Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ivai “Netsiye Nyoro”

Ivai “Netsiye Nyoro”

Ivai “Netsiye Nyoro”

IYE zvino vanhu vakawanda vava kuda kuitirwa tsiye nyoro zvikuru kupfuura kare sezvavari kuziya nenzara, zvirwere, urombo, utsotsi, kurwisana kwemadzinza, uye njodzi dzinongoitika dzoga. Kuva netsiye nyoro zvinoreva kuziva uchinzwira tsitsi munhu anotambura kana nhamo dzake uye kunosanganisira chido chokuderedza matambudziko acho. Sezvinongoita mushana unodziya, tsiye nyoro dzinogona kunyevenutsa munhu akaora mwoyo, kuderedza marwadzo, uye kukurudzira munhu anenge achitambura.

Tinogona kuratidza kuti tine tsiye nyoro nezvatinoita uye nemashoko edu, tichiratidza kuti tine hanya nevamwe uye kuti takagadzirira kuvabatsira pavanenge vachitida. Hatifaniri kungoitira tsiye nyoro vomumhuri yedu, shamwari kana kuti vatinozivana navo. Tinogona kubatanidzawo vanhu vatisingazivi. Mumharidzo yake yepagomo, Jesu Kristu akabvunza kuti, “Nokuti kana muchida vaya vanokudai, mune mubayiro wei?” Murume uyu aiva netsiye nyoro akatiwo: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.”—Mateu 5:46, 47; 7:12.

Unogona kuverenga mashoko aya muMagwaro Matsvene. Vakawanda vanobvuma kuti Bhaibheri ndiro rinogona kunyatsotitungamirira pakuratidza tsiye nyoro. Magwaro anogara achidzokorora kuti tinofanira kubatsira vaya vasingakwanisi kuzvibatsira pamusana pezvikonzero chero zvipi zvazvo. Bhaibheri rinoti Munyori waro noMusiki wedu, Jehovha Mwari, munhu ane tsiye nyoro zvikuru.

Somuenzaniso, tinoverenga kuti: ‘Mwari anoenzanisira nherera nechirikadzi. Anoda mubvakure achimupa zvokudya nezvokufuka.’ (Dheuteronomio 10:18, Bhaibheri Rinoera) Jehovha Mwari anonzi “anoruramisira vanobiridzirwa, Iye anopa vane nzara zvokudya.” (Pisarema 146:7) Nezvevatorwa vaiva varombo, Jehovha akati: “Mutorwa . . . ngaave somunhu womunyika yenyu; uye munofanira kumuda sezvamunozviita.”—Revhitiko 19:34.

Zvisinei, hazvisi nyore nguva dzose kuti tiratidze tsiye nyoro. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muKorose kuti: “Pfekenurai unhu hwekare nemabasa ahwo, mupfeke unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika pachishandiswa zivo yakarurama. . . . Sevanhu vaMwari vakasarudzwa, vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi.”—VaKorose 3:9, 10, 12.

Saka, zvinoda kushanda nesimba kuti uve netsiye nyoro. VaKristu vanotarisirwa kupfeka “unhu hutsva” ihwohwu. Pauro akararama munyika yeRoma yekare yaiva noutsinye. Akakurudzira vaainamata navo kuti vakurumidze kuchinja unhu hwavo kuitira kuti vanzwire vamwe tsitsi zvikuru, vave netsiye nyoro kwazvo.

Simba Rine Tsiye Nyoro

Vamwe vanhu vanoona vaya vanoitira vamwe tsiye nyoro sevanhu vasina simba uye vari nyore kudzvinyirira. Maonero iwayo akarurama here?

Chokwadi haana! Chinoita kuti munhu ave netsiye nyoro rudo rwakadzama, rwakatanga kuratidzwa naMwari, ari muenzaniso mukuru pakuratidza rudo rwakakwana. “Mwari rudo.” (1 Johani 4:16) Zvakakodzera kuti Jehovha anzi “Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.” (2 VaKorinde 1:3) Mashoko akanzi “ngoni huru kwazvo” anoreva “tsitsi, kuitira vamwe tsiye nyoro pane zvinovanetsa.” Ndosaka Jehovha “ane mutsa kune vasingaongi nevakaipa”!—Ruka 6:35.

Musiki wedu anoda kuti isuwo tiratidze unhu hwomutsa, hwakadai setsiye nyoro. Pana Mika 6:8 tinoverenga kuti: “Akakuudza kuti zvakanaka ndezvipi. Jehovha anodei kwauri kunze kwokuti ururamisire, ude mutsa?” Pana Zvirevo 19:22, tinoverenga kuti: “Chinhu chinodiwa pamunhu wepanyika ndiwo mutsa wake worudo.” Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akaratidza zvakakwana unhu hwaBaba vake, akarayirawo vateveri vake saizvozvo achiti: “Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vaine ngoni.” (Ruka 6:36) Bhaibheri rinonzi The Jerusalem Bible rinoshandura mashoko aya richiti: “Ivai netsiye nyoro saBaba venyu vane tsiye nyoro.”

Zvakanaka kuti tive netsiye nyoro sezvo dzichiita kuti tikomborerwe. Tinowanzoona kuti mashoko akanyorwa pana Zvirevo 11:17 ndeechokwadi anoti: “Munhu ane mutsa worudo anoitira mweya wake zvakanaka.” Patinoitira mumwe munhu tsiye nyoro anofanira kuitirwa izvi, Mwari anoona izvi sezviri kuitirwa Iye. Anonzwa achida kuitirawo mutsa vanamati vake vanenge vaitira vamwe tsiye nyoro. Mambo Soromoni achifuridzirwa akati: “Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha, uye Iye achamuripa zvaanoita.” (Zvirevo 19:17) Uye Pauro akanyora kuti: “Munoziva kuti chero zvakanaka zvingaitwa nomumwe nomumwe, iye achawanazve izvozvi kubva kuna Jehovha.”—VaEfeso 6:8.

Tsiye nyoro dzine simba rokuita kuti pave norugare uye dzinobatsira kugadzirisa kusawirirana. Dzinobatsira kugadzirisa kusanzwisisana, uye dzinoita kuti vanhu vakanganwirane. Dzimwe nguva tinotadza kunzwisisana nokuti tinenge tisina kukwanisa kutaura zvatinofunga kana kuti manzwiro edu sezvatingada, kana kuti vamwe vangasanzwisisa zvatinenge taita. Kana zvinhu zvadai tsiye nyoro dzinobatsira kuti pave norugare. Zviri nyore kukanganwira munhu watinoziva kuti ane tsiye nyoro. Tsiye nyoro dzinotibatsira kuita zvinowirirana nezano rakapiwa vaKristu naPauro, rokuti: “Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe.”—VaKorose 3:13.

Tsiye Nyoro—Kuratidzwa Kwetsitsi

Uyezve, tsiye nyoro dzine simba rokuita kuti munhu asanyanya kutambura. Sezvataona, dzinoita kuti unzwire tsitsi vaya vanotambura uye dzinoita kuti ucheme nevari kuchema. Tsiye nyoro dzinosanganisira kunzwira urombo vanhu vari kutambura uye kuvabatsira.

Kana vaKristu vachinzwira vamwe tsitsi, vanenge vachitevedzera Jesu. Aisambobatikana zvokutadza kubatsira vamwe nezvinhu uye kuvabatsira pakunamata. Paaiona kuti vamwe vaishayiwa, aitsvaka nzira yokuvabatsira achivanzwira tsitsi.

Chimbofunga nezvezvakaitwa naJesu paakaona mapoka evanhu vaiva nenzara yezvokunamata: “Achiona mapoka evanhu akasiririswa navo, nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Ichitaura nezveshoko rakashandurwa kuti “siririswa,” imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti rinoreva “manzwiro anoita munhu mumwoyo make.” Kutaura zvazviri, zvinonzi shoko iri rechiGiriki ndiro rinonyatsotsanangura tsiye nyoro.

Saizvozvowo, vaKristu vane tsitsi vanokurumidza kubatsira vaya vanenge vachida kubatsirwa nezvinhu uye pakunamata. Muapostora Petro akanyora kuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo.” (1 Petro 3:8) Somuenzaniso, imwe mhuri yechiKristu payaifanira kutamira kune imwe nzvimbo nemhaka youtano, vamwe vavainamata navo vokwavaitamira vakavabvumidza kugara pane imwe imba vasingabhadhari kwemwedzi mitanhatu. Murume wacho anorondedzera kuti: “Zuva nezuva vaiuya kuzoona kuti takadini, uye zvavaitaura zvaikurudzira zvakaita kuti tinzwe takasununguka.”

VaKristu vechokwadi vane hanyawo nezvinodiwa nevavasingazivi. Vanofara kushandisa nguva yavo, simba, uye zvavainazvo kushumira vanhu vavasingazivi. Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvaiva vazvipiri varondedzerwa munyaya yapfuura vakabatsira vanhu vavakanga vasingambozivi.

Saka ungano yechiKristu izere nevanhu vane tsiye nyoro uye vane mutsa. Vanhu vari muungano vanoshumira vamwe nokuti vane rudo. Nherera nechirikadzi dziri muungano dzingada kunzwirwa tsitsi newe uye kuti uratidze kuti une hanya nadzo nemhaka yematambudziko akasiyana-siyana adzingava nawo. Ungabatsira here vanhu vakadaro kuti vakwanise kurarama pasinei nourombo, vasingatarisirwi zvakanyatsonaka mune zvoutano, vasina pokugara pakanaka, kana kuti nezvimwewo zvinetso?

Chimbofunga nezveimwe mhuri iri kuGreece. Murume wacho akasitiroka. Murume uyu nomudzimai wake vakaendeswa kuchipatara chaiva kure zvikuru. Zvisinei, kamari kavaiwana mumunda wavo wemaranjisi kaiva kashoma. Ndiani aizokohwa maranjisi avo pavaiva kuchipatara? Ungano yavo ndiyo yakaita basa racho. Yakakohwa maranjisi acho ikaatengesa, zvichiita kuti mhuri iyi yaishayiwa iwane mari, uye zvivazorodze mupfungwa.

Tsiye nyoro dzinogona kuratidzwa nenzira dzakawanda. Somuenzaniso, vaKristu vane tsiye nyoro vanoziva kuti dzimwe nguva vanhu vanenge vachitambura vanonyanya kuda kushanyirwa nevanhu vanoteerera vachivanzwira tsitsi, vanovanzwira urombo, uye vanovanyaradza neMagwaro.—VaRoma 12:15.

Ivawo Pakati Pevanhu Vane Tsiye Nyoro

Ungano yevaKristu vomunyika yose inzvimbo ine rugare uye inonyaradza ine vanhu vane tsiye nyoro nomutsa. VaKristu vechokwadi vanoziva kuti tsiye nyoro dzinokwezva, asi utsinye haukwezvi. Saka, pavanenge vachiedza kutevedzera Baba vavo vokudenga, vanoedza ‘kunzwira tsitsi kwazvo’ nezviito zvinobatsira.

Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti uvewo pakati pevaKristu vanoitirana tsiye nyoro, vanodanana, vanoratidzana hanya. Vane chokwadi chokuti uchaona kuti zvakanaka uye zvinofadza kuva pakati pavo.—VaRoma 15:7.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Pauro akakurudzira vaKristu vokuKorose kuti vapfeke kunzwirana tsitsi zvikuru

[Mifananidzo iri papeji 7]

Jesu paaiona kuti vamwe vaishayiwa, aitsvaka nzira yokuvabatsira achivanzwira tsitsi