvaidzidziswa naJesu Kristu, nyika ingadai isina kuita sezvatiri kuiona yakaita nhasi. Pangadai pasingachadiwi Sangano Rokuchengetedza Runyararo; pangadai pasina magandanga uye chisimba chingadai chisingabvumirwi munyika.” Kunyange zvazvo achibvuma kuti mafungiro aya anoita sokurotawo zvako, akaremekedza kushanyirwa kwaakaitwa nomuvakidzani wake.

Tsamba yacho yakaenderera mberi ichiti: “Muri vanhu vakakomborerwa, vasingatarisiri zvakanaka chete kana vanhu vanongotarisira zvakaipa, asi vanodavira kuti zvinhu zvichafambira zvakanaka vanhu nezvimwewo zvinhu.”

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti Mwari ndiye achaita kuti nyika ive nani, kwete vanhu. Vanotevedzera munhu mukuru pane vose, Jesu Kristu. Wakamboshanyirwa here nevamwe veZvapupu zvaJehovha munguva pfupi yadarika? Zvichida uchanakidzwa nokukurukura navo nezvomunhu mukuru pane vose vakamborarama. Uye vachafara kukupa bhuku rakanakidza aimbova mutungamiriri wehurumende.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.