Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ramba Uchichenjerera Ushumiri Hwawakagamuchira Munashe”

“Ramba Uchichenjerera Ushumiri Hwawakagamuchira Munashe”

“Ramba Uchichenjerera Ushumiri Hwawakagamuchira Munashe”

“Ramba uchichenjerera ushumiri hwawakagamuchira munaShe, kuti uhuite.”—VAK. 4:17.

1, 2. VaKristu vanofanira kubatsira sei vanhu vakavapoteredza?

PANE chinhu chinokosha chatinofanira kubatsira nacho vanhu vakatipoteredza. Zvavanosarudza kuita iye zvino zvichaita kuti vapone kana kuti vaparadzwe “mukutambudzika kukuru.” (Zvak. 7:14) Munyori akafuridzirwa webhuku reZvirevo akati: “Nunura vaya vari kuenda kunourayiwa; uye vaya vanodzedzereka vachienda kunourayiwa, haiwa vadzivise.” Aya mashoko ane simba! Kutadza kunyevera vanhu nezvezvavanofanira kusarudza kungaita kuti isu tive nemhosva yeropa. Ndima yacho inotoenderera mberi ichiti: “Kana ukati: ‘Tarira! Takanga tisingazvizivi,’ iye anoona zvakaita mwoyo haazozvizivi here, uye iye anonyatsotarira mweya wako haazozvizivi here, oripa munhu wepanyika zvinoenderana nebasa rake?” Zviri pachena kuti vashumiri vaJehovha havagoni kuti ‘havazvizivi’ kuti vanhu vakatarisana nengozi.—Zvir. 24:11, 12.

2 Jehovha anokoshesa upenyu. Anokurudzira vashumiri vake kuti vaedze nepavanogona napo kubatsira vanhu vakawanda kuti vapone. Mushumiri mumwe nomumwe waMwari anofanira kuzivisa shoko rinoponesa rinowanika muBhaibheri. Basa redu rakafanana neromurindiri anodanidzira achinyevera nezvengozi iri kuuya. Hatidi kuzopiwa mhosva yeropa revanhu vachaparadzwa. (Ezek. 33:1-7) Saka zvinokosha kwazvo kuti tirambe tichi“paridza shoko.”—Verenga 2 Timoti 4:1, 2, 5.

3. Nyaya ino nedzimwe mbiri dzichatevera dzichataura nezvei?

3 Nyaya ino ichataura nezvokuti ungakurira sei zvipingamupinyi muushumiri hwako hunoponesa vanhu uye kuti ungabatsira sei vanhu vakawanda. Nyaya yechidzidzo chinotevera ichataura zvaungaita kuti uvandudze unyanzvi hwako hwokudzidzisa chokwadi. Nyaya yechitatu ichadzidzwa ichataura nezvezvinhu zvinokurudzira zvakasangana nevazivisi voUmambo munyika yose. Zvisinei, tisati tadzidza nyaya idzi, zvingava zvakanaka kuti timboona kuti nei nguva dzedu dzichinetsa zvakadaro.

Nei Vakawanda Vasina Tariro?

4, 5. Vanhu vari kutambudzwa nei, uye vakawanda vanobva vaita sei?

4 Zviri kuitika munyika yose zvinoratidza kuti tiri kurarama ‘pamugumo wemamiriro ezvinhu epanguva ino’ uye kuti mugumo wava pedyo kwazvo. Vanhu vari kutambudzwa nezvinhu zvakanzi naJesu zvaizoratidza kuti tiri “mumazuva okupedzisira.” “Marwadzo enhamo,” anosanganisira hondo, kushomeka kwezvokudya, kudengenyeka kwenyika, nemamwe matambudziko zvaonesa vanhu ndondo. Kusateerera mutemo, udyire, uye unhu hunovengwa naMwari zviri kwose kwose. Kunyange kuvanhu vanoedza kurarama maererano nezvinodzidziswa neBhaibheri, dzino i“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.”—Mat. 24:3, 6-8, 12; 2 Tim. 3:1-5.

5 Zvisinei, ruzhinji rwevanhu harusi kutomboziva kuti zviri kuitika munyika zvinorevei. Saka vakawanda vanonetseka kuti vangazvichengetedza sei pamwe nemhuri dzavo. Kufirwa nomunhu wepedyo uye mamwe matambudziko zviri kudzimba vakawanda. Vanhu ava havana tariro nokuti havana zivo yakarurama yokuti nei zvinhu zvakadaro zvichiitika uye kuti zvichagadziriswa sei.—VaEf. 2:12.

6. Nei “Bhabhironi Guru” risiri kukwanisa kubatsira vateveri varo?

6 “Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema, harisi kuita zvakawanda kuti rinyaradze vanhu. Pane kudaro, riri kushandisa “waini youfeve hwaro,” kudzimaidza vanhu vakawanda kuti vasaziva Mwari. Uyezve, chichiita sehure, chitendero chenhema chinonyengedza uye chinodzora “madzimambo enyika,” chichishandisa dzidziso dzenhema nechidhimoni. Chinoitawo kuti vanhu vazviise pasi pevatungamiriri vezvematongerwo enyika vasingambofungi kuti vari kuzviitirei. Saka chitendero chenhema chiri kutonga uye kudzora vanhu mune zvinhu zvakawanda, asiwo, chakaramba zvachose kunamata kwechokwadi.—Zvak. 17:1, 2, 5; 18:23.

7. Chii chichaitika kuruzhinji rwevanhu, asi vamwe vavo vangabatsirwa sei?

7 Jesu akadzidzisa kuti ruzhinji rwevanhu rwuri mumugwagwa wakafara unoenda kunoparadzwa. (Mat. 7:13, 14) Vamwe vanhu vari mumugwagwa iwoyo wakafara nokuzvidira nokuti vakaramba zvinodzidziswa neBhaibheri, asi vakawanda varimo nokuti vakanyengedzwa, kana kuti vari kuregwa vari murima rokusaziva zvinoda Jehovha. Zvimwe vamwe vangachinja mararamiro avo kana vakaudzwa zvikonzero zvakanaka zvinobva muMagwaro zvokudaro. Asi vaya vanoramba vari muBhabhironi Guru uye vasingadi kutevedzera zvinodzidziswa neBhaibheri havazoponi “mukutambudzika kukuru.”—Zvak. 7:14.

Paridza ‘Usingaregi’

8, 9. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaita sei pavaitambudzwa, uye nei vakadaro?

8 Jesu akati vadzidzi vake vaizoparidza mashoko akanaka oUmambo uye kuita kuti vanhu vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Saka vaKristu vechokwadi vagara vachingoziva kuti kuita basa rokuparidza kunoratidza kuvimbika kuna Mwari uye chinhu chinokosha chinoratidza kutenda kwavo. Saka vateveri vaJesu vekare vakatsungirira kunyange pavaitambudzwa. Vaivimba naJehovha kuti avape simba, vachinyengetera kuti avaite kuti varambe “vachitaura shoko [rake] noushingi.” Jehovha akabva avazadza nomudzimu mutsvene, vakatanga kutaura shoko rake noushingi.—Mab. 4:18, 29, 31.

9 Pavakanyanya kutambudzwa, vateveri vaJesu vakarega here kuparidza mashoko akanaka? Kana! Vasvotwa nokuparidza kwaiita vaapostora, vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakavasunga, vakavatyisidzira, ndokuvazvambaradza. Asi vaapostora “vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu . . . vasingaregi.” Vaiona zviri pachena kuti vaifanira “kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.”—Mab. 5:28, 29, 40-42.

10. Nhasi vaKristu vanotarisana nematambudziko api, asi tsika dzavo dzakanaka dzingaita kuti vanovaona vaite sei?

10 Vashumiri vaMwari vakawanda nhasi havasati havo vamborohwa kana kuiswa mujeri nokuda kwebasa rokuparidza. Zvisinei, vaKristu vose vechokwadi vanosangana nemiedzo yakasiyana-siyana. Somuenzaniso, hana yako yakadzidziswa neBhaibheri ingakumanikidza kuita zvimwe zvinhu zvisingaitwi nevakawanda kana kuti uite zvinoita kuti ubva waita sewakasiyana nevamwe. Shamwari dzako, vokuchikoro, kana kuti vavakidzani vangatadza kukunzwisisa nemhaka yokushandisa kwaunoita Bhaibheri pakusarudza zvokuita. Zvisinei, usarega maitiro avo akaipa achikudzorera shure. Nyika iri murima rokusaziva Mwari, asi vaKristu vanofanira kupenya “sezvinhu zvinovheneka.” (VaF. 2:15) Zvichida vamwe vanokucherechedza vasina pfungwa dzakaipa vachaona mabasa ako akanaka vokudza Jehovha.—Verenga Mateu 5:16.

11. (a) Vamwe vangaitei nezvebasa rako rokuparidza? (b) Muapostora Pauro akapikiswa zvakadini, uye akaita sei?

11 Zvinoda ushingi kuti tirambe tichiparidza shoko roUmambo. Vamwe vanhu, kunyange voukama, vangakuseka kana kuti vangatsvaka nzira yokukuodza nayo mwoyo. (Mat. 10:36) Muapostora Pauro akarohwa kakawanda nokuti aiita ushumiri hwake akatendeka. Ona kuti akati chii nezvokupikiswa kwaaiitwa: ‘Pashure pokunge tatambura uye taitirwa zvakaipa, takava noushingi naMwari wedu kuti tikutaurirei mashoko akanaka aMwari tichitamburira kwazvo.’ (1 VaT. 2:2) Zvechokwadi zvakanga zvisiri nyore kuti Pauro arambe achitaura mashoko akanaka pashure pokusungwa, kupfekenurwa, kuzvamburwa uye kukandwa mujeri. (Mab. 16:19-24) Chii chakamupa ushingi hwokuramba achiparidza? Chaiva chido chake chikuru chokuita basa raakapiwa naMwari rokuparidza.—1 VaK. 9:16.

12, 13. Vamwe vanotambudzwa nei, uye vanoedza kuzvikurira sei?

12 Zvingavawo zvakaoma kuti tirambe tichishingaira mundima dzinonetsa kuwana vanhu pamba kana kuti dzine vanhu vasingafariri shoko roUmambo. Pakadaro tingaita sei? Zvingatoda kuti tive noushingi hwokutaura nevanhu zvisina kurongwa. Tingatofanirawo kugadziridza marongero atinoita basa redu kana kuti kuparidza kakawanda munzvimbo dzine vanhu vazhinji.—Enzanisa naJohani 4:7-15; Mabasa 16:13; 17:17.

13 Vakawanda vanotambudzwa nokuchembera uye urwere, izvo zvingavatadzisa kuita zvavanenge vachida kuita mubasa rokuparidza. Kana zviri izvo zvauri, usaora mwoyo. Jehovha anonyatsoziva zvausingakwanisi uye anofara nezvaunogona kuita. (Verenga 2 VaKorinde 8:12.) Ungava uchinetswa nechii zvacho, kungava kupikiswa, kusafarira kwevanhu, kana kuti kurwara, ita zvose zvaunogona kuti uudze vamwe mashoko akanaka.—Zvir. 3:27; enzanisa naMako 12:41-44.

“Ramba Uchichenjerera Ushumiri” Hwako

14. Muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wei kuvamwe vaKristu, uye akapa zano rokutii?

14 Muapostora Pauro aikoshesa chaizvo ushumiri hwake, uye aikurudzira vaainamata navo kudaro. (Mab. 20:20, 21; 1 VaK. 11:1) Mumwe munhu akanyatsotaurwa naPauro nezita kuti aimukurudzira aiva mumwe muKristu womuzana remakore rokutanga ainzi Akipasi. Mutsamba yake kuvaKorose, Pauro akati: “Udzai Akipasi kuti: ‘Ramba uchichenjerera ushumiri hwawakagamuchira munaShe, kuti uhuite.’” (VaK. 4:17) Hatizivi kuti Akipasi aiva ani kana kuti zvinhu zvakanga zvakamumirira sei, asi zvinoratidza kuti akanga abvuma basa rokuparidza. Kana uri muKristu akazvitsaurira, newewo wakabvuma basa rokuparidza. Uri kuramba uchichenjerera kuriita here?

15. Kuzvitsaurira kwechiKristu kunoreva kuitei, uye mibvunzo ipi yatingazvibvunza?

15 Tisati tabhabhatidzwa, takanyengetera kuna Jehovha nomwoyo wose tichitsaurira upenyu hwedu kwaari. Izvi zvinoreva kuti taiva takatsunga kuita kuda kwake. Saka zvingava zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Kuita kuda kwaMwari kunokosha kupfuura zvinhu zvose muupenyu hwangu zvechokwadi here?’ Tingava tiine mabasa akasiyana-siyana atinotarisirwa naJehovha kuti tiite, akadai sokuriritira mhuri yedu. (1 Tim. 5:8) Asi imwe nguva yose nesimba tinozvishandisa kuitei? Chii chatinoisa pakutanga muupenyu?—Verenga 2 VaKorinde 5:14, 15.

16, 17. Zvii zvingaitwa nevaKristu vechiduku kana kuti nevamwewo vasina zvakawanda zvokutarisira?

16 Uri muKristu wechiduku akazvitsaurira akapedza kana kuti ava kuda kupedza chikoro here? Zvimwe hausati wava nemhuri yokutarisira. Saka uri kuronga kuitei noupenyu hwako? Ungasarudza kuitei kuti uzadzise zvawakavimbisa Jehovha zvokuti uchaita kuda kwake? Vakawanda vakaronga zvinhu zvavo kuti vapayone, uye vakawana mufaro mukuru vakagutsikana kwazvo.—Pis. 110:3; Mup. 12:1.

17 Zvimwe uri wechiduku achangoyaruka. Unoshanda kunyika asi hauna vakawanda vokutarisira kunze kwokungozvitarisira iwe pachako. Hapana mubvunzo kuti unofadzwa nokuita zvimwe zvinhu muungano zvichienderana nenguva yaunenge uinayo. Zvingaita here kuti uti wedzerei mufaro wako? Wakambofunga here nezvokuwedzera nguva yaunopedzera muushumiri? (Pis. 34:8; Zvir. 10:22) Mune dzimwe nzvimbo, basa rakawanda richiri kufanira kuitwa kuti vanhu vose vanzwewo shoko rechokwadi rinowanisa upenyu. Ungagadziridza upenyu hwako, zvichida kuitira kuti utamire kunonyanya kudiwa vazivisi voUmambo here?—Verenga 1 Timoti 6:6-8.

18. Mumwe murume nomudzimai wake vakagadziridza sei zvinhu zvavo, uye zvakavafambira sei?

18 Funga nezvomuenzaniso waKevin naElena, vokuUnited States. * Vakatenga imba sezvinongoitwawo kwavaigara nevamwe vechiduku kana vachangobva kuchata. Vose vaishanda kunyika nguva yakazara saka vaigona kurarama upenyu hwakanaka. Asi basa ravo uye zvimwe zvavaifanira kuita pamusha zvaivasiya vasina nguva yakawanda yebasa romumunda. Vakazoona kuti vakanga vachipedzera inenge nguva yavo yose nesimba muzvinhu zvavaiva nazvo. Zvisinei, pavakazocherechedza mararamiro ari nyore aiitwa nomumwe murume nomudzimai wake vaipayona, Kevin naElena vakasarudza kuchinja zvavaikoshesa muupenyu hwavo. Vanyengetera kuna Jehovha kuti avabatsire, vakatengesa imba yavo ndokutamira mufurati. Elena akaderedza maawa aaishanda kubasa kwake ndokutanga kupayona. Akurudzirwa nezvaitaurwa nomudzimai wake paainge abva kunoparidza, Kevin akasiya basa ndokutanga kupayona. Vati gare garei, vakatamira kune imwe nyika yokuSouth America kwakanga kuchinyanya kudiwa vaparidzi voUmambo. Kevin anoti, “Taigara tichifara mumba medu asi patakazotanga kuvavarira kuita zvimwe zvinhu muungano, mufaro wedu wakatozowedzera.—Verenga Mateu 6:19-22.

19, 20. Nei kuparidzwa kwemashoko akanaka riri iro basa rinokosha kupfuura ose ari kuitwa nhasi?

19 Basa rokuparidza mashoko akanaka ndiro rinokosha kupfuura ose ari kuitwa pasi pano nhasi. (Zvak. 14:6, 7) Rinobatsira pakutsveneswa kwezita raJehovha. (Mat. 6:9) Gore negore shoko riri muBhaibheri rinochinja upenyu hwezviuru zvevanhu vanobvuma zvarinodzidzisa, uye izvi zvingaita kuti vapone. Asi muapostora Pauro akabvunza kuti, “vachanzwa sei kana pasina mumwe munhu anoparidza?” (VaR. 10:14, 15) Zvechokwadi vanganzwawo sei? Wadii kuedza nepose paunokwanisa kuita ushumiri hwako?

20 Imwe nzira yaungabatsira nayo vanhu kunzwisisa kukosha kwenguva dzino dzinonetsa uye kunzwisisa kuti zvavanosarudza kuita zvinogona kuvasvitsa papi, ndeyokuvandudza unyanzvi hwako hwokudzidzisa. Nyaya inotevera ichakurukura kuti ungazviita sei.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 18 Mazita akachinjwa.

Ungapindura Sei?

• VaKristu vanofanira kubatsira sei vanhu vakavapoteredza?

• Tinofanira kuita sei kana paine zvipingamupinyi mubasa redu rokuparidza?

• Tingaita sei ushumiri hwatakabvuma?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 5]

Zvinoda ushingi kuti uparidze paunenge uchipikiswa

[Mufananidzo uri papeji 7]

Ungaita sei kana uchiparidza mundima isingawanzowaniki vanhu pamba?