Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvapo kwaKristu Kunorevei Kwauri?

Kuvapo kwaKristu Kunorevei Kwauri?

Kuvapo kwaKristu Kunorevei Kwauri?

“Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”—MAT. 24:3.

1. Vaapostora vaJesu vakamubvunza mubvunzo upi unoita kuti munhu afunge?

MAKORE anenge zviuru zviviri akapfuura, vaapostora vaJesu vana vakabvunza mubvunzo pavaitaura naTenzi wavo vari voga paGomo reMiorivhi. Vakabvunza kuti: “Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?” (Mat. 24:3) Mumubvunzo uyu, vaapostora vakashandisa zvirevo zvipfupi zviviri zvinoita kuti munhu afunge zvinoti, “kuvapo kwenyu,” uye “kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.” Zvirevo izvi zvinorevei?

2. Shoko rokuti syn·teʹlei·a rakashandurwa kuti “kuguma” muBhaibheri rechiShona rinorevei?

2 Ngatitange kuongorora mashoko echipiri acho. ChiGiriki chepakutanga chakashandisa mashoko maviri (syn·teʹlei·a uye te’los) akashandurwa kuti “kuguma” muBhaibheri rechiShona. Zvisinei, mumutauro wepakutanga mashoko aya aireva zvakasiyana. Shoko rokuti syn·teʹlei·a, rakashandiswa pana Mateu 24:3, rinoreva “nguva yokupedzisira,” asi shoko rokuti te’los rinoreva “kuguma.” Musiyano uripo wezvinoreva mashoko aya ungaenzanisirwa nokurondedzera zvakaita hurukuro inopiwa muImba yoUmambo. Mhedziso yehurukuro ndicho chikamu chokupedzisira, mukurukuri paanopedza nguva shomanana achiyeuchidza vateereri zvaanga achikurukura obva aratidza kuti mashoko acho anoshanda sei kwavari. Mugumo wehurukuro ndipo paye paanobva pachikuva. Saizvozvowo muBhaibheri, shoko rokuti syn·teʹlei·a rinoreva nguva inotungamirira kumugumo kusanganisira mugumo wacho.

3. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinoitika munguva yokuvapo kwaJesu?

3 Zvakadini nezvo“kuvapo” kwakabvunzwa nevaapostora? Shoko iri rakashandurwa kubva pashoko rechiGiriki rokuti pa·rou·siʹa. * Kuvapo kwaKristu kana kuti pa·rou·siʹa, kwakatanga pakagadzwa Jesu saMambo kudenga muna 1914 uye kunoenderera mberi kusvikira pa“kutambudzika kukuru” paachauya kuzoparadza vakaipa. (Mat. 24:21) Zvinhu zvakawanda zvakasiyana-siyana zvinosanganisira “mazuva okupedzisira” emamiriro ezvinhu epanguva ino, kuunganidzwa kwevakasarudzwa, uye kumutsirwa kwavo kuupenyu hwokudenga, zvinoitika munguva yokuvapo kwaJesu. (2 Tim. 3:1; 1 VaK. 15:23; 1 VaT. 4:15-17; 2 VaT. 2:1) Zvinogona kunzi “kuguma,” kureva “nguva yokupedzisira” (syn·teʹlei·a), inoenderana nenguva yokuvapo kwaJesu saMambo (pa·rou·siʹa).

Nguva Yakati Rebei

4. Kuvapo kwaJesu kwakafanana sei nezvakaitika muzuva raNoa?

4 Shoko rokuti pa·rou·siʹa zvarinoreva nguva yakati rebei, izvi zvinoenderana nezvakataurwa naJesu nezvokuvapo kwake. (Verenga Mateu 24:37-39.) Ona kuti Jesu haana kufananidza kuvapo kwake nenguva pfupi yakaitika Mafashamo muzuva raNoa. Asi akafananidza kuvapo kwake nenguva yakati rebei yakatungamirira kuMafashamo. Munguva iyoyo Noa akavaka areka uye akaita basa rake rokuparidza, kusvikira Mafashamo aitika. Zvinhu izvozvo zvakaitika kwemakumi emakore. Saizvozvowo, kuvapo kwaKristu kunosanganisira zviitiko zvinotungamirira uye zvinobatanidza kutambudzika kukuru.—2 VaT. 1:6-9.

5. Mashoko ari muchitsauko 6 chaZvakazarurwa anoratidza sei kuti kuvapo kwaJesu inguva yakati rebei?

5 Humwe uprofita hweBhaibheri hunojekesa kuti kuvapo kwaKristu kunoreva nguva yakati rebei, kwete kungouya kwake kuti aparadze vakaipa. Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza Jesu seakatasva bhiza jena uye achipiwa korona. (Verenga Zvakazarurwa 6:1-8.) Pashure pokunge apfekedzwa korona kuti ave Mambo muna 1914, Jesu anoratidzwa achi“buda achikunda kuti apedzise kukunda kwake.” Nhoroondo yacho inobva yaratidza achiteverwa nevatasvi vanenge vakatasva mabhiza ane mavara akasiyana-siyana. Muuprofita mabhiza aya anomiririra hondo, kushomeka kwezvokudya, uye zvirwere, zvose izvi zvave zvichiitika munguva yakati rebei inonzi “mazuva okupedzisira.” Tiri kuona kuzadzika kwouprofita uhwu munguva yedu.

6. Chitsauko 12 chaZvakazarurwa chinotibatsira sei kunzwisisa kuvapo kwaKristu?

6 Chitsauko 12 chaZvakazarurwa chinotaura mamwezve mashoko okugadzwa kwoUmambo hwaMwari mudenga. Imomo tinoverenga nezvehondo yakaitika kudenga. Mikaeri kureva Jesu Kristu ari kudenga nengirozi dzake vakarwa naDhiyabhorosi nemadhimoni ake. Saka Satani Dhiyabhorosi nengirozi dzake vakakandwa pasi pano. Zvadaro, nhoroondo yacho inotiudza kuti Dhiyabhorosi akatsamwa kwazvo “achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Verenga Zvakazarurwa 12:7-12.) Saka zviri pachena kuti kugadzwa kwoUmambo hwaKristu kudenga kunoteverwa nenguva ine “nhamo” yakawanda nokuda kwepasi nevanogarapo.

7. Pisarema rechipiri rinotaura nezvei, uye rinotsanangura mukana wei?

7 Saizvozvowo pisarema rechipiri rinoprofita nezvokugadzwa kwaJesu saMambo paGomo reZiyoni kudenga. (Verenga Pisarema 2:5-9; 110:1, 2.) Zvisinei, pisarema iri rinoratidzawo kuti vatongi venyika pamwe chete nevavanotonga vachawana imwe nguva yavachapiwa mukana wokuti vazviise pasi pokutonga kwaKristu. Vanokurudzirwa kuti ‘vave nenjere’ uye kuti vabvume ‘kururamiswa.’ Chokwadi, panguva iyoyo ‘vachafara vose vanopotera kuna Mwari’ nokushumira Jehovha naMambo wake akagadzwa. Saka Jesu paanenge avapo musimba roumambo, vachapiwa mukana wokuchinja.—Pis. 2:10-12.

Kuziva Chiratidzo

8, 9. Ndivanaani vaizoziva chiratidzo chokuvapo kwaKristu uye kunzwisisa zvachinoreva?

8 Paakabvunzwa nevaFarisi kuti Umambo hwaizouya rini, Jesu akapindura kuti hwaisazouya “huchinyatsocherechedzwa” sokufunga kwavaiita. (Ruka 17:20, 21) Vanhu vasinganamati vaisazozvinzwisisa. Vaigodaro sei? Vaisatomboziva kuti Jesu aiva Mambo wavo womunguva yemberi. Saka ndivanaani vaizoziva chiratidzo chokuvapo kwaKristu uye kunzwisisa zvachinoreva?

9 Jesu akaenderera mberi achiti vadzidzi vake vaizonyatsoona chiratidzo sokuona kwavaizoita ‘mheni, nokupenya kwayo, kunovhenekera kubva kune rumwe rutivi rwepasi pedenga kusvikira kune rumwe rutivi rwepasi pedenga.’ (Verenga Ruka 17:24-29.) Zvinofadza kuziva kuti pana Mateu 24:23-27 panobudisa pachena kuti Jesu akanga achitaura nezvechiratidzo chokuvapo kwaKristu.

Chizvarwa Chinoona Chiratidzo

10, 11. (a) “Chizvarwa” chinotaurwa pana Mateu 24:34 chakambotsanangurwa sei? (b) Pasina mubvunzo, ndivanaani vakanzwisiswa nevadzidzi vaJesu kuti vaiva vamwe ve“chizvarwa” ichocho?

10 Magazini ino yakambotsanangura kuti muzana remakore rokutanga mashoko okuti “chizvarwa chino” ari pana Mateu 24:34 aireva ‘chizvarwa chevaJudha vasingatendi vairarama panguva imwe chete.’ * Tsanangudzo iyoyo yaiita seinonzwisisika nokuti mamwe mashoko ose akanyorwa anoratidza kuti Jesu paakataura shoko rokuti “chizvarwa” aitaura nezvevakaipa, uye kakawanda, Jesu akashandisa chipauro chinoratidza uipi, kurondedzera chizvarwa chacho. (Mat. 12:39; 17:17; Mako 8:38) Saka magazini iyi yakaratidza kuti mukuzadzika kwemazuva ano, Jesu akanga achitaura nezve“chizvarwa” chakaipa chevanhu vasinganamati vaizoona zvinhu zvaizoratidza ‘nguva yokupedzisira (syn·teʹlei a) uye nguva yokuguma (teʹlos).’

11 Ichokwadi kuti Jesu paakashandisa shoko rokuti “chizvarwa,” akanga achitaura nezvevanhu vakaipa vomuzuva rake. Asi izvozvo ndizvo zvairehwa here nemashoko ake aakataura ari pana Mateu 24:34? Yeuka kuti vadzidzi vaJesu vana vakanga vauya kwaari “vari voga.” (Mat. 24:3) Sezvo Jesu asina kushandisa zvipauro zvairatidza uipi paakataura navo achiti “chizvarwa chino,” hapana mubvunzo kuti vaapostora vakanga vanzwisisa kuti ivo nevamwe vadzidzi vaizova vamwe ve“chizvarwa” ichi chakanga chisingazopfuuri “kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.”

12. Ndima dziri pedyo dzinoratidza kuti Jesu aireva ani paakati “chizvarwa” ichi?

12 Tingavakira mhedziso iyi kubva papi? Kana tikanyatsoongorora dzimwe ndima dziri pedyo. Pana Mateu 24:32, 33, Jesu akati: “Zvino dzidzai chinhu ichi pamuonde somufananidzo: Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu zvose izvi, zivai kuti iye ava pedyo pamasuo.” (Enzanisa naMako 13:28-30; Ruka 21:30-32.) Zvadaro, pana Mateu 24:34 tinoverenga kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.”

13, 14. Nei tingati “chizvarwa” chakataurwa naJesu chinofanira kunge chaireva vadzidzi vake?

13 Jesu akati vadzidzi vake, avo vaizozodzwa nomudzimu mutsvene munguva pfupi yaizotevera, pavaizoona “zvinhu zvose izvi” zvichiitika ndivo vaikwanisa kuziva zvazvaireva. Saka Jesu anofanira kunge aireva vadzidzi vake paakati: “Chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.”

14 Kusiyana nevakanga vasingatendi, vadzidzi vaJesu vaisazongoona chete chiratidzo asiwo vaizonzwisisa zvachaireva. Vaizo“dzidza” kubva pane zvaiumba chiratidzo chacho ‘voziva’ zvazvaireva. Vaizonyatsonzwisisa kuti “iye ava pedyo pamasuo.” Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti vaJudha vakanga vasingatendi pamwe chete nevaKristu vakazodzwa vakatendeka vakaona zvishoma zvakazadzika pamashoko akataurwa naJesu muzana remakore rokutanga, vateveri vake vakazodzwa chete kare ikako ndivo vaigona kuziva zviitiko izvi, uye kunzwisisa kuti zvinhu zvavakaona zvainyatsorevei.

15. (a) Ndivanaani vanoumba “chizvarwa” chemazuva ano chakataurwa naJesu? (b) Nei tisingakwanisi kuverenga urefu hwenguva ‘yechizvarwa ichi’? (Ona bhokisi riri papeji 25.)

15 Nhasi vaya vasinganzwisisi zvinhu zvine chokuita nokunamata vanofunga kuti chiratidzo chokuvapo kwaJesu hachiuyi chi“chinyatsocherechedzwa.” Vanoti zvinhu zvose zviri kuramba zvichiita sezvazvakanga zviri kare. (2 Pet. 3:4) Ukuwo, hama dzaKristu dzakatendeka dzakazodzwa, boka raJohani remazuva ano, dzakaona chiratidzo ichi sokunge kuti kwaiva kupenya kwemheni uye dzakanzwisisa kuti chainyatsorevei. Seboka, vakazodzwa ava vanoumba “chizvarwa” chevanhu vari kurarama mazuva ano chisingazopfuuri “kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.” * Izvi zvingareva kuti vamwe vehama dzaKristu dzakazodzwa vachange vari vapenyu pasi pano pachatanga kutambudzika kukuru kwakafanotaurwa.

“Rambai Makarinda”

16. Vadzidzi vaKristu vose vanofanira kuitei?

16 Zvisinei, pane zvakawanda zvinodiwa pane kungoziva chiratidzo chacho chete. Jesu akaenderera mberi achiti: “Zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.” (Mako 13:37) Izvi zvinokosha zvikuru kwatiri tose nhasi, tingave tiri vakazodzwa kana kuti tiri veboka guru. Kwapera makore 90 kubva pakagadzwa Jesu pachigaro choUmambo mudenga muna 1914. Kunyange zvingave zvakaoma, tinofanira kunge takagadzirira toramba takarinda. Kunzwisisa kuti Kristu ari kutonga saMambo asingaoneki kunotibatsira kuti tidaro. Kunoita kuti tirambe tichiziva kuti nokukurumidza achauya kuzoparadza vavengi vake “paawa ya[ti]singafungidziri.”—Ruka 12:40.

17. Kunzwisisa izvi kunofanira kuita kuti tinzwe sei, uye tinofanira kutsunga kuitei?

17 Kunzwisisa zvinoreva kuvapo kwaKristu kunotibatsira kuti tinyanye kuva nepfungwa dzokuita zvinhu tichiziva kuti nguva yapera. Tiri kuziva kuti Jesu atovapo uye ave achitonga asingaoneki saMambo ari mudenga kubvira muna 1914. Nenguva isipi, achauya kuzoparadza zvakaipa ochinja zvinhu zvakawanda mupasi rose. Saka tinofanira kutsunga kushanda nesimba kupfuura zvataisiita pabasa rakafanotaurwa naJesu paakati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma [teʹlos] kuchasvika.”—Mat. 24:14.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Zvinorehwa neshoko rokuti pa·rou·siʹa zvinooneka pakusiyana kwo‘kuvapo’ ‘nokusavapo’ kwomuapostora Pauro kunotaurwa pana 2 VaKorinde 10:10, 11 naVaFiripi 2:12. Kana uchida mashoko akawanda, ona Insight on the Scriptures, Volume 2, mapeji 676-9.

^ ndima 10 Ona Nharireyomurindi, yaNovember 1, 1995, mapeji 11-15, 19, 30, 31.

^ ndima 15 Nguva inorarama ‘Chizvarwa ichi’ inoita seinoenderana nenguva inoitika zvinhu zvakatanga kuonekwa zviri mubhuku raZvakazarurwa. (Zvak. 1:10–3:22) Izvi zvinoratidza zuva raShe zvinotangira muna 1914 kusvikira panofa uye panomutswa wokupedzisira wevakazodzwa vakatendeka.—Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! peji 24, ndima 4.

Ungapindura Sei?

• Tinoziva sei kuti kuvapo kwaJesu ndokwenguva yakati rebei?

• Ndivanaani vanoziva chiratidzo chokuvapo kwaJesu uye vanonzwisisa zvachinoreva?

• Chizvarwa chemazuva ano chinotaurwa pana Mateu 24:34 chinoumbwa navanaani?

• Nei tisingakwanisi kuverenga urefu hwenguva chaiyo ‘yechizvarwa ichi’?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 25]

Tingakwanisa Here Kuverenga Urefu Hwenguva ‘yeChizvarwa Ichi’?

Shoko rokuti “chizvarwa” rinowanzoreva vanhu vemazera akasiyana-siyana vanorarama panguva imwe chete kana kuti panoitika chimwe chinhu. Somuenzaniso, Eksodho 1:6 inoti: “Josefa akazofa, kubatanidza vanakomana vababa vake vose nechizvarwa ichocho chose.” Josefa nevanakomana vababa vake vakanga vakasiyana pamazera, asi vakaona zvinhu zvakafanana panguva imwe chete iyoyo. Pa“chizvarwa ichocho” paivawo nevakoma vake vakaberekwa Josefa asati aberekwa. Vamwe vavo vakararama kwemakore akawanda kudarika Josefa. (Gen. 50:24) Vamwe ‘vechizvarwa ichocho’ vakaita saBhenjamini, vakazoberekwa Josefa aberekwa uye vangadaro vakaramba vachirarama pashure pokunge iye afa.

Saka shoko rokuti “chizvarwa” parinoshandiswa kureva vanhu vanenge vachirarama panguva imwe chete, urefu chaihwo hwenguva iyoyo hahugoni kutaurwa kunze kwokuti hune pahunogumira uye hahuzovi hwakarebesa. Saka Jesu paakati “chizvarwa chino,” sezviri pana Mateu 24:34, haana kupa vadzidzi vake nzira yokuverenga nayo nguva kuti vakwanise kuziva kuti “mazuva okupedzisira” aizoguma rini. Asi Jesu akaenderera mberi achiratidza kuti vaisazoziva “zuva iroro neawa.”—2 Tim. 3:1; Mat. 24:36.

[Mufananidzo uri papeji 22, 23]

Apfekedzwa korona yoUmambo muna 1914, Jesu anoratidzwa seano“kunda”

[Mufananidzo uri papeji 24]

“Chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika”