Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hapana Chombo Chichagadzirirwa Kukurwisa Chichabudirira

Hapana Chombo Chichagadzirirwa Kukurwisa Chichabudirira

Hapana Chombo Chichagadzirirwa Kukurwisa Chichabudirira

“Chero chombo . . . chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri.”—ISAYA 54:17.

1, 2. Zvakaitika kuZvapupu zvaJehovha zvokuAlbania zvinoratidza sei kuti mashoko aIsaya 54:17 ndeechokwadi?

MAKUMI emakore akapfuura, mune imwe nyika duku ine makomo akawanda yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweEurope, kwaiva neboka revaKristu rakanga risingatyi. Imwe hurumende yechiKomonisiti yakanga isingadaviri kuti kuna Mwari yakaedza zvose zvayaigona kuti iparadze vaKristu ava. Asi kutambudzwa, kuiswa mumisasa yevasungwa, mashoko akaipa aitaurwa mumaredhiyo nomumapepanhau zvakakundikana kuvatsakatisa. Vaiva vanaani? Vaiva Zvapupu zvaJehovha zvokuAlbania. Kunyange zvazvo kuungana nokuparidza zvakanga zvakaoma zvikuru, kuramba vachitsungirira kwemakore akawanda kwakaita kuti chiKristu chikudzwe, uye kwakaita kuti zita raJehovha rirumbidzwe. Gore rapera pakatsaurirwa bazi ravo idzva, imwe hama yava nenguva iri Chapupu yakati: “Nyangwe Satani akaedza sei, anoramba achingokundwa, asi Jehovha anoramba achikunda!”

2 Zvose izvi zvinoratidza kuti mashoko akavimbiswa naMwari kuvanhu vake akanyorwa pana Isaya 54:17 ndeechokwadi, anoti: “Chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kukurwisa hachizobudiriri, uye uchapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchakurwisa pakutongwa.” Zvave zvichiitika kubva kare zvinoratidza kuti hapana chingaitwa nenyika yaSatani chichazombokwanisa kuita kuti vashumiri vakazvitsaurira vaJehovha Mwari varege kumunamata.

Zvinoitwa naSatani Asi Zvisingabudiriri

3, 4. (a) Zvombo zvaSatani zvinosanganisirei? (b) Zvombo zvaDhiyabhorosi zvakaratidza sei kuti hazvina kubudirira?

3 Zvombo zvave zvichishandiswa kurwisa vanamati vechokwadi zvinosanganisira kurambidzwa kunamata, kuitirwa chisimba nemhomho, kuiswa mumajeri, uye ‘kurongerwa dambudziko pachishandiswa mutemo.’ (Pisarema 94:20) Kutaura zvazviri, mune dzimwe nyika, iye zvino Zvapupu zvaJehovha pazviri kudzidza nyaya ino, vaKristu ava vari ‘kuedzwa’ nokuti vakatendeka kuna Mwari.—Zvakazarurwa 2:10.

4 Somuenzaniso, imwe hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yakati mugore rimwe chete, ka32 vashumiri vaMwari vakarohwa pavaiita ushumiri. Uyezve, pane nyaya 59 dzokusungwa kweZvapupu nemapurisa, vaduku nevakuru, varume nevakadzi vaiparidza pachena. Vamwe vakatorwa mafingapirinzi, vakatorwa mifananidzo, uye vakavharirwa muchitokisi vachinzi matsotsi. Vamwe vakanzi vaizorohwa. Mune imwe nyika, iye zvino pave nenyaya dzinopfuura 1 100 dzeZvapupu zvaJehovha zviri kusungwa, kubhadhariswa faindi, kana kuti kurohwa. Nyaya dzinopfuura 200 pane idzi dzakaitika musi wavakaungana kuti vayeuke kufa kwaJesu. Kunyange zvakadaro, munyika idzi nomune dzimwewo, mudzimu waJehovha wave uchiita kuti vanhu vake vapukunyuke pasinei nemamiriro ezvinhu akaoma. (Zekariya 4:6) Hasha dzakasimba dzevavengi hadzizoiti kuti vaya vari kurumbidza Jehovha vanyarare. Chokwadi, tine chivimbo chokuti hapana chombo chingakunda chinangwa chaMwari.

