Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jesu Kristu—Mumishinari Mukuru

Jesu Kristu—Mumishinari Mukuru

Jesu Kristu—Mumishinari Mukuru

“Ndiri mumiririri akabva kwaari, uye Iye akandituma.”—JOH. 7:29.

1, 2. Zvinorevei kuti mumishinari, uye ndiani anganzi Mumishinari mukuru?

UNOFUNGEI paunonzwa shoko rokuti “mumishinari”? Vamwe vanofunga nezvemamishinari echiKristudhomu, akawanda acho anopindira mune zvematongerwo enyika uye zvoupfumi munyika dzaanoshandira. Zvisinei, kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, ungangofunga nezvemamishinari anotumwa neDare Rinodzora kuti anoparidza mashoko akanaka munyika dzakasiyana siyana pasi pose. (Mat. 24:14) Mamishinari aya anopedzera nguva yakawanda nesimba achizvidira kuita basa rinoremekedzwa rokubatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naJehovha Mwari vova noukama hunokosha naye.—Jak. 4:8.

2 Mashoko okuti “mumishinari” uye “mamishinari” haamo mundima dzeShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Zvisinei, mumashoko omuzasi pana VaEfeso 4:11, Reference Bible rinoti shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “vaevhangeri” rinogona kushandurwawo kuti “mamishinari.” Jehovha ndiye muEvhangeri mukuru, asi haagoni kunzi Mumishinari mukuru, nokuti haana kumbotumwa nomumwe munhu. Kunyange zvakadaro, nezvaBaba vake vokudenga, Jesu Kristu akati: “Ndiri mumiririri akabva kwaari, uye Iye akandituma.” (Joh. 7:29) Achiratidza kuti anoda vanhu vose, Jehovha akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga kuti auye pasi pano. (Joh. 3:16) Jesu anogona kunzi Mumishinari mukuru, nokuti chimwe chikonzero nei akatumwa pasi pano chaiva chokuti a“pupurire chokwadi.” (Joh. 18:37) Akabudirira zvikuru kuzivisa mashoko akanaka oUmambo, uye tichiri kubatsirwa nezvaakaita. Somuenzaniso, tinogona kushandisa nzira dzake dzokudzidzisa muushumiri hwedu, pasinei nokuti tiri mamishinari kana kuti kwete.

3. Tichakurukura mibvunzo ipi?

3 Basa raJesu somuzivisi woUmambo rinoita kuti pave nemibvunzo yakadai seiyi: Jesu akasangana nei paaiva pasi pano? Nei kudzidzisa kwaaiita kwaibatsira? Uye chii chakaita kuti ushumiri hwake hubudirire?

Mwoyo Unoda Munzvimbo Itsva

4-6. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvakachinjira Jesu paakatumwa pasi pano?

4 Mamishinari emazuva ano nevamwe vaKristu vanotamira kunodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda vanofanira kujairana noupenyu hwakaderera pane hwavaimborarama. Asi hatigoni kufungidzira kusiyana kwakanga kwakaita upenyu hwaJesu paaiva pasi pano noupenyu hwaaiva nahwo achiri kudenga, kwaaigara naBaba vake nengirozi dzaishumira Jehovha nevavariro yakanaka. (Job. 1:6; 2:1) Hwakanga hwakanyatsosiyana zvachose nokurarama nevanhu vane zvivi munyika yakaipa! (Mako 7:20-23) Jesu aitofanira kutsungirira kukwikwidzirana ukuru kwaiita vadzidzi vake vepedyo chaizvo. (Ruka 20:46; 22:24) Kutaura zvazviri, aigadzirisa zvakakwana zvinhu zvose zvaaisangana nazvo pasi pano.

5 Jesu haana kungotanga kutaura nenzira inoshamisa mutauro wevanhu; akatanga kuudzidza achiri mucheche. Chokwadi zvinhu zvakanga zvachinja chaizvo nokuti apa akanga asingachaudzi ngirozi dzokudenga zvokuita! Ari pasi pano, Jesu akataura inenge ‘ndimi imwe chete pane dzaitaurwa nevanhu.’ Yakanga yakasiyana zvachose ‘nendimi dzengirozi.’ (1 VaK. 13:1) Zvisinei, hapana munhu akambotaura mashoko anofadza sezvaiita Jesu.—Ruka 4:22.

6 Chimbofunga kuti zvimwe zvinhu zvakachinjira sei Mwanakomana waMwari paakauya pasi pano. Kunyange zvazvo Jesu akanga asina kuberekwa aine chivi chaAdhamu, akava munhu, kungofanana nevaya vaizova “hama” dzake, kana kuti vateveri vake vakazodzwa. (Verenga VaHebheru 2:17, 18.) Pausiku hwokupedzisira ari pasi pano, Jesu haana kukumbira Baba vake vokudenga kuti vatumire “mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri.” Asi chimbofunga nezvengirozi dzaaitungamirira saMikaeri Ngirozi Huru! (Mat. 26:53; Jud. 9) Chokwadi, Jesu akaita zvishamiso; asi zvaakaita paaiva pasi pano zvaiva zvishoma kana zvichienzaniswa nezvaaigona kuita ari kudenga.

7. VaJudha vakaita sei kana totaura nezvoMutemo?

7 Asati auya pasi pano se“Shoko,” Jesu angadaro aiva munhu aishandiswa naMwari kutaura uyo akatungamirira vaIsraeri nomurenje. (Joh. 1:1; Eks. 23:20-23) Zvisinei, vakanga ‘vagamuchira Mutemo wakapiwa nokungirozi asi vakanga vasina kuuchengeta.’ (Mab. 7:53; VaH. 2:2, 3) Kutaura chokwadi, vatungamiriri vechitendero chechiJudha vomuzana remakore rokutanga vakatadza kunzwisisa zvairehwa noMutemo. Somuenzaniso, chimbofunga nezvomutemo weSabata. (Verenga Mako 3:4-6.) Vanyori nevaFarisi vakanga vasingakoshesi ‘nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzakadai sokururamisira nengoni uye kutendeka.’ (Mat. 23:23) Kunyange zvakadaro, Jesu haana kukanda mapfumo pasi ndokurega kuzivisa chokwadi.

8. Nei Jesu achikwanisa kutibatsira?

8 Jesu aida kubatsira vamwe. Izvi zvaikonzerwa nokuda kwaaiita vanhu uye ainzwa achida chaizvo kuvabatsira. Akaramba aine chido chokuparidza. Uye nokuti akanga akatendeka kuna Jehovha paaiva pasi pano, Jesu ‘akava nesimba rokuponesa kusingaperi kune vaya vose vanomuteerera.’ Uyezve, “zvaakatambura paaiedzwa, anokwanisawo kuyamura vaya [vakaita sesu] vari kuedzwa.”—VaH. 2:18; 5:8, 9.

Akanyatsodzidziswa Kuti Ave Mudzidzisi

9, 10. Jesu akawana dzidzo yakaita sei asati atumwa pasi pano?

9 VaKristu vemazuva ano vasati vatumwa kuti vanoshanda semamishinari, Dare Rinodzora rinoronga kuti vadzidziswe. Jesu Kristu akatanga adzidziswa here? Hungu, asi haana kuenda kuzvikoro zvavanarabhi asati azodzwa kuti ave Mesiya; uyezve haana kumbodzidziswa pamakumbo evamwe vatungamiriri vezvitendero vaiva nomukurumbira. (Joh. 7:15; enzanisa naMabasa 22:3.) Saka nei Jesu aikwanisa kudzidzisa?

10 Pasinei nezvinhu izvo Jesu akadzidza kuna amai vake, Mariya, uye kuna baba vake vakamurera, Josefa, Jehovha ndiye akamudzidzisa zvikuru kuti aite ushumiri. Nezvazvo, Jesu akati: “Handina kutaura zvangu pachangu, asi ivo Baba vakandituma vakandipa murayiro pamusoro pezvandichazivisa nezvandichataura.” (Joh. 12:49) Ona kuti Mwanakomana akapiwa mirayiridzo yainyatsoratidza zvaaifanira kudzidzisa. Asati auya pasi pano, hapana mubvunzo kuti Jesu akapedza nguva yakawanda achiteerera mirayiridzo yaBaba vake. Chokwadi hapana imwe dzidzo yakanaka ingapfuura iyi.

11. Jesu akaratidza zvakadini maonero aiita Baba vake vanhu?

11 Kubvira panguva yaakasikwa, Mwanakomana aiva noukama hwepedyo naBaba vake. Achiri kudenga, Jesu aiziva kuti Jehovha anoona sei vanhu nokucherechedza mabatiro aaivaita. Kuda kunoita Mwari vanhu kwakaratidzwa nokuMwanakomana zvokuti souchenjeri hunotaura somunhu, aigona kuti: “Ndaifarira kwazvo zvinhu zvaiva nechokuita nevanakomana vevanhu.”—Zvir. 8:22, 31.

12, 13. (a) Jesu akadzidza sei nokucherechedza mabatiro aiita Baba vake vaIsraeri? (b) Jesu akashandisa sei dzidzo yaakawana?

12 Dzidzo yakawana Mwanakomana yaisanganisirawo kucherechedza zvaiita Baba vake pamamiriro ezvinhu akaoma. Somuenzaniso, chimbofunga mabatiro avaiita vaIsraeri vaitsauka. Nehemiya 9:28 inoti: “Pavainge vangozorora, vaibva vaitazve zvakaipa pamberi penyu [Jehovha], uye maivasiya muruoko rwevavengi vavo, avo vaivatsika-tsika. Vaibva vadzoka voshevedzera kwamuri kuti vabatsirwe, uye imi maivanzwa muri kumatenga chaiko movanunura mavanunurazve, maererano nengoni dzenyu zhinji.” Kushanda naJehovha nokucherechedza zvaaiita kwakaita kuti Jesu anzwirewo tsitsi vanhu vaiva mundima yake.—Joh. 5:19.

13 Jesu akashandisa zvaakanga adzidza izvi paairatidza tsitsi vadzidzi vake. Usiku huya asati afa, vaapostora vose vaaida zvikuru ‘vakamusiya, uye vakamutiza.’ (Mat. 26:56; Joh. 13:1) Muapostora Petro akatoramba Kristu katatu! Kunyange zvakadaro, Jesu akasiya paine mukana wokuti vaapostora vadzoke kwaari. Akaudza Petro kuti: “Ndakakutetererera kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa hama dzako.” (Ruka 22:32) “Vaapostora nevaprofita,” ndivo nheyo yaIsraeri womudzimu uye matombo enheyo dzorusvingo rweJerusarema Idzva akanyorwa mazita evaapostora 12 vakatendeka veGwayana, Jesu Kristu. Nanhasi, vaKristu vakazodzwa nevamwe vavo vakazvitsaurira, ve“mamwe makwai,” vari kubudirira mubasa ravo rokuparidza Umambo vachitungamirirwa noruoko rwaMwari rune simba noMwanakomana wake waanoda.—VaEf. 2:20; Joh. 10:16; Zvak. 21:14.

Madzidzisiro Aiita Jesu

14, 15. Kudzidzisa kwaJesu kwakanga kwakasiyana sei nokwevanyori nevaFarisi?

14 Jesu akashandisa sei dzidzo yaakanga awana paaidzidzisa vateveri vake? Patinoenzanisa madzidzisiro aiita Jesu neevatungamiriri vechitendero chechiJudha, tinonyatsoona kuti madzidzisiro aaiita aiva epamusorosoro. Vanyori nevaFarisi vaiita kuti “shoko raMwari rishaye simba nokuda kwetsika” dzavo. Kusiyana navo, Jesu akanga asingatauri zvomumusoro make; asi nguva dzose aidzidzisa shoko raMwari. (Mat. 15:6; Joh. 14:10) Ndizvowo zvatinofanira kuita.

15 Panezve chimwe chinhu chainyatsosiyanisa Jesu nevatungamiriri vechitendero. Nezvevanyori nevaFarisi akati: “Zvinhu zvose zvavanokuudzai, zviitei uye zvichengetei, asi musaita maererano nemabasa avo, nokuti vanotaura asi havaiti.” (Mat. 23:3) Jesu aiita zvaaidzidzisa. Ngatimbokurukurei muenzaniso unoratidza kuti izvi ndezvechokwadi.

16. Nei ungati Jesu akararama maererano nemashoko ake ari pana Mateu 6:19-21?

16 Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti ‘vazviunganidzire pfuma kudenga.’ (Verenga Mateu 6:19-21.) Jesu airarama maererano nezvaakakurudzira here? Hungu, nokuti aigona kutaura nomwoyo wose kuti: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.” (Ruka 9:58) Jesu airarama nezvinhu zvishoma. Akanga akanyanya kubatikana nokuzivisa mashoko akanaka oUmambo, uye mararamiro ake akaratidza zvinenge zvakaita munhu asingazvidyi mwoyo nemhaka yokuunganidza pfuma pasi pano. Jesu akaratidza kuti zviri nani zvikuru kuunganidza pfuma kudenga “kusina chitemamachira kana ngura zvinodya, uye kusina mbavha dzinopaza dzoba.” Uri kutevedzera zvakakurudzirwa naJesu here zvokuunganidza pfuma kudenga?

Unhu Hwakaita Kuti Jesu Adiwe Nevanhu

17. Unhu hupi hwakaita kuti Jesu ave muevhangeri anoshamisa zvikuru?

17 Unhu hupi hwakaita kuti Jesu ave muevhangeri anoshamisa zvikuru? Humwe hwacho hwaiva maonero aaita vanhu vaaibatsira. Paunhu hwakanaka huna Jehovha hwakaratidzwa naJesu paiva nokuzvininipisa, rudo netsitsi. Ona kuti unhu uhwu hwakaita sei kuti vakawanda vauye kuna Jesu.

18. Nei zvinganzi Jesu aizvininipisa?

18 Zvaakabvuma kuuya pasi pano, Jesu “akazvidurura, akava somuranda, akava akafanana nevanhu.” (VaF. 2:7) Uku kwaiva kuzvininipisa. Uyezve, Jesu akanga asingatarisiri vanhu pasi. Akanga asina pfungwa yokuti, ‘Ndakabva kure kure kudenga uko, saka munofanira kunditeerera.’ Kusiyana navanamesiya venhema, Jesu akanga asingazvirovi dundundu achiti ndini Mesiya wechokwadi. Dzimwe nguva aiudza vanhu kuti vasataurira vamwe kuti aiva ani kana kuti zvaainge aita. (Mat. 12:15-21) Jesu aida kuti vanhu vasarudze voga kumutevera zvichibva pane zvavainge vaona. Vadzidzi vake vaiva vakakomborerwa chaizvo kuti Ishe wavo akanga asingavatarisiri kuti vaite sengirozi dzakakwana dzaaimbova nadzo kudenga!

19, 20. Rudo netsitsi zvakaita sei kuti Jesu anzwe achida kubatsira vanhu?

19 Jesu Kristu airatidzawo rudo, unhu hukuru hwaBaba vake vokudenga. (1 Joh. 4:8) Jesu akadzidzisa vanhu vaimuteerera nokuti aiva norudo. Somuenzaniso, chimbofunda kuda kwaakaita mumwe mutongi wechiduku. (Verenga Mako 10:17-22.) Jesu “akamuda” uye akada kumubatsira, asi mutongi wacho wechiduku akaramba kusiya pfuma yake kuti ave muteveri waKristu.

20 Tsitsi ndihwo humwe unhu hwaJesu hwaiita kuti adiwe nevanhu. Sezvinongoita vanhu vose vasina kukwana, vaya vaiteerera dzidziso dzake vaiva vakaremerwa nezvinetso. Achiziva izvi, Jesu akavadzidzisa netsitsi. Somuenzaniso: Pane imwe nguva Jesu nevaapostora vake vakanga vakabatikana chaizvo zvokuti havana kuwana nguva yokudya. Zvisinei, Jesu akaita sei paakaona kuti boka revanhu rakanga raungana? “Akasiririswa navo, nokuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi. Zvino akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.” (Mako 6:34) Jesu akacherechedza kusiririsa kwaiita vanhu vaiva mundima yake uye akashanda nesimba kuvadzidzisa uye akaita zvishamiso kuti avabatsire. Vamwe vakakwezvwa nounhu hwake hwakanaka, vakakurudzirwa nemashoko ake, vachibva vava vadzidzi vake.

21. Tichakurukurei munyaya inotevera?

21 Tinogona kudzidza zvakawanda chaizvo nezvoushumiri hwaJesu hwaakaita ari pasi pano, sezvinoratidzwa nenyaya inotevera. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingatevedzera nadzo Jesu Kristu, Mumishinari mukuru?

Ungapindura Sei?

• Jesu akawana dzidzo yakaita sei asati auya pasi pano?

• Nei kudzidzisa kwaiita Jesu kwakanga kuri kwepamusorosoro kudarika kwevanyori nevaFarisi?

• Unhu hupi hwakaita kuti Jesu adiwe nevanhu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jesu aidzidzisa sei mapoka evanhu?