Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Famba Munzira dzaJehovha

Famba Munzira dzaJehovha

Famba Munzira dzaJehovha

“Anofara munhu wose anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.”—PIS. 128:1.

1, 2. Nei tiine chokwadi chokuti tinogona kufara?

MUNHU wose anoda kufara. Asi hapana mubvunzo kuti kuda mufaro uye kunyange kuutsvaka hazvirevi kuti tinobva tafara.

2 Asi tinogona kufara. Pisarema 128:1 rinoti: “Anofara munhu wose anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.” Tinogona kufara kana tichinamata Mwari uye tichifamba munzira dzake nokuita zvaanoda. Izvi zvinoitei patsika dzedu uye paunhu hwatinoratidza?

Vimbika

3. Kuvimbika kwakabatana papi nokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari?

3 Vaya vanotya Jehovha vakavimbika sezvaakaita. Jehovha akaita zvose zvaakavimbisa Israeri wekare. (1 Madz. 8:56) Kuzvitsaurira kuna Mwari ndicho chinhu chinonyanya kukosha chatingavimbisa, uye kunyengetera nguva dzose kuchatibatsira kuchengeta vimbiso iyoyo. Tinogona kunyengetera sezvakaita munyori wepisarema Dhavhidhi kuti: “Imi haiwa Mwari, makateerera mhiko dzangu. . . . Ndichaimbira zita renyu nokusingaperi, kuti ndiripe mhiko dzangu zuva nezuva.” (Pis. 61:5, 8; Mup. 5:4-6) Tinofanira kuva vakavimbika kuti tive shamwari dzaMwari.—Pis. 15:1, 4.

4. Jefta nomwanasikana wake vakaita sei nemhiko yaakanga aita kuna Jehovha?

4 Mumazuva eVatongi vechiIsraeri, Jefta akapika kuti kana Jehovha aizoita kuti akunde vaAmoni, aizopa “sechinopiwa chinopiswa” munhu anenge atanga kumuchingura kubva kuhondo. Munhu wacho akazova mwanasikana waJefta, aiva zai regondo. Vaine kutenda muna Jehovha, Jefta nomwanasikana wake akanga asina kuroorwa vakazadzika mhiko yacho. Kunyange zvazvo kuroorwa uye kubereka vana zviri zvinhu zvaikosheswa zvikuru muIsraeri, mwanasikana waJefta akasarudza kuramba asina kuroorwa uye akava neropafadzo yokuita basa dzvene mutemberi yaJehovha.—Vat. 11:28-40.

5. Hana akaratidza sei kuti akanga akavimbika?

5 Hana aiva mukadzi akanga akavimbika aitya Mwari. Aigara nomurume wake aiva muRevhi, Erikana, uye mukadzinyina wake, Penina, munzvimbo yaiva nemakomo yeEfremu. Penina akabereka vana vakawanda uye aitsvinyira Hana kunyanya panguva yaienda mhuri yacho kutebhenekeri. Pane imwe nguva vaenda kutebhenekeri, Hana akapika kuti kana aizobereka mwanakomana, aizomupa Jehovha. Nenguva isipi akabata pamuviri ndokubereka mwana mukomana akazopiwa zita rokuti Samueri. Arumurwa, Hana akamupa kuna Mwari kuShiro, achiita kuti ave waJehovha “mazuva ose oupenyu hwake.” (1 Sam. 1:11) Saka akazadzisa zvaakanga apika kunyange zvazvo akanga asingazivi kuti aizova nevamwe vana.—1 Sam. 2:20, 21.

6. Chii chinoratidza kuti Tikiko akanga akavimbika?

6 Tikiko, mumwe muKristu womuzana remakore rokutanga akanga akavimbika uye aiva “mushumiri akatendeka.” (VaK. 4:7) Tikiko akafamba nomuapostora Pauro kubva kuGirisi vachipfuura nomuMakedhoniya, ndokupinda kuAsia Minor, uye zvichida vakapfuurira kuenda kuJerusarema. (Mab. 20:2-4) Angadaro aiva “hama” yakabatsira Tito kutarisira zvinhu zvokupa vaishayiwa vavainamata navo muJudhiya. (2 VaK. 8:18, 19; 12:18) Pauro paakasungwa kokutanga muRoma, akaita kuti Tikiko mumiririri akanga akavimbika aendese tsamba kuhama dzaiva muEfeso nomuKorose. (VaEf. 6:21, 22; VaK. 4:8, 9) Paakasungwa kechipiri kuRoma, Pauro akatuma Tikiko kuEfeso. (2 Tim. 4:12) Kana takavimbika, isuwo tichawana zvikomborero mubasa raJehovha.

7, 8. Nei tingati Dhavhidhi naJonatani vaiva tsika nditsikewo?

7 Mwari anotitarisira kuti tive shamwari dzakavimbika. (Zvir. 17:17) Mwanakomana waMambo Sauro, Jonatani akava shamwari yaDhavhidhi. Jonatani paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga auraya Goriyati, “mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi, Jonatani akatanga kumuda sokuda kwaaiita mweya wake.” (1 Sam. 18:1, 3) Jonatani akatonyevera Dhavhidhi paaida kuurayiwa naSauro. Dhavhidhi paakatiza, Jonatani akaenda kunoonana naye ndokuita sungano naye. Kutaura kwakaita Jonatani kuna Sauro nezvaDhavhidhi kwakapotsa kwamuurayisa, asi vaviri ava vakazosanganazve vachibva vasimbisa ushamwari hwavo. (1 Sam. 20:24-41) Pavakazoonana kokupedzisira, Jonatani akasimbisa Dhavhidhi ‘musimba raMwari.’—1 Sam. 23:16-18.

8 Jonatani akafa pavairwa nevaFiristiya. (1 Sam. 31:6) Murwiyo rwemariro, Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndiri kutambudzika pamusoro pako, Jonatani hama yangu, waindifadza kwazvo. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa kupfuura rudo rwevakadzi.” (2 Sam. 1:26) Rudo urwu rwaiva rweshamwari kwete rwokudanana kwomurume nomukadzi. Dhavhidhi naJonatani vaiva tsika nditsikewo.

‘Zvininipisei’ Nguva Dzose

9. Kukosha kwokuzvininipisa kunoratidzwa sei muchitsauko 9 chaVatongi?

9 Kuti tive shamwari dzaMwari, tinofanira ‘kuzvininipisa.’ (1 Pet. 3:8; Pis. 138:6) Kukosha kwokuzvininipisa kunoratidzwa muchitsauko 9 chaVatongi. Jotamu mwanakomana waGidhiyoni akati: “Pane imwe nguva miti yakaenda kunozodza mambo wayo.” Akataura nezvomuorivhi, muonde, uye muzambiringa. Miti iyi yaimiririra vanhu vaikudzwa vakanga vasingatsvaki kutonga vamwe vaIsraeri. Asi rukato rwaingoshandiswa sehuni chete, rwaimiririra kutonga kwaAbhimereki aizvikudza, munhu aiponda aida kudzvinyirira vamwe. Kunyange zvazvo akava “muchinda waIsraeri kwemakore matatu,” akakurumidza kufa. (Vat. 9:8-15, 22, 50-54) Saka zvinokosha chaizvo kuti ‘tizvininipise’!

10. Wadzidzei pakukundikana kwakaita Herodhi “kukudza Mwari”?

10 Muzana remakore rokutanga C.E., Mambo Herodhi Agiripa aidada weJudhiya akatadza kuwirirana nevagari vokuTire neSidhoni, vaida kuva norugare naye. Pane imwe nguva paaikurukura pamberi pevanhu, vakashevedzera vachiti: “Inzwi ramwari, kwete romunhu!” Herodhi haana kuramba kurumbidzwa kwakadaro kwokubatwa kumeso, uye ngirozi yaJehovha yakabva yamurova zvokuti akafa zvakaipisisa “nokuti haana kukudza Mwari.” (Mab. 12:20-23) Zvakadini kana tiine unyanzvi hwokukurukura kana hwokudzidzisa chokwadi cheBhaibheri? Kana zvakadaro ngatikudzei Mwari pane zvaanotibvumira kuita.—1 VaK. 4:6, 7; Jak. 4:6.

