Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanonzi Vakakodzera Kupiwa Umambo

Vanonzi Vakakodzera Kupiwa Umambo

Vanonzi Vakakodzera Kupiwa Umambo

“Izvi uchapupu hwokutonga kwakarurama kwaMwari, zvichiita kuti munzi makakodzerwa noumambo hwaMwari.”—2 VAT. 1:5.

1, 2. Chinangwa chaMwari pakutonga ndechei, uye ndiani achatonga?

MUNENGE muna 50 C.E., muapostora Pauro aiva muAtene. Ashatirwa nokuti vanhu vakawanda ikoko vainamata zvidhori, akanzwa achida kuvapupurira nounyanzvi. Akagumisa hurukuro yake nokutaura mashoko angadaro akati dyo pamwoyo yevahedheni vaimuteerera. Akati: “Zvino [Mwari] ari kuudza vanhu kuti kwose kwose vose vanofanira kupfidza. Nokuti akatara zuva raanoda kutonga naro nyika inogarwa, nokururama achishandisa munhu waakagadza, uye akapa vimbiso kuvanhu vose pakuti akamumutsa kubva kuvakafa.”—Mab. 17:30, 31.

2 Inyaya inoda kunyatsofunga nezvayo kuti Mwari akatara zuva rokutonga vanhu munguva yemberi! Vachatongwa nomunhu asina kutaurwa naPauro muhurukuro yake muAtene asi watinoziva kuti ndiJesu Kristu akamutswa. Kutongwa naJesu kunoreva upenyu kana kuti rufu.

3. Jehovha akaitirei sungano naAbrahamu, uye ndivanaani vane basa rinokosha mukuzadzika kwayo?

3 Zuva Rokutonga iroro richange rakareba makore 1 000. Jesu ndiye achange ari mutungamiriri, achiita izvi muzita raJehovha saMambo woUmambo hwaMwari, asi achange asiri oga. Jehovha anosarudza vamwe pakati pevanhu kuti vatonge naJesu muzuva iroro rakareba makore ane chiuru. (Enzanisa naRuka 22:29, 30.) Anenge makore 4 000 akadarika, Jehovha akaronga Zuva Rokutonga paakaita sungano nomushumiri wake akatendeka Abrahamu. (Verenga Genesisi 22:17, 18.) Zviri pachena kuti sungano iyoyo yakatanga kushanda muna 1943 B.C.E. Chokwadi, Abrahamu akanga asingakwanisi kunyatsonzwisisa kuti sungano yacho yaizorevei kuvanhu. Zvisinei, isu nhasi tinogona kunzwisisa kuti musungano iyi, vana vaAbrahamu vane basa rinokosha pakuzadzika kwechinangwa chaMwari chokutonga vanhu.

4, 5. (a) Ndiani mwana mukuru pavana vaAbrahamu, uye akataura kuti kudini nezvoUmambo? (b) Tariro yokuva muUmambo yakazaruka rini?

4 Mwana mukuru pavana vaAbrahamu akava Jesu, uyo akazodzwa nomudzimu mutsvene muna 29 C.E. ndokuva Mesiya akapikirwa, kana kuti Kristu. (VaG. 3:16) Jesu aizopedza makore matatu nehafu achiparidza mashoko akanaka oUmambo kurudzi rwaJudha. Pashure pokunge Johani Mubhabhatidzi asungwa, Jesu akaratidza kuti vamwe vaigona kutarisira kuva nhengo dzoUmambo ihwohwo paakati: “Kubvira mumazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino umambo hwokumatenga ndicho chinangwa chinovavarirwa kuwanikwa nevanhu, uye vaya vari kuvavarira saizvozvo vari kuhuwana.”—Mat. 11:12.

5 Zvinofadza kuti pakarepo asati ataura nezvevaya ‘vaizowana’ Umambo hwokumatenga, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Pane vakaberekwa nevakadzi hapana kumutswa mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi munhu muduku muumambo hwokumatenga mukuru kwaari.” (Mat. 11:11) Nei akataura izvozvo? Nokuti tariro yokuva muUmambo hwacho yakanga isati yazaruka kune vakatendeka kusvikira mudzimu mutsvene wadururwa paPendekosti ya33 C.E. Pakazosvika nguva iyoyo, Johani Mubhabhatidzi akanga afa.—Mab. 2:1-4.

Vana vaAbrahamu Vanonzi Vakarurama

6, 7. (a) Vana vaAbrahamu vaizova sei “senyeredzi dzokumatenga”? (b) Abrahamu akawana zvikomborero zvei, uye vana vake vakawanawo zvikomborero zvei?

6 Abrahamu akaudzwa kuti vana vake vaizowanda vova “vazhinji senyeredzi dzokumatenga” uye sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa. (Gen. 13:16; 22:17) Kureva kuti munguva yaAbrahamu zvakanga zvisingaiti kuti vanhu vazive kuti vana vacho vaizova vangani. Zvisinei, pakupedzisira nhamba yacho chaiyo yevana vake vomudzimu yakazotaurwa. Vaizova 144 000 naJesu pamusoro.—Zvak. 7:4; 14:1.

7 Nezvokutenda kwaAbrahamu, Shoko raMwari rinoti: “[Abrahamu] akatenda muna Jehovha; akamuti akarurama.” (Gen. 15:5, 6) Chokwadi, hapana munhu akarurama asingatadzi. (Jak. 3:2) Kunyange zvakadaro, pamusana pokutenda kwaAbrahamu kwakasimba, Jehovha akashanda naye sokunge kuti akanga akarurama uye akatomuti shamwari yake. (Isa. 41:8) Vaya vanonzi vana vomudzimu vaAbrahamu pamwe chete naJesu vakanziwo vakarurama, uye izvi zvinoita kuti vawane zvikomborero zvinotopfuura zvakawana Abrahamu.

8. Zvikomborero zvipi zvichawanwa nenhengo dzevana vaAbrahamu?

8 VaKristu vakazodzwa vanonzi vakarurama nokuti vanotenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. (VaR. 3:24, 28) Mukuona kwaJehovha, vakasunungurwa pachivi uye vanogona kuzodzwa nomudzimu mutsvene kuti vave vana vaMwari vomudzimu, hama dzaJesu Kristu. (Joh. 1:12, 13) Vanopinda musungano itsva voumba rudzi rutsva, “Israeri waMwari.” (VaG. 6:16; Ruka 22:20) Uku kukomborerwa chaiko! Nemhaka yezvavakaitirwa naMwari izvi, vaKristu vakazodzwa havatarisiri kuzorarama nokusingaperi pasi pano. Vanosiya tariro iyoyo nemhaka yomufaro usingatauriki wokuzova pamwe chete naJesu paZuva Rokutonga uye vachitonga naye vari kumatenga.—Verenga VaRoma 8:17.

9, 10. (a) VaKristu vakatanga rini kuzodzwa nomudzimu mutsvene, uye chii chaiva mberi kwavo? (b) VaKristu vakazodzwa vakabatsirwa nechii?

9 PaPendekosti ya33 C.E., boka revanhu vakatendeka rakapiwa mukana wokuva pakati pevaya vaizotonga naJesu paZuva Rokutonga. Vanenge vadzidzi vaJesu 120 vakabhabhatidzwa nomudzimu mutsvene vachibva vava vaKristu vakazodzwa vokutanga. Zvisinei, kwavari aya aingova mavambo chete. Kubvira ipapo, vaifanira kuratidza kuti vakavimbika kuna Jehovha pasinei nemiedzo yose yaizounzwa naSatani pavari. Vaifanira kuramba vakatendeka kusvikira parufu kuti vawane korona youpenyu kudenga.—Zvak. 2:10.

10 Aine chinangwa ichi, achishandisa Shoko rake uye ungano yechiKristu, Jehovha anorayira uye anokurudzira vaKristu vakazodzwa. Somuenzaniso, muapostora Pauro akanyorera vaKristu vakazodzwa vaiva muTesaronika kuti: “Sezvinoitira baba vana vavo, takaramba tichirayira sei mumwe nomumwe wenyu, tichikunyaradzai uye tichikupupurirai, kuti murambe muchifamba zvakakodzera pamberi paMwari ari kukudanai kuti muuye kuumambo hwake nokubwinya kwake.”—1 VaT. 2:11, 12.

