Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakagadzirira Zuva raJehovha Here?

Wakagadzirira Zuva raJehovha Here?

Wakagadzirira Zuva raJehovha Here?

“Zuva guru raJehovha rava pedyo. Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.”—ZEFANIYA 1:14.

1-3. (a) Bhaibheri rinotii nezvezuva raJehovha? (b) I“zuva raJehovha” ripi ratakatarisana naro?

ZUVA guru raJehovha harina kureba maawa 24. Inguva refu ichatongwa vanhu vakaipa naMwari. Vasingashumiri Mwari vane chikonzero chokutya zuva iroro rerima, rokutsamwa kukuru rokushatirwa kukuru, zuva rokutambudzika nerokuparadzwa. (Isaya 13:9; Amosi 5:18-20; Zefaniya 1:15) Uprofita hwaJoeri hunoti: “Maiwe zuva riya kani; nokuti zuva raJehovha rava pedyo, uye richauya sezvinoita kuparadza kunobva kune Wemasimbaose!” (Joeri 1:15) Zvisinei, pazuva guru iroro Mwari achava Muponesi wevaya vane “mwoyo yakarurama.”—Pisarema 7:10.

2 Mashoko okuti “zuva raJehovha” anoreva kutonga kunoitwa naMwari panguva dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, “zuva raJehovha” rakauya paakashandisa vaBhabhironi kuranga vaigara muJerusarema muna 607 B.C.E. (Zefaniya 1:4-7) Kutonga kwakafanana kwakaitika muna 70 C.E. paya Mwari paakashandisa vaRoma kutonga rudzi rwevaJudha rwakanga rwaramba Mwanakomana wake. (Dhanieri 9:24-27; Johani 19:15) Bhaibheri rinofanotaurawo nezve“zuva raJehovha” ‘paacharwa nemarudzi ose.’ (Zekariya 14:1-3) Afuridzirwa, muapostora Pauro akabatanidza zuva iroro nokuvapo kwaKristu kwakatanga nokugadzwa kwaJesu saMambo wokudenga muna 1914. (2 VaTesaronika 2:1, 2) Sezvo zuva raJehovha raswedera pedyo, rugwaro rwegore rweZvapupu zvaJehovha rwa2007 rwakanga rwakakodzera zvikuru. Rwakatorwa pana Zefaniya 1:14 panoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo.”

3 Sezvo zuva guru raMwari rava pedyo, yava nguva yokuti ugadzirire. Ungagadzirira sei zuva iroro? Pane zvimwe zvaungaita here kuti ugadzirire zuva raJehovha?

Iva Akagadzirira

4. Jesu akanga azvigadzirira muedzo mukuru upi?

4 Muuprofita hwake hune chokuita nokuguma kwenyika, Jesu Kristu akaudza vadzidzi vake kuti: “Ivai vakagadzirira.” (Mateu 24:44) Jesu paakataura mashoko iwayo iye pachake akanga agadzirira muedzo mukuru—rufu rwake sechibayiro chorudzikunuro. (Mateu 20:28) Tingadzidzei munzira iyo Jesu akanga azvigadzirira nayo?

5, 6. (a) Kuda Mwari nomuvakidzani kunotibatsira sei kugadzirira zuva raJehovha? (b) Jesu akatisiyira muenzaniso wei panyaya yokuda muvakidzani?

5 Jesu aida Jehovha uye mitemo yake yakarurama nomwoyo wake wose. NezvaJesu, VaHebheru 1:9 inoti: “Iwe wakada kururama, ukavenga kusateerera mutemo. Ndokusaka Mwari, iye Mwari wako, akakuzodza nemafuta okupembera nomufaro kupfuura vamwe vako.” Nokuti aida Baba vake vokudenga, Jesu akaramba akavimbika kwavari. Kana tichida Mwari saizvozvowo uye tichirarama maererano nemitemo yake, achatichengetedza. (Pisarema 31:23) Kuda kwatinoita Jehovha nokumuteerera kuchatibatsira kuti tigadzirire zuva guru rake.

6 Zvainyatsooneka kuti Jesu aida vanhu. Zvechokwadi, “akasiririswa navo, nokuti vaibatwa zvisina kunaka uye vakanga vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.” (Mateu 9:36) Saka Jesu aiparidza mashoko akanaka kune vanhu, sokukurudzirwa kwatinoitwa norudo kuzivisa mashoko oUmambo kuvavakidzani vedu. Kuda Mwari nomuvakidzani wedu kunoita kuti tishingaire sevashumiri vechiKristu uye kunotibatsira kugadzirira zuva guru raJehovha.—Mateu 22:37-39.

7. Sezvatinomirira zuva raJehovha, nei tichigona kufara?

7 Jesu aifarira kuita kuda kwaJehovha. (Pisarema 40:8) Kana tiine mafungiro akafanana, tichafara kuitira Mwari basa dzvene. SaJesu, tichapa nomwoyo wose, uye izvi zvichaita kuti tinyatsofara. (Mabasa 20:35) Chokwadi, “mufaro waJehovha ndiyo nhare” yedu. Tiine mufaro uyu tichakwanisa kugadzirira zviri nani zuva guru raMwari.—Nehemiya 8:10.

8. Nei tichifanira kunyengetera kuti tiswedere pedyo naJehovha?

8 Kunyengetera nomwoyo wose kuna Mwari kwakabatsira Jesu kuti agadzirire miedzo yokutenda. Ainyengetera paaibhabhatidzwa naJohani uye akanyengetera usiku hwose paakasarudza vaapostora vake. (Ruka 6:12-16) Uye ndiani anoverenga Bhaibheri asinganakidzwi nokunyengetera nomwoyo wose kwakaitwa naJesu pausiku hwokupedzisira ari pasi pano? (Mako 14:32-42; Johani 17:1-26) Unonyengetera sezvaiita Jesu here? Gara uchinyengetera kuna Jehovha, tora nguva yakawanda uchinyengetera, tungamirirwa nomudzimu mutsvene, uye kurumidza kubvuma kutungamirirwa nawo. Ukama hwakasimba naBaba vedu vokudenga hunokosha munguva ino yakaoma sezvo zuva guru raMwari riri kukurumidza kusvika. Saka nyengetera kuti urambe uchiswedera pedyo naJehovha.—Jakobho 4:8.

9. Kuva nehanya nokutsveneswa kwezita raJehovha kunokosha zvakadini?

9 Jesu akabatsirwa kugadzirira miedzo yaaitarisana nayo nokuti aiva nehanya nokutsveneswa kwezita dzvene raJehovha. Kutaura zvazviri, akadzidzisa vateveri vake kuti pavainyengetera vaifanira kukumbirawo kuti: “Zita renyu ngaritsveneswe.” (Mateu 6:9) Kana tichida nomwoyo wose kuti zita raJehovha ritsveneswe, ticharega kuita chero chinhu chipi zvacho chingaita kuti rizvidzwe. Tikadaro, tichagadzirira zuva guru raJehovha zviri nani.

Pane Zvaunofanira Kugadzirisa Here?

10. Nei zvakakodzera kuti tiongorore upenyu hwedu?

10 Kana zuva raJehovha rikauya mangwana, unenge wakarigadzirira here? Mumwe nomumwe wedu anofanira kuongorora upenyu hwake kuti aone kana pane zvaanoita kana kuti maonero aanawo zvingada kugadziriswa. Tichifunga nezvokuti upenyu hupfupi uye hunogona kungochinja, mumwe nomumwe wedu anofanira kugara akasvinurira. (Muparidzi 9:11, 12; Jakobho 4:13-15) Naizvozvo ngatikurukurei zvimwe zvinhu zvatingada kugadzirisa muupenyu hwedu.

11. Iwe une chinangwa chipi panyaya yokuverenga Bhaibheri?

11 Chimwe chinokosha izano ‘romuranda akatendeka’ rokuverenga Bhaibheri zuva nezuva. (Mateu 24:45) Zvingaita here kuti uve nechinangwa chokuverenga Magwaro kubva kuna Genesisi kusvikira kuna Zvakazarurwa mugore rimwe chete, uchiwana nguva yokufungisisa? Kana ukaverenga zvitsauko zvinenge zvina pazuva, unogona kuverenga zvitsauko 1 189 zviri muBhaibheri mugore rimwe chete. Mambo weIsraeri mumwe nomumwe aifanira kuverenga Mutemo waJehovha “mazuva ose oupenyu hwake.” Zviri pachena kuti ndizvo zvakaitwawo naJoshua. (Dheuteronomio 17:14-20; Joshua 1:7, 8) Zvinokosha zvikuru kuti vafudzi pakunamata vaverenge Shoko raMwari zuva nezuva, nokuti izvi zvinovabatsira kupa ‘dzidziso inopa utano’!—Tito 2:1.

12. Kuswedera kwaita zuva raJehovha kunofanira kuita kuti uitei?

12 Kuswedera kwaita zuva raJehovha kunofanira kuita kuti upinde misangano yechiKristu nguva dzose uye ugare uchipindurawo. (VaHebheru 10:24, 25) Kupinda misangano kuchakubatsira kuvandudza unyanzvi hwako somuzivisi woUmambo anoedza kuwana uye kubatsira vaya vanoda kuwana upenyu husingaperi. (Mabasa 13:48) Pamwe unogona kubatsira muungano nedzimwe nzira, dzakadai sokubatsira vakwegura uye kukurudzira vaduku. Kana ukaita izvi uchagutsikana zvikuru!

