Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Vaya Vane Mafungiro Akanaka’ Vari Kugamuchira Chokwadi

‘Vaya Vane Mafungiro Akanaka’ Vari Kugamuchira Chokwadi

‘Vaya Vane Mafungiro Akanaka’ Vari Kugamuchira Chokwadi

“Vose vaya vaiva nemafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi vakava vatendi.”—MAB. 13:48.

1, 2. VaKristu vekare vakaita sei pavakanzwa uprofita hwaJesu hwokuti mashoko akanaka aizoparidzwa munyika yose inogarwa?

BHUKU reBhaibheri raMabasa rine nhoroondo dzinofadza dzezvakaitwa nevaKristu vekare pavakanzwa uprofita hwaJesu hwokuti mashoko akanaka oUmambo aizoparidzirwa munyika yose. (Mat. 24:14) Vaparidzi vaishingaira vakaratidza muenzaniso wakanaka kune vose vaizovatevera. Pamusana pokuti vadzidzi vaJesu vakapupura nokushingaira muJerusarema, zviuru zvevanhu, kusanganisira “boka guru revapristi,” zvakadirana muungano yomuzana remakore rokutanga.—Mab. 2:41; 4:4; 6:7.

2 Mamishinari ekare akabatsira vakawanda kuti vagamuchire chiKristu. Somuenzaniso, Firipi akaenda kuSamariya uko mapoka evanhu akateerera mashoko ake. (Mab. 8:5-8) Pauro akafamba nzvimbo dzakawanda nevanhu vakasiyana-siyana, achiparidza shoko rechiKristu muKupro, mune dzimwe nzvimbo dzeAsia Minor, Makedhoniya, Girisi, neItari. Mumaguta aakaparidzira, vaJudha nevaGiriki vakawanda vakava vatendi. (Mab. 14:1; 16:5; 17:4) Tito akaparidzira muKrete. (Tito 1:5) Petro akanga achiparidza nokushingaira muBhabhironi, uye panguva yaakanyora tsamba yake yokutanga, munenge muna 62-64 C.E., basa rokuparidzira rakanga rava kuzivikanwa zvikuru muPontasi, Garatiya, Kapadhokiya, Ezhiya neBhitiniya. (1 Pet. 1:1; 5:13) Chokwadi idzi dzaiva nguva dzaifadza! VaKristu ivavo vomuzana rokutanga remakore vaishingaira kwazvo zvokuti vavengi vavo vakati vakanga va“nyonganisa nyika inogarwa.”—Mab. 17:6; 28:22.

3. Zvii zviri kuitwa mazuva ano nevazivisi voUmambo mubasa ravo rokuparidza, uye izvi zvinoita kuti unzwe sei?

3 Mazuva anowo, ungano yechiKristu yave ichikura zvikuru. Paunoverenga mushumo wegore weZvapupu zvaJehovha woona zviri kuitika pasi pose haukurudzirwi here? Haufari here kuziva kuti vazivisi voUmambo vakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinodarika mamiriyoni matanhatu mugore rebasa ra2007? Uyezve, nhamba yevakapinda Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu gore rapera inoratidza kuti vanhu vanenge mamiriyoni gumi vasiri Zvapupu zvaJehovha vakafarira mashoko akanaka zvokuti vakapinda mhemberero iyi inokosha. Izvi zvinoratidza kuti basa rakawanda richiri kufanira kuitwa.

4. Ndivanaani vari kugamuchira shoko roUmambo?

4 Somuzana remakore rokutanga, mazuva ano ‘vose vaya vane mafungiro akanaka okuti vave noupenyu husingaperi’ vari kugamuchira chokwadi. (Mab. 13:48) Jehovha ari kuita kuti vanhu vakadaro vauye musangano rake. (Verenga Hagai 2:7.) Tinofanira kuona sei ushumiri hwechiKristu kuitira kuti tishande pamwe chete nevamwe zvizere mubasa rokuunganidza?

Paridza Usingasaruri

5. Jehovha anofarira vanhu vakaita sei?

5 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanzwisisa kuti “Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mab. 10:34, 35) Munhu anenge achida kuva noukama hwakanaka naJehovha anofanira kutenda muchibayiro chaJesu chorudzikinuro. (Joh. 3:16, 36) Uye ndiJehovha anoda kuti “vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.”—1 Tim. 2:3, 4.

6. Vaparidzi voUmambo vanofanira kungwarira chii, uye nei?

6 Zvingave zvakaipa kuti vazivisi vemashoko akanaka vafungire vamwe zvisizvo pamusana porudzi rwavo, zvinzvimbo zvavo munzanga, zvitarisiko, zvitendero zvavo, kana chero zvimwe zvinhu zvipi zvazvo zvingavasiyanisa noruzhinji. Chimbofunga izvi: Hauongi here kuti munhu akatanga kukuudza chokwadi chomuMagwaro haana kukufungira zvisizvo? Saka kuregererei kuudza mumwe munhu angateerera mashoko angamuponesa?—Verenga Mateu 7:12.

7. Nei tisingafaniri kutonga vaya vatinoparidzira?

7 Jehovha akasarudza Jesu kuti ave Mutongi saka hatina kodzero yokutonga mumwe munhu. Izvi zvakakodzera sezvo takasiyana naJesu pakuti tinotonga “nokungoona chete nemaziso” edu, kana nezvatino“nzwa nenzeve” dzedu, nepo Jesu anogona kuziva zvinenge zviri kutsi kwemwoyo yedu.—Isa. 11:1-5; 2 Tim. 4:1.

8, 9. (a) Sauro akanga ari munhu worudzii asati ava muKristu? (b) Zvakaitika kumuapostora Pauro zvinofanira kutidzidzisei?

8 Vanenge vanhu vemarudzi ose vava kushumira Jehovha. Mumwe muenzaniso unonyatsoratidza izvi ndewaSauro weTaso, akazonzi muapostora Pauro. Sauro, muFarisi, aipikisa vaKristu kwazvo. Zvaaidavira nomwoyo wose kuti vakanga vasinganamati Jehovha zvakaita kuti atambudze ungano yevaKristu. (VaG. 1:13) Mukuona kwevanhu, zvaiita sokuti akanga asingazombofi akava muKristu. Asi Jesu akaona chimwe chinhu chakanga chakanaka pana Sauro achibva amusarudza kuti aite basa raikosha. Saka Sauro akazova muKristu aishingaira zvikuru muungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga.

9 Zvakaitika kune muapostora Pauro zvinotidzidzisei? Zvichida mundima yedu mune mapoka evanhu vanoita sevanopikisa mashoko edu. Kunyange zvazvo zvingaita sezvisingaiti kuti mumwe wavo ave muKristu wechokwadi, hatifaniri kurega kuvaudza chokwadi. Pane dzimwe nguva kunyange vanhu vanoita sevasingafariri vanogamuchira chokwadi. Basa redu nderokuramba tichiparidzira vanhu vose tisi“ngaregi.”—Verenga Mabasa 5:42.

Zvikomborero Zvakamirira Vaya Vanoparidza “Vasingaregi”

10. Nei tisingafaniri kurega kuparidzira vanhu vanoita sevanotyisa? Rondedzera zvakaitika mundima yenyu.

10 Zvitarisiko zvinogona kunyengera. Somuenzaniso, Ignacio, * akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha paaiva mujeri mune imwe nyika iri kuSouth America. Aityiwa nokuti airova vanhu. Saka vamwe vasungwa vaigadzira nokutengesa zvinhu kune vamwe vavo vaishandisa Ignacio kuti atore mari dzezvikwereti kune vaya vainonoka kubhadhara. Zvisinei, Ignacio zvaaifambira mberi mukunamata nokushandisa zvaaidzidza, munhu uyu aimboita zvomusindo akava munhu kwaye. Hapanazve achiri kumushandisa kutora mari yezvikwereti, kunyange zvakadaro Ignacio ari kugutsikana kuti chokwadi cheBhaibheri nomudzimu waMwari zvakachinja unhu hwake. Anoongawo vaparidzi voUmambo vasingasaruri vakaita zvose zvavaigona kuti vadzidze naye.

11. Nei tichiramba tichidzokera kune vanhu?

11 Chimwe chinoita kuti tirambe tichidzokera kune vanhu vatinenge takamboudza mashoko akanaka ndechokuti mafungiro avo nemamiriro avo ezvinhu zvingachinja. Zvichida kubvira patakapedzisira kushanya, vamwe vangave vakarwara zvakakomba, vakapererwa nebasa, kana kuti vakafirwa nomunhu wavanoda. (Verenga Muparidzi 9:11.) Zviri kuitika munyika zvingaita kuti vanhu vafungisise remangwana ravo. Zvinhu zvakadaro zvingaita kuti munhu akanga asingafariri kana kuti aitoshora ade kuteerera mashoko edu. Saka hatifaniri kurega kuudza vamwe mashoko akanaka pose pazvakakodzera.

12. Tinofanira kuona sei vanhu vatinoparidzira, uye nei?

12 Zvinoita sokuti vanhu vane tsika yokusarura uye yokutonga vamwe vanhu. Kunyange zvakadaro, Jehovha anoona munhu mumwe nomumwe sezvaari. Anoona unhu hwakanaka hwomunhu mumwe nomumwe. (Verenga 1 Samueri 16:7.) Tinofanira kuedza kuitawo izvozvo muushumiri hwedu. Zviitiko zvakawanda zvinoratidza migumisiro yakanaka inovapo nokuona zvakanaka pavanhu vatinoparidzira.

13, 14. (a) Nei mumwe piyona asina kuva nehanya nomumwe mukadzi waakaona muushumiri? (b) Tingadzidzei pane chinoitika ichi?

13 Sandra, imwe hanzvadzi inopayona, akanga achiparidza paimba neimba pane chimwe chitsuwa chiri kuCaribbean paakaonana naRuth, akanga akanyura zvake mumhemberero dzinoitwa mumigwagwa ikoko. Kaviri munyika iyi, Ruth akapfekedzwa korona yokuva mambokadzi mumhemberero yacho. Akafarira nomwoyo wose zvaaiudzwa naSandra, saka akaronga kuti adzidze naye Bhaibheri. Sandra anoyeuka izvi: “Pandakapinda muimba yokutandarira, ndakaona mufananidzo muhombe waRuth akapfeka zvipfeko zvinoshandiswa pamhemberero yacho uyewo mikombe yaakanga ahwina. Ndakanga ndafungira zvisizvo kuti mumwe munhu akanga akakurumbira zvakadaro uye aive akabatikana chaizvo mumhemberero dzomumigwagwa aisazofarira chokwadi. Saka ndakarega kumushanyira.”

14 Imwe nguva gare gare, Ruth akaenda kuImba yoUmambo, uye musangano wapera akabvunza Sandra kuti, “Nei usingachauyi kuzodzidza neni?” Sandra akakumbira ruregerero achibva aronga kuti vadzidze zvakare. Ruth akakurumidza kufambira mberi, akabvisa mumba make mifananidzo yaaitorwa pamhemberero idzi, ndokutanga kuita zvose zvinoitwa muungano achibva atsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Chokwadi, Sandra akazoziva kuti zvaaifunga pakutanga zvakanga zvisiri izvo.

15, 16. (a) Chii chakaitika mumwe muparidzi paakapupurira hama yake? (b) Nei mararamiro ehama yedu asingafaniri kutitadzisa kuiparidzira?

15 Vakawanda vakapupurira vomumhuri dzisingatendi vakavawo nemigumisiro yakanaka, kunyange pazvaiita sokuti vaisazoteerera. Somuenzaniso, funga nezvaJoyce, hanzvadzi yechiKristu yokuUnited States. Imwe hama yake yechirume yaigara ichiiswa mujeri kubvira payakanga ichiri kuyaruka. Joyce anoti, “Vanhu vaingomuti upenyu hwake ndohwenhando nokuti aitengesa zvinodhaka, aiva mbavha, uye aiita zvimwe zvinhu zvakawanda zvakaipa. Kunyange zvakadaro, pasinei nezvose izvi, ndakaramba ndichimuudza chokwadi chomuBhaibheri kwemakore 37.” Zvaakaita nokushivirira kuti abatsire hama yake zvakakomborerwa kwazvo payakazotanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ichibva yachinja zvikuru muupenyu hwayo. Nguva pfupi yapfuura, yava nemakore 50, hama yake iyi yakabhabhatidzwa pane rimwe gungano reruwa kuCalifornia, kuU.S.A. Joyce anoti: “Ndakachema nokufara. Ndiri kufara kwazvo nokuti handina kumukandira mapfumo pasi!”

16 Ungazeza kuudza dzimwe hama dzako chokwadi cheBhaibheri pamusana pezvavari. Asi Joyce haana kumbozeza kuudza hama yake iyi. Chokwadi, ndiani angaziva zviri mumwoyo momumwe munhu? Munhu iyeye angave achitsvaka chitendero chechokwadi nomwoyo wose. Saka mupe mukana wacho.—Verenga Zvirevo 3:27.

Bhuku Rinobatsira Zvikuru Pakudzidzisa Bhaibheri

17, 18. (a) Mishumo inobva munyika dzakawanda inoratidzei nezvokukosha kwebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? (b) Zviitiko zvipi zvinokurudzira zvawakava nazvo uchishandisa bhuku iri?

17 Mishumo inobva munyika dzakawanda inoratidza kuti vanhu vakawanda vane mwoyo yakatendeseka vari kubvuma kudzidziswa Bhaibheri pachishandiswa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Penni, imwe hanzvadzi inopayona yokuUnited States, akatanga kudzidzisa Bhaibheri vanhu vanoverengeka achishandisa bhuku iri. Vaviri vacho vaiva vanhu vechikuru vaishingaira mumachechi avo. Penni akanga asina chokwadi kuti vaizoita sei pavaizonzwa chokwadi chomuMagwaro chiri mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Asi akanyora kuti, “Nokuti mashoko aro akanyorwa zvakajeka, akanyatsorongwa, uye mapfupi, vakakurumidza kubvuma kuti zvavaidzidza chaiva chokwadi, vasingaiti nharo kana kuti zvisingavadyi mwoyo.”

18 Pat, mumwe muparidzi wokuBritain, akatanga kudzidzisa Bhaibheri mumwe mukadzi aiva apotera abva kune imwe nyika yokuAsia. Mukadzi wacho aitofanira kutiza munyika yake pashure pokunge murume wake nomwanakomana wake vatorwa nemasoja aiva apanduka, uye haana kuzombovaona zvakare. Upenyu hwake hwaiva pangozi, musha wake wakanga wapiswa, uye akanga abatwa chibharo nevanhu vakawanda panguva imwe chete. Zvose izvi zvakaita kuti afunge kuti pakanga pasina chokuraramira, uye kakawanda aifunga zvokuzviuraya. Zvisinei, kudzidza Bhaibheri kwakaita kuti ave netariro. Pat anonyora kuti, “Tsanangudzo dziri nyore uye mifananidzo zviri mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? zvakamubatsira zvikuru.” Mudzidzi wacho akakurumidza kufambira mberi, akakwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye akataura kuti akanga achida kubhabhatidzwa pagungano raitevera. Zvinofadza zvikuru kubatsira vanhu vane mwoyo yakatendeseka kuti vanzwisise uye vakoshese tariro inopiwa neMagwaro!

“Tisarega Kuita Zvakanaka”

19. Nei basa rokuparidza richifanira kukurumidza kuitwa?

19 Zuva rimwe nerimwe zvarinopfuura, tinonzwa tichifanira kukurumidza kuita basa redu rokuparidza nokuita vadzidzi. Gore negore zviuru zvevanhu vane mafungiro akanaka zviri kugamuchira mashoko atinoparidza. Kunyange zvakadaro, “zuva guru raJehovha rava pedyo,” zvichireva kuti vaya vanoramba vari murima rezvokunamata vari ku“dzedzereka vachienda kunourayiwa.”—Zef. 1:14; Zvir. 24:11.

20. Mumwe nomumwe wedu anofanira kutsunga kuitei?

20 Tichiri kukwanisa kubatsira vanhu vakadaro. Asi kuti tivabatsire, zvinokosha kuti titevedzere vaKristu vomuzana remakore rokutanga, “vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, . . . vasingaregi.” (Mab. 5:42) Pasinei nezvinonetsa, tevedzera muenzaniso wavo nokuramba uchitsungirira, uchingwaririra ‘unyanzvi hwako hwokudzidzisa,’ uye uchiparidzira vose usingasaruri! “Tisarega kuita zvakanaka,” nokuti kana tikaramba tichidaro, tichawana zvikomborero zvakawanda zvinobva kuna Mwari.—2 Tim. 4:2; verenga VaGaratiya 6:9.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Mamwe mazita akachinjwa.

Ungapindura Sei?

• Ndivanaani vari kugamuchira mashoko akanaka?

• Nei tisingafaniri kufungira vanhu vatinoparidzira?

• Zvii zviri kuvapo nokushandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 13]

Zviuru zvevanhu vakatendeseka zviri kugamuchira chokwadi

[Mifananidzo iri papeji 15]

Tingadzidzei pakuchinja kwakaita muapostora Pauro?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vazivisi vemashoko akanaka havafungiri vanhu