Shingai Musimbe

11, 12. Zvakaitika kuna Inoki zvinoratidza sei kuti Jehovha anopa vashumiri vake ushingi nesimba?

11 Kana tikafamba munzira dzaJehovha tichizvininipisa, iye achatishingisa nokutisimbisa. (Dheut. 31:6-8, 23) Inoki, munhu wechinomwe mudzinza raAdhamu, akafamba naMwari akashinga nokuramba achiita zvakarurama pakati pevanhu vakaipa. (Gen. 5:21-24) Jehovha akasimbisa Inoki kuti avataurire mashoko ane simba pamusana pokuti vaitaura uye vaiita zvisingadiwi naMwari. (Verenga Judha 14, 15.) Une ushingi hwokuzivisa kutonga kwaMwari here?

12 Jehovha akatonga vanhu vakanga vasingadi Mwari paMafashamo omuzuva raNoa. Asi uprofita hwaInoki hunotikurudzira nokuti vanhu vasingadi Mwari vomuzuva redu vachaparadzwa nokukurumidza nezviuru zvengirozi tsvene dzaMwari. (Zvak. 16:14-16; 19:11-16) Achipindura minyengetero yedu, Jehovha anotipa ushingi hwokuzivisa shoko rake, ringave rine chokuita nokutonga kwake kana kuti zvikomborero zvichavapo muUmambo.

13. Nei tingava nechokwadi chokuti Mwari anogona kupa ushingi nesimba zvatinoda kuitira kuti tikunde zvinetso zvinokonzerwa nokuora mwoyo?

13 Tinoda kupiwa ushingi nesimba naMwari kuti tikwanise kukunda zvinetso zvinokonzerwa nokuora mwoyo. Vakadzi vaviri vechiHiti vakaroorwa naIsau, “vaishungurudza [vabereki vake] Isaka naRibheka.” Ribheka akatochema achiti: “Ndava kusema upenyu hwangu uhu nokuda kwevanasikana vaHeti. Kana [mwanakomana wedu] Jakobho akatora chete mudzimai pavanasikana vaHeti seava pavanasikana vomunyika yacho, upenyu hunondibatsireiko?” (Gen. 26:34, 35; 27:46) Isaka akaisa nyaya yacho mumaoko ake achibva aita kuti Jakobho aende kunotsvaka mudzimai pavanamati vaJehovha. Kunyange zvazvo Isaka naRibheka vakanga vasingagoni kuchinja zvakanga zvaitwa naIsau, Mwari akavapa uchenjeri, ushingi, nesimba kuti varambe vakatendeka. Kana tikanyengeterera kubatsirwa, Jehovha achatiitirawo saizvozvo.—Pis. 118:5.

14. Musikana muduku wechiIsraeri akaratidza sei ushingi?

14 Mazana emakore akazotevera, mumwe musikana muduku wechiIsraeri akanga atapwa neboka revapambi, akava mushandi mumusha waNaamani aiva mukuru mukuru weuto reSiriya, murume aiva nemaperembudzi. Anzwa zvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari achishandisa muprofita Erisha, musikana wacho akashinga kuudza mudzimai waNaamani kuti: ‘Kudai tenzi wangu akaenda kuIsraeri, muprofita waJehovha angamurapa maperembudzi ake.’ Naamani akaenda kuIsraeri, uye akaporeswa nenzira inoshamisa. (2 Madz. 5:1-3) Musikana uyu akasiyira muenzaniso wakanaka vechiduku vanovimba naJehovha wokuti vaparidze noushingi kuvadzidzisi, vavanodzidza navo nevamwewo!

15. Mushandi waMambo Ahabhi ainzi Obhadhiya akaitei zvairatidza kuti akanga akashinga?

15 Ushingi hwatinopiwa naMwari hunotibatsira kutsungirira patinotambudzwa. Chimbofunga nezvomushandi waMambo Ahabhi ainzi Obhadhiya, akararama munguva yomuprofita Eriya. Mambokadzi Jezebheri paakarayira kuti vaprofita vaMwari vaurayiwe, Obhadhiya akavanza 100 “vari mumapoka emakumi mashanu, mubako.” (1 Madz. 18:13; 19:18) Ungabatsira noushingi here vaKristu vaunonamata navo vanenge vachitambudzwa sokubatsira kwakaita Obhadhiya vaprofita vaJehovha?

16, 17. Aristako naGayo vakaitei pavakatambudzwa?

16 Kana tikatambudzwa, tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achatitarisira. (VaR. 8:35-39) Munzvimbo yaiitirwa mitambo kuEfeso, Aristako naGayo vaishanda naPauro vakatorwa nechisimba nemhomho yevanhu vangangodaro vaisvika zviuru. Dhemetriyo mupfuri wesirivha akanga akonzera nyonganyonga. Iye nevamwe vake vaigadzira tutemberi twesirivha twamwarikadzi ainzi Atemisi, uye bhizimisi ravo raivapa pundutso rakanga rava kukanganiswa nokuti basa raPauro rokuparidza rakaita kuti vanhu vakawanda varege kunamata zvidhori. Mhomho yacho yakazvuzvurudzira Aristako naGayo munzvimbo yemitambo ndokushevedzera vachiti: “Atemisi wevaEfeso mukuru!” Zvichida Aristako naGayo vaifunga kuti vaizofa, asi munyori wezvaiitika muguta akadzikamisa mhomho yacho.—Mab. 19:23-41.

17 Kudai izvi zvakaitika kwauri, ungadai wakatsvaka upenyu husina zvinetso here? Hapana panoratidza kuti Aristako naGayo vakakanda mapfumo pasi. Zvaaiva wokuTesaronika, Aristako aiziva kuti kuzivisa mashoko akanaka kwaigona kuita kuti atambudzwe. Imwe nguva izvi zvisati zvaitika, nyonganyonga yakanga yambomuka Pauro paakaparidza ikoko. (Mab. 17:5; 20:4) Sezvo Aristako naGayo vaiteerera Jehovha, akavapa simba noushingi zvokuti vatsungirire.

Rambai Muine Hanya Nezvinodiwa Nevamwe

18. Prisira naAkwira ‘vakaramba vaine hanya’ nezvinhu zvaidiwa nevamwe sei?

18 Tingave tiri kutambudzwa kana kuti kwete, tinofanira kuva nehanya nevaKristu vatinonamata navo. Prisira naAkwira ‘vakaramba vaine hanya’ nezvinhu zvaidiwa nevamwe. (Verenga VaFiripi 2:4.) Mhuri iyi yakanaka ingave yakapa Pauro pokugara muEfeso, kuya kwakamutswa nyonganyonga naDhemetriyo sezvambotaurwa. Izvi zvingave zvakaita kuti Akwira naPrisira ‘vaise mitsipa yavo pangozi’ vachiitira Pauro. (VaR. 16:3, 4; 2 VaK. 1:8) Mazuva ano, kuva nehanya nehama dzedu dzinenge dzichitambudzwa kunoita kuti tive “vakachenjera senyoka.” (Mat. 10:16-18) Tinoita basa redu takachenjera uye tinoramba kuvatengesa nokutaura mazita avo kana kuti mamwe mashoko kune vanenge vachida kuvatambudza.

19. Dhokasi akaitira vamwe mabasa api akanaka?

19 Tinogona kuratidza kuti tine hanya nevamwe tichiita izvi nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vaKristu vane zvavanoda, uye tingave tichikwanisa kuvabatsira. (VaEf. 4:28; Jak. 2:14-17) Muungano yomuzana remakore rokutanga kuJopa, maiva nomumwe mukadzi aipa zvikuru ainzi Dhokasi. (Verenga Mabasa 9:36-42.) Dhokasi “aiita mabasa mazhinji akanaka okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni.” Zviri pachena kuti izvi zvaisanganisira kusonera mbatya chirikadzi dzaishayiwa. Chirikadzi dzakasuruvara zvikuru paakafa muna 36 C.E. Mwari akashandisa muapostora Petro kumutsa Dhokasi, uye angangove akazopedza upenyu hwake hwose pasi pano achiparidza mashoko akanaka uye achiita mabasa okubatsira vamwe achifara. Tinofara chaizvo kuti mazuva ano tine vakadzi vechiKristu vakadaro vasina udyire!

20, 21. (a) Kukurudzira kunobatana papi nokuratidza kuti tine hanya nezvinodiwa nevamwe? (b) Ungaitei kuti ukurudzire vamwe?

20 Tinoratidza kuti tine hanya nevamwe nokuvakurudzira. (VaR. 1:11, 12) Sirasi aishanda naPauro aikurudzira. Pashure pokunge nyaya yokudzingiswa yakurukurwa muna 49 C.E., Dare rinodzora raiva muJerusarema rakatuma nhume netsamba kuvatendi vaiva kune dzimwe nzvimbo. Sirasi, Judhasi, Bhanabhasi naPauro vakaenda nayo kuAndiyoki. Ikoko Sirasi naJudhasi “vakakurudzira hama nehurukuro zhinji, vakadzisimbisa.”—Mab. 15:32.

21 Pava paya, Pauro naSirasi vakaiswa mujeri kuFiripi asi vakazobuda pakadengenyeka nyika. Chokwadi vangave vakanzwa manyukunyuku chaizvo kupupura uye kuona murindi wejeri nemhuri yake vachiva vatendi! Vasati vabuda muguta racho, Sirasi naPauro vakakurudzira hama. (Mab. 16:12, 40) Sezvakaita Pauro naSirasi, edza kukurudzira vamwe nemhinduro dzako, hurukuro, nokushingaira muushumiri. Uye paunenge uine “shoko chero ripi zvaro rokukurudzira vanhu,” edza nepaunogona napo ‘kuritaura.’—Mab. 13:15.

Ramba Uchifamba Munzira dzaJehovha

22, 23. Tinganyatsobatsirwa sei nenhoroondo dzomuBhaibheri?

22 Tinofanira kuonga chaizvo nhoroondo dzoupenyu dzakanyorwa muShoko raJehovha, “Mwari anokurudzira zvikuru”! (2 VaK. 1:3, Byington) Kana tichizobatsirwa nezvakaitika izvi, tinofanira kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri muupenyu hwedu toita kuti mudzimu mutsvene waMwari utitungamirire.—VaG. 5:22-25.

23 Kufungisisa nhoroondo dzomuBhaibheri kuchatibatsira kuti tive nounhu hunodiwa naMwari. Kuchasimbisa ukama hwedu naJehovha, uyo anotipa “uchenjeri nezivo nokufara.” (Mup. 2:26) Tingaitawo kuti mwoyo waMwari ane rudo ufare. (Zvir. 27:11) Ngatitsungei kuita izvozvo nokuramba tichifamba munzira dzaJehovha.

Ungapindura Sei?

• Ungaratidza sei kuti wakavimbika?

• Nei tichifanira ‘kuzvininipisa’?

• Nhoroondo dzomuBhaibheri dzingatibatsira sei kuti tive noushingi?

• Tingaramba sei tichiva nehanya nezvinodiwa nevamwe?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8]

Jefta akanga akavimbika nomwanasikana wake vakazadzika mhiko yaJefta, kunyange zvazvo zvakanga zvakaoma kuzviita

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vechiduku, madzidzei kumusikana wechiIsraeri?

[Mufananidzo uri papeji 11]

Dhokasi akabatsira sei vaKristu vaainamata navo?