Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Pane Zvakakanganiswa nevaIsraeri

Dzidza Pane Zvakakanganiswa nevaIsraeri

Dzidza Pane Zvakakanganiswa nevaIsraeri

VAISRAERI vaiziva zvaitarisirwa naJehovha kwavari pavakanga vopinda muNyika Yakapikirwa. Achishandisa Mosesi, Mwari akarayira kuti: “Munofanira kudzinga vagari vose vomunyika yacho pamberi penyu moparadza zvidhori zvavo zvose zvematombo, munofanira kuparadza mifananidzo yavo yose yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa, uye munofanira kutsakatisa nzvimbo dzavo tsvene dzose dzakakwirira.”—Num. 33:52.

Vanhu veIsraeri vaisafanira kuita sungano nevanhu vomunyika yacho, kunyange kuroorana navo. (Dheut. 7:2, 3) Chokwadi vanhu vaMwari vakasarudzwa vakarumwa nzeve: “Chenjerera kuti usaita sungano nevagari vomunyika yauri kuenda kwairi, kuti irege kuva musungo kwauri.” (Eks. 34:12) Asi vaIsraeri vakaisa zvimiti munzeve pane zvavakaudzwa naMwari uye vakabatwa nomusungo. Chii chakaita kuti vatadze? Tingadzidzei kubva pane zvakaitika kwavari?—1 VaK. 10:11.

Kubva Pakushamwaridzana Kusvika Pakunamata Zvidhori

Pavaitora Nyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakakunda vanhu vaigara munyika yacho. Zvisinei, vanakomana vaIsraeri havana kunyatsoteerera murayiro waMwari. Havana kudzinga vavengi vavo. (Vat. 1:1–2:10) Asi vaIsraeri pavakagara pakati pe“marudzi manomwe” aigara munyika yacho, kugara vachionana nevanhu ivavo kwakaita kuti vashamwaridzane navo. (Dheut. 7:1) Izvi zvakakanganisa sei vaIsraeri? Bhaibheri rinoti: “Vakatora vanasikana vavo kuti vave madzimai avo, uye vakapa vanakomana vavo vanasikana vavo, vakashumira vanamwari vavo. Naizvozvo vanakomana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, uye vaikanganwa Jehovha Mwari wavo votanga kushumira vanaBhaari nematanda matsvene.” (Vat. 3:5-7) Kana vari vaIsraeri, kushamwaridzana nevanhu vomunyika yacho kwakaita kuti varoorane navo uye vanamate zvidhori. Vangoroorana nevanhu ava, mukana wokuti vaIsraeri vadzinge vahedheni munyika iyi wakanga wava muduku. Kunamata kwechokwadi kwakakanganiswa, uye vaIsraeri vakatanga kushumira vanamwari venhema.

Zvavakanga vava kushamwaridzana nevagari vomuNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakanga vatowedzera kuzvisikira moto muziso mune zvokunamata. Chimbofunga imwe nzira yavaizokanganiswa nayo mune zvokunamata.

Kurima Vachinamata Bhaari

Vapinda muNyika Yakapikirwa, vanakomana vaIsraeri vakasiya upenyu hwokungotama-tama uye vakawanda vavo vakabva vava varimi. Marimiro avaiita angangodaro akanga akafanana neaiitwa nevanhu vakatanga kurima nyika yacho. Zviri pachena kuti vaIsraeri havana chete kungotevedzera marimiro evaKenani. VaIsraeri vakanyengedzwa kugamuchira kunamata kwaiva nechokuita nokurima nokuti vakashamwaridzanawo nevanhu vomunyika yacho.

VaKenani vainamata vanaBhaari vakawanda, vanamwari vainzi ndivo vaiita kuti ivhu ribereke. Pane kurima minda vachikohwa, vaIsraeri vakatangawo kunamata vanamwari vevaKenani vachiti ndivo vaiita kuti vave negoho rakakura. Saka vaIsraeri vakawanda vainyepedzera kunamata Jehovha, asi chaizvoizvo vaiita zvinhu zvinoratidza kuti vakanga varamba kutenda.

Nyevero Yakasimba Kwatiri Nhasi

Kungangova kuti pavakatanga kuonana nevanhu vomuNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakanga vasina vavariro yokunamata Bhaari uye kuita zvakaipa zvaibatanidzwa pakumunamata. Asi ndizvo zvavakazoita nokuti vakashamwaridzana nevanhu ava. Kana tikashamwaridzana nevaya vangaratidza kutifarira asi vasingatendi zvatinotenda uye vasina tsika dzakafanana nedzedu, hatingatarisiriwo here kupinda mutsekwende yakadaro? Chokwadi, zvingave zvakakodzera kuti tikurukure nevanhu vasingatendi vokubasa kwedu, kuchikoro, kunyange kumba. Zvisinei, zvakaitika kuvaIsraeri zvinotinyevera kuti ushamwari hwakadaro hwakafanana nokunanika ura pachitsiga. Bhaibheri rinotaura chokwadi ichi chisinganzvengeki: “Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaK. 15:33.

Nhasi tinosangana nemiedzo yakafanana neyakasangana nevaIsraeri. Mazuva ano vanhu vava kunamata vamwe vanhu uye zvinhu zvakawanda vachizviita kunge vanamwari vavo. Zvinosanganisira mari, nyanzvi dzezvinovaraidza, shasha dzemitambo, zvematongerwo enyika, vamwe vatungamiriri vezvitendero, kunyange vamwe vanhu vomumhuri. Tingangonyanya kukoshesa chimwe chezvinhu izvi muupenyu hwedu. Kuita tsika nditsikewo nevanhu vasingadi Jehovha kunogona kutitadzisa kunamata.

Kuita zvepabonde kwaiitwa nevanhu vasina kuroorana kwaiva chinhu chikuru pakunamata Bhaari uye izvi zvakanyengedza vaIsraeri vakawanda. Vanhu vaMwari vachiri kubatwawo nemisungo yakadaro. Somuenzaniso, munhu akangovhura kombiyuta ari oga mumba make, zvingaita kuti kana munhu wacho asingadi kupfuurwa nezvinhu kana kuti asina kungwarira akanganise hana yake yakanaka. Zvingasuruvarisa kwazvo kana muKristu akapinda mumusungo wokuona zvinonyadzisira paIndaneti!

“Vanofara Vaya Vanochengeta Zviyeuchidzo Zvake”

Pakusarudza shamwari, munhu anozvisarudzira oga kuti anoda kuteerera Jehovha kana kuti kwete. (Dheut. 30:19, 20) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndivanaani vandinoshamwaridzana navo pandinenge ndichitandara? Vanokoshesei uye vane tsika dzakaita sei? Vanonamata Jehovha here? Kana ndikashamwaridzana navo ndichava muKristu ari nani here?’

Munyori wepisarema akaimba kuti: “Vanofara vasina mhosva panzira dzavo, vaya vanofamba mumutemo waJehovha. Vanofara vaya vanochengeta zviyeuchidzo zvake; vanoramba vachimutsvaka nomwoyo wose.” (Pis. 119:1, 2) Chokwadi, “anofara munhu wose anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.” (Pis. 128:1) Panyaya yokusarudza shamwari, ngatidzidzei pane zvakanganiswa nevaIsraeri toteerera Jehovha nomwoyo wose.—Zvir. 13:20.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kushamwaridzana nevaya vasingadi Jehovha kungaita kuti tinamate zvidhori