Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Kuti Jehovha Ave Pamberi Pako Nguva Dzose

Ita Kuti Jehovha Ave Pamberi Pako Nguva Dzose

Ita Kuti Jehovha Ave Pamberi Pako Nguva Dzose

“Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.”—PIS. 16:8.

1. Nhoroondo dziri muBhaibheri dzingatibatsira sei?

SHOKO raJehovha rakanyorwa rine nhoroondo dzakanaka dzemabatiro aiita Mwari vanhu vake. Rinotaura nezvevanhu vakawanda vane zvavakaitawo muchinangwa chaMwari. Kutaura zvazviri, zvavakataura nezvavakaita hazvina kungonyorwa muBhaibheri senganowo zvadzo dzokufadza nzeve dzedu. Asi nhoroondo dzakadaro dzinogona kuita kuti tive noushamwari naMwari.—Jak. 4:8.

2, 3. Mashoko ari pana Pisarema 16:8 anorevei?

2 Tose tinogona kudzidza zvakawanda muupenyu hwevanhu vanozivikanwa zvikuru vanotaurwa muBhaibheri vakadai saAbrahamu, Sara, Mosesi, Rute, Dhavidhi, Esteri, muapostora Pauro, nevamwe. Zvisinei, tinogonawo kubatsirwa nenhoroondo dzevanhu vasinganyanyi kutaurwa nezvavo. Kana tikafungisisa nhoroondo dzomuBhaibheri idzi zvingatibatsira kuti tiite maererano nemashoko omunyori wepisarema uyo akati: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.” (Pis. 16:8) Mashoko aya anorevei?

3 Kazhinji musoja aibata bakatwa rake noruoko rwake rworudyi, achisiya divi iroro risina kudzivirirwa nenhoo yaainge akabata noruoko rwake rworuboshwe. Asi ainge akadzivirirwa kana mumwe wake airwa ari kurudyi pedyo naye. Kana tikaramba tichifunga nezvaJehovha uye tichiita zvaanoda, achatidzivirira. Saka ngationei kuti kuongorora nhoroondo dzomuBhaibheri kungasimbisa sei kutenda kwedu kuitira kuti ‘tirambe tichiita kuti Jehovha ave pamberi pedu nguva dzose.’

Jehovha Anopindura Minyengetero Yedu

4. Taura muenzaniso uri muMagwaro unoratidza kuti Jehovha anopindura minyengetero.

4 Kana tikaramba tichiita kuti Jehovha ave pamberi pedu, achapindura minyengetero yedu. (Pis. 65:2; 66:19) Tinoona izvi pane zvakaitika kumuranda mukuru waAbrahamu, angangove aiva Eriyezeri. Abrahamu akamutuma kuMesopotamiya kuti anotsvakira Isaka mudzimai aitya Mwari. Eriyezeri akanyengetera kuti atungamirirwe naMwari uye paakaona Ribheka achinwisa ngamera dzake mvura, akaziva kuti akanga apindurwa. Eriyezeri akawana mudzimai akazova chido chemwoyo kuna Isaka nokuti akanga anyengetera nomwoyo wose. (Gen. 24:12-14, 67) Ichokwadi kuti muranda waAbrahamu uyu aiva atumwa kuti aite basa rinokosha. Hatifaniri kuva nechivimbo saizvozvowo here kuti Jehovha anonzwa minyengetero yedu?

5. Nei tingati kunyange munyengetero mupfupi, unoitwa chinyararire kuna Jehovha unogona kupindurwa?

5 Dzimwe nguva tinofanira kunyengetera nechimbichimbi kuna Mwari kuti atibatsire. Pane imwe nguva, Atashasta Mambo wokuPezhiya akaona kuti mudiri wake Nehemiya akanga akasuruvara. Mambo wacho akabvunza kuti: “Chii ichi chauri kuedza kukumbira?” Nehemiya ‘akabva anyengetera kuna Mwari wokumatenga.’ Nehemiya paakanyengetera chinyararire, aifanira kupa munyengetero mupfupi. Asi Mwari akamupindura, nokuti Nehemiya akabatsirwa namambo kuti avakezve masvingo eJerusarema. (Verenga Nehemiya 2:1-8.) Chokwadi, kunyange munyengetero mupfupi unoitwa chinyararire unogona kupindurwa.

6, 7. (a) Epafrasi akatisiyira muenzaniso upi panyaya yomunyengetero? (b) Nei tichifanira kunyengeterera vamwe?

6 Tinokurudzirwa kuti ‘tinyengetererane,’ kunyange zvazvo nguva dzose tisingakurumidzi kuona uchapupu hwokupindurwa kweminyengetero yakadaro. (Jak. 5:16) Epafrasi, “mushumiri akatendeka waKristu,” akanyengeterera nomwoyo wose vaya vaainamata navo. Ari kuRoma, Pauro akanyora kuti: “Epafrasi, anobva pakati penyu [vaKorose], muranda waKristu Jesu, anokukwazisai, anogara achizvishandisa nesimba nokuda kwenyu paanonyengetera, kuti pakupedzisira mumire makakwana muine chokwadi kwazvo nezvinhu zvose zvinodiwa naMwari. Chokwadi ndinomupupurira kuti anoshingaira kwazvo nokuda kwenyu, uye nokuda kwevaya vari kuRaodhikiya nevaya vari kuHiraporisi.”—VaK. 1:7; 4:12, 13.

7 Maguta eKorose, Raodhikiya, neHiraporisi aiva muAsia Minor. VaKristu vaiva muHiraporisi vairarama nevanhu vainamata mwarikadzi ainzi Cybele, vaiva muRaodhikiya vairarama nevanhu vaidisa pfuma, uye vaKorose vaiva pangozi yokukanganiswa nevaisimudzira uzivi hwevanhu. (VaK. 2:8) Ndosaka Epafrasi, aibva kuKorose, ‘aizvishandisa nesimba paainyengeterera’ vaainamata navo muguta iri! Bhaibheri haritsananguri kuti minyengetero yaEpafrasi yakapindurwa sei, asi haana kurega kunyengeterera vaya vaainamata navo; isu hatifaniriwo kurega kunyengeterera vatinonamata navo. Kunyange zvazvo tisingafaniri ‘kupindira munyaya dzevamwe vanhu,’ zvichida tinoziva mumwe womumhuri kana kuti shamwari iri kuedzwa kwazvo pakutenda. (1 Pet. 4:15) Zvaizova zvakanaka chaizvo kuti timunyengeterere tiri toga! Pauro akabatsirwa neminyengetero yevamwe, saka minyengetero yedu inogonawo kubatsira zvikuru.—2 VaK. 1:10, 11.

8. (a) Tinoziva sei kuti vakuru vokuEfeso vaiziva kukosha kwomunyengetero? (b) Tinofanira kuona sei munyengetero watinoita kuna Mwari?

8 Vamwe vanotiziva sevarume nevakadzi vanogara vachinyengetera here? Pashure pokunge Pauro asangana nevakuru vokuEfeso, “akapfugama navo vose, akanyengetera.” Zvadaro “vakasvimha misodzi kwazvo, vakawira pamutsipa waPauro, vakamutsvoda zvinyoronyoro, nokuti vakanyanya kurwadziwa neshoko raakanga ataura rokuti vakanga vasingazomboonizve chiso chake.” (Mab. 20:36-38) Mazita evakuru ivavo vose hatiazivi, asi zviri pachena kuti vaiziva kukosha kwomunyengetero. Zvechokwadi tinofanira kukoshesa ropafadzo yokunyengetera kuna Mwari uye tinofanira ‘kusimudza maoko akavimbika’ tiine kutenda kuti Baba vedu vokudenga vachatipindura.—1 Tim. 2:8.

Teerera Mwari Zvakakwana

9, 10. (a) Vanasikana vaZerofehadhi vakasiya muenzaniso wei? (b) Kuteerera kwevanasikana vaZerofehadhi kungaita kuti muKristu asina kuroorwa aone sei nyaya yokuroorwa?

9 Kuramba tichifunga Jehovha nguva dzose kuchatibatsira kumuteerera, uye tichawana zvikomborero. (Dheut. 28:13; 1 Sam. 15:22) Izvi zvinoda kuti titeerere. Chimbofunga zvakaitwa nevanasikana vashanu vaZerofehadhi, vakararama panguva yaMosesi. Mutsika yevaIsraeri, vanakomana ndivo vaipiwa nhaka yemadzibaba avo. Zerofehadhi akafa asina vanakomana, uye Jehovha akarayira kuti vanasikana ava vashanu vapiwe nhaka yake yose, asi vane zvavaifanira kuita. Vaifanira kuroorwa nevanakomana vaManase kuitira kuti nhaka irambe iri mudzinza iroro.—Num. 27:1-8; 36:6-8.

10 Vanasikana vaZerofehadhi vaitenda kuti zvinhu zvaizofamba zvakanaka kana vaizoteerera Mwari. Bhaibheri rinoti: “Vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha. Naizvozvo Mahra, Tiza naHogra naMirika naNoa, vanasikana vaZerofehadhi, vakava madzimai evanakomana vehama dzababa vavo. Vakava madzimai edzimwe mhuri dzevanakomana vaManase mwanakomana waJosefa, kuti nhaka yavo irambe iine dzinza remhuri yababa vavo.” (Num. 36:10-12) Vanasikana ivavo vaiteerera vakaita zvakarayirwa naJehovha. (Josh. 17:3, 4) Vaine kutenda kwakadaro, vaKristu vasina kuroorwa vanokoshesa zvokunamata vanoteerera Mwari nokuroorwa “munaShe chete.”—1 VaK. 7:39.

11, 12. Karebhi akaratidza sei kuti aivimba naMwari?

11 Tinofanira kuteerera Jehovha zvakakwana, sezvakaitwa nomumwe muIsraeri ainzi Karebhi. (Dheut. 1:36) VaIsraeri vanunurwa muIjipiti muzana remakore rechi16 B.C.E., Mosesi akatuma varume 12 kuti vanosora nyika yeKenani, asi vaviri chete pavasori ava, Karebhi naJoshua ndivo vakakurudzira vanhu kuti vavimbe zvizere naMwari kuitira kuti vapinde munyika yacho. (Num. 14:6-9) Kwapera makore anenge 40, Joshua naKarebhi vakanga vachiri vapenyu uye vachitevera Jehovha zvakakwana, uye Mwari akashandisa Joshua kuti atungamirire vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa. Zvisinei, vasori gumi vakanga vasina kutenda vakafa vaIsraeri pavaimberereka murenje kwemakore 40.—Num. 14:31-34.

12 Somunhu wechikuru akanga apona paimberereka vaIsraeri murenje, Karebhi aigona kumira pamberi paJoshua oti: “Ndakatevera Jehovha Mwari wangu zvizere.” (Verenga Joshua 14:6-9.) Karebhi aiva nemakore 85 akakumbira kupiwa nyika yaiva nemakomo yaakanga avimbiswa naMwari, kunyange zvazvo yaigarwa nevavengi vaiva mumaguta makuru aiva akavakirirwa.—Josh. 14:10-15.

13. Pasinei nemiedzo, tichakomborerwa kana tikaitei?

13 SaKarebhi akanga akatendeka uye aiteerera, tichatsigirwa naJehovha kana ‘tikamutevera zvizere.’ Patinosangana nezvipingamupinyi zvikuru, tichakomborerwa kana ‘tikatevera Jehovha zvizere.’ Asi zvingatiomera chaizvo kuti tiite izvi muupenyu hwedu hwose sezvakaitwa naKarebhi. Kunyange zvazvo Mambo Soromoni aiita zvakanaka chaizvo pakutanga, madzimai ake akatsausa mwoyo wake kuti anamate vanamwari venhema paakanga akwegura, uye “haana kutevera Jehovha zvizere sababa vake Dhavhidhi.” (1 Madz. 11:4-6) Pasinei nemiedzo ingatiwira, ngatigare tichiteerera Mwari zvakakwana toita kuti ave pamberi pedu nguva dzose.

Vimba naJehovha Nguva Dzose

14, 15. Wadzidzei zvinoratidza kuti unofanira kuvimba naMwari kubva pane zvakaitika kuna Naomi?

14 Tinofanira kuvimba naMwari patinenge takaora mwoyo zvikurukuru ramangwana redu parinoita serisina tariro. Chimbofunga nezvaNaomi akanga akwegura, akafirwa nomurume wake nevanakomana vaviri. Paakadzokera kuJudha achibva kuMoabhi, akachema-chema achiti: “Musandishevedza kuti Naomi [“Zvakandinakira,” Ref., mashoko omuzasi]. Ndishevedzei kuti Ma- ra [“Zvinovava,” Ref., mashoko omuzasi], nokuti Wemasimbaose akandishungurudza kwazvo. Ndakanga ndakazara pandakaenda, asi Jehovha andidzosa ndisina chinhu. Munondishevedzerei kuti Naomi, zvaari Jehovha andininipisa uye zvaari Wemasimbaose aita kuti ndive nedambudziko?”—Rute 1:20, 21.

15 Kunyange zvazvo Naomi akanga akaora mwoyo, tikanyatsoverenga bhuku raRute tinoona kuti akaramba achivimba naJehovha. Uye zvinhu zvakamufambira zvakanaka! Rute muroora waNaomi aivawo chirikadzi, akazova mudzimai waBhoazi ndokubereka mwanakomana. Naomi ndiye akarera mwana wacho, uye nhoroondo yacho inoti: “Vakadzi vakanga vakavakidzana naye vakabva vamupa zita, vachiti: ‘Naomi aberekerwa mwanakomana.’ Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye baba vaJese, baba vaDhavhidhi.” (Rute 4:14-17) Pachamutswa Naomi pasi pano, achaziva kuti Rute uyo achange aripowo, akazova mbuya vaJesu, Mesiya. (Mat. 1:5, 6, 16) Kufanana naNaomi, hatigoni kuziva kuti mamiriro ezvinhu anenge achiita seasina tariro achaguma nei. Saka ngativimbe naMwari nguva dzose, sezvatinorayirwa pana Zvirevo 3:5, 6 kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.”

Vimba noMudzimu Mutsvene

16. Mudzimu mutsvene waMwari wakabatsira sei varume vakuru muIsraeri yekare?

16 Kana tikaita kuti Jehovha arambe ari pamberi pedu nguva dzose, achatitungamirira nomudzimu wake mutsvene. (VaG. 5:16-18) Varume vakuru 70 vakasarudzwa kuti vabatsire Mosesi “kutakura mutoro wevanhu” vaIsraeri vaiva nomudzimu waMwari. Eridhadhi naMeridhadhi ndivo chete vanotaurwa mazita avo, asi mudzimu wakaita kuti vose vaite mabasa avo. (Num. 11:13-29) Hapana mubvunzo kuti vaikwanisa kuzviita, vaitya Mwari, vaiva vakavimbika, uye vaiva vakatendeseka kungofanana nevaya vakanga vambosarudzwa pane imwe nguva. (Eks. 18:21) Nhasi vakuru vechiKristu vanoratidza unhu hwakadaro.

17. Mudzimu mutsvene waJehovha wakaita basa rei paivakwa tebhenekeri?

17 Mudzimu mutsvene waJehovha wakaita basa rinokosha paivakwa tebhenekeri murenje. Jehovha akagadza Bhezareri kuti ave mhizha huru uye muvaki wetebhenekeri, achivimbisa ku“muzadza nomudzimu waMwari kuti ave nouchenjeri, nokunzwisisa, nezivo, uye kuti ave nyanzvi muumhizha hwemarudzi ose.” (Eks. 31:3-5) Varume ‘vaiva nemwoyo yakachenjera’ vakashanda naBhezareri nomutevedzeri wake Ohoriabhi pakuita basa guru iri. Uyezve, mudzimu waMwari wakaita kuti vanhu vaiva nemwoyo yaida vape zvipo zvakawanda. (Eks. 31:6; 35:5, 30-34) Mudzimu mumwe chete uyu ndiwo uri kuita kuti vashumiri vaMwari vemazuva ano vaite zvose zvavanogona kusimudzira zvinhu zvoUmambo. (Mat. 6:33) Tingave tiine unyanzvi hwokuita zvimwe zvinhu, asi tinofanira kunyengeterera mudzimu mutsvene tourega uchititungamirira kana tichizokwanisa kuita basa iro Jehovha akapa vanhu vake muzuva redu.—Ruka 11:13.

Gara Uchiremekedza Jehovha Wemauto

18, 19. (a) Mudzimu mutsvene waMwari unoita kuti tive nemafungiro akadini? (b) Wadzidzei kubva mumuenzaniso waSimiyoni naAna?

18 Mudzimu mutsvene unoita kuti tive nepfungwa dzinoremekedza Mwari dzinoita kuti tiise Jehovha pamberi pedu nguva dzose. Vanhu vaMwari vekare vakaudzwa kuti: “[Jehovha wemauto] ndiye wamunofanira kuremekedza.” (Isa. 8:13, Bhaibheri Rinoera) Vakweguru vaviri vairemekedza Mwari muzana remakore rokutanga muJerusarema vaiva Simiyoni naAna. (Verenga Ruka 2:25-38.) Simiyoni aitenda uprofita hwaitaura nezvaMesiya uye akanga “achimirira kunyaradzwa kwaIsraeri.” Mwari akadurura mudzimu mutsvene pana Simiyoni ndokumuvimbisa kuti aizorarama kuti aone Mesiya. Uye ndizvo zvakaitika. Rimwe zuva mugore ra2 B.C.E., Jesu akaendeswa kutemberi naamai vake Mariya, naJosefa baba vake vokurera. Azadzwa nomudzimu mutsvene, Simiyoni akataura mashoko ouprofita aitaura nezvaMesiya ndokufanotaura kusuruvara kwaizoita Mariya, uyo akazorwadziwa Jesu paakaroverwa padanda rokutambudzikira. Asi chimbofungidzira mufaro mukuru wakava naSimiyoni paakagumbatira “Kristu waJehovha”! Chokwadi uyu muenzaniso wakanaka wokuremekedza wakasiyirwa vashumiri vaMwari vemazuva ano naSimiyoni!

19 Ana aiva nemakore 84 aiva chirikadzi yairemekedza Mwari, “akanga asingamboshayikwi patemberi.” Aiitira Jehovha basa dzvene usiku nemasikati “achitsanya nokuteterera.” Ana aivapowo Jesu paakaunzwa kutemberi achiri mucheche. Anofanira kunge akaonga kwazvo kuona aizova Mesiya munguva yemberi! Chokwadi, “akatanga kuonga Mwari uye kutaura nezvomwana wacho kune vaya vose vaimirira kununurwa kweJerusarema.” Ana aitofanira kuudza vamwe mashoko akanaka aya! Kufanana naSimiyoni naAna, vaKristu vakwegura vemazuva ano vanofara kwazvo kuziva kuti vanhu havakweguri zvokutadza kushumira Jehovha seZvapupu zvake.

20. Pasinei nezera redu, chii chatinofanira kuita, uye nei?

20 Pasinei nezera redu, tinofanira kuita kuti Jehovha ave pamberi pedu nguva dzose. Tikadaro achakomborera zvishomanana zvatinoita pakuudza vamwe nezvoumambo hwake nemabasa ake anoshamisa. (Pis. 71:17, 18; 145:10-13) Zvisinei, kana tichida kukudza Jehovha, tinofanira kuratidza unhu hwake. Tingadzidzei paunhu ihwohwo patinoongorora dzimwe nhoroondo dzeBhaibheri?

Ungapindura Sei?

• Tinoziva sei kuti Jehovha anonzwa minyengetero yedu?

• Nei tichifanira kuteerera Mwari zvakakwana?

• Kunyange patinenge takaora mwoyo, nei tichifanira kuvimba naJehovha nguva dzose?

• Mudzimu mutsvene waMwari unobatsira sei vanhu vake?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 4]

Paakanyengetera kuna Jehovha Nehemiya akapindurwa

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kuyeuka zvakazoguma zvaitika kuna Naomi kuchatibatsira kuvimba naJehovha