Rurimi Rwenhema Runopiwa Mhosva

5. Rurimi rwenhema rupi rwakarwisa vashumiri vaJehovha muzana remakore rokutanga?

5 Isaya akaprofita kuti vanhu vaMwari vaizopa mhosva chero rurimi rupi zvarwo rwaizovarwisa. Muzana remakore rokutanga, vaKristu vaiwanzoreverwa nhema, vachinzi vanoita zvakaipa. Mashoko ari pana Mabasa 16:20, 21 anoratidza kupomerwa kwavaiitwa okuti: “Varume ava vari kukanganisa guta redu kwazvo, . . . uye vari kuparidzira tsika dzisingabvumirwi nomutemo kuti isu tigamuchire kana kuti tiite, zvatiri vaRoma.” Pane imwe nguva, vezvitendero vaishora vakaedza kukurudzira vatongi veguta kuti varwise vateveri vaKristu, vachiti: “Vanhu ava vanyonganisa nyika inogarwa varipowo pano, uye . . . vanoita zvinopesana nemirayiro yaKesari.” (Mabasa 17:6, 7) Muapostora Pauro akanzi ‘munhu ainetsa’ uye ainzi mutungamiriri wekapoka kaiita kuti pave nokumukira “munyika yose inogarwa.”—Mabasa 24:2-5.

6, 7. Ndeipi imwe nzira iyo vaKristu vanoratidza nayo kuti zvavanopomerwa inhema?

6 Saka hazvitishamisi kuti mazuva ano vaKristu vechokwadi vanoreverwa nhema, vanocherwa zvakaipa, uye mapepanhau nemaredhiyo anotaura zvakaipa nezvavo. Tingaratidza sei kuti mashoko akadaro ndeenhema?—Isaya 54:17.

7 Kazhinji mufambiro wakanaka weZvapupu zvaJehovha ndiwo unoratidza kuti kupomerwa kwakadaro uye mashoko anoparadzirwa ndezvenhema. (1 Petro 2:12) VaKristu pavanoratidza kuti vanoteerera mutemo uye kuti vanhu vane tsika dzakanaka uye vane hanya nevamwe zvechokwadi, zvavanopomerwa zvinobva zvaratidza kuti inhema. Mufambiro wedu wakanaka unotaura woga. Vanenge vachiona pavanoona kutsungirira kwatinoita mumabasa akanaka, kazhinji vanokurudzirwa kuti varumbidze Baba vedu vokudenga uye vanobvuma kuti mararamiro evashumiri vaMwari ndiwo akanakisisa.—Isaya 60:14; Mateu 5:14-16.

8. (a) Kuti tidzivirire zvatinotenda sevaKristu, dzimwe nguva zvingadei? (b) Tichitevedzera Kristu, tingaratidza sei kuti vanenge vachitipomera vari kureva nhema?

8 Kuwedzera kumufambiro wedu wechiKristu, dzimwe nguva tingafanira kudzivirira noushingi zvatinotenda zviri muMagwaro. Imwe nzira ndeyokukumbira hurumende nematare kuti tidzivirirwe. (Esteri 8:3; Mabasa 22:25-29; 25:10-12) Jesu paaiva pasi pano, pane imwe nguva akapikisa pachena vaimushora, achiratidza kuti zvavaimupomera dzaiva nhema. (Mateu 12:34-37; 15:1-11) Tichitevedzera Jesu, tinobvuma mukana wokujekesera vamwe zvatinotenda nomwoyo wose. (1 Petro 3:15) Ngatisambotadziswa kuzivisa chokwadi cheShoko raMwari nokusekwa kuchikoro, kubasa, kana kuti nevoukama.—2 Petro 3:3, 4.

Jerusarema—‘Dombo Rinorema’

9. ‘Dombo rinorema’ rinotaurwa pana Zekariya 12:3 rinoreva Jerusarema ripi, uye ndivanaani vanorimiririra pasi pano?

9 Uprofita hwaZekariya hunoratidza chikonzero nei marudzi achirwisa vaKristu vechokwadi. Ona mashoko anotaurwa pana Zekariya 12:3, anoti: “Nezuva iroro ndichaita kuti Jerusarema rive dombo rinoremera marudzi ose.” Uprofita uhwu huri kureva Jerusarema ripi? Uprofita hwaZekariya hune chokuita neJerusarema hunoreva “Jerusarema rokudenga,” Umambo hwokudenga hwakadanirwa vaKristu vakazodzwa. (VaHebheru 12:22) Vakasara vashomanana veava vachagara nhaka yoUmambo hwaMesiya, vachiri pasi pano. Pamwe chete neshamwari dzavo “mamwe makwai,” vanokurudzira vanhu kuti vave pasi poUmambo hwaMwari nguva isati yapera. (Johani 10:16; Zvakazarurwa 11:15) Marudzi akaita sei paakakokwa? Uye Jehovha anotsigira sei vanamati vechokwadi mazuva ano? Ngationei sezvatinoramba tichiongorora zvinorehwa nechitsauko 12 chaZekariya. Kana tikadaro, tichava nechokwadi chokuti ‘hapana chombo chichabudirira’ kurwisa vakazodzwa vaMwari neshamwari dzavo dzakazvitsaurira.

