Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Una Chipangamazano Pakunamata Here?

Una Chipangamazano Pakunamata Here?

Una Chipangamazano Pakunamata Here?

PAAIVA mukomana muduku ane makore 16, Uziya akava mambo woumambo hwaJudha hwokumaodzanyemba. Akatonga kwemakore anopfuura 50, kubvira pakupera kwezana remakore rechipfumbamwe kusvikira pakutanga kwezana remakore rechisere B.C.E. Kubvira achiri muduku, Uziya “akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha.” Chii chakamubatsira kuti aite zvakarurama? Nhoroondo yacho inoti: “[Uziya] akaramba achida kutsvaka Mwari mumazuva aZekariya, murayiridzi aidzidzisa kutya Mwari wechokwadi; uye mumazuva okutsvaka kwake Jehovha, Mwari wechokwadi akaita kuti abudirire.”—2 Makoronike 26:1, 4, 5.

Hapana zvakawanda zvinozivikanwa nezvaZekariya, aiva chipangamazano wamambo, kunze kwenyaya iyi iri muBhaibheri. Asi zvaaiva “murayiridzi aidzidzisa kutya Mwari wechokwadi,” Zekariya akabatsira chaizvo mutongi muduku uyu kuti aite zvakarurama. Bhuku rinonzi The Expositor’s Bible rinoti zviri pachena kuti Zekariya aiva “munhu ainyatsoziva zvinyorwa zvitsvene, aiva noruzivo rwakakura rwezvokunamata, uye aikwanisa kuudza vamwe zvaaiziva.” Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati nezvaZekariya: “Ainyatsoziva uprofita uye . . . aiva murume akangwara, akazvipira, akanaka; uye zvinoita sokuti akabatsira Uziya chaizvo.”

Kutendeka kwaUziya kwakaita kuti akomborerwe zvikuru, uye “akaratidza simba zvinoshamisa” nokuti “Mwari wechokwadi akaramba achimubatsira.” Chokwadi, kuti abudirire pane zvokunyama aizofanira kutanga abudirira mune zvokunamata “mumazuva aZekariya.” (2 Makoronike 26:6-8) Zvisinei, Uziya abudirira, akasiya dzidziso dzaZekariya aiva chipangamazano wake. “Mwoyo wa[Uziya] wakazvikudza kusvikira pakuita zvakashata, zvokuti akava asina kutendeka pamberi paJehovha.” Pashure pokunge aita zvimwe zvairatidza kusaremekedza, akabatwa nechirwere cheganda chinosemesa, chakamutadzisa kuita zvose zvaifanira kuitwa namambo.—2 Makoronike 26:16-21.

Iwe une munhu waungati ndiye murayiridzi wako, kana kuti chipangamazano anokubatsira “kutsvaka Mwari” here? Unogona kuva naye pasinei nokuti uri muduku kana kuti wayaruka, pasinei nokuti uri munhurume kana munhukadzi. Koshesa chipangamazano akadaro, nokuti zano rake ringakubatsira kuramba uchiita zvakarurama mumaziso aJehovha. Teerera zvinotaurwa nomuKristu uyu ava noruzivo, uye fungisisa zano raanokupa. Usamborega kuteerera mashoko okuchenjera ‘omurayiridzi akadaro anodzidzisa kutya Mwari wechokwadi.’—Zvirevo 1:5; 12:15; 19:20.