Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bvuma Mafungiro Evamwe, Iva Pakati Nepakati

Bvuma Mafungiro Evamwe, Iva Pakati Nepakati

Bvuma Mafungiro Evamwe, Iva Pakati Nepakati

“Ramba uchivayeuchidza kuti . . . vabