VaKristu Pavanozungurwa Segorosi
VaKristu Pavanozungurwa Segorosi
NGUVA pfupi asati afa, Jesu akanyevera vadzidzi vake kuti: “Tarira! Satani akarayira kuti ave nemi akuzungurei segorosi.” (Ruka 22:31) Airevei?
Muzuva raJesu, kucheka gorosi kwaida nguva yakawanda nesimba. Kutanga, vaikohwa vacho vaiunganidza gorosi raivainge vacheka mumunda. Vadaro vairipurira paruware kana kuti vaishandisa zvipfuyo zvaidhonza chireyi pamusoro pegorosi. Izvi zvaiita kuti tsanga dzegorosi dzibve pahura. Zvadaro, varimi vairiurutsa. Tsanga dzegorosi racho, dzaiwira paruware, mhepo yobva yapeperetsa hundi. Pakupedzisira tsanga dziya dzainyatsozungurwa kuti marara ose abviswe.
Kare, Satani akarwisa vadzidzi vaJesu asingakandi mapfumo pasi, uye ari kutirwisawo nhasi zvichiita kuti mashoko aJesu ave echokwadi. (VaEf. 6:11) Ichokwadi kuti haasi matambudziko ose atinosangana nawo anokonzerwa zvakananga naSatani. (Mup. 9:11) Kunyange zvakadaro, Satani anoda zvikuru kushandisa chero nzira dzipi zvadzo dzaanadzo kuti tisarambe takavimbika. Somuenzaniso, angatiedza kuti tirarame tichidisa zvinhu, tisarudze kuvaraidzwa nezvinhu zvisina kunaka, kana kuita unzenza. Angashandisawo vatinodzidza navo kuchikoro kana kuti vatinoshanda navo uye hama dzedu dzisinganamati kutinyudza mukutsvaka zvizere dzidzo yenyika kana kuti mabasa enyika. Uyezve, Satani angatitambudza achida kuti tisarambe takavimbika kuna Mwari. Zvechokwadi, kune dzimwe nzira dzakawanda dzinoshandiswa naSatani kutizungura.
Tingaramba sei takamira tichirwisana nomuvengi uyu ane simba? Hatigoni kuita izvi nesimba redu. Zvisinei, Satani ane simba kutipfuura; asi tinoziva kuti Jehovha ane simba guru kupfuura Satani. Kana tichivimba naJehovha zvakakwana, tichinyengetera nomwoyo wose kuti atipe uchenjeri noushingi kuti titsungirire, uye tichinyatsovimba noutungamiriri hwake, achatisimbisa kuti tigone kumira patinorwiswa naSatani.—Pis. 25:4, 5.
Patinenge tichiedzwa, tinofanira kukwanisa “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa” uye izvi zvinoita kuti tisatsauswe naSatani. (VaH. 5:13, 14) Jehovha anogona kutibatsira kuti tikwanise kuzviita. Saka tinofanira kuramba tichiita zvakarurama, kunyange zvikadini. Kana tikatungamirirwa naJehovha, acharamba achititsigira pakutsunga kwedu kuita zvakarurama.—VaEf. 6:10.
Satani angaedza kutizungura segorosi. Asi nesimba raJehovha, tinogona kuramba takamira paanotirwisa, takatsiga mukutenda. (1 Pet. 5:9) Chokwadi, Shoko raJehovha rinotivimbisa kuti: “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.”—Jak. 4:7.