Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’

Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’

Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’

“Paridza shoko, . . . tsiura, ranga, rayira, nomwoyo murefu nounyanzvi hwokudzidzisa.”—2 TIM. 4:2.

1. Jesu akarayira vadzidzi vake kuitei, uye iye akazviita sei?

PASINEI nemabasa anoshamisa okuporesa akaitwa naJesu muushumiri hwake hwepasi pano, akanga achinyanya kuzivikanwa somudzidzisi kwete somurapi kana kuti muiti wezvishamiso. (Mako 12:19; 13:1) Basa rake guru raiva rokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, saka ndizvo zvinofanira kuitwawo nevateveri vake. VaKristu vanofanira kupfuudzira mberi basa rokuita vadzidzi kuburikidza nokudzidzisa vanhu kuchengeta zvose zvakarayirwa naJesu.—Mat. 28:19, 20.

2. Tinofanira kuitei kuti tiite basa redu rokuparidza?

2 Kuti tiite basa redu rokuita kuti vanhu vave vadzidzi, tinogara tichitsvaka nzira dzokuvandudza nadzo unyanzvi hwedu hwokudzidzisa. Muapostora Pauro akaratidza kukosha kwounyanzvi uhwu paainyorera mumwe wake Timoti. Akati: “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako. Rambira pazvinhu izvi, nokuti kana ukaita izvi uchazviponesa iwe nevaya vanokuteerera.” (1 Tim. 4:16) Kudzidzisa kwaitaurwa nezvako naPauro hakusi kuya kwokungoudza mumwe munhu zvaunoziva. Vashumiri vechiKristu vanobudirira vanoita kuti chokwadi chipinde mumwoyo yevanhu, choita kuti vachinje mararamiro avo. Izvozvo zvinoda unyanzvi. Saka tingava sei “nounyanzvi hwokudzidzisa” patinoudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari?—2 Tim. 4:2.

Dzidza Kuva “Nounyanzvi Hwokudzidzisa”

3, 4. (a) Tingaita sei kuti tive “nounyanzvi hwokudzidzisa”? (b) Chikoro chaMwari Choushumiri chinotibatsira sei kuva vadzidzisi vanobudirira?

3 Rimwe duramazwi rinotsanangura kuti “unyanzvi” ruzivo ‘rwakakomba mune chimwe chinhu runowanika nokudzidza, kushandisa zvinenge zvadzidzwa, uye kucherechedza.’ Tinofanira kungwarira zvinhu zvacho zvose zviri zvitatu kuti tive vadzidzisi vanobudirira vemashoko akanaka. Tinogona kunyatsonzwisisa nyaya yatinenge tichida kudzidzisa munhu nokutanga tanyengetera tozoidzidza. (Verenga Pisarema 119:27, 34.) Kucherechedza vamwe vashumiri vanobudirira pavanenge vachidzidzisa kunotibatsira kudzidza nzira dzavanoshandisa tovatevedzera. Uye kuedza kugara tichishandisa zvatinenge tadzidza kuchatibatsira kunatsiridza unyanzvi hwedu.—Ruka 6:40; 1 Tim. 4:13-15.

4 Jehovha ndiye Murayiridzi wedu Mukuru. Achishandisa chikamu chinooneka chesangano rake, anopa vashumiri vake pasi pano mirayiridzo yokuti vangaita sei basa ravo rokuparidza. (Isa. 30:20, 21) Ndosaka ungano dzose dzichiita Chikoro chaMwari Choushumiri vhiki nevhiki, icho chinoitirwa kuti chibatsire vanopa hurukuro kuti vave vazivisi vanobudirira voUmambo hwaMwari. Bhaibheri ndiro rinonyanya kushandiswa ipapo. Shoko raJehovha rakafuridzirwa rinotiudza zvatinofanira kudzidzisa. Rinotiudzawo kuti inzira dzipi dzokudzidzisa dzinobudirira uye dzakakodzera. Chikoro chaMwari Choushumiri chinogara chichitiyeuchidza kuti tinova vadzidzisi vane unyanzvi kana tichitora zvatinodzidzisa muShoko raMwari, tichishandisa mibvunzo, tichidzidzisa zviri nyore kunzwisisa, uye tichiratidza kunyatsofarira vamwe. Ngationgororei chimwe nechimwe chezvinhu izvi, tozokurukura kuti tingaita sei kuti chokwadi chipinde mumwoyo momunhu watinodzidzisa.

Tora Zvaunodzidzisa muShoko raMwari

5. Tinofanira kutora pai zvatinodzidzisa, uye nei?

5 Jesu, mudzidzisi anotipfuura tose pakudzidzisa, aitora zvaaidzidzisa muMagwaro. (Mat. 21:13; Joh. 6:45; 8:17) Akanga asingatauri zvokuti akudzwe iye, asi aida kuti Uyo akamutuma akudzwe. (Joh. 7:16-18) Ndizvo zvatinotevedzerawo. Saka zvatinotaura, mungava muushumiri hwepamba nemba kana kuti tichidzidzisa Bhaibheri pamusha, zvinofanira kubva muShoko raMwari. (2 Tim. 3:16, 17) Kunyange tikachenjera sei pakutaura hatingambopfuuri Magwaro akafuridzirwa pakuva nesimba. Bhaibheri rine simba. Tingava tichiedza kubatsira munhu kunzwisisa pfungwa ipi zvayo, nzira yakanakisisa ndeyokumuita kuti averenge zvinotaura Magwaro nezvenyaya yacho.—Verenga VaHebheru 4:12.

6. Mudzidzisi angava sei nechokwadi chokuti waanodzidza naye abata zviri kudzidzwa?

6 Zviri pachena kuti izvi hazvirevi kuti mudzidzisi wechiKristu haafaniri kugadzirira kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Asi kuti anofanira kugara asarudza kuti magwaro api aachaverenga newaanodzidza naye. Kazhinji kacho zvakanaka kuverenga magwaro aya anotsigira zvatinotenda. Zvinokoshawo kubatsira ari kudzidza kuti anzwisise magwaro ose aanoverenga.—1 VaK. 14:8, 9.

Shandisa Mibvunzo Zvinobudirira

7. Nei kushandisa mibvunzo iri nzira yokudzidzisa nayo yakanaka?

7 Kushandisa mibvunzo nounyanzvi kunoita kuti ari kudzidza afunge uye kunobatsira mudzidzisi wake kupinza chokwadi mumwoyo make. Saka kumbira kuti ari kudzidza wacho akutsanangurire magwaro kwete kuti iwe umutsanangurire. Dzimwe nguva ungatofanira kubvunza mumwe mubvunzo kana kuti yakatowanda kuti ari kudzidza asvike pakunyatsonzwisisa. Kana uchidai, uri kuita kuti wauri kudzidza naye avewo nezvokutaura saka unenge uchitoita kuti anzwisise zvatinotenda uye abva azviita zvakewo iye.—Mat. 17:24-26; Ruka 10:36, 37.

8. Tingaziva sei zviri mumwoyo mewatiri kudzidza naye?

8 Nzira yokudzidza inoshandiswa mumabhuku edu ndeiya yemibvunzo nemhinduro. Hapana mubvunzo kuti vakawanda vaunodzidza navo Bhaibheri vachakurumidza kuwana mhinduro dzemibvunzo yakadhindwa, vachishandisa mashoko ari mundima. Kunyange zvakadaro, mudzidzisi anoda kubatsira munhu haangogutsikani nokuti mhinduro dzacho dzakarurama. Somuenzaniso, ari kudzidza angagona kunyatsotsanangura zvinotaura Bhaibheri nezvoufeve. (1 VaK. 6:18) Zvisinei, mibvunzo yokuda kuziva zvinofungwa neari kudzidza ikabvunzwa nounyanzvi inogona kunyatsoratidza kuti iye anotii nezvenyaya yacho. Saka mudzidzisi angabvunza kuti: “Nei Bhaibheri richirambidza kuti vanhu vasina kuroorana varare vose? Munofungei nezvomutemo uyu waMwari? Munofunga kuti kutevedzera mitemo yaMwari pamusoro pokuzvibata kune zvakunotibatsira here?” Mapinduriro aanoita mibvunzo yakadaro anogona kuratidza zviri mumwoyo make.—Verenga Mateu 16:13-17.

Ita Kuti Zvirambe Zviri Nyore Kunzwisisa

9. Tinofanira kufunga nezvei kana tichidzidzisa vanhu zviri muMagwaro?

9 Zvakawanda zvinodzidziswa neShoko raMwari kazhinji kacho zviri nyore kunzwisisa. Zvisinei, dzimwe nguva vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri vakavhiringidzwa nedzidziso dzechitendero chenhema. Basa redu sevadzidzisi nderokuita kuti Bhaibheri rive nyore kunzwisisa. Vadzidzisi vanobudirira vanodzidzisa zviri nyore, zvakajeka, uye zvakarurama. Kana tikaita izvi, hatizoiti kuti chokwadi chiite sechakaoma. Usataura mashoko asinei nezviri kudzidzwa. Haufaniri hako kutsanangura zvose zvose zviri murugwaro runenge rwaverengwa. Tsanangura zvinojekesa pfungwa iri kukurukurwa chete. Ari kudzidza achazonzwisisa zvimwe zvakadzama zviri muMagwaro sezvaanofambira mberi.—VaH. 5:13, 14.

10. Zvii zvinoda kufungwa nezvazvo pakuona kuti tingadzidza zvakawanda sei panguva imwe chete?

10 Tingadzidza zvakawanda zvakadini panguva imwe chete? Zvinoda kuti tinzwisise. Mano uye mamiriro ezvinhu omudzidzisi nomudzidzi zvinosiyana-siyana, asi nguva dzose tinofanira kuyeuka kuti chinangwa chedu ndechokuti ari kudzidza ave nokutenda kwakasimba. Saka tinomupa nguva yokuti averenge, anzwisise uye abvume chokwadi chiri muShoko raMwari. Hatidzidzi naye zvakawandisa kupfuura zvaanogona kubata. Asiwo tinoita kuti chidzidzo chacho chifambe. Kana ari kudzidza akangobata imwe pfungwa, tinobva taenda pane inotevera.—VaK. 2:6, 7.

11. Tingadzidzei kumuapostora Pauro nezvokudzidzisa?

11 Muapostora Pauro aiita kuti mashoko akanaka arambe ari nyore kunzwisisa paaitaura nevatsva. Kunyange zvazvo akanga akadzidza zvikuru, akanga asingashandisi mashoko akaoma kunzwisisa. (Verenga 1 VaKorinde 2:1, 2.) Kuva nyore kwechokwadi chomuMagwaro kunoita kuti chidiwe uye chigutse vanhu vanochitsvaka nomwoyo wose. Hachifaniri kungonzwisiswa nevakadzidza chete.—Mat. 11:25; Mab. 4:13; 1 VaK. 1:26, 27.

Batsira Vaunodzidzisa Kukoshesa Zvavanodzidza

12, 13. Chii chingaita kuti mudzidzi ashandise zvaari kudzidza? Ipa muenzaniso.

12 Kuti tibudirire, kudzidzisa kwedu kunofanira kuita kuti chokwadi chipinde mumwoyo momudzidzi. Ari kudzidza wacho anofanira kunzwisisa kuti mashoko acho anoshanda sei kwaari, anomubatsira sei, uye kuti upenyu hwake huchava nani sei kana akatevedzera zvinotaurwa neMagwaro.—Isa. 48:17, 18.

13 Somuenzaniso, ngatitii tiri kukurukura nezvaVaHebheru 10:24, 25, iyo inokurudzira vaKristu kuungana pamwe chete kuti vakurudzirane neMagwaro uye vawadzane murudo. Kana ari kudzidza wacho asati ava kupinda misangano, unogona kumuudza muchidimbu kuti inoitiswa sei uye zvichadzidzwa ikoko. Tinogona kumuudza kuti kupinda misangano yeungano chimwe chezvinhu zvinofanira kuitwa nevanamati uye tomuudza kuti isu pachedu kuri kutibatsira sei. Zvadaro, tingamukoka kumisangano. Haafaniri kuteerera zvinorayirwa neMagwaro nechikonzero chokuda kufadza munhu ari kumudzidzisa, asi anofanira kuzviitira kufadza Jehovha.—VaG. 6:4, 5.

14, 15. (a) Mudzidzi weBhaibheri angadzidzei nezvaJehovha? (b) Kuziva unhu hwaMwari kungabatsira sei mudzidzi weBhaibheri?

14 Chinhu chinokosha chinobva pakudzidza Bhaibheri nokushandisa mitemo yaro ndechokuti vadzidzi vanosvika pakuda Jehovha uye kumuziva somunhu chaiye. (Isa. 42:8) Jehovha ndiBaba vane rudo uye ndiye Musiki noMuridzi wezvinhu zvose. Anozivisawo zvaari uye zvaanogona kuita kune vanhu vanomuda uye vanomushumira. (Verenga Eksodho 34:6, 7.) Mosesi ava pedyo nokutungamirira vaIsraeri achivabvisa muuranda muIjipiti, Jehovha akazvizivisa kwaari achiti: “Ndichava iye wandichava.” (Eks. 3:13-15) Izvi zvaizoreva kuti Jehovha aizova chero zvaaida kuva kuti aite zvinangwa zvake zvine chokuita nevanhu vake vaakasarudza. Saka vaIsraeri vakasvika pakuziva Jehovha soMununuri, Murwi, Muzadzisi wezvipikirwa, Muriritiri, zvichingodaro.—Eks. 15:2, 3; 16:2-5; Josh. 23:14.

15 Vatinodzidza navo vangasaona Jehovha achipindira muupenyu hwavo zvinoshamisa sezvaakaita kuna Mosesi. Zvisinei, pavanokura mukutenda uye mukukoshesa zvavanodzidza uye pavanotanga kuzvishandisa, hapana mubvunzo kuti vachaona zvichikosha kuti vavimbe naJehovha kuti avashingise, avape uchenjeri uye avatungamirire. Pavanodaro, ivowo vachasvika pakuziva Jehovha soMupi wezano akavimbika uye akangwara, Mudziviriri, uye Muriritiri anovapa zvose zvavanoda.—Pis. 55:22; 63:7; Zvir. 3:5, 6.

Farira Mudzidzi

16. Nei kuva nemano okuzvarwa nawo chisiri icho chinhu chinonyanya kukosha pakuva mudzidzisi?

16 Kana uchifunga kuti hauna unyanzvi hwokudzidzisa, usaora mwoyo. Jehovha naJesu vari kutungamirira basa rokudzidzisa riri kuitwa munyika yose nhasi. (Mab. 1:7, 8; Zvak. 14:6) Vanogona kukomborera basa redu zvinozoita kuti mashoko edu abatsire munhu ane mwoyo wakarurama. (Joh. 6:44) Kuda mudzidzi nomwoyo wose kunotsiva zvatisingagoni kuita pakudzidzisa. Muapostora Pauro akaratidza kuti ainzwisisa kukosha kwokuda vanhu vanenge vachidzidziswa.—Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.

17. Tingaratidza sei kuti tinofarira zvepachokwadi mudzidzi weBhaibheri mumwe nomumwe?

17 Isuwo tinogona kuratidza kufarira zvepachokwadi watinodzidza naye nokuva nenguva yokunyatsomuziva. Patinenge tichidzidza naye zviri muMagwaro, kazhinji kacho tichasvika pakuziva mamiriro ake ezvinhu. Tingacherechedza kuti ava kutoshandisa zvimwe zvaakadzidza muBhaibheri muupenyu hwake. Zvisinei, angava nezvimwe zvaasati ava kushandisa. Patinobatsira mudzidzi kuona kuti mashoko atiri kudzidza muBhaibheri anoshanda sei muupenyu hwake, tinogona kumubatsira norudo kuva mudzidzi wechokwadi waKristu.

18. Nei zvichikosha kuti tinyengetere newatinodzidza naye tichitaura nezvake mumunyengetero wacho?

18 Chinokosha kupfuura zvose ndechokuti tinyengetere newatinodzidza naye tichitaura nezvake mumunyengetero wacho. Zvinofanira kuva pachena kwaari kuti chinangwa chedu ndechokuti timubatsire kuziva Musiki wake zviri nani, aswedere pedyo naye, uye abatsirwe achitungamirirwa naye. (Verenga Pisarema 25:4, 5.) Patinonyengetera kuna Jehovha kuti akomborere kuedza kuri kuita mudzidzi kushandisa zvaari kudzidza, mudzidzi achaona kukosha kwokuva ‘muiti weshoko.’ (Jak. 1:22) Uye mudzidzi paanoteerera tichinyengetera nomwoyo wose iyewo anenge achidzidza kunyengetera. Zvinofadza kwazvo kubatsira vadzidzi kuti vave noukama hwepedyo naJehovha!

19. Nyaya inotevera ichakurukura nezvei?

19 Zvinokurudzira kuziva kuti Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni matanhatu nehafu pasi pose zvakabatikana kuwedzera “unyanzvi hwokudzidzisa” nechinangwa chokubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vachengete zvinhu zvose zvakarayirwa naJesu. Zvibereko zvipi zviri kuwanikwa mubasa redu rokuparidza? Mhinduro yomubvunzo uyu ichakurukurwa munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

• Nei vaKristu vachifanira kudzidza kuva “nounyanzvi hwokudzidzisa”?

• Inzira dzipi dzokudzidzisa dzingaita kuti tibudirire?

• Chii chingatsiva zvatisingagoni kuita pakudzidzisa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Wakanyoresa paChikoro chaMwari Choushumiri here?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nei zvichikosha kuti ukumbire waunodzidza naye kuti averenge muBhaibheri?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Nyengetera newaunodzidza naye uchitaura nezvake mumunyengetero wacho