Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zororo Rechihedheni Ringachinjwa Kuti Rive rechiKristu Here?

Zororo Rechihedheni Ringachinjwa Kuti Rive rechiKristu Here?

Zororo Rechihedheni Ringachinjwa Kuti Rive rechiKristu Here?

MUMWAKA wechando muna 2004, pane gakava rakaitwa muItaly panguva yeKirisimasi. Vamwe vadzidzisi vaitsigira pfungwa yokuderedza kana kutobvisa zvachose tsika dzechitendero dzeKirisimasi. Vaitsigira pfungwa iyi nokuti vairemekedza vana vechikoro vakanga vachiwedzera vaisava vechechi yeRoma kana kuti vedzimwe dzakabuda muchechi iyi. Zvisinei, vamwe vanoona nezvedzidzo uye vaiva nyanzvi mune zvimwewo vakati tsika dzacho dzaifanira kuremekedzwa uye kunyatsochengetwa.

Pasinei hapo negakava iri, tsika dzakawanda dzinoitwa paKirisimasi dzakambobva kupi? Gakava iri zvarakanga rava kutsviriridza, pepanhau rokuVatican rinonzi L’Osservatore Romano rakataura mamwe mashoko anobata pfungwa.

Nezvomusi unopembererwa Kirisimasi, pepanhau rechechi yeRoma rakati: “Maererano nenhau dzakaitika kare, musi chaiwo wakaberekwa Jesu haunyatsozivikanwi nokuti munhoroondo yevaRoma, kuverengwa kwevanhu kwaiitwa panguva iyoyo nokutsvakurudza kwakaitwa mumazana emakore akazotevera, hazviratidzi musi wacho. . . . Sezvinozivikanwa musi wa25 December wakasarudzwa neChechi yeRoma muzana remakore rechina. Musi uyu waichengetwa nevahedheni muRoma wakatsaurirwa kuna mwari weZuva . . . Kunyange zvazvo chiKristu chakanga chatogamuchirwa muRoma noMurayiro waConstantine, ngano . . . yamwari weZuva yakanga ichakakurumbira, kunyanya pavarwi. Mhemberero dzataurwa pamusoro apa, dzaiitwa musi wa25 December, dzaiva dzakadzika midzi mutsika idzodzo dzainge dzakakurumbira. Izvi zvakaita kuti Chechi yeRoma ide kukoshesa musi uyu muchitendero chechiKristu nokutsiva mwari weZuva naJesu Kristu, Zuva rechokwadi roKururamisira, vachiusarudza somusi wokupemberera kuberekwa kwake.”

Zvakadini nomuti weKirisimasi wava kushandiswa iye zvino mutsika dzechechi yeRoma?

Nyaya yacho yaiva mupepanhau rechechi yeRoma yakati, kare miti yakawanda yakasvibirira, yakadai souya waishandiswa “kugadzira mutsvairo, makwenzi nemapazi omupaini zvainzi yairapa kana kudzivirira zvirwere.” Yakaenderera mberi ichiti: “Manheru omusi wa24 December ndipo paiyeukwa Adhamu naEvha pachishandiswa nyaya yakakurumbira yoMuti weParadhiso pasi pano . . . Muti wacho waifanira kunge uri muapuro, asi sezvo muapuro wakanga usingaiti kushandisa mumwaka wechando, vaishandisa mupaini uye vaiisa maapuro pamapazi awo kana kuti chingwa chisina kuviriswa kuti zvimiririre Kudzikinurwa kwaizoitwa munguva yemberi. Vaisungirirawo zvimedu zvemabhisikiti zvaimiririra kuvapo kwaJesu, uye masuwiti nezvipo zvevana pamuti wacho.” Zvii zvakazoitwa pashure penguva iyi?

Pepanhau rinonzi L’Osservatore Romano richitaura kuti tsika yokushandisa muti weKirisimasi yakatangira kuGermany, rinoti: “Italy ndeimwe yenyika dzakapedzisira kushandisa muti weKirisimasi nemhaka yokuti runyerekupe rwakanga rwapararira rwokuti muti weKirisimasi wakatanga kushandiswa nechechi dzakabva muchechi yeRoma uye kuti unofanira kutsiviwa noMutambo wokuzvarwa.” Pope Paul VI ndiye “akatanga tsika yokumisa muti mukuru weKirisimasi [paSt. Peter’s Square muRoma],” pedyo nenzvimbo inoitirwa Mutambo Wokuzvarwa.

Unoona zvichiita here kuti mufundisi ati zviitiko nezviratidzo zvakatangira muchihedheni chekare ndezvechiKristu? Nezvenzira yakarurama, Magwaro anokurudzira vaKristu vechokwadi kuti: “Kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?”—2 VaKorinde 6:14-17.

[Mifananidzo iri papeji 8, 9]

Muti weKirisimasi (uri papeji iri kuruboshwe) uye nzvimbo yaiitirwa Mutambo Wokuzvarwa paVatican

[Kwazvakatorwa]

© 2003 BiblePlaces.com

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mwari wezuva

[Kwazvakatorwa]

Museum Wiesbaden