Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Wakanakidzwa nokuverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi here? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Nei “Testamende Yekare” ichikosha zvikuru?

Munyori wayo haasi mwari ane utsinye, asi ndiMwari ane rudo anonzi Jehovha. Jesu nevateveri vake vakaramba vachitaura zviri muMagwaro echiHebheru. Ane mazano anobatsira muupenyu hwezuva nezuva uye anopa tariro yakanaka zvikuru nokuda kweramangwana.—9/1, mapeji 4-7.

• Kurega nguva yakareba ichipfuura kubvira pakatadza Adhamu naEvha kwakabatsirei?

Muzviuru zvemakore zvapfuura, zvakaoneka kuti Satani murevi wenhema nokuti Adhamu naEvha nemamiriyoni evana vavo vakafa. Kufamba kwenguva kwaratidza kuti vanhu havagoni kuzvimiririra pasina Mwari uye kuti havana kodzero kana njere dzokutungamirira nhano dzavo.—9/15, mapeji 6-7.

• Nei Jakobho asina kushorwa paakazviita Isau?

Jakobho aiva nekodzero yokukomborerwa nababa vake nokuti akanga atenga udangwe kuna Isau. Paakaona kuti akanga akomborera Jakobho, Isaka haana kuzvichinja. Zviri pachena kuti Mwari, uyo angadai akapindira, aida kuti Jakobho akomborerwe.—10/1, peji 31.

• Hana yedu inoratidza sei kuti vanhu havana kushanduka-shanduka?

Mumadzinza ose netsika, vanhu vave vachida kubatsira vamwe, kunyange kuita saizvozvo kuchivapinza mungozi. Vanhu vaisazova nepfungwa dzokuda vamwe idzi kudai vaiva mhuka dzinongorarama dziine mafungiro okuti wafa wafa.—10/15, peji 20.

• Nei tingati Mwari anozvininipisa, uye anoratidza unhu uhwu munzira ipi?

Zvaari Changamire noMusiki wedu, Mwari anokwanisa kuita zvose kusiyana nesu. Asi, maererano na2 Samueri 22:36, Mwari anozvininipisa pakuti ane hanya nevanhu vakaderera vanoedza kumufadza, achivanzwira tsitsi. Zvinoita sokuti anozvideredza kuti aratidze mutsa vanhu vanotya Mwari.—11/1, mapeji 4-5.

• Zvaenga zvekare zvinopupurira sei zvakanyorwa muBhaibheri?

Vanochera matongo vakawana zvimedu zvehari muSamariya zvaiva nemazita emadzinza manomwe akanyorwa pana Joshua 17:1-6. Zvimedu zvakawanika kuArad zvinopupurira mashoko anotaura nezvemhuri dzevapristi uye zvinosanganisira zita raMwari. Zvaenga zvokuRakishi zvinotsanangura mamiriro ezvinhu ezvematongerwo enyika uye pfumvu yakaitika muJudha pavakanga vasati varwiswa nevaBhabhironi.—11/15, mapeji 12-14.

• Chii chinoita kuti tigumise kuti Ruka ndiye akanyora bhuku reMabasa?

Evhangeri yaRuka neMabasa Evaapostora zvakanyorerwa Tiyofiro, kuratidza kuti Ruka ndiye akaanyora. Kushandiswa kwezvisazitasingwi zvokuti “isu,” “zvedu,” uye “ti-” kunoratidza kuti Ruka akabatanidzwawo mune zvimwe zviitiko zvacho. (Mabasa 16:8-15)—11/15, peji 18.

• MuKristu anofanira kuona sei kuvhima nokuredza hove?

Kubvira mumazuva aNoa, Mwari akabvumira vanhu kuti vauraye uye vadye mhuka. Kunyange zvakadaro, mutemo wokubudisa ropa radzo unoratidza kuti upenyu hwemhuka hunofanira kuremekedzwa sezvo huchibva kuna Mwari. VaKristu havafaniri kuita mitambo yokuuraya mhuka kana kuti kuvhima uye kuuraya mhuka zvokungonakidzwa. Zvinokosha kuteerera mitemo yaKesari uye kuva nehanya nehana dzevamwe. (VaRoma 14:13)—12/1, peji 31.