Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakaita Kuti Upenyu Hwavo Huve Nechinangwa Ungadarowo Here?

Vakaita Kuti Upenyu Hwavo Huve Nechinangwa Ungadarowo Here?

Vakaita Kuti Upenyu Hwavo Huve Nechinangwa Ungadarowo Here?

MARC, imwe hama yokuCanada, aishandira imwe kambani inogadzira michina inoshandiswa nevanoongorora zvomuchadenga. Aishanda mazuva mashoma kubasa uye aiva piyona wenguva dzose. Saka supavhaiza wake akamuudza kuti aizokwidziridzwa kubasa, achitambira mazakwatira emari uye achishanda mazuva ose. Marc akaita sei?

Amy, imwe hanzvadzi yokuPhilippines, aishumira sapiyona wenguva dzose achipedzisa chikoro. Apedza, akapiwa basa rokuti ashande mazuva ose raizomutorera nguva yakawanda asi richimubhadhara zvikuru. Amy akasarudza kuitei?

Marc naAmy vakasarudza zvakasiyana, uye migumisiro yezvavakasarudza inoratidza uchenjeri huri muzano rakapiwa vaKristu vomuKorinde yekare. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vaya vari kushandisa nyika [ngavaite] sevasiri kuishandisa zvizere.”—1 VaK. 7:29-31.

Shandisa Nyika asi Kwete Zvizere

Tisati taziva zvakaitika kuna Marc naAmy, ngatimboona muchidimbu zvinoreva shoko rokuti “nyika” (kana kuti koʹsmos muchiGiriki) rakashandiswa naPauro mutsamba yake kuvaKorinde. Mundima iyoyo yeBhaibheri, shoko rokuti koʹsmos rinoreva mamiriro ezvinhu enyika ino yatiri kurarama mairi, vanhu vose, uye kusanganisira zvinhu zvinoshandiswa zuva nezuva, zvakadai sedzimba, zvokudya uye zvokupfeka. * Kuti tiwane zvinhu izvi, vakawanda vedu tinofanira kushanda. Kutaura zvazviri, tinotofanira kushanda munyika kuti tiite zvatinosungirwa neMagwaro kuti tizviriritire nemhuri dzedu. (1 Tim. 5:8) Zvisinei, panguva imwe chete, tinoziva kuti “nyika iri kupfuura.” (1 Joh. 2:17) Saka, tinoshandisa nyika kuti tingowana zvatinoda, asi kwete “zvizere.”—1 VaK. 7:31.

Dzichikurudzirwa nezano iroro reBhaibheri rokusashandisa nyika zvizere, hama nehanzvadzi dzakawanda dzakaongororazve mamiriro adzo ezvinhu, dzikaita kuti nguva yadzaipedzera kubasa ive shoma, uye dzakaita kuti dzirarame nezvinhu zvishoma. Dzaita izvi, dzakabva dzaona kuti dzakanga dzaita kuti upenyu hwadzo huve nechinangwa nokuti dzakanga dzava kupedza nguva yakawanda nemhuri uye mubasa raJehovha. Uyezve, kurarama nezvinhu zvishoma kwakaita kuti dzisanyanya kuvimba nenyika asi dzinyanye kuvimba naJehovha. Ungararamawo saizvozvo here nezvinhu zvishoma kuitira kuti upedze nguva yakawanda uchiita zvinhu zvine chokuita noUmambo hwaMwari?—Mat. 6:19-24, 33.

“Tinonzwa Tiri Pedyo Chaizvo naJehovha Kupfuura Kare”

Marc, ambotaurwa pakutanga, akateerera zano reBhaibheri rokusashandisa nyika zvizere. Akaramba basa repamusoro rinobhadhara. Mazuva mashomanana pave paya, supavhaiza waMarc akamuudza kuti aizopiwa mari yakatowanda achiedza kumunyengetedza kuti abvume basa racho. Marc anoti “Uyu waiva muedzo chaiwo, asi ndakaramba.” Anotsanangura kuti nei: “Ini nomudzimai wangu Paula, taida kurarama tichishumira Jehovha zvizere sezvataigona. Saka takasarudza kurarama nezvinhu zvishoma. Takanyengetera kuna Jehovha kuti atipe uchenjeri kuti tikwanise kuita chinangwa chedu, tikanyora pasi musi wataizotanga kushumira Jehovha zvizere.”

Paula anoti: “Ndaishanda mazuva matatu pavhiki ndiri mabharani pane chimwe chipatara uye ndaitambira mari yakanaka. Ndaivawo piyona wenguva dzose. Zvisinei, saMarc, ndaida kushumira Jehovha chero kupi kwaidiwa vamwe vazivisi voUmambo. Asi pandakaendesa tsamba yangu yokurega basa, supavhaiza wangu akati ndaikodzera kuita basa ramabharani mukuru rakanga richangomuka. Ndiro basa ramabharani raibhadhara zvikuru pachipatara chacho, asi ndakaomerera pane zvandakanga ndasarudza zvokurega basa. Pandakaudza supavhaiza wangu kuti nei ndakanga ndisiri kunyorera chinzvimbo ichi, akandirumbidza pamusana pokutenda kwangu.”

Zvadaro, Marc naPaula vakanzi vaende kunoshumira semapiyona chaiwo mune imwe ungano duku iri munzvimbo iri kure muCanada. Kutama kwavakaita kwakaguma nei? Marc anoti: “Ndasiya basa raibhadhara zvikuru randakanga ndaita kweinenge hafu youpenyu hwangu, ndaisava nechokwadi neramangwana, asi Jehovha akakomborera ushumiri hwedu. Tiri kuwana mufaro unobva pakuudza vamwe zvinhu zvine chokuita nokunamata. Basa renguva yakazara rakasimbisawo imba yedu. Tinonyanya kutaura nezvezvinhu zvinokosha zvechokwadi—zvine chokuita nokunamata. Tinonzwa tiri pedyo chaizvo naJehovha kupfuura kare.” (Mab. 20:35) Paula anotizve: “Paunosiya basa rako uye utefetefe hwomusha wawakajaira, unofanira kuvimba naJehovha zvizere. Ndozvatakaita, uye Jehovha akatikomborera. Hama nehanzvadzi dzomuungano yedu itsva dzinoita kuti tinzwe kuti tinodiwa. Iye zvino ndava kushandisa simba randaimbopedzera pabasa kuti ndibatsire vanhu mune zvokunamata. Ndiri kufara zvikuru mubasa iri.”

‘Ndiine Zvose asi Ndisingafari’

Amy, ambotaurwa, akaita zvakasiyana. Akabvuma basa rinobhadhara raaizoshanda mazuva ose. Anoti: “Gore rokutanga, ndaishingaira muushumiri asi ndakazoona kuti zvishoma nezvishoma kukoshesa kwandaiita zvinhu zvoUmambo kwakatanga kudzikira, ndikatanga kukoshesa chinzvimbo chokubasa. Ndaipiwa mikana yokusimukira pabasa uye ndakatanga kupedzera simba rangu kuti ndive pachinzvimbo chepamusoro. Zvaidiwa pabasa rangu zvazvakatanga kuwanda, nguva yandaipedzera muushumiri yakatanga kudzikira. Pakupedzisira, ndakarega kuparidza zvachose.”

Achifunga nezvenguva iyoyo, Amy anoti: “Zviri zvemari, ndaiva nayo. Ndaifamba chaizvo uye basa rangu raiita kuti ndiremekedzwe zvikuru. Asi ndakanga ndisingafari. Pasinei nokuti ndaiva nemari, ndaiva nezvinetso zvakawanda. Ndainetseka kuti nei. Ndakazoziva kuti nokuomerera kushandira nyika ino, ndakanga ndava pedyo ‘nokutsauswa pakutenda.’ Saka, sezvinotaura Shoko raMwari chaizvo, ndaiva ‘nemarwadzo mazhinji.’”—1 Tim. 6:10.

Amy akaita sei? Anoti: “Ndakakumbira kuti vakuru vandibatsire kuti ndivezve noukama hwakanaka naJehovha ndichibva ndatanga kupinda misangano. Pakaimbwa rumwe rwiyo, ndakatanga kuchema. Ndakayeuka kufara kwandaiita makore mashanu akanga apfuura pandaiita basa rokuparidza ndiri piyona, kunyange zvazvo ndaiva murombo. Ndaiziva kuti ndaifanira kurega kutambisa nguva yangu ndichidzingirirana nemari uye kuti ndaifanira kuisa pakutanga zvinhu zvine chokuita noUmambo. Ndakatanga kuita basa rakaderera raizondipa hafu yemari yandaimbotambira, uye ndakatangazve kuita basa rokuparidza.” Amy anotaura achifara kuti: “Ndakafara kushumira sapiyona kwemakore mashoma. Iye zvino ndiri kugutsikana zvandisina kumboita pandaishanda nguva yakawanda kunyika.”

Ungagadzirisa zvinhu zvako here worarama nezvinhu zvishoma? Kana ukashandisa nguva yauchawana kuti uite zvinhu zvoUmambo, iwewo uchararama upenyu hune chinangwa.—Zvir. 10:22.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Ona Insight on the Scriptures, Volume 2, mapeji 1207-8.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

Ungagadzirisa zvinhu zvako here worarama nezvinhu zvishoma?

[Bhokisi riri papeji 19]

“Rava Kutondinakidza!”

Mumwe mukuru wechiKristu anonzi David wokuUnited States, aida kubatana nomudzimai wake nevana vake mubasa renguva yakazara. Akakwanisa kuronga kuti asashanda mazuva ose pakambani yaaishandira uye akatanga kushumira sapiyona wenguva dzose. Izvi zvakaita kuti upenyu hwake huve nechinangwa here? Mwedzi yakatevera gare gare, David akanyorera shamwari yake tsamba achiti: “Hapana chinhu chinogutsa kupfuura kushumira Jehovha nemhuri yako. Ndaifunga kuti zvaizonditorera nguva refu kuti ndijaire basa rokupayona, asi rava kutondinakidza! Rinozorodza chaizvo.”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Marc naPaula vari muushumiri