Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Mumishinari Mukuru

Tevedzera Mumishinari Mukuru

Tevedzera Mumishinari Mukuru

“Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.”—1 VAK. 11:1.

1. Nei tichifanira kutevedzera Jesu Kristu?

MUAPOSTORA Pauro aitevedzera muMishinari mukuru, Jesu Kristu. Pauro akakurudzirawo vaKristu vaainamata navo kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaK. 11:1) Jesu apa vaapostora vake chidzidzo chokuzvininipisa nokugeza tsoka dzavo, akavaudza kuti: “Ndakuitirai muenzaniso, kuti, sezvandakuitirai, muitewo saizvozvo.” (Joh. 13:12-15) SevaKristu, tinofanira kutevedzera Jesu Kristu pakutaura, pane zvatinoita uye paunhu hwatinoratidza.—1 Pet. 2:21.

2. Kunyange kana usina kumbogadzwa neDare Rinodzora kuti uve mumishinari, unogona kuva nemafungiro api?

2 Munyaya yakapfuura, takadzidza kuti mumishinari munhu anotumwa somuevhangeri, munhu anoendesa mashoko akanaka kune vamwe. Nezvebasa iri, Pauro akabvunza mibvunzo inoita kuti munhu afunge. (Verenga VaRoma 10:11-15.) Ona kuti muapostora wacho akabvunza kuti: “Vachanzwa sei kana pasina mumwe munhu anoparidza?” Akabva atora mashoko muuprofita hwaIsaya anoti: “Dzakanaka sei tsoka dzevaya vanozivisa mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!” (Isa. 52:7) Kunyange kana usina kumbogadzwa uye kutumwa kuti unoshanda somumishinari kune imwe nyika, unogona kuva nechido chouevhangeri uchizivisa mashoko akanaka nokushingaira uchitevedzera Jesu. Gore rakapera, vaparidzi voUmambo 6 957 854 ‘vakaita basa rouevhangeri’ munyika 236.—2 Tim. 4:5.

“Takasiya Zvinhu Zvose Tikakuteverai”

3, 4. Jesu akasiyei kudenga, uye tinofanira kuitei kuti tive vateveri vake?

3 Kuti aite basa rake pasi pano, Jesu “akazvidurura, akava somuranda,” achisiya upenyu hwake hwokudenga nokukudzwa. (VaF. 2:7) Chero zvatingaita patinenge tichitevedzera Kristu hazvigoni kuenzaniswa nezvaakaita paakauya pasi pano. Asi tinogona kuramba takatsiga sevateveri vake, tisingatarisi shure tichidemba zvinhu zvataiva nazvo munyika yaSatani.—1 Joh. 5:19.

4 Pane imwe nguva, muapostora Petro akaudza Jesu kuti: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose tikakuteverai.” (Mat. 19:27) Petro, Andireya, Jakobho, naJohani vakabva vangosiya mambure avo pavakakokwa kuti vatevere Jesu. Vakasiya bhizimisi ravo rokubata hove vachibva vaita kuti ushumiri huve basa ravo guru. Maererano neEvhangeri yaRuka, Petro akati: “Tarirai! Takasiya zvinhu zvedu, tikakuteverai.” (Ruka 18:28) Vakawanda vedu taisafanira hedu kusiya “zvinhu zvedu” zvose kuti titevere Jesu. Zvisinei, taifanira ‘kuzviramba’ kuti tive vateveri vaKristu toshumira Jehovha nomwoyo wose. (Mat. 16:24) Izvi zvakaita kuti tikomborerwe zvikuru. (Verenga Mateu 19:29.) Kuda kwatinoita basa rouevhangeri tichitevedzera Kristu kunoita kuti tifare, kunyanya kana tiine zvishoma zvatinenge takaita kuti tibatsire mumwe munhu kuti aswedere pedyo naMwari noMwanakomana wake waanoda.

5. Rondedzera zvakaitika zvinoratidza kuti munhu anenge atamira kune imwe nyika angasarudza kuitei paanenge adzidza chokwadi cheBhaibheri.

5 Valmir, mumwe murume wokuBrazil aigara nechepakati penyika yeSuriname, aiita basa rokuchera goridhe. Aiva chidhakwa chairarama upenyu hwounzenza. Pane imwe nguva ari mune rimwe guta, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kumudzidzisa Bhaibheri. Aidzidza mazuva ose, akachinja zvinhu zvakawanda muupenyu hwake, uye pasina nguva akabhabhatidzwa. Paakaona kuti basa rake raiita kuti zvimuomere kurarama maererano nezvaakanga ava kutenda, akatengesa bhizimisi rake raimupa mari yakawanda achibva adzokera kuBrazil kuti anobatsira mhuri yake kuti iwane chokwadi. Vadzidza chokwadi cheBhaibheri, vakawanda vanenge vatamira kune dzimwe nyika vanosiya mabasa avo munyika dzakapfuma vodzokera kumusha kwavo vaine chinangwa chokubatsira hama dzavo nevamwe kuti vawane chokwadi. Vaparidzi voUmambo vakadaro vanoratidza kuti vanoda chaizvo basa rouevhangeri.

6. Tingaitei kana tisingakwanisi kutamira kunonyanya kudiwa vaparidzi voUmambo?

6 Zvapupu zvakawanda zvakatamira kune dzimwe nzvimbo dzainyanya kudiwa vaparidzi voUmambo. Vamwe vanototamira kune dzimwe nyika. Zvichida tingasakwanisa kutama, asi tinogona kutevedzera Jesu nokugara tichiita zvose zvatinogona muushumiri.

Jehovha Anopa Dzidzo Inodiwa

7. Zvikoro zvipi zviripo zvokudzidzisa vaya vanoda kunatsiridza unyanzvi hwavo sevazivisi voUmambo?

7 Sokungodzidziswa kwakaitwa Jesu naBaba vake, isu tinogonawo kubatsirwa nedzidzo iri kupiwa naJehovha. Jesu pachake akati: “Mune zvakanyorwa nevaprofita makanzi, ‘Vose vachadzidziswa naJehovha.’” (Joh. 6:45; Isa. 54:13) Mazuva ano pane zvikoro zvinorongwa nechinangwa chokutibatsira kuti tive vazivisi voUmambo. Hapana mubvunzo kuti tose zvedu tine patakabatsirwa neChikoro chaMwari Choushumiri muungano dzokwedu. Mapiyona ane ropafadzo yokupinda Chikoro Chebasa Roupiyona. Mapiyona akawanda ava nenguva achiita basa iri ave achiwana mufaro paanopinda chikoro chacho kechipiri. Vakuru nevashumiri vanoshumira vakapinda Chikoro choUshumiri hwoUmambo kuti vanatsiridze unyanzvi hwavo hwokudzidzisa uye basa ravanoitira vavanonamata navo. Vakuru nevashumiri vanoshumira vakawanda vasina kuroora vakapinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, chinovadzidzisa kubatsira vamwe kuita basa rokuparidza. Uye hama nehanzvadzi dzakawanda dzakapiwa mabasa oumishinari kune dzimwe nyika dzakanga dzadzidziswa kuChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi.

8. Dzimwe hama dzinokoshesa zvakadini kudzidziswa kwadzinoitwa naJehovha?

8 Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakagadzirisa upenyu hwazvo kuti zvikwanise kupinda zvikoro izvi. Kuti Yugu apinde Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri kuCanada, akasiya basa rake rokunyika nokuti waaishandira akanga aramba kumupa rivhi. Yugu akati, “Handimbozvidembi. Kutaura chokwadi, kudai vakanga vandipa rivhi zvokunditsvetera, vaizotarisira kuti ndiratidze kuvimbika nokuramba ndiri pakambani yacho. Asi iye zvino ndinokwanisa kuita chero basa ripi zvaro randinenge ndapiwa naJehovha.” Kuti vabatsirwe nedzidzo inopiwa naMwari, vachizvidira vakawanda vakarega zvimwe zvinhu zvavaimbokoshesa zvikuru.—Ruka 5:28.

9. Taura muenzaniso unoratidza kubatsira kunoita dzidzo yomuMagwaro uye kushanda nesimba.

9 Dzidzo yomuMagwaro nokushanda nesimba zvinobatsira zvikuru. (2 Tim. 3:16, 17) Chimbofunga zvakaitika kuna Saulo kuGuatemala. Akaberekwa aine dambudziko repfungwa, uye mumwe wevadzidzisi vake akaudza amai vake kuti vaisafanira kumumanikidza kudzidza kuverenga, sezvo izvozvo zvaizomuodza mwoyo. Saulo akasiya chikoro asingagoni kuverenga. Zvisinei, chimwe Chapupu chakadzidzisa Saulo kuverenga chichishandisa bhurocha rinonzi Shingairira Kuverenga Nokunyora. Saulo akazofambira mberi kusvika pakupa hurukuro muChikoro chaMwari Choushumiri. Amai vaSaulo vakazosangana nomudzidzisi wake pavaiita ushumiri hwepaimba neimba. Mudzidzisi wacho paakanzwa kuti Saulo akanga adzidza kuverenga, akakumbira amai vake kuti vauye naye kumba kwake vhiki yaitevera yacho. Vhiki yakatevera, mudzidzisi wacho akabvunza Saulo kuti, “Uchandidzidzisei?” Saulo akatanga kuverenga imwe ndima mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Mudzidzisi wacho akati, “Aah! Ndiwe here uri kutondidzidzisa kudai?” Misodzi ichiti mokoto, akambundira Saulo.

Kudzidzisa Kunobaya Mwoyo

10. Ibhuku ripi rakanaka kwazvo ratinoshandisa kudzidzisa chokwadi chiri muBhaibheri?

10 Zvaidzidziswa naJesu zvaibva pane zvaakadzidziswa naJehovha pachake uye pamirayiridzo inowanika muShoko raMwari. (Ruka 4:16-21; Joh. 8:28) Tinotevedzera Jesu nokushandisa zano rake uye nokuomerera pane zviri muMagwaro. Saka tose tinobvumirana pane zvatinotaura nezvatinofunga, uye izvi zvinoita kuti tibatane. (1 VaK. 1:10) Tinofara chaizvo kuti “muranda akatendeka, akangwara” ari kubudisa mabhuku eBhaibheri kuti atibatsire kuti tirambe tichidzidzisa zvinhu zvakafanana uye kuti tiite basa redu sevaevhangeri! (Mat. 24:45; 28:19, 20) Rimwe remabhuku aya rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, uye rava kuwanikwa mumitauro 179.

11. Imwe hanzvadzi yokuEthiopia yakakurira sei kupikiswa ichishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei?

11 Kudzidza Magwaro tichishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kungatochinja mwoyo yevanhu vanotipikisa. Pane imwe nguva, Lula, imwe hanzvadzi yokuEthiopia inopayona, akanga achidzidzisa mumwe munhu Bhaibheri hama yomunhu wacho payakangoerekana yapinda ichibva yati vakanga vasingafaniri kuita chidzidzo ichi. Lula akakurukura nehama yacho zvakadzikamira achishandisa mufananidzo wemari yokunyepera uri muchitsauko 15 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Mukadzi wacho akabva adzikama akavabvumira kuti vaenderere mberi vachidzidza. Kutaura zvazviri, pavakazodzidzazve mukadzi wacho aivapo achibva akumbira kudzidzawo Bhaibheri, achitoti aizobhadhara kuti adzidze! Pasina nguva, akanga ava kudzidza katatu pavhiki uye akafambira mberi zvakanaka pakunamata.

12. Taura muenzaniso unoratidza kuti vechiduku vangabudirira sei kudzidzisa chokwadi cheBhaibheri.

12 Vechiduku vanogona kubatsira vamwe vachishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Keanu wokuHawaii ane makore 11 akanga achiverenga zvake bhuku iri kuchikoro mumwe waaidzidza naye paakamubvunza kuti, “Nei musingapembereri mazororo?” Keanu akabva averenga mhinduro yacho mumashoko okuwedzera ari pamusoro unoti “Tinofanira Kupemberera Mazororo Here?” Akabva avhura peji yezviri mukati ndokubvunza mukomana wacho kuti inyaya ipi yaainyanya kuda kuziva nezvayo. Akabva atanga kumudzidzisa Bhaibheri. Gore rebasa rapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri 6 561 426, uye vakawanda vacho vakashandisa zvakanaka bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? Uri kushandisa bhuku iri pakudzidzisa vanhu Bhaibheri here?

13. Kudzidza Bhaibheri kune simba rokuchinja vanhu sei?

13 Kudzidza Magwaro tichishandisa bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? kunogona kuva nesimba rokuchinja vaya vanoda kuita zvinodiwa naMwari. KuNorway, mamwe mapiyona chaiwo akaroorana akatanga kudzidza Bhaibheri neimwe mhuri yakabva kuZambia. Mhuri yacho yaiva nevanasikana vatatu uye yakanga isingachadi kuita mumwe mwana. Saka mukadzi wacho paakabata pamuviri, vakasarudza kupabvisa. Mazuva mashomanana vasati vaona chiremba, vakadzidza chitsauko chine musoro unoti “Ona Upenyu Sezvinoita Mwari.” Mufananidzo wemwana asati aberekwa uri muchitsauko chacho wakavasvika pamwoyo zvokuti vakasarudza kusabvisa pamuviri pacho. Vakaramba vachifambira mberi pakunamata uye vakapa mwanakomana wavakanga vabereka zita rehama yaivadzidzisa Bhaibheri.

14. Taura muenzaniso unoratidza kuti kurarama maererano nezvatinodzidzisa kungaguma sei nezvakanaka.

14 Chimwe chinhu chaikosha pakudzidzisa kwaiita Jesu ndechokuti airarama maererano nezvaaidzidzisa. Vanhu vakawanda vanosvika pakuyemura tsika dzakanaka dzeZvapupu zvaJehovha, izvo zvinotevedzera Jesu. Mumwe muzvinabhizimisi wokuNew Zealand akapazirwa motokari yake uye bhegi rake rakabiwa. Akamhan’ara kumupurisa, uyo akati: “Unogona kuwana bhegi rako ndokunge rakawanikwa nomumwe weZvapupu zvaJehovha.” Chimwe Chapupu chaiita basa rokudhirivhara mapepanhau ndicho chakanhonga bhegi racho. Paakaziva nezvazvo, muridzi webhegi racho akaenda kumba kwehanzvadzi iyi. Akatura befu paakaziva kuti gwaro rake raikosha zvikuru raivamo. Hanzvadzi yacho yakamuudza kuti, “Zvanga zvakakodzera kuti ndikudzorere zvinhu zvako sezvo ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha.” Muzvinabhizimisi wacho akashamiswa, nokuti akayeuka zvaakanga audzwa nomupurisa mangwanani acho. Zviri pachena kuti vaKristu vechokwadi vari kurarama maererano nedzidziso dzomuBhaibheri uye vari kutevedzera Jesu.—VaH. 13:18.

Tevedzera Maonero Aiita Jesu Vanhu

15, 16. Tingaita sei kuti vanhu vade mashoko atinoparidza?

15 Maonero aiita Jesu vanhu aiita kuti vade kuteerera shoko rake. Somuenzaniso, rudo rwake nokuzvininipisa kwake zvaikwezva vanhu vakaderera. Ainzwira tsitsi vaya vaiuya kwaari ovanyaradza nemashoko omutsa, uye akaporesa vakawanda vairwara. (Verenga Mako 2:1-5.) Hatikwanisi kuita zvishamiso, asi tinogona kuratidza rudo, kuzvininipisa, uye tsitsi, unhu hunobatsira vanhu kuti vade chokwadi.

16 Tsitsi dzakashanda mumwe piyona chaiye anonzi Tariua paakashanyira musha wevamwe sekuru vanonzi Beere, vanogara pane chimwe chezvitsuwa zviri kure zvikuru cheKiribati kuSouth Pacific. Kunyange zvazvo sekuru ava vakaratidza kuti vakanga vasingadi kuteerera, Tariua akacherechedza kuti vakanga vakaremara achibva avanzwira tsitsi. Tariua akabvunza kuti, “Makambonzwa zvinovimbiswa naMwari here kuvanhu vanorwara nevakwegura?” Zvadaro akaverenga imwe ndima iri muuprofita hwaIsaya. (Verenga Isaya 35:5, 6.) Vabayiwa mwoyo, sekuru vacho vakati, “Ndave ndichiverenga Bhaibheri kwemakore uye ndichishanyirwa nomumwe mumishinari wokuchechi kwedu kwemakore, asi izvi handina kumbozviona muBhaibheri.” Beere akatanga kudzidziswa Bhaibheri, uye akafambira mberi pakunamata. Chokwadi, akanga akaremara zvikuru, asi iye zvino akabhabhatidzwa, anotarisira boka risati rava ungano, uye anokwanisa kufamba muchitsuwa chacho chose achiparidza mashoko akanaka.

Ramba Uchitevedzera Kristu

17, 18. (a) Ungava sei muevhangeri anobudirira? (b) Vaya vanokoshesa ushumiri vachawanei?

17 Sezvinoratidzwa nezviitiko zvinofadza zvinogara zvichiitika muushumiri, tinogona kuva vaevhangeri vanobudirira kana tikava nounhu hwakaratidzwa naJesu uye tohuratidza. Saka, zvakakodzera zvikuru kuti titevedzere Kristu tova vaevhangeri vanoshingaira!

18 Vamwe pavakava vadzidzi vaJesu muzana remakore rokutanga, Petro akabvunza kuti: “Chokwadi chii chatichawana?” Jesu akapindura kuti: “Munhu wose akasiya dzimba kana vanun’una kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nokuda kwezita rangu achagamuchira zvakapetwa kazhinji uye achagara nhaka youpenyu husingaperi.” (Mat. 19:27-29) Chokwadi tichawana izvi kana tikaramba tichitevedzera muMishinari mukuru, Jesu Kristu.

Ungapindura Sei?

• Jehovha ari kutidzidzisa sei kuti tive vaevhangeri?

• Nei bhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei? richiita kuti ushumiri hwedu hubudirire?

• Tingatevedzera sei Jesu pamaonero atinoita vanhu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Jesu paakakoka Petro, Andireya, Jakobho, naJohani kuti vamutevere, vakabva vangomutevera pakarepo

[Mufananidzo uri papeji 19]

Mabhuku akadai sebhuku rinonzi “Bhaibheri Rinombodzidzisei?” anotibatsira kuti tirambe tichidzidzisa zvinhu zvakafanana