Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakapedza Kudzidza Vanokurudzirwa “Kutanga Kuchera”

Vakapedza Kudzidza Vanokurudzirwa “Kutanga Kuchera”

Kirasi Yechi123 kuGiriyedhi Inopedza Kudzidza

Vakapedza Kudzidza Vanokurudzirwa “Kutanga Kuchera”

MUSI woMugovera, September 8, 2007, vanhu vanosvika 6 352 vakabva kunyika 41 vaivapo pamhemberero yokupedza kudzidza kwekirasi yechi123 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Nenguva dza10:00 mangwanani, sachigaro wepurogiramu, Anthony Morris weDare Rinodzora, akachingamidza vateereri. Ataura mashoko okuzarura, akasuma mukurukuri wokutanga, Gary Breaux weDare Rebazi kuUnited States.

Hama Breaux vakavimbisa vadzidzi kuti pasinei nechitarisiko chavo, Jehovha anoona vaya vanoita zvaanoda sevakanaka. (Jer. 13:11) Akakurudzira vadzidzi vakanga vapedza kudzidza ava kuti varambe vakanaka saizvozvo. Zvadaro, Gerrit Lösch weDare Rinodzora akataura kuti zvakanaka kutarisira kuwana mubayiro kana tichishumira Jehovha. (VaH. 11:6) Zvisinei, vavariro yedu inofanira kuva isiri yorudo rune udyire.

William Samuelson, mutariri weDhipatimendi reZvikoro zveBhaibheri akabva akurudzira vakanga vapedza kudzidza kuti varambe vakavimbika mubasa ravo rinokudzwa rokuzivisa Mambo ari kutonga uye kuratidza kuti vanoremekedzeka zvichibva pakuva netsika dzakanaka. * Sam Roberson, mutevedzeri womutariri weDhipatimendi reZvikoro zveBhaibheri, akakurudzira vakapedza kudzidza kuti varambe vachitarisa zvakanaka mune vamwe. Kana vakadaro, vakapedza kudzidza vaizowedzera ‘kuda sangano rose rehama.’—1 Pet. 2:17.

Hurukuro idzodzo dzaikurudzira dzapera, murayiridzi wechikoro cheGiriyedhi Mark Noumair akabvunzurudza vadzidzi vanoverengeka vakarondedzera zvakaitika zvavakasangana nazvo muushumiri pavaiita kosi yokuGiriyedhi. Munhu wose aiteerera aigona kunyatsoona kuti vaida ushumiri uye vaida kubatsira vamwe. Kent Fischer weHofisi yeBheteri kuPatterson akazobvunzurudza veDare Rebazi vakanga vabva kunyika nhatu dzine mamishinari. Mashoko akataurwa nehama idzi akavimbisa vateereri vaisanganisira vabereki vevadzidzi ava kuti mamishinari matsva anonyatsotarisirwa mubasa ravo. Izak Marais weDhipatimendi Rinobatsira Vashanduri akazobvunzurudza mamwe mamishinari agara mubasa iri, avo vakarondedzera zvavakasangana nazvo zvakaita kuti vadzidzi varavidze mufaro wavaizowana.

Hurukuro inokosha yepurogiramu yacho yakapiwa naGeoffrey Jackson weDare Rinodzora, yaiva nomusoro waiti “Pane Zvose Zvamanzwa Izvi—Muchaitei Nazvo?” Hama Jackson vakamboita basa roumishinari kwemakore aida kusvika 25 kuSouth Pacific, vakakurukura mhedziso yeMharidzo yepaGomo. Mumharidzo iyoyo, Jesu akataura nezvevarume vaviri vakavaka dzimba, mumwe akangwara mumwe akapusa. Mukurukuri wacho akataura kuti dzimba dzacho dzingave dzaiva panzvimbo imwe chete. Zvisinei, murume akapusa akavaka imba yake nechepamusoro, pajecha, asi uya akangwara akanyatsochera pasi kusvikira abata ruware paakazovakira faundesheni. Pakauya dutu rinotyisa, imba yakavakirwa paruware haina kuwa asi iya yakavakirwa pajecha yakawondomoka.—Mat. 7:24-27; Ruka 6:48.

Jesu akatsanangura kuti murume akapusa anomiririra vaya vanoteerera mashoko aJesu asi vasingaashandisi. Murume akangwara anomiririra vaya vakateerera uye vakashandisa mashoko aJesu. Hama Jackson vakaudza vakanga vapedza kudzidza kuti: “Pamunoshandisa zvamunodzidza muBhaibheri muri mubasa renyu roumishinari, muchafanana nomurume akangwara.” Vachigumisa, vakakurudzira vakanga vapedza kudzidza “kutanga kuchera” mubasa ravo roumishinari.

Pakupedzisira, vadzidzi vakapiwa madhipuroma avo uye vakaudzwa kwavaizoenda, uye Hama Morris vakataura mashoko okupedzisira okukurudzira. Vakakurudzira vadzidzi kuti vatevere Jesu nguva dzose uye kuti varambe vachivimba kuti Jehovha achavapa simba. Purogiramu yacho yakabva yasvika kwamvura yacheka makumbo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Dhipatimendi reZvikoro zveBhaibheri richitungamirirwa neDare Rokudzidzisa ndiro rinotarisira chikoro cheGiriyedhi, chikoro chenhengo dzeDare Rebazi uye chikoro chevatariri vanofambira.

[Bhokisi riri papeji 31]

ZVAKAITA KIRASI YACHO

Nyika dzinomiririrwa: 10

Nyika dzavakatumirwa: 24

Vadzidzi: 56

Avhareji yezera: 33,5

Avhareji yemakore vari muchokwadi: 17,9

Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13,8

[Mufananidzo uri papeji 32]

Kirasi Yechi123 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.

(1) Esparza, E.; Papaya, S.; Bilal, A.; Suárez, M.; Evers, E.; Dimichino, K. (2) Rosa, M.; Fujii, R.; Ratey, O.; Leveton, J.; Van Leemputten, M. (3) Boscaino, A.; Beck, K.; Budanov, H.; Braz, C.; Peltz, K.; Siaw, A. (4) Leveton, S.; Santikko, H.; Conte, S.; Wilson, J.; Rylatt, J.; Pierce, S.; Fujii, K. (5) Rosa, D.; Boscaino, M.; Austin, V.; Rodiel, P.; Bilal, P.; Dimichino, P. (6) Ratey, B.; Czyzyk, D.; Clarke, C.; Riedel, A.; Esparza, F.; Siaw, P.; Van Leemputten, T.(7) Rodiel, J.; Evers, J.; Green, J.; Czyzyk, J.; Santikko, M.; Rylatt, M. (8) Peltz, L.; Austin, D.; Riedel, T.; Beck, M.; Pierce, W.; Conte, S.; Green, S. (9) Suárez, J.; Clarke, J.; Papaya, S.; Budanov, M.; Wilson, R.; Braz, R.