Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMaraki

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMaraki

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMaraki

TEMBERI yokuJerusarema yakavakwazve uye yava nemakore 70 yapera. Zvisinei, nokufamba kwaita nguva, vaJudha havasisiri kunamata zvakanaka. Kunyange vapristi vava nouori. Ndiani achaita kuti vazive mamiriro avo ezvinhu oedza kuvabatsira kuti vaswedere pedyo naMwari? Jehovha anotuma muprofita Maraki kuti aite basa iroro.

Bhuku rokupedzisira reMagwaro echiHebheru rakanyorwa naMaraki achishandisa mashoko akasimba, uye rine uprofita hunobva kuna Mwari. Kuteerera shoko rouprofita raMaraki kungatibatsira kugadzirira “zuva guru nerinotyisa raJehovha,” pachaguma mamiriro ezvinhu epanguva ino.—Maraki 4:5.

VAPRISTI VA“KAGUMBURA VAZHINJI”

(Maraki 1:1–2:17)

Jehovha anotaura manzwiro aanoita nezvevaIsraeri achiti: “Ndakakudai.” Asi vapristi vakazvidza zita raMwari. Vakarizvidza sei? “Nokupa chingwa chakasvibiswa paatari ya[ke]” uye nokupa “mhuka yakaremara kana kuti inorwara” kuti ibayirwe.—Maraki 1:2, 6-8.

Vapristi va“kagumbura vazhinji mumutemo.” Vanhu vacho vano“nyengerana.” Vamwe vakaroora madzimai asiri vaJudha. Vamwe vakanyengera ‘madzimai ouduku hwavo.’—Maraki 2:8, 10, 11, 14-16.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

2:2—Jehovha ‘akatuka sei zvikomborero’ zvevapristi vakanga vatsauka? Mwari akaita izvi mupfungwa yokuti vapristi vakadaro pavaikumbira zvikomborero, iye aivatuka.

2:3—Ku“zora ndove” pazviso zvevapristi kwairevei? Maererano noMutemo, ndove yemhuka yaibayirwa yaifanira kubudiswa kunze kwomusasa yopiswa. (Revhitiko 16:27) Kuzora ndove pazviso zvevapristi kwaireva kuti Jehovha aramba zvibayiro zvacho uye kuti vaya vaizvipa vaimunyangadza.

2:13—Atari yaJehovha yakanga yafukidzwa nemisodzi yaani? Iyi yaiva misodzi yemadzimai aiuya kunzvimbo tsvene yetemberi uye aidurura mwoyo yawo kuna Jehovha. Chii chakanga chaita kuti ashungurudzike zvakadaro? Varume vavo vechiJudha vakanga vavaramba zvisiri pamutemo uye vavasiya, zvimwe vachiitira kuti varoore vamwe vakadzi vechiduku vasiri vaJudha.

Zvatinodzidza:

1:10. Jehovha akanga asingafariri zvibayiro zvevapristi vaikara, vaichaja mari yemabasa asina kuoma akadai sokuvhara masuo kana kuti kuvesa moto wepaatari. Zvinokosha zvikuru kuti mabasa atinoita pakunamata, anosanganisira ushumiri hwechiKristu, tiaite nokuti tinoda Mwari nomuvakidzani wedu zvisina udyire, tisingambozviitiri kuti tiwane mari!—Mateu 22:37-39; 2 VaKorinde 11:7.

1:14; 2:17. Jehovha haashiviriri unyengeri.

2:7-9. Vaya vanopiwa mukana wokudzidzisa muungano vanofanira kuva nechokwadi chokuti zvavanodzidzisa zvinoenderana neShoko raMwari, Magwaro Matsvene, uye nemabhuku eBhaibheri o“mutariri akatendeka.”—Ruka 12:42; Jakobho 3:11.

2:10, 11. Jehovha anotarisira kuti vashumiri vake vakoshese zano rokuroora “munaShe chete.”—1 VaKorinde 7:39.

2:15, 16. Vanonamata zvechokwadi vanofanira kukudza sungano yomuchato wavakaita nomudzimai wouduku hwavo.