10. (a) Nei vanhu vaMwari vachirwiswa? (b) Chii chinoitika kune vaya vanoedza kubvisa ‘dombo rinorema’ munzira?

10 Zekariya 12:3 inoratidza kuti marudzi “achamarwa kwazvo.” Izvi zvinoitika sei? Mwari akarayira kuti mashoko akanaka oUmambo anofanira kuparidzwa. Zvapupu zvaJehovha zvinokoshesa murayiro wokuparidza. Zvisinei, kuzivisa kuti Umambo ndihwo bedzi tariro yevanhu kwava “dombo rinoremera” marudzi. Anoedza kuribvisa nokuvhiringidza vaparidzi voUmambo. Marudzi aya paanodaro, ano“marwa kwazvo,” ochekwa-chekwa nokuti anenge achida kupindira. Haasisina kunyange mukurumbira nokuti akundwa zvinonyadzisa. Haagoni kuita kuti vanonamata zvechokwadi vanyarare, avo vanokoshesa ropafadzo yokuzivisa “mashoko akanaka asingaperi” oUmambo hwaMesiya hwaMwari nyika ino isati yaguma. (Zvakazarurwa 14:6) Paaiona chisimba chaiitirwa vashumiri vaJehovha, mumwe murindi wejeri wokune imwe nyika yomuAfrica akati: ‘Muri kutambisa nguva yenyu kutambudza vanhu ava. Havazombokandi mapfumo pasi. Vanotoramba vachiwedzera.’

11. Mwari akachengeta sei mashoko aakavimbisa ari pana Zekariya 12:4?

11 Verenga Zekariya 12:4. Jehovha anovimbisa kuti achaita seari kupofumadza uye ku“vhiringidza” vaya vanorwisa vatumwa voUmambo vakashinga. Akaita zvaakavimbisa. Somuenzaniso, mune imwe nyika yairambidzwa kunamata kwechokwadi, vaishora vakatadza kurambidza vanhu vaMwari kuwana zvokudya zvokunamata. Rimwe pepanhau rakatoti Zvapupu zvaJehovha zvaishandisa mabharuni kuti zvipinze mabhuku eBhaibheri munyika! Mashoko akavimbiswa naMwari kuvanhu vake vakatendeka akaitika, anoti: “Ndichasvinudzira maziso angu paimba yaJudha, uye ndichapofumadza mabhiza ose emarudzi.” Nemhaka yokuti vakaputirwa nehasha, vavengi voUmambo havazivi gwara rokutevera. Asi tine chokwadi chokuti Jehovha achachengeta vanhu vake seboka uye achavatarisira.—2 Madzimambo 6:15-19.

12. (a) Jesu akabatidza moto sei paaiva panyika? (b) Vakazodzwa vasara vakaita kuti zvinhu zvibatire moto sei nenzira yokufananidzira uye zvakaguma nei?

12 Verenga Zekariya 12:5, 6. “Madzishe aJudha” ndevaya vane basa rokutarisira pakati pevanhu vaMwari. Jehovha anoita kuti vashingaire zvikuru achiitira zvinhu zvine chokuita noUmambo hwake pasi pano. Pane imwe nguva Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ndakauya kuzobatidza moto panyika.” (Ruka 12:49) Chokwadi, akaubatidza. Paaiparidzira achishingaira, Jesu akaratidza vanhu kuti Umambo hwaMwari ndihwo hunonyanya kukosha. Izvi zvakaparamura nharo murudzi rwose rwechiJudha. (Mateu 4:17, 25; 10:5-7, 17-20) “Sehari ine moto iri pakati pemiti uye sezhenje romoto riri mumwanda wezviyo zvichangobva kuchekwa,” ndizvo zviri kuitawo vateveri vaKristu vari kuti sika-sika naye mazuva ano, vari kubatidzawo moto nenzira yokufananidzira. Bhuku rakabudiswa muna 1917 rinonzi The Finished Mystery * rakanyatsofumura unyengeri hwechiKristudhomu. Izvi zvakaita kuti vafundisi vacho vafufutirwe nehasha. Munguva pfupi yapfuura, turakiti Nhamba 37 rinonzi Mashoko oUmambo rine musoro unoti, “Kuguma Kwechitendero Chenhema Kwava Pedyo!” rakaita kuti vanhu vakawanda vatsigire kana kushora Umambo hwaMwari.

