Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mirai Makasimba Muone Ruponeso rwaJehovha”

“Mirai Makasimba Muone Ruponeso rwaJehovha”

“Mirai Makasimba Muone Ruponeso rwaJehovha”

“Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu wepanyika angandiitei?”—PISAREMA 118:6.

1. Vanhu vachawirwa nezvinetso zvipi mune ramangwana?

MAZUVA ano, vanhu vari kuwirwa nezvinhu zvisati zvamboitika. Achifanotaura nezvezuva redu, Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve. Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa nokuda kwevakasarudzwa.”—Mateu 24:21, 22.

2. Chii chiri kuita kuti kutambudzika kukuru kusatanga?

2 Kunyange zvazvo vanhu vasingakwanisi kuona ngirozi, ndidzo dziri kuita kuti kutambudzika kukuru ikoko kusatanga. Pane zvaakaratidzwa naJesu, muapostora Johani akava neropafadzo yokuona kuti nei dziri kuita kuti kutambudzika uku kusatanga. Muapostora uyu akanga akwegura anorondedzera achiti: “Ndakaona ngirozi ina dzimire pamakona mana enyika, dzakabata zvakasimba mhepo ina dzenyika . . . Ndakaona imwe ngirozi ichikwira ichibva kunobuda zuva, iine chisimbiso chaMwari mupenyu; uye yakashevedzera nenzwi guru kungirozi ina . . . ‘Musakuvadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa zvisimbiso pahuma dzevaranda vaMwari wedu.’”—Zvakazarurwa 7:1-3.

3. Chii chichatanga kuitika pakutambudzika kukuru?

3 Kuiswa chisimbiso kwokupedzisira kwe“varanda vaMwari wedu” kwava kuzoguma. Ngirozi ina dzagadzirira kuregedza mhepo idzi dzinoparadza. Padzicharegedza, chii chichatanga kuitika? Imwe ngirozi inopindura mubvunzo iwoyo ichiti: “Bhabhironi guta guru richangoerekana rawisirwa pasi seizvi, uye harizombowanikizve.” (Zvakazarurwa 18:21) Pachaparadzwa mubatanidzwa wezvitendero zvose zvenhema, ngirozi dzichafara zvikuru!—Zvakazarurwa 19:1, 2.

4. Zvii zvimwezve zvichaitika mberi?

4 Marudzi ose epanyika achange abatana kuti arwise vanhu vaJehovha. Marudzi acho achabudirira here kuparadza zvachose vaKristu ava vakatendeka? Zvingaita saizvozvo. Asi tarira! Mauto okudenga anenge achitevera Jesu Kristu achava nechokwadi chokuti mauto acho evanhu aparadzwa. (Zvakazarurwa 19:19-21) Pakupedzisira, Dhiyabhorosi nengirozi dzake vachakandirwa mugomba rakadzika-dzika mavanenge vasina zvavanokwanisa kuita. Vanenge vasingachakwanisi kutsausa vanhu nokuti vanenge vakasungwa kwemakore chiuru. Boka guru revachapukunyuka richange ratura befu.—Zvakazarurwa 7:9, 10, 14; 20:1-3.

5. Chii chichafadza vaya vanoramba vakavimbika kuna Jehovha?

5 Tava kuda kuzoona zvinhu izvi zvinoshamisa uye zvinotyisa zvichiitika. Zviitiko izvi zvose zvine chokuita nokurevererwa kwekodzero yaJehovha yokutonga, uchangamire hwake pazvinhu zvose zvaakasika. Uye funga nezveizvi: Kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha uye tikamira takasimba nokuda kwouchangamire hwake, tichava nomukana wokuita kuti zita rake ritsveneswe uye zvinangwa zvake zvizadzike. Izvozvo zvichafadza zvisingatauriki!

6. Tichifunga nezvezvinhu zvava kuda kuitika, tichakurukurei?

6 Tagadzirira here zviitiko izvi zvinoshamisa? Tinotenda kuti Jehovha achatiponesa nesimba rake here? Tine chivimbo chokuti achatiyamura panguva yakakodzera uye nenzira yakanakisisa here? Patinenge tichipindura mibvunzo yakadaro, tinogona kuramba tichifunga zvakataurwa nomuapostora Pauro kuvaKristu vaainamata navo muRoma paakati: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaRoma 15:4) Nhoroondo yepanguva yakanunura Jehovha vaIsraeri kubva paudzvinyiriri hwevaIjipiti ndeimwe yakanyorerwa kuti tirayiridzwe, inotinyaradza nokutipa tariro. Kunyatsoongorora zviitiko izvozvo zvinonakidza paya Jehovha paakanunura vanakomana vaIsraeri kunofanira kutikurudzira zvikuru sezvatinotarisira kutambudzika kukuru kuchasvika munguva pfupi ichauya.

Jehovha Anonunura Vanhu Vake

7. Muna 1513 B.C.E., mamiriro ezvinhu api akaoma anova muIjipiti?

7 Igore ra1513 B.C.E. Jehovha atounza matambudziko mapfumbamwe pavaIjipiti. Pashure pokunge rechipfumbamwe raitika, Farao anokurumidza kudzinga Mosesi achimuti: “Buda muno! Chenjerera! Usaedzazve kuona chiso changu, nokuti pazuva rauchaona chiso changu uchafa.” Mosesi akabva ati: “Zvamataura ndizvozvo. Handichazoedzizve kuona chiso chenyu.”—Eksodho 10:28, 29.

8. VaIsraeri vanopiwa mirayiridzo ipi yokuti vapukunyuke, uye zvinoguma nei?

8 Iye zvino Jehovha anoudza Mosesi kuti Farao nevaIjipiti vose vachawirwazve nerimwe dambudziko, rokupedzisira. Musi wa14 womwedzi waAbhibhi (Nisani), matangwe ose evaIjipiti neemhuka dzose achafa. Asi mhuri dzevaIsraeri dzingaponeswa kana dzikatevedzera mirayiridzo yaMwari yaakapa Mosesi. Vanofanira kusasa ropa regwayana gono pamagwatidziro maviri emasuo nokurutivi rwokumusoro rwemasuo edzimba dzavo uye vanofanira kugara mumba. Chii chinoitika usiku ihwohwo? Mosesi anorondedzera achiti: “Pakati pousiku Jehovha akarova matangwe ose aiva munyika yeIjipiti.” Farao anobva angoshevedza Mosesi naAroni ovaudza kuti: “Simukai mubve pakati pevanhu vangu, . . . muende, mushumire Jehovha, sezvamakataura.” Uye vaIsraeri vanoenda, vanenge mamiriyoni matatu ‘neboka guru revakanga vasiri vaIsraeri vakavhengana’ vasingazivikanwi kuti vangani.—Eksodho 12:1-7, 29, 31, 37, 38.

9. Mwari anobudisa vaIsraeri muIjipiti nenzira ipi, uye nei achisarudza nzira iyoyo?

9 Nzira yokudimbudzira ingashandiswa nevaIsraeri ndeyokuenda nomuGungwa reMediterranean vachipfuura nomunyika yevaFiristiya. Asi nzvimbo iyi inogara vavengi. Saka kuti vanhu vake vasarwiswa, Jehovha anovatungamirira nenzira yokurenje yokuGungwa Dzvuku. Kunyange zvazvo ari mamiriyoni evanhu ari kufamba, iboka rakarongeka. Nhoroondo yeBhaibheri inoti: “Vanakomana vaIsraeri vakabuda munyika yeIjipiti vakagadzirira kurwa.”—Eksodho 13:17, 18.

‘Onai Kuponesa Kunoita Jehovha’

10. Nei Mwari achiudza vaIsraeri kuti vadzike misasa paPihahiroti?

10 Zvadaro, zvinhu zvinochinja zvinoshamisa. Jehovha anoudza Mosesi kuti: “Taura nevanakomana vaIsraeri, kuti vadzoke, vadzike musasa pamberi pePihahiroti pakati peMigdhori negungwa pakatarisana neBhaari-zefoni.” Pavanotevedzera mirayiridzo iyi, vanhu vazhinji ava vanozviwana vari parumananzombe pakati pemakomo nomuromo weGungwa Dzvuku. Zvinoita sokuti hapana kwokutiza nakwo. Asi Jehovha anoziva zvaari kuita. Anoudza Mosesi kuti: “Ndicharega mwoyo waFarao uchioma, iye achavatevera uye ndichakudzwa nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ose ehondo; uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.”—Eksodho 14:1-4.

11. (a) Chii chinoitwa naFarao, uye vaIsraeri vanoitei? (b) Mosesi anopindura sei kunyunyuta kunoita vaIsraeri?

11 Farao, achiona sokuti akanganisa kurega vaIsraeri vachibuda muIjipiti, anovadzingirira aine ngoro dzehondo 600 dzaanosarudza. Uto reIjipiti parinenge rava kubudikira, vaIsraeri vanotya uye vanochemera Mosesi vachiti: “Makatisvitsa kuno kuti tifire murenje nokuti muIjipiti hamuna kana makuva here?” Aine chivimbo chokuti Jehovha achavaponesa, Mosesi anopindura kuti: “Musatya henyu. Mirai makasimba muone ruponeso rwaJehovha, rwaachakuitirai nhasi. . . . Jehovha achakurwirai, uye imi muchange makanyarara henyu.”—Eksodho 14:5-14.

12. Jehovha anonunura sei vanhu vake?

12 Maererano nemashoko aMosesi okuti Jehovha pachake acharwira vaIsraeri, ngirozi dzinobva dzapindira. Ngirozi yaJehovha inoita chishamiso chokudzosa shure kwavo shongwe yegore yave ichitungamirira musasa wevaIsraeri. Shongwe iyoyo inoita kuti vaIsraeri vave nechiedza asi ichiita kuti vaIjipiti vave murima. (Eksodho 13:21, 22; 14:19, 20) Iye zvino Mosesi anotambanudza ruoko rwake, sezvaanorayirwa naMwari. Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Jehovha akatanga kudzorera shure gungwa achishandisa mhepo yokumabvazuva ine simba usiku hwose . . . Kwapera nguva yakati, vanakomana vaIsraeri vakapfuura nepakati pegungwa panyika yakaoma, mvura payakanga yakaita madziro kwavari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe kwavo.” VaIjipiti vanotangazve kuvadzingirira, asi Jehovha ari kutsigira vanhu vake. Anovhiringidza musasa wevaIjipiti, obva audza Mosesi kuti: “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa, kuti mvura idzokere pamusoro pevaIjipiti, pangoro dzavo dzehondo nevarwi vavo vanotasva mabhiza.” Mauto aFarao anoparadzwa zvokuti hapana kana murwi mumwe chete anosara ari mupenyu!—Eksodho 14:21-28; Pisarema 136:15.

Dzidza Pakuponeswa Kwakaitwa vaIsraeri

13. Vanakomana vaIsraeri vakaita sei pavakanunurwa?

13 Kuponeswa kunoshamisa uku kwakaita kuti vakapukunyuka vanzwe sei? Chokwadi, Mosesi nevanakomana vaIsraeri vakabva vangotanga kuimba rwiyo, vachirumbidza Jehovha! Vakaimba kuti: “Regai ndiimbire Jehovha, nokuti akwidziridzwa kwazvo. . . . Jehovha achava mambo nokusingagumi kunyange nokusingaperi.” (Eksodho 15:1, 18) Chokwadi, pfungwa yavakatanga kuva nayo ndeyokukudza Mwari. Jehovha akanga aratidza kuti ndichangamire.

14. (a) Tingadzidzei nezvaJehovha kubva pane zvakaitika kuvaIsraeri? (b) Rugwaro rwegore rwa2008 runotii?

14 Zviitiko izvozvo zvinotirayiridza, zvinotinyaradza uye zvinotipa tariro yei? Zvechokwadi tinogona kuona kuti Jehovha anokwanisa kubatsira vanhu vake pamiedzo chero ipi zvayo yavanofanira kutarisana nayo. Anokwanisa kugadzirisa mamiriro ezvinhu chero api zvawo avangatarisana nawo. Gungwa Dzvuku harina kutadzisa vaIsraeri kuyambuka apo Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute. Uye akakwanisa kuita kuti Gungwa Dzvuku iroro rive guva remauto aFarao. Tichifunga nezveizvi, tinogona kudzokorora mashoko omunyori wepisarema uyo akati: “Jehovha ari kurutivi rwangu; handizotyi. Munhu wepanyika angandiitei?” (Pisarema 118:6) Tinogonawo kunyaradzwa nemashoko aPauro ari pana VaRoma 8:31, anoti: “Kana Mwari ari kwatiri, ndiani achatirwisa?” Chokwadi mashoko aya akafuridzirwa anotipa chivimbo! Anoita kuti tisatya kana kusava nechokwadi uye anoita kuti tive netariro. Saka zvakakodzera kuti rugwaro rwedu rwegore rwa2008, ruti: “Mirai makasimba muone ruponeso rwaJehovha”!—Eksodho 14:13.

15. Kuteerera kwaikosha zvakadini pakununurwa kwevaIsraeri muIjipiti, uye kunokosha zvakadini mazuva ano?

15 Chiizve chimwe chatingadzidza pakubudiswa kwakaitwa vaIsraeri muIjipiti? Kuti tinofanira kuteerera Jehovha pasinei nezvaanotikumbira kuti tiite. VaIsraeri vakateerera pavakagadzirira Paseka sezvavakanga varayirwa chaizvo. Vakanyatsoteerera uye vakagara mumba usiku hwaNisani 14. Pavakazobuda muIjipiti, vaifanira kuenda “vakagadzirira kurwa.” (Eksodho 13:18) Mazuva ano, zvinokosha zvikuru kuti titevedzere zvatinoudzwa no“muranda akatendeka, akangwara”! (Mateu 24:45) Tinofanira kunyatsoteerera shoko raMwari riri shure kwedu, rinoti: “‘Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo,’ kana muchida kutsaukira kurudyi kana kuti muchida kutsaukira kuruboshwe.” (Isaya 30:21) Zvatinoswedera pedyo nokutanga kwokutambudzika kukuru, tingaudzwa mimwe mirayiridzo. Rwendo rwedu rwokupfuura nomumazuva ano anotambudza ruchabudirira kana tikaramba tichifambirana nevamwe vashumiri vaJehovha vakavimbika.

16. Tingadzidzei panzira iyo Jehovha akagadzirisa nayo zvinhu paakanunura vaIsraeri?

16 Yeukawo kuti Jehovha akaita kuti vaIsraeri vachinje nzira zvichiita sokuti vakanga vava panyanga dzamushore pakati pemakomo neGungwa Dzvuku. Zvaiita sokuti vakanga vaigochera pautsi. Asi Jehovha aiziva zvaaiita, uye zvose zvakaitika zvakaita kuti arumbidzwe uye vanhu vake vaponeswe. Mazuva ano, tingasajekerwa kuti nei zvimwe zvinhu zvesangano zvichitarisirwa saizvozvo, asi chokwadi tinogona kuvimba nokutungamirira kunoita Jehovha achishandisa muranda wake akatendeka kuti ataure. Dzimwe nguva vavengi vedu vangaita sevari kutikunda. Nemaonero edu asina kukwana, tingasanzwisisa kuti nei zvakadaro. Kunyange zvakadaro, Jehovha anokwanisa kugadzirisa zvinhu panguva yakakodzera, sezvaakaita kare kuvanakomana vaIsraeri.—Zvirevo 3:5.

Vimba naJehovha

17. Nei tingava nechivimbo chakakwana chokuti Mwari achatitungamirira?

17 Chimbofungidzira chivimbo chaiva nevaIsraeri pavaifunga nezveshongwe iya yegore yaivatungamirira masikati uye shongwe yomoto yaivatungamirira usiku. Zvaiva pachena kuti “ngirozi yaMwari wechokwadi” yakanga ichivatungamirira parwendo rwavo. (Eksodho 13:21, 22; 14:19) Mazuva ano, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anotungamirira vanhu vake, anovadzivirira, uye anovanunura. Tinovimba nemwoyo wose nemashoko aya anoti: “[Jehovha] haazosiyi vakavimbika vake. Vachachengetedzwa nokusingagumi.” (Pisarema 37:28) Ngatisambokanganwa kuti ngirozi dzine simba idzodzo dziri kutsigira vanhu vaMwari mazuva ano. Tichibatsirwa nadzo, tinogona ‘kumira takasimba toona kuponesa kunoita Jehovha.’—Eksodho 14:13.

18. Nei tichifanira ‘kushonga nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari’?

18 Chii chichaita kuti tose zvedu ‘timire takasimba’ munzira yechokwadi? Kupfeka nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo dzokunamata dzakarondedzerwa naPauro mutsamba yake kuVaEfeso. Ona kuti muapostora wacho anotirayira kuti ‘tishonge nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari.’ Takapfeka nhumbi dzose idzi here? Gore rinouya, zvakanaka kuti munhu mumwe nomumwe azviongorore kuti ave nechokwadi chokuti akapfeka nhumbi dzokuzvidzivirira nadzo uye kuti dzinomukwana zvakanaka. Muvengi wedu, Satani Dhiyabhorosi, anoziva zvatisingakwanisi, uye anoedza kutibata takarivara kana kuti kutirwisa pasina kusimba. ‘Tinorwa’ nemidzimu yakaipa. Asi nesimba raJehovha, tinogona kubudirira kuramba takatendeka!—VaEfeso 6:11-18; Zvirevo 27:11.

19. Kana tikatsungirira, tingava neropafadzo yei?

19 Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.” (Ruka 21:19) Ngativei vamwe vevaya vanotsungirira nokutendeka matambudziko chero api zvawo atingatarisana nawo tova neropafadzo yatinopiwa naMwari nomutsa wake usina kukodzera kuwanwa yoku‘mira takasimba kuti tione ruponeso rwaJehovha.’

Ungapindura Sei?

• Zvinhu zvipi zvichaitika munguva pfupi iri kutevera?

• Jehovha akaratidza sei kuti ane simba rokuponesa muna 1513 B.C.E.?

• Wakatsunga kuitei mune ramangwana?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 20]

Rugwaro rwegore ra2008 ruchange ruchiti: “Mirai makasimba muone ruponeso rwaJehovha.”—Eksodho 14:13.

[Mufananidzo uri papeji 17]

“Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kuoma mwoyo kwaFarao kwakaunza njodzi pavaIjipiti

[Mufananidzo uri papeji 19]

VaIsraeri vakapukunyuka pavakaita zvose zvakanga zvarayirwa naJehovha