Ukama Hwako Nevamwe

13. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza ine chokuita nokupfeka unhu hutsva?

13 Zuva raJehovha zvaraswedera pedyo, unofanira here kuedza nepaunogona napo “kupfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika”? (VaEfeso 4:20-24) Kana ukaedza kuva nounhu hwechiKristu, vamwe vangangoona kuti uri ku“famba maererano nomudzimu” uye kuti uri kuratidza chibereko chawo. (VaGaratiya 5:16, 22-25) Pane zvaungataura here zvinoratidza kuti iwe nemhuri yako makapfeka unhu hutsva? (VaKorose 3:9, 10) Somuenzaniso, unozivikanwa nokuitira mutsa vaunonamata navo nevamwe here? (VaGaratiya 6:10) Kugara uchidzidza Magwaro kuchakubatsira kuva nounhu huchaita kuti ugadzirire zuva raJehovha.

14. Nei munhu achifanira kunyengeterera mudzimu mutsvene paanenge achishandira kuzvidzora?

14 Ko kana uchikurumidza kutsamwa uye uchiziva kuti unofanira kuzvidzora? Kuzvidzora chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari chaunogona kuva nacho. Naizvozvo nyengeterera mudzimu mutsvene, maererano nemashoko aJesu okuti: “Rambai muchikumbira, uye muchazvipiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa. . . . Naizvozvo, kana imi muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, kunyange zvazvo makaipa, Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene zvikuru sei!”—Ruka 11:9-13.

15. Unofanira kuitei kana ukatadza kuwirirana nomumwe waunonamata naye?

15 Ngatitii hausi kuwirirana nomumwe waunonamata naye. Kana zvakadaro, edza nepaunogona napo kugadzirisa, kuitira kuti pave norugare nokubatana muungano. (Pisarema 133:1-3) Shandisa zano raJesu rakanyorwa pana Mateu 5:23, 24 kana kuti Mateu 18:15-17. Kana wanga uchiita kuti zuva rivire uchakatsamwa, kurumidza kugadzirisa. Kazhinji unongofanira kukanganwira. Pauro akanyora kuti: “Itiranai mutsa, muchinzwirana tsitsi kwazvo, muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.”—VaEfeso 4:25, 26, 32.

16. Vanhu vakaroorana vanofanira kunzwirana tsitsi munzira dzipi?

16 Vanhu vakaroora vanofanira kuitirana tsitsi huru, uye dzimwe nguva kukanganwirana. Kana uchida kunyatsonzwira tsitsi mumwe wako uye kunyatsomuda, edza kubatsirwa naMwari uye neShoko rake kuti ubudirire. Pane zvaunofanira kuita here kuti uite zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 7:1-5 kuti uite kuti muwirirane uye murambe makavimbika? Chokwadi izvi zvinoda kuti murume kana kuti mudzimai ‘vanzwirane tsitsi kwazvo.’

17. Matanho api anofanira kutorwa nomunhu anenge atadza zvakakomba?

17 Zvakadini kana wakaita chivi chakakomba? Edza kukurumidza kugadzirisa. Nepaunogona napo, batsirwa nevakuru vechiKristu. Minyengetero yavo nezano ravo zvichakubatsira kuti unaye pakunamata. (Jakobho 5:13-16) Nyengetera kuna Jehovha uchiratidza kupfidza. Kana ukasadaro uchanzwa uine mhosva uye hana yako ichakunetsa. Izvozvo zvakaitikawo kuna Dhavhidhi, asi akanzwa zviri nani chaizvo paakareurura kuna Jehovha! Dhavhidhi akanyora kuti: “Anofara munhu anoregererwa kumukira kwake, ane chivi chinofukidzwa. Anofara munhu asingaverengerwi kukanganisa naJehovha, ane mafungiro asina unyengeri.” (Pisarema 32:1-5) Jehovha anokanganwira vaya vanotadza asi vachipfidza zvechokwadi.—Pisarema 103:8-14; Zvirevo 28:13.

Rambai Musiri Venyika

18. Unofanira kuona sei nyika?

18 Hapana mubvunzo kuti uri kutarisira nyika itsva yakanaka yakavimbiswa naBaba vedu vokudenga. Saka unoona sei nyika yevanhu vakaipa vasingadi Mwari? Satani, “mutongi wenyika,” haana kukwanisa kufurira Jesu. (Johani 12:31; 14:30) Chokwadi haudi kuti Dhiyabhorosi nenyika yake vakufurire, saka teerera mashoko aJohani okuti: “Musada nyika kana zvinhu zviri munyika.” Kuita izvozvo kuchenjera, nokuti “nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:15-17.

19. Pwere dzechiKristu dzinokurudzirwa kuva nezvinangwa zvorudzii?

19 Uri kubatsira vana vako kuti ‘varambe vasina ruvara rwenyika’ here? (Jakobho 1:27) Satani angada kuraura vana vako sezvinoita munhu anoraura hove. Makirabhu akasiyana-siyana nemamwe masangano akagadzirirwa kuti vanhu vaduku vaite zvinoenderana nenyika yaSatani. Asi vashumiri vaJehovha vanotova musangano richapukunyuka kuguma kwenyika ino yakaipa. Naizvozvo pwere dzechiKristu dzinofanira kukurudzirwa kuti dzive ne“zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinde 15:58) Vabereki vanoda Mwari vanofanira kubatsira vana vavo kuti vave nezvinangwa zvichaita kuti vave noupenyu hunofadza, hunogutsa, hunokudza Mwari uye hunovabatsira kuti vagadzirire zuva raJehovha.

Funga Zvichaitika Pashure Pezuva Guru raJehovha

20. Nei tichifanira kuramba tichifunga nezvoupenyu husingaperi?

20 Uchakwanisa kumirira zuva raJehovha wakagadzikana kana ukaramba uchifunga nezvoupenyu husingaperi. (Judha 20, 21) Unotarisira upenyu husingaperi muParadhiso, ndokusaka une tariro yokuzova nesimba rouduku uye nguva isingagumi yokuita zvinangwa zvakanaka nokudzidza zvakawanda nezvaJehovha. Kutaura zvazviri unogona kuramba uchidzidza nezvaMwari nokusingaperi nokuti iye zvino vanhu vanongoziva “kachikamu kadukuduku kenzira dzake.” (Jobho 26:14) Izvi hazvifadzi here?

21, 22. Iwe nevanenge vamutswa mungazoudzana chii?

21 MuParadhiso, vanenge vamutswa vachakwanisa kutitsanangurira zvatisingazivi zvaiitika kare. Inoki achange aripo kuti atitsanangurire ushingi hwaaifanira kuva nahwo kuti azivise shoko raJehovha kuvanhu vakanga vasingadi Mwari. (Judha 14, 15) Chokwadi Noa acharondedzera kuti ainzwa sei paaivaka areka. Abrahamu naSara vachakwanisa kutaura manzwiro avakaita pavakasiya guta romutambarakede reUri vachinogara mumatende. Funga nezvaEsteri achitsanangura kuti akamiririra sei vanhu vokwake uye kuti akavhiringidza sei urongwa hwaHamani hwokuti iye nevanhu vake vaurayiwe. (Esteri 7:1-6) Imbofungidzira Jona achirondedzera nezvemazuva matatu aaiva mudumbu rehove huru kana kuti Johani Mubhabhatidzi achirondedzera manzwiro aakaita paakabhabhatidza Jesu. (Ruka 3:21, 22; 7:28) Tichadzidza zvakawanda chaizvo!

22 Panenge pachitonga Kristu Kwemakore Chiuru, ungava nomukana wokubatsira vanenge vamutswa kuti vawane “zivo pamusoro paMwari.” (Zvirevo 2:1-6) Mazuva ano, zvinofadza chaizvo kuona vanhu vachidzidza nezvaJehovha Mwari uye vachiita zvinoenderana nazvo! Asi chimbofunga nezvokufara kwauchaita mune remangwana Jehovha paachakomborera zvaunenge waita kuti urayiridze vanhu vakararama kare, vobva vateerera nomwoyo wose!

23. Tinofanira kutsunga kuitei?

23 Sevanhu vasina kukwana, hatikwanisi kurondedzera zvose zvakanaka zvatinowana nemhaka yokuva vanhu vaJehovha iye zvino. (Pisarema 40:5) Tinonyanya kuonga urongwa hwaMwari hwezvokunamata. (Isaya 48:17, 18) Pasinei nemamiriro edu ezvinhu, ngatiitei basa dzvene nomwoyo wose sezvatinomirira zuva guru raJehovha.

Ungapindura Sei?

• “Zuva raJehovha” chii?

• Ungaratidza sei kuti wakagadzirira zuva raJehovha?

• Zuva guru raJehovha zvarava pedyo, zvii zvatingafanira kugadzirisa?

• Unotarisirei kana zuva raJehovha rapfuura?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 12]

Jesu akaratidza kuti akanga akagadzirira miedzo

[Mufananidzo uri papeji 15]

Ichava ropafadzo chaiyo kubatsira vanenge vamutswa kuti vazive Jehovha!