Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMateu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMateu

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMateu

MATEU, aiva shamwari yepedyo yaJesu Kristu uye aimbova muteresi, ndiye munhu wokutanga kunyora nhoroondo inofadza youpenyu hwaJesu noushumiri hwake. Zvayakatanga kunyorwa nechiHebheru ikazoshandurirwa muchiGiriki, Evhangeri yaMateu yakapera kunyorwa munenge muna 41 C.E. uye inobatanidza Magwaro echiHebheru neMagwaro echiKristu echiGiriki.

Sezvo yakanga yakanyanya kunyorerwa vaJudha, Evhangeri iyi inokurudzira uye inokosha inoratidza Jesu saMesiya akapikirwa, Mwanakomana waMwari. Kunyatsoteerera mashoko ayo kuchasimbisa kutenda kwatinoita Mwari wechokwadi, Mwanakomana wake, uye zvipikirwa zvake.—VaHeb. 4:12.

“UMAMBO HWOKUMATENGA HWASWEDERA PEDYO”

(Mat. 1:1–20:34)

Mateu anonyanya kutaura nezvoUmambo uye dzidziso dzaJesu, kunyange zvazvo asina kunyora zviitiko zvacho maerererano nokutevedzana kwazvo. Somuenzaniso, Mharidzo yepaGomo inotaurwa kwokutanga mubhuku racho, kunyange zvazvo Jesu akaipa atova pakati poushumiri hwake.

Paanoita ushumiri hwake muGarireya, Jesu anoita zvishamiso, anoudza vaapostora vake 12 mirayiridzo yokuita ushumiri, anotuka vaFarisi, uye anorondedzera mifananidzo yoUmambo. Adaro, anobva kuGarireya uye anosvika “kumiganhu yeJudhiya mhiri kwaJodhani.” (Mat. 19:1) Ari munzira, Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: ‘Tiri kukwira kuJerusarema, uye Mwanakomana womunhu achatongerwa rufu, uye achamutswa pazuva rechitatu.’—Mat. 20:18, 19.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

3:16“Matenga akavhurika” sei panguva yakabhabhatidzwa Jesu? Izvi zvinoita sezvinoreva kuti Jesu akatanga kuyeuka zvinhu zvose zvoupenyu hwake achiri kudenga.

5:21, 22—Kuratidza hasha kwakanyanya kuipa here kupfuura kuramba wakatsamwa? Jesu akanyevera kuti munhu anoramba akatsamwira hama yake anenge achitoita chivi chakakomba. Zvisinei, kuratidza hasha uchitaura mashoko okuzvidza kwakanyanya kuipa, zvichizoita kuti uzvidavirire kudare riri pamusoro pedare revanhu.

5:48—Zvinoita here kuti tive ‘vakakwana, saBaba vedu vokudenga vakakwana’? Hungu, mupfungwa yakati. Pano Jesu aikurukura nezverudo, uye akaudza vaimuteerera kuti vatevedzere Mwari vova vakakwana, pakuratidza rudo. (Mat. 5:43-47) Sei? Nokururatidza kunyange kuvavengi vavo.

7:16—“Zvibereko” zvipi zvinoratidza chitendero chechokwadi? Zvibereko izvi zvinosanganisira zvinopfuura zvatinoita. Zvinosanganisirawo zvatinotenda, dzidziso dzatinotsigira.

10:34-38—Mashoko ari muMagwaro anofanira kupiwa mhosva here pakukamukana kwemhuri? Kwete. Kukamukana kunokonzerwa nezvinoitwa nevomumhuri vasingatendi. Vangasarudza kuramba kana kushora chiKristu, zvichiita kuti mhuri ikamukane.—Ruka 12:51-53.

11:2-6—Kana Johani akanga achitoziva kuti Jesu aiva Mesiya nokuti akanga anzwa Mwari achitaura izvozvo, nei akabvunza kana Jesu aiva “Iye Anouya”? Johani angadaro akabvunza izvi kuti azvinzwire kubva kuna Jesu pachake. Zvisinei, kupfuura izvozvo, Johani aida kuziva kana paiva ‘nomumwe’ aizouya aine simba roUmambo oita zvose zvaitarisirwa nevaJudha. Mhinduro yaJesu yakaratidza kuti pakanga pasingazovi nomumwe kunze kwake.

19:28—“Madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri” achatongwa anomiririrei? Haamiririri madzinza 12 aIsraeri womudzimu. (VaG. 6:16; Zvak. 7:4-8) Vaapostora avo Jesu aitaura navo izvi vaivawo chikamu chaIsraeri womudzimu, kwete vatongi venhengo dzake. Jesu akaita ‘sungano youmambo navo,’ uye vaizova “umambo nevapristi kuna Mwari.” (Ruka 22:28-30; Zvak. 5:10) VaIsraeri vomudzimu “vachatonga nyika.” (1 VaK. 6:2) Nokudaro, zviri pachena kuti, “madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri,” anotongwa nevari pazvigaro zvokudenga, anomiririra vanhu vose vari munyika vasiri voumambo ihwohwo, vasiri veboka roupristi, sezvinomiririrwa nemadzinza 12 paZuva Rokuyananisira.—Revh., chits. 16.

Zvatinodzidza:

4:1-10. Nhoroondo iyi inotidzidzisa kuti Satani munhu chaiye haasi unhuwo zvahwo hwakaipa. Anoshandisa “kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu” kuti atiedze. Kunyange zvakadaro, tikashandisa zvinotaurwa neMagwaro tichabatsirwa kuti tirambe takatendeka kuna Mwari.—1 Joh. 2:16.

5:1–7:29. Ziva zvaunoda pakunamata. Garisana nevamwe zvakanaka. Rega kufunga zvinhu zvounzenza. Ita zvaunenge wataura. Paunenge uchinyengetera, taura zvinhu zvine chokuita nokunamata pakutanga pane zvenyama. Pfuma kuna Mwari. Tanga kutsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. Usatonga vamwe. Ita zvinodiwa naMwari. Zvechokwadi Mharidzo yepaGomo ine zvidzidzo zvinobatsira!

9:37, 38. Tinofanira kuita zvinoenderana nezvatinokumbira kuna Tenzi kuti “atumire vashandi mukukohwa kwake,” tichishingaira mubasa rokuita vadzidzi.—Mat. 28:19, 20.

10:32, 33. Hatimbofaniri kutya kutaura zvatinotenda.

13:51, 52. Kuziva chokwadi choUmambo kunoita kuti tive nebasa rokudzidzisa vamwe uye kuita kuti vanzwisise chokwadi ichi.

14:12, 13, 23. Zvinokosha kumbova woga kuti ufungisise.—Mako 6:46; Ruka 6:12.

17:20. Tinofanira kuva nokutenda kuti tikurire matambudziko uye zvipingamupinyi zvakaita semakomo zvinokanganisa kufambira mberi kwedu pakunamata. Hatifaniri kuregeredza pakuvaka uye kusimbisa kutenda kwedu muna Jehovha nezvipikirwa zvake.—Mako 11:23; Ruka 17:6.

18:1-4; 20:20-28. Kusakwana uye manamatiro aikurudzira kuda zvinzvimbo zvakaita kuti vadzidzi vaJesu vanyanye kuda kuva nomukurumbira. Tinofanira kushandira kuzvininipisa sezvatinongwarira mafungiro okutadza toramba tichiona zvakanaka ropafadzo nemabasa atinopiwa.

“MWANAKOMANA WOMUNHU ACHAISWA KWAVARI”

(Mat. 21:1–28:20)

Jesu anouya kuJerusarema pana Nisani 9, 33 C.E. “akatasva mbongoro.” (Mat. 21:5) Mangwana acho anoenda kutemberi oichenesa. Pana Nisani 11, anodzidzisa ari mutemberi, anotuka vanyori nevaFarisi, zvadaro anoudza vadzidzi vake “chiratidzo chokuvapo [kwake] nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” (Mat. 24:3) Zuva rinotevera racho, anovaudza kuti: “Munoziva kuti mazuva maviri kubva zvino paseka ichaitika, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kwavari kuti arovererwe.”—Mat. 26:1, 2.

Musi waNisani 14. Apedza Chirangaridzo chorufu rwake rwava kuda kusvika, Jesu anotengeswa, anosungwa, anotongwa, uye anorovererwa padanda. Anomutswa nezuva rechitatu. Asati akwira kudenga, Jesu akanga amutswa anorayira vateveri vake kuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.”—Mat. 28:19.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

22:3, 4, 9—Kukoka vanhu katatu kumutambo womuchato kunoitwa rini? Kukoka kwokutanga kuti boka remwenga riunganidzwe kwakaitwa Jesu nevateveri vake pavakatanga kuparidzira muna 29 C.E., uye kwakaenderera mberi kusvika muna 33 C.E. Kwechipiri kwakatanga pakadururwa mudzimu mutsvene paPendekosti ya33 C.E. kusvikira muna 36 C.E. VaJudha, vanhu vakanga vatendeukira kuchiJudha uye vaSamariya ndivo chete vakakokwa. Zvisinei, kukoka kwechitatu kwakaitwa kuvanhu vaiva kumigwagwa yaibuda muguta, kureva Vanhu Vemamwe Marudzi vakanga vasina kudzingiswa. Kwakatanga nokutendeuka kwomukuru mukuru weuto reRoma ainzi Koneriyo muna 36 C.E. kuchibva kwaenderera mberi kusvikira muzuva redu.

23:15—Nei munhu aitendeutswa nevaFarisi akanga “akakodzera kupinda muGehena nekaviri” kupfuura ivo vaFarisi pachavo? Vamwe vakanga vatendeuka kuva vaFarisi vangave vaiita zvivi zvakakomba. Zvisinei, nokuti vakanga vatendeuka kuva vaFarisi, vaibva vapfuura mwero, zvichida kutonyanyisa kupfuura vadzidzisi vavo vakanga vatukwa. Saka vaiva ‘vakakodzera kupinda muGehena,’ kusiyana nevaJudha vaiva vaFarisi.

27:3-5—Judhasi akazvidemba pamusana pei? Hapana chinoratidza kuti kuzvidemba kwakaita Judhasi kwairatidza kuti akanga apfidza zvepachokwadi. Pane kuti atsvake kukanganwirwa naMwari, akareurura chivi chake kuvapristi vakuru nevarume vakuru. Zvaakanga aita ‘chivi chinokonzera rufu,’ Judhasi akakurirwa nokunzwa aine mhosva uye kuora mwoyo. (1 Joh. 5:16) Akazvidemba nokuti akanga apererwa.

Zvatinodzidza:

21:28-31. Chaizvoizvo Jehovha anokoshesa kuti tiite kuda kwake. Somuenzaniso, tinofanira kushingaira mubasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi.—Mat. 24:14; 28:19, 20.

22:37-39. Zvechokwadi mirayiro miviri mikuru inonyatsojekesa muchidimbu zvinodiwa naMwari kune vaya vanomunamata!

[Mufananidzo uri papeji 31]

Uri kushingaira here mubasa rokukohwa?

[Kwazvakatorwa]

© 2003 BiblePlaces.com

[Mufananidzo uri papeji 31]

Mateu anosimbisa dingindira roUmambo