“Matende aJudha” Anoponeswa

13. Mashoko okuti “matende aJudha” anorevei, uye nei Jehovha achiponesa vaya vanorwiswa?

13 Verenga Zekariya 12:7, 8. Kare munyika yaIsraeri maiva nematende akawanda, dzimwe nguva aishandiswa nevafudzi nevarimi. Vanhu vakadaro ndivo vaitanga kunetseka uye vaizoda kudzivirirwa paiuya rudzi rwevavengi kuzodenha guta reJerusarema. Mashoko okuti “matende aJudha,” anoratidza kuti vakazodzwa vasara munguva yedu vanoita sevasina kudzivirirwa, havasi mumaguta akadzivirirwa. Vari ikoko vanodzivirira vasingatyi zvinhu zvine chokuita noUmambo hwaMesiya. Jehovha wemauto achatanga aponesa “matende aJudha” nokuti ari kurwiswa naSatani zvakananga.

14. Jehovha anodzivirira sei vaya vari mu“matende aJudha,” uye anoita sei kuti vasagumburwa?

14 Chokwadi, zvave zvichiitika zvinoratidza kuti Jehovha ari kudzivirira vamiririri voUmambo vakazodzwa ava vari mu“matende” ari mumasango. * Anoita kuti vasa“gumburwa” pakuti anovasimbisa uye anoita kuti vave noushingi saDhavhidhi, mambo wemauto.

15. Nei Jehovha a“chatsvaka kutsakatisa marudzi ose,” uye achaita izvi kana zvaita sei?

15 Verenga Zekariya 12:9. Nei Jehovha a“chatsvaka kutsakatisa marudzi ose”? Nokuti anoramba achishora Umambo hwaMesiya. Achatongwa nokuti anonetsa uye anotambudza vanhu vaMwari. Munguva pfupi iri kuuya masangano aSatani epanyika acharwisa vanamati vaMwari vechokwadi kokupedzisira, izvo zvichatungamirira nyika kuchiitiko chinonzi Ha-Magedhoni muBhaibheri. (Zvakazarurwa 16:13-16) Achipindira pakurwisa ikoko, Mutongi Mukuru achadzivirira vashumiri vake uye achatsvenesa zita rake pakati pemarudzi.—Ezekieri 38:14-18, 22, 23.

16, 17. (a) “Nhaka yevashumiri vaJehovha” chii? (b) Kutsungirira kwatinoita kurwiswa naSatani kunoratidzei?

16 Satani haana chombo chingakanganisa kutenda kwevanhu vaMwari vari munyika yose kana kuti kuderedza kushingaira kwavanoita. Rugare rwatinova narwo patinoziva kuti Jehovha ane simba rokuponesa ndirwo “nhaka yevashumiri vaJehovha.” (Isaya 54:17) Hapana munhu angatitorera nechisimba rugare rwedu nokubudirira zvatinazvo pakunamata. (Pisarema 118:6) Satani acharamba achibatidza moto wokushora uye achaedza kuti titambudzwe. Kutsungirira kwedu takavimbika patinenge tichizvidzwa kunoratidza kuti mudzimu waMwari uri patiri. (1 Petro 4:14) Mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuziviswa munyika yose. Kufanana nezvombo zvinovhiringidza, vanhu vaMwari vave vachikandirwa “zvipfuramabwe” zvokushorwa zvakawanda zvokufananidzira. Asi nesimba raJehovha vashumiri vake vanokunda matombo akadaro, vachiita kuti asashanda. (Zekariya 9:15) Vakazodzwa vasara neshamwari dzavo dzakavimbika havazomiswi kunamata!

17 Tinotarisira kununurwa zvakakwana pakurwiswa naDhiyabhorosi. Tinonyaradzwa nokuvimbiswa kuti ‘chero chombo chipi zvacho chichagadzirirwa kutirwisa hachizobudiriri, uye tichapa mhosva rurimi chero rupi zvarwo ruchatirwisa pakutongwa’!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichadhindwi.

^ ndima 14 Kana uchida mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 675-6, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Chii chinoratidza kuti zvombo zvaSatani hazvisi kubudirira?

• Jerusarema rokudenga richava sei ‘dombo rinorema’?

• Jehovha anoponesa sei “matende aJudha”?

• Sezvatava pedyo neAmagedhoni, une chivimbo chei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 21]

Vanhu vaJehovha vokuAlbania vakaramba vakatendeka pasinei nokurwiswa naSatani

[Mufananidzo uri papeji 23]

Jesu akaratidza kuti zvaaipomerwa dzaiva nhema

[Mifananidzo iri papeji 24]

Hapana chombo chichagadzirirwa vaya vanozivisa mashoko akanaka chichabudirira