Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMako

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMako

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMako

EVHANGERI yaMako ndiyo pfupi paEvhangeri dzose ina. Zvayakanyorwa naJohani Mako makore anenge 30 pashure pokumutswa kwaJesu Kristu, inhoroondo pfupi ine zviitiko zvinonakidza zvoushumiri hwaJesu hwemakore matatu nehafu.

Zviri pachena kuti zvarakanyorerwa vasiri vaJudha, kunyanya vaRoma, bhuku raMako rinotaura nezvaJesu soMwanakomana waMwari anoita zvishamiso uye anoshingaira mubasa rokuparidza. Rinonyanya kutaura zvaiitwa naJesu pane kutaura zvaaidzidzisa. Kufungisisa Evhangeri yaMako kuchasimbisa kutenda kwedu muna Mesiya uye kuchatipa simba rokushingaira kuzivisa mashoko aMwari muushumiri hwechiKristu.—VaH. 4:12.

KUPARIDZIRA ZVIKURU MUGARIREYA

(Mako 1:1–9:50)

Ataura mundima 14 chete zvakaitwa naJohani Mubhabhatidzi uye kugara kwaJesu murenje kwemazuva 40, Mako anotanga kutaura nenzira inonakidza nezvoushumiri hwaJesu muGarireya. Kudzokorora kwaanoita shoko rokuti ‘achangobva’ kunoratidza kuti zviitiko zviri munhoroondo yacho zvaiitika nokukurumidza.—Mako 1:10, 12.

Kwemakore asingasviki matatu, Jesu anopedza nzendo nhatu dzokuparidza muGarireya. Mako anotaura nhoroondo yacho maererano nenguva yaiitika zviitiko zvacho. Haatauri nezveMharidzo yepaGomo nedzimwewo mharidzo dzakawanda dzakareba dzakataurwa naJesu.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:15I“nguva yakatarwa” ipi yakanga yakwana? Jesu akanga achitaura kuti nguva yakatarwa yakanga yakwana yokuti atange ushumiri hwake. Nokuti aivapo saMambo Akasarudzwa, Umambo hwaMwari hwakanga hwaswedera pedyo. Vanhu vaiva nemwoyo yakarurama vaizogamuchira zvaaiparidza votora matanho kuti vave noukama naMwari.

1:44; 3:12; 7:36—Chikonzero nei Jesu akanga asingadi kuti vanhu vafambe vachitaura zvishamiso zvaaiita? Pane kuti vanhu vataure zvaaiita zvichibva pamashoko okuwedzeredza kana kuti asiri echokwadi, Jesu aida kuti vazvionere voga kuti aiva Kristu uye kuti vasarudze zvavaida kuita zvichibva pane zvavainge vaona. (Isa. 42:1-4; Mat. 8:4; 9:30; 12:15-21; 16:20; Ruka 5:14) Paasina kuita izvi chete ndepaya paakarapa murume aiva nemadhimoni womunyika yeGerasa. Jesu akamuudza kuti aende kumusha kwake anoudza hama dzake zvakanga zvaitika. Jesu akanga akumbirwa kuti abve munyika iyoyo, saka aizova nomukana muduku wokuonana nevanhu veikoko kana kusavaona zvachose. Kuvapo kwomurume akanga aitirwa zvakanaka naJesu uye uchapupu hwaaizopa zvaizobatsira kuti vanhu vasataure mashoko akaipa nezvenguruve dzakanga dzafa.—Mako 5:1-20; Ruka 8:26-39.

2:28—Nei Jesu achinzi “Ishe kunyange wesabata”? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mutemo . . . mumvuri wezvinhu zvakanaka zvichauya.” (VaH. 10:1) Sezvakataurwa noMutemo, Sabata raivapo pashure pemazuva matanhatu okushanda, uye Jesu akarapa vanhu vakawanda pazuva iroro. Izvi zvaifananidzira zororo rine rugare nezvimwe zvikomborero zvichawanikwa nevanhu Kristu paanenge ava Kutonga Kwemakore Ane Chiuru pashure pokunge kutonga kwaSatani kwokudzvinyirira kwaguma. Saka Mambo woUmambo ihwohwo anonziwo “Ishe wesabata.”—Mat. 12:8; Ruka 6:5.

3:5; 7:34; 8:12—Mako angave akaziva sei manzwiro aiita Jesu mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana? Mako akanga asiri mumwe wevaapostora 12 uye akanga asiri shamwari yaJesu yepedyo. Zvakanyorwa kare zvinoratidza kuti Mako angave akawana mashoko akawanda kubva kune muapostora Petro waaishamwaridzana naye zvikuru.—1 Pet. 5:13.

6:51, 52—Chii ‘chairehwa nezvingwa’ zvisina kunzwisiswa nevadzidzi? Maawa mashomanana akanga achangopfuura, Jesu akanga adyisa varume 5 000 tisingaverengi vakadzi nevana achishandisa zvingwa zvishanu nehove mbiri chete. Kubva pachiitiko ichocho, ‘zvairehwa nezvingwa’ zvaiva zvokuti vadzidzi vaifanira kunzwisisa kuti Jesu akanga apiwa simba rokuita zvishamiso naJehovha Mwari. (Mako 6:41-44) Kudai vakanga vanzwisisa simba guru rakanga rapiwa Jesu, vangadai vasina kushamisika zvikuru paakafamba pamusoro pemvura.

8:22-26—Nei Jesu akatora matanho maviri pakusvinudza mumwe murume aiva bofu? Jesu angave akaita izvi achiitira murume wacho mutsa. Kusvinudza zvishoma nezvishoma murume akanga ajaira rima kwenguva yakareba kungave kwakamubatsira kuti asakanganiswa nechiedza chezuva.

Zvatinodzidza:

2:18; 7:11; 12:18; 13:3. Mako anotsanangura tsika, mashoko, zvitendero, uye nzvimbo zvingave zvakanga zvisingazivikanwi nevanhu vakanga vasiri vaJudha. Anobudisa pachena kuti vaFarisi vane “tsika yokutsanya,” vanoti kobhani “chipo chakatsaurirwa kuna Mwari,” vaSadhusi vanoti “hakuna kumuka,” uye kuti temberi ‘yaioneka’ munhu ari “paGomo reMiorivhi.” Sezvo vaJudha vari ivo vainyanya kufarira mutsara wedzinza raMesiya, Mako haatauri nezvawo. Saka Mako anotisiyira muenzaniso. Tinofanira kufunga nezvevateereri vedu patinenge tiri muushumiri hwechiKristu kana kuti patinenge tichipa hurukuro pamisangano yeungano.

3:21. Hama dzaJesu dzakanga dzisingatendi. Saka anonzwira tsitsi vaya vanopikiswa kana kuti vanosekwa nevasingatendi vomumhuri dzavo pamusana pezvavanotenda.

3:31-35. Paakabhabhatidzwa, Jesu akabva ava Mwanakomana waMwari womudzimu, uye “Jerusarema riri kumusoro” rakava amai vake. (VaG. 4:26) Kubvira ipapo, Jesu akada uye akanga ava kukoshesa zvikuru vadzidzi vake kudarika voukama. Izvi zvinotidzidzisa kuti tiise zvinhu zvokunamata pakutanga muupenyu hwedu.—Mat. 12:46-50; Ruka 8:19-21.

8:32-34. Tinofanira kukurumidza kuona uye kuramba mutsa usina kukodzera watingaitirwa nevamwe. Muteveri waKristu anofanira ‘kuzviramba,’ kureva kuti, anofanira kuramba zvishuwo uye vavariro dzoudyire. Anofanira kunzwa achida ‘kutora danda rake rokutambudzikira,’ kutambura, kana zvichifanira kudaro, kana kuti kunyadziswa kana kutambudzwa kunyange kutourayiwa pamusana pokuva muKristu. Uye anofanira ‘kuramba achitevera’ Jesu, achitevedzera mararamire aiita Jesu. Kuva mudzidzi kunoda kuti tirambe tichizvipira sezvaiita Kristu Jesu.—Mat. 16:21-25; Ruka 9:22, 23.

9:24. Hatifaniri kunyara kutaurira vamwe zvatinotenda kana kuti kunyengeterera kuti tiwedzerwe kutenda.—Ruka 17:5.

MWEDZI WOKUPEDZISIRA

(Mako 10:1–16:8)

Gore ra32 C.E. rava kunopera, Jesu anosvika “kumiganhu yeJudhiya mhiri kwaJodhani,” uye boka revanhu rinouyazve kwaari. (Mako 10:1) Aparidzira ikoko, anobva aenda kuJerusarema.

Pana Nisani 8, Jesu ari kuBhetani. Akatsenhama patafura yezvokudya mumwe mukadzi paanosvika odurura mafuta anonhuhwirira mumusoro make. Zvinoitika Jesu paanopinda muJerusarema achiratidza kukunda kusvikira paanomutswa zvinotsanangurwa maererano nenguva chaiyo yazvakaitika.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

10:17, 18—Nei Jesu akaruramisa mumwe murume akamuti “Mudzidzisi Akanaka”? Nokuramba zita rokuremekedza zvokubatwa kumeso, Jesu akaita kuti Jehovha akudzwe uye akaratidza kuti zvinhu zvose zvakanaka zvinobva kuna Mwari wechokwadi. Uyezve, Jesu akataura chokwadi chinokosha chokuti Musiki wezvinhu zvose, Jehovha Mwari, ndiye oga ane kodzero yokupa mitemo inoratidza zvakanaka nezvakaipa.—Mat. 19:16, 17; Ruka 18:18, 19.

14:25—Jesu airevei paakati kuvaapostora vake vakatendeka: “Handichazombonwizve zvibereko zvomuzambiringa kusvikira zuva iroro pandichazvinwa zvava zvitsva muumambo hwaMwari”? Jesu akanga asiri kureva kuti kudenga kune waini. Sezvo dzimwe nguva waini ichifananidzira mufaro, Jesu aireva mufaro wokuva pamwe chete nevateveri vake vakazodzwa vanenge vamutswa muUmambo.—Pis. 104:15; Mat. 26:29.

14:51, 52—Jaya ‘rakatiza risina kupfeka’ ndiani? Mako ndiye oga anotaura nezvechiitiko ichi, saka tinogona kutaura kuti aitaura nezvake.

15:34—Mashoko aJesu okuti “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei” anoratidza kuti akanga asina kutenda here? Kwete. Kunyange zvazvo tisina chokwadi chokuti nei Jesu akataura izvi, mashoko ake anogona kuratidza kuti Jesu aiziva kuti Jehovha akanga ambomusiya asingamudziviriri achiitira kuti kuvimbika kwoMwanakomana wake kuedzwe zvizere. Chimwewo chikonzero chingave chokuti Jesu akataura izvi achida kuzadzisa mashoko ePisarema 22:1 akafanotaura nezvake.—Mat. 27:46.

Zvatinodzidza:

10:6-9. Chinangwa chaMwari ndechokuti vanhu vakaroorana varambe vari pamwe chete. Naizvozvo, pane kuti vakurumidze kurambana, varume nemadzimai vanofanira kuedza kushandisa zvinorayirwa neBhaibheri kuti vagadzirise zvinetso zvingamuka mumba.—Mat. 19:4-6.

12:41-44. Muenzaniso weimwe chirikadzi yaiva murombo unotidzidzisa kuti hatifaniri kuva noudyire pakutsigira kunamata kwechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nei Jesu akaudza murume uyu kuti audze hama dzake zvose zvakanga zvaitika kwaari?