Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanonzi Vakakodzera Kutungamirirwa Kuzvitubu Zvemvura Youpenyu

Vanonzi Vakakodzera Kutungamirirwa Kuzvitubu Zvemvura Youpenyu

Vanonzi Vakakodzera Kutungamirirwa Kuzvitubu Zvemvura Youpenyu

“Gwayana . . . richavafudza, uye richavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu.”—ZVAK. 7:17.

1. Shoko raMwari rinoti vaKristu vakazodzwa ndivanaani, uye Jesu akavapa basa rei?

SHOKO RAMWARI rinoti vaKristu vakazodzwa vari kutarisira zvinhu zvaKristu zvepasi pano ndivo “muranda akatendeka, akangwara.” Kristu paakaongorora “muranda” muna 1918, akaona kuti vakazodzwa ivavo vaiva pasi pano vakanga vakatendeka pakupa ‘zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera.’ Saka Jesu, Tenzi wacho, akafara kuvagadza “pazvinhu zvake zvose.” (Verenga Mateu 24:45-47.) Nokuita izvi, vakazodzwa vasati vapiwa nhaka yokudenga, vanoshumira vamwe vanamati vaJehovha vari pasi pano.

2. Rondedzera zvinhu zvaJesu.

2 Tenzi ane simba pazvinhu zvake, kana papfuma yake, uye anogona kuzvishandisa sezvaanoda. Zvinhu zvaJesu Kristu, Mambo akagadzwa naJehovha, zvinobatanidza zvinhu zvose zvine chokuita noUmambo zviri pasi pano. Zvinosanganisira “boka guru revanhu” rakaonekwa nomuapostora Johani. Johani anorondedzera boka guru revanhu sezvinotevera: “Tarira! boka guru revanhu, vakanga vasingakwanisi kuverengwa nomunhu, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi, vamire pamberi pechigaro choumambo nepamberi peGwayana, vakapfeka nguo refu chena; uye mumaoko avo makanga muine mapazi emichindwe.”—Zvak. 7:9.

3, 4. Veboka guru vane ropafadzo yei yakakura?

3 Veboka guru irori vari pakati pevaya vakanzi naJesu “mamwe makwai.” (Joh. 10:16) Vanotarisira kurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Vane chokwadi chokuti Jesu a“chavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu” uye “Mwari achapukuta misodzi yose pamaziso avo.” Vachiziva izvozvo, “vakageza nguo dzavo refu, vakadziita chena muropa reGwayana.” (Zvak. 7:14, 17) Vanotenda muchibayiro chaJesu, saka vane ‘nguo chena’ mukuona kwaMwari. Vanonzi vakarurama uye ishamwari dzaMwari, saAbrahamu.

4 Uyezve, sezvo veboka guru revanhu vemamwe makwai vari kuramba vachiwedzera vachinzi naMwari vakarurama, vanotarisira kupona pachaparadzwa nyika ino pakutambudzika kukuru. (Jak. 2:23-26) Seboka vanogona kuswedera pedyo naJehovha uye vane tariro yakanaka yokupona paAmagedhoni. (Jak. 4:8; Zvak. 7:15) Havazvimiririri asi vanoda kushumira vachitungamirirwa naMambo wavo wokudenga nehama dzavo dzakazodzwa dziri pasi pano.

5. Vaya veboka guru vanotsigira sei hama dzaKristu dzakazodzwa?

5 Nyika yaSatani yakatambudza vaKristu vakazodzwa uye icharamba ichivatambudza zvakasimba. Kunyange zvakadaro, vanovimba nokutsigirwa neshamwari dzavo dzeboka guru. Nhamba yevaKristu vakazodzwa painoderera, veboka guru vari kuramba vachiwedzera nemazana ezviuru gore rimwe nerimwe. Vakazodzwa havakwanisi kutungamirira imwe neimwe yeungano 100 000 dzevaKristu dziri pasi pose vari voga. Saka vakazodzwa vanotsigirwawo nemamwe makwai pakuti hama dzakakodzera dzeveboka guru dzinoshanda sevakuru muungano. Vakuru ava vanobatsira nokutarisira mamiriyoni evaKristu iye zvino vari mumaoko o“muranda akatendeka, akangwara.”

6. Kutsigirwa kwevakazodzwa neshamwari dzavo dzemamwe makwai kwakaprofitwa nezvako sei?

6 Kutsigirwa nomwoyo wose kunoitwa vaKristu vakazodzwa neshamwari dzavo kwakafanotaurwa nomuprofita Isaya. Akanyora kuti: “Zvanzi naJehovha: ‘Vashandi vasingabhadharwi veIjipiti nevatengesi veItiopiya nevaSebhiya, varume varefu, ivo vachauya kwauri, uye vachava vako. Vachafamba vari shure kwako.’” (Isa. 45:14) Nenzira yokufananidzira, nhasi vaKristu vane tariro yokurarama pasi pano vanofamba vari shure kweboka romuranda akazodzwa neDare Rinodzora, vachitevera utungamiriri hwavo. Se“vashandi vasingabhadharwi,” vemamwe makwai vanoshandisa simba ravo nepfuma yavo vachizvidira uye nomwoyo wose kutsigira basa rokuparidzira riri kuitwa munyika yose iro Kristu akapa vateveri vake vakazodzwa vari pasi pano.—Mab. 1:8; Zvak. 12:17.

7. Veboka guru revanhu vari kudzidziswa chii?

7 Sezvavanotsigira hama dzavo dzakazodzwa, veboka guru vari kudzidziswa kuti vave musimboti wenzanga itsva yevanhu vachararama pashure peAmagedhoni. Musimboti iwoyo unofanira kunge wakasimba uye wakatsiga, uye vanofanira kunge vachida uye vachikwanisa kuita zvose zvinotaurwa naTenzi. MuKristu mumwe nomumwe ari kupiwa mukana wokuratidza kuti anogona kushandiswa naMambo, Kristu Jesu. Kana iye zvino aine kutenda uye akavimbika, zvinoratidza kuti achabvuma nomwoyo wose kana Mambo ava kuzomupa mirayiridzo munyika itsva.

Veboka Guru Vari Kuratidza Kutenda

8, 9. Veboka guru vari kuratidza sei kutenda?

8 Vemamwe makwai, shamwari dzeungano yevaKristu vakazodzwa, vanoratidza kutenda kwavo munzira dzakasiyana-siyana. Kutanga, vanotsigira vakazodzwa nokuzivisa mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Chechipiri, vanobvuma kutungamirirwa neDare Rinodzora vachizvidira.—VaH. 13:17; verenga Zekariya 8:23.

9 Chechitatu, veboka guru vari kutsigira hama dzavo dzakazodzwa nokurarama maererano nemitemo yaJehovha yakarurama. Vanoedza kuva no“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Mazuva ano, kuratidza unhu hwakadaro kungasava kwakakurumbira sezvakaita kuratidza “mabasa enyama.” Kunyange zvakadaro, veboka guru vakatsunga kudzivisa ‘ufeve, kusachena, kusazvibata, kunamata zvidhori, kuita tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, tumapoka, shanje, kunwira kudhakwa, mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi.’—VaG. 5:19-21.

10. Veboka guru vakatsunga kuitei?

10 Sezvo tisina kukwana, zvingatiomera kuva nezvibereko zvomudzimu, kusaita mabasa enyama, uye kuramba mafungiro enyika yaSatani. Kunyange zvakadaro, takatsunga kuti tisaodzwa mwoyo nokukanganisa kwatinoita, zvipingamupinyi, kurwara kana kuti kukwegura kuti zvikanganise kusimba kwakaita kutenda kwedu kana kuti kuderedza kuda kwatinoita Jehovha. Tinoziva kuti Jehovha achaita sezvaakapikira, achachengetedza veboka guru vari vapenyu pakutambudzika kukuru.

11. Satani akashandisa nzira dzipi achiedza kuita kuti vaKristu vasave vakasimba pakutenda?

11 Kunyange zvakadaro, tinogara takarinda nokuti tinoziva kuti muvengi wedu chaiye ndiDhiyabhorosi, uye haakurumidzi kukanda mapfumo pasi. (Verenga 1 Petro 5:8.) Akaedza kushandisa vakaramba kutenda nevamwe kuita kuti tidavire kuti dzidziso dzatinotevera ndedzenhema. Asi nzira iyoyo yagara ichikundikana. Kunyange zvazvo kutambudza dzimwe nguva kwaideredza basa rokuparidzira, kazhinji kacho kwaitosimbisa kutenda kwevaitambudzwa. Saka, Satani anowedzera kushandisa nzira dzaanofunga kuti dzichaita kuti tisave vakasimba pakutenda. Anoshandisa kuora mwoyo. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakarumwa nzeve nezvengozi iyi pavakaudzwa kuti: “Nyatsofungai iye [Kristu] akatsungirira kutaura kwokukakavara kwakadaro kwevatadzi avo vairwisa zvinhu zvinovabatsira.” Nei? “Kuti murege kuneta nokupera simba pamweya yenyu.”—VaH. 12:3.

12. Zano romuBhaibheri rinosimbisa sei vaya vakaora mwoyo?

12 Wakambofunga nezvokurega kunamata here? Dzimwe nguva unombonzwa sokuti haubatsiri chinhu here? Kana zvakadaro, usarega Satani achishandisa manzwiro iwayo kuti akutadzise kushumira Jehovha. Kudzidza Bhaibheri zvakadzama, kunyengetera nomwoyo wose, kugara uchipinda misangano uye kushamwaridzana nevamwe vaKristu zvichakusimbisa uye zvichaita kuti ‘usapera simba pamweya wako.’ Jehovha akavimbisa kubatsira vanomushumira kuti vawanezve simba, tinogona kuvimba nezvaakavimbisa. (Verenga Isaya 40:30, 31.) Isa pfungwa dzako pamabasa oUmambo. Usapedza nguva uchiita zvinhu zvisina basa, asi batsira vamwe. Uchabva wava nesimba rokutsungirira pasinei nokuodzwa mwoyo.—VaG. 6:1, 2.

Kubuda Mukutambudzika Ndokupinda Munyika Itsva

13. Ibasa ripi rakamirira vaya vachapona paAmagedhoni?

13 Pashure peAmagedhoni, zviuru zvevanhu vasina kururama zvichamutswa zvichida kudzidziswa mirayiridzo yaJehovha. (Mab. 24:15) Vachada kudzidziswa nezvechibayiro chaJesu chorudzikinuro; kupfuura izvozvo, vanofanira kudzidziswa kuti vatende muchibayiro kuitira kuti chivabatsire. Vachafanira kuramba dzidziso dzechitendero chenhema dzavaimbodavira uye vosiya mararamiro avaimboita. Vanofanira kudzidza kupfeka unhu hutsva hune vaKristu vechokwadi. (VaEf. 4:22-24; VaK. 3:9, 10) Vaya vemamwe makwai vachapona paAmagedhoni vachava nebasa rakawanda rokuita. Aya achange ari makuwerere chaiwo kuita basa rokushumira Jehovha, pasina kana kai zvako kanovhiringidza kenyika ino yakaipa!

14, 15. Rondedzera kukurukurirana kuchaitika pakati pevachapona pakutambudzika kukuru nevakarurama vachamutswa.

14 Vashumiri vaJehovha vakafa vakatendeka Jesu asati aita ushumiri hwake pasi pano vachange vaine zvakawanda zvokudzidza panguva iyoyo. Vachadzidza kuti ndiani aiva Mesiya akapikirwa, wavakanga vamirira asi vakasamuona. Muupenyu hwavo hwekare, vakatoratidza kuti vanoda kudzidziswa naJehovha. Chimbofungidzira manyukunyuku auchava nawo uye kuti kuremekedzwawo chaizvo kuvabatsira—somuenzaniso, uchitsanangurira Dhanieri kuzadzika kwouprofita hwaakanyora asi hwakanga huri dombo chairo kwaari!—Dhan. 12:8, 9.

15 Chokwadi, kunyange zvazvo vaya vachamutswa vachange vaine zvakawanda zvokudzidza kwatiri, tichange tiine zvakawanda zvokuvabvunza. Vachatitsanangurira zvinhu zvakaitika zvinotaurwa muBhaibheri asi zvisina kudonongodzwa. Chimbofunga kutapirirwa kwauchaitwa uchidzidza nezvoupenyu hwaJesu kubva kuhama yake Johani Mubhabhatidzi! Hapana mubvunzo kuti zvinhu zvatichadzidza kune zvapupu zvakatendeka izvi kuchatoita kuti tinzwisise Shoko raMwari kupfuura zvatiri kutoita iye zvino. Vashumiri vaJehovha vakatendeka vakafa, kusanganisira vaya veboka guru vakafa munguva yomugumo vachawana “kumuka kuri nani.” Vakatanga kushumira Jehovha munyika yaitongwa naSatani. Chokwadi vachafara zvikuru kuramba vachimushumira munyika itsva inenge isina zvinofurufusha.—VaH. 11:35; 1 Joh. 5:19.

16. Maererano nouprofita, zvii zvichaitwa muZuva Rokutonga?

16 Pane imwe nguva mukati meZuva Rokutonga, mipumburu ichazarurwa. Ichashandiswa pamwe chete neBhaibheri kutonga vose vanenge vari vapenyu kuti vakakodzera here kuva noupenyu husingaperi. (Verenga Zvakazarurwa 20:12, 13.) Pachapera Zuva Rokutonga, mumwe nomumwe achange apiwa mukana wakakwana wokuti aratidze paamire chaipo panyaya yokutsigira changamire wezvinhu zvose. Achatsigira urongwa hwoUmambo here obvumira kuti Gwayana rimutungamirire “kuzvitubu zvemvura youpenyu”? Kana kuti achati tana kuramba kuzviisa pasi poUmambo hwaMwari? (Zvak. 7:17; Isa. 65:20) Panguva iyoyo, vose vanenge vari pasi vachange vawana mukana wokuzvisarudzira vasina kuvhiringidzwa nenyika yakaipa kana kuti nechivi chavakambenge vakagara nhaka. Hapana achazomboti bufu nezvekodzero yokutonga yaJehovha pakupedzisira. Vakaipa chete ndivo vachatsakatiswa zvachose.—Zvak. 20:14, 15.

17, 18. VaKristu vakazodzwa nemamwe makwai, vanotarisira chii vachifara paZuva Rokutonga?

17 Nhasi vaKristu vakazodzwa zvavanonzi vakakodzera kuwana Umambo, vari kunyatsotarisira kuzotonga mukati meZuva Rokutonga. Chokwadi aya makomborero! Tariro yakadaro inovakurudzira kushandisa zano rakapiwa hama dzomuzana remakore rokutanga naPetro rinoti: “Itai zvose zvamunogona kuti kudanwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu kuve kwechokwadi kwamuri; nokuti kana mukaramba muchiita zvinhu izvi hamungazombowi. Chokwadi, muchazarurirwa kwazvo saizvozvo kuti mupinde muumambo husingaperi hwaShe wedu uye Muponesi Jesu Kristu.”—2 Pet. 1:10, 11.

18 Vemamwe makwai vanofara pamwe chete nehama dzavo dzakazodzwa. Vakatsunga kudzibatsira. Zvavari shamwari dzaMwari iye zvino, vanonzwa vachida kuita zvose zvavanogona mubasa raMwari. Mukati meZuva Rokutonga, vachanakidzwa chaizvo kutsigira nomwoyo wose urongwa hwaMwari sezvo Jesu achavatungamirira kuzvitubu zvemvura youpenyu. Zvadaro pakupedzisira, vachanzi vakakodzera kuva vashumiri vaJehovha vepasi pano nokusingaperi!—VaR. 8:20, 21; Zvak. 21:1-7.

Unoyeuka Here?

• Zvinhu zvaJesu zvinosanganisirei?

• Vemamwe makwai vanotsigira sei hama dzavo dzakazodzwa?

• Vemamwe makwai vane zvikomborero zvipi uye vanotarisirei?

• Unoona sei Zuva Rokutonga?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 25]

Veboka guru vakageza nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana

[Mufananidzo uri papeji 27]

Unotarisira kudzidzei kubva kuvanhu vakatendeka vachange vamutswa?