11. Jehovha akanyorei achiitira nhengo dza“Israeri waMwari”?

11 Kwapera makumi emakore pashure pokunge nhengo dzokutanga dzeungano yevaKristu vakazodzwa dzasarudzwa, Jehovha akaona zvakakodzera kuti anyore mashoko echigarire oushumiri hwaJesu hwepasi pano uyewo zvaakaita nevaKristu vakazodzwa vomuzana remakore rokutanga uye zano raakavapa. Saka Jehovha akaita kuti pavezve neMagwaro echiKristu echiGiriki kuwedzera pane Magwaro akafuridzirwa echiHebheru akanga achitovapo. Magwaro echiHebheru akatanga kunyorerwa vaIsraeri chaivo panguva yavaiva noukama hwakanaka naMwari. Magwaro echiKristu echiGiriki akanyanya kunyorerwa “Israeri waMwari,” vaya vakazodzwa kuti vave hama dzaKristu uye vanakomana vaMwari vomudzimu. Chokwadi, izvozvo hazvirevi kuti vaya vakanga vasiri vaIsraeri havaizobatsirwa nokudzidza Magwaro echiHebheru. Saizvozvowo, vaKristu vasina kuzodzwa nomudzimu mutsvene vanobatsirwawo zvikuru pavanodzidza uye pavanorarama maererano nezano rinowanikwa muMagwaro echiKristu echiGiriki.—Verenga 2 Timoti 3:15-17.

12. Pauro akayeuchidzei vaKristu vakazodzwa?

12 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanzi vakarurama uye vakazodzwa nomudzimu mutsvene nechinangwa chokuti vakwanise kuwana nhaka yavo yokudenga. Kuzodzwa kwavakaitwa hakuna kuvakwidziridza kuti pavanenge vachiri pasi pano vatonge vamwe vavo vakazodzwa. Zviri pachena kuti vamwe vaKristu vekare vakarerutsa chokwadi ichocho ndokutanga kutsvaka kukudzwa zvisina kukodzera nehama dzavo dzomuungano. Izvi zvakaita kuti Pauro abvunze kuti: “Matoguta here? Matopfuma here? Matotanga kutonga semadzimambo isu tisipo here? Chokwadi ndaizoda kuti dai manga matanga kutonga semadzimambo, kuti isuwo titonge nemi semadzimambo.” (1 VaK. 4:8) Saka Pauro akayeuchidza vakazodzwa vomuzuva rake kuti: “Kwete kuti tiri vanatenzi vokutenda kwenyu, asi tiri vashandi pamwe chete nemi kuti mufare.”—2 VaK. 1:24.

Kuzadzisa Nhamba Yakafanotaurwa

13. Kusarudzwa kwevakazodzwa kwakafambira mberi sei pashure pegore ra33 C.E.?

13 VaKristu vakazodzwa vose ve144 000 havana kusarudzwa muzana remakore rokutanga. Vakaramba vachisarudzwa kusvikira munguva yevaapostora uye zviri pachena kuti vashomanana vakasarudzwa mumazana emakore akazotevera. Zvisinei, kusarudza kwacho kwakapfuurira mumazana emakore akatevera kusvikira mazuva ano. (Mat. 28:20) Pakupedzisira, Jesu atanga kutonga muna 1914, zvimwe zviitiko zvakatanga kukurumidza kuitika.

14, 15. Zvii zvave zvichiitika munguva yedu maererano nokusarudzwa kwevakazodzwa?

14 Kutanga, Jesu akabvisa kudenga vose vaipikisa kutonga kwaMwari. (Verenga Zvakazarurwa 12:10, 12.) Adaro akazoisa mwoyo wake pakuunganidzwa kwenhengo dzakanga dzasara dzinotarisirwa kutonga muUmambo hwake kuti nhamba ye144 000 ikwane. Pakazosvika makore okuma1930, zviri pachena kuti basa iroro rakanga rava kupera uye vakawanda pane vaigamuchira chokwadi vakanga vasina chido chokuenda kudenga. Mudzimu wakanga usingapupurirani navo kuti vaiva vanakomana vaMwari. (Enzanisa naVaRoma 8:16.) Asi, vakazviti vaiva ve“mamwe makwai,” vaiva netariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. (Joh. 10:16) Nokudaro, pashure pa1935 basa rokuparidzira rakanga ranyanya kunangana nokuunganidzwa kwe“boka guru revanhu,” vaya vakaonekwa nomuapostora Johani uye vaizopona pa“kutambudzika kukuru.”—Zvak. 7:9, 10, 14.

15 Kunyange zvakadaro, mumakore ose aya kubvira kuma1930, vanhu vashomanana vave vachisarudzwa kuti vaende kudenga. Nei? Dzimwe nguva, vanenge vachitsiva vanhu vakanga vambosarudzwa asi vakatadza kuramba vakatendeka. (Enzanisa naZvakazarurwa 3:16.) Pauro akatotaura nezvevanhu vaaiziva vakanga vasiya chokwadi. (VaF. 3:17-19) Jehovha aizosarudza ani kuti avatsive? Kutaura zvazviri, ndiye oga anosarudza. Kunyange zvakadaro, zvine musoro kuti haazosarudzi vanhu vanenge vachangotendeuka, asi vaya vanenge varatidza kuti vakavimbika sezvakaita vadzidzi avo Jesu akataura navo paakatanga Chirangaridzo chorufu rwake. *Ruka 22:28.

16. Nezvevakazodzwa, chii chatinoonga, uye tinodavirei tiine chivimbo?

16 Zvisinei, zvinoita sokuti havasi vose vakasarudzwa kuti vaende kudenga kubvira muma1930 vanotsiva vaya vanenge vatsauka. Zviri pachena kuti Jehovha akava nechokwadi chokuti tichange tiine vaKristu vakazodzwa mumazuva okupedzisira enyika ino kusvikira pakuparadzwa kwe“Bhabhironi Guru.” * (Zvak. 17:5) Uye tinogona kuva nechokwadi chokuti nhamba ye144 000 ichakwana munguva yaJehovha yakakodzera uye kuti vose vachange vava munzvimbo dzavo muhurumende yoUmambo. Tinodavirawo kuti boka guru revanhu riri kuramba richikura rakataurwa neShoko rouprofita richaramba rakatendeka seboka. Pasina nguva richa“buda mukutambudzika kukuru” kunenge kwaunzwa panyika yaSatani uye richapinda munyika itsva yaMwari richifara.

Vehurumende yaMwari Yokudenga Vava Kuda Kukwana!

17. Maererano na1 VaTesaronika 4:15-17 naZvakazarurwa 6:9-11, chii chakaitika kuvaKristu vakazodzwa vakafa vakatendeka?

17 Kubvira muna 33 C.E., makumi ezviuru zvevaKristu vakazodzwa akaratidza kutenda kwakasimba uye akatsungirira akatendeka kusvikira parufu. Ava vakanzi vakakodzera kupiwa Umambo uye zviri pachena kuti kubvira pakutanga kwemazuva okuvapo kwaKristu, vakapiwa mubayiro wavo.—Verenga 1 VaTesaronika 4:15-17; Zvakazarurwa 6:9-11.

18. (a) Vakazodzwa vachiri pasi pano vane chivimbo chei? (b) Vaya vemamwe makwai vanoona sei hama dzakazodzwa dzechiKristu?

18 Vakazodzwa vachiri pasi pano vanonyatsovimba kuti kana vakaramba vakatendeka, munguva pfupi vachawana mubayiro wavo wokutendeka. Paanenge achifungisisa kutenda kwehama dzawo dzakazodzwa, mamiriyoni emamwe makwai anobvumirana nemashoko omuapostora Pauro uyo akati nezvehama dzawo dzokuTesaronika: “Isu tinodada nemi pakati peungano dzaMwari nokuda kwokutsungirira nokutenda kwenyu pakutambudzwa kwenyu kwose nokutambura kwamuri kutsungirira. Izvi uchapupu hwokutonga kwakarurama kwaMwari, zvichiita kuti munzi makakodzerwa noumambo hwaMwari, uhwo chokwadi hwamuri kutambudzikira.” (2 VaT. 1:3-5) Panofa wokupedzisira wevakazodzwa vari pasi pano, chero panguva ipi zvayo, hurumende yaMwari yokudenga ichange yakwana. Zvechokwadi izvozvo zvichaita kuti kudenga nepasi pano pave nemakuwerere chaiwo!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Ona Nharireyomurindi yaMarch 1, 1992, peji 20, ndima 17.

^ ndima 16 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaMay 1, 2007.

Ungatsanangura Here?

• Mwari akaudzei Abrahamu zvaiva nechokuita neZuva Rokutonga?

• Nei Abrahamu akanzi akarurama?

• Kunzi vakarurama kwevana vaAbrahamu kunovatungamirira kupi?

• VaKristu vose vane chivimbo chei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 20]

Jesu akakurudzira vateveri vake kuti vatsvake Umambo

[Mufananidzo uri papeji 21]

PaPendekosti ya33 C.E., Jehovha akatanga kusarudza dzimwe nhengo dzevana vaAbrahamu

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vemamwe makwai vanoonga kuti vachiri nevaKristu vakazodzwa mumazuva okupedzisira