‘ISHE WECHOKWADI ACHAUYA KUTEMBERI YAKE’

(Maraki 3:1–4:6)

“Ishe wechokwadi [Jehovha Mwari] achangoerekana auya kutemberi yake” aine “nhume yesungano [Jesu Kristu].” Mwari ‘achaswedera pedyo nevanhu vake kuti avatonge’ ova chapupu chinokurumidza chinorwisana nevose vanoita zvakaipa. Uyezve, “bhuku rokuyeuchidza” rinofanira kunyorwa nokuda kwevaya vanotya Jehovha.—Maraki 3:1, 3, 5, 16.

Zuva “rinopisa sezvinoita vira romoto” richauya roparadza vakaipa vose. Zuva iroro risati rauya, muprofita achatumwa kuti ‘adzose mwoyo yavanababa kuvanakomana, uye mwoyo yevanakomana kuna vanababa.’—Maraki 4:1, 5, 6.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:1-3—“Ishe wechokwadi” ne“nhume yesungano” vakauya kutemberi rini, uye ndiani akatumwa pamberi pavo? Jehovha akauya kutemberi yake ndokuichenesa musi waNisani 10, 33 C.E., achishandisa munhu aimumiririra. Ndipo pakapinda Jesu mutemberi akadzinga vaya vaitenga nokutengesa. (Mako 11:15) Izvi zvakaitika papera makore matatu nehafu Jesu azodzwa kuva Mambo Akasarudzwa. Naizvozvo zvinoita sokuti ava nemakore matatu nehafu agadzwa pachigaro saMambo kudenga, Jesu akaenda naJehovha kutemberi yomudzimu ndokuwana kuti vanhu vaMwari vaida kucheneswa. Muzana remakore rokutanga, Johani Mubhabhatidzi akatumwa kuti anobatsira vaJudha kuti vagadzirire kuuya kwaJesu Kristu. Mazuva ano, nhume yakafanotumwa kuti igadzirire nzira yokuuya kwaJehovha kutemberi yake yezvokunamata. Kare kuma1880, boka revadzidzi veBhaibheri rakatanga kuita basa rokudzidzisa chokwadi cheBhaibheri kuvanhu vaichida nomwoyo wose.

3:10—Kuuya “nezvegumi zvose” kana kuti kupa chegumi, kunomiririra zvose zvatinopa Jehovha here? Mutemo waMosesi wakabviswa nemhaka yechibayiro chorufu rwaJesu, naizvozvo hatisungirwi kupa chegumi chemari kuti tinamate Mwari. Asi kupa chegumi kune zvakunofananidzira. (VaEfeso 2:15) Hakumiririri kupa zvose zvatinazvo. Kunyange zvazvo chegumi chaipiwa gore negore, tinopa zvose zvatinazvo kuna Jehovha kamwe chete bedzi, patinoratidza kuzvitsaurira kwedu nokubhabhatidzwa mumvura. Kubvira panguva iyoyo, zvose zvatinenge tiinazvo zvinova zvaJehovha. Kunyange zvakadaro, anotibvumira kusarudza chegumi chokufananidzira pane zvatinazvo, kuti tishandise mubasa rake. Chegumi chinhu chero chipi zvacho chatinokwanisa kuita uye chatinoshandisa zvichibva pamwoyo. Zvinopiwa zvatinounza kuna Jehovha zvinosanganisira nguva, simba, uye zvinhu zvatinoshandisa mubasa rokuparidza Umambo nokudzidzisa vanhu. Zvinosanganisirawo kupinda misangano yechiKristu, kushanyira vatinonamata navo vanorwara nevakwegura, uye kutsigira kunamata kwechokwadi nemari.

4:3—Vanonamata Jehovha va“chatsika-tsika vakaipa” sei? Vanhu vaMwari vari pasi pano ‘havazotsiki-tsiki vakaipa’ chaizvoizvo, kureva kuti havazobatanidzwi pakuvatonga. Asi izvi zvinoreva kuti vashumiri vaJehovha vari pasi pano vachazviita nenzira yokufananidzira nokupemberera nomwoyo wose kukunda kuchauya kana nyika yaSatani yaguma.—Pisarema 145:20; Zvakazarurwa 20:1-3.

4:4—Nei tichifanira ‘kuyeuka mutemo waMosesi’? VaKristu havasungirwi kutevedzera Mutemo iwoyo, asi wakava ‘mumvuri wezvinhu zvakanaka zvaizouya.’ (VaHebheru 10:1) Saka kuteerera Mutemo waMosesi kungatibatsira kuona kuti zvinhu zvakanyorwa mauri zvinozadzika sei. (Ruka 24:44, 45) Uyezve, Mutemo une “mifananidzo chaiyo yezvinhu zviri kumatenga.” Kuudzidza kunokosha kuti tizonzwisisa dzidziso nomufambiro zvechiKristu.—VaHebheru 9:23.

4:5, 6—“Muprofita Eriya” anomiririra ani? Zvakafanotaurwa kuti “Eriya” aizoita basa rokuyananisa, rokugadzirira mwoyo yevanhu. Muzana remakore rokutanga C.E., Jesu Kristu akati Johani Mubhabhatidzi ndiye aiva “Eriya.” (Mateu 11:12-14; Mako 9:11-13) Mumwe wake wemazuva ano anotumwa “zuva guru nerinotyisa raJehovha risati rasvika.” Mazuva ano Eriya anomiririra “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45) Boka iri revaKristu vakazodzwa rave richishanda nesimba kuti ribatsire vanhu kuti vayanane naMwari.

Zvatinodzidza:

3:10. Kana tikakundikana kupa Jehovha zvakanakisisa zvatinazvo, tinenge tichizvitadzisa kukomborerwa naye.

3:14, 15. Nemhaka yomuenzaniso usina kunaka wevapristi, vaJudha vakatanga kuona basa raMwari serisingakoshi. Vaya vane mabasa avanotarisira muungano yechiKristu vanofanira kuratidza muenzaniso wakanaka.—1 Petro 5:1-3.

3:16. Jehovha anoyeuka vaya vanomutya uye vakatendeka kwaari. Anovayeuka uye achavachengetedza paachagumisa nyika yakaipa yaSatani. Naizvozvo, ngatisamboneta pakutsunga kwedu kuramba takavimbika kuna Mwari.—Jobho 27:5.

4:1. Pazuva rokuzvidavirira kuna Jehovha, “davi” uye “mudzi” zvichaitirwa zvakafanana, kureva kuti vana vaduku vachatongwa zvakafanana nevabereki vavo. Izvi zvinoratidza kuti vabereki vanofanira kuita zvakanaka kuitira vana vavo vaduku! Vanababa navanaamai vechiKristu vanofanira kushanda nesimba kuti vafarirwe naMwari uye varambe vaine ukama hwakanaka naye.—1 VaKorinde 7:14.

“Itya Mwari Wechokwadi”

Ndiani achaponeswa pa“zuva guru nerinotyisa raJehovha”? (Maraki 4:5) “Imi munotya zita rangu,” anodaro Jehovha, “muchapenyerwa nezuva rokururama, rine kuporesa mumapapiro aro; uye muchabuda, mopembera sezvinoita mhuru dzakakodzwa.”—Maraki 4:2.

“Zuva rokururama,” Jesu Kristu, anopenyera vaya vanotya zita raMwari, uye vanofarirwa naye. (Johani 8:12) Uyewo rine “kuporesa mumapapiro aro,” kureva kuporeswa pakunamata iye zvino uye kuporeswa zvakakwana munyama nomupfungwa munyika itsva yaMwari. (Zvakazarurwa 22:1, 2) Vachifara, vanoita sezvinoita “mhuru dzakakodzwa.” Tichifunga nezvezvikomborero zvakatimirira, ngatiteererei zano raMambo Soromoni rokuti: “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.”—Muparidzi 12:13.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Muprofita Maraki, mushumiri waMwari aishingaira uye akanga akazvipira

[Mufananidzo uri papeji 29]

Zvatinodzidzisa zvinofanira kuenderana nezviri muBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 29]

Vashumiri vaJehovha vanokudza sungano yavo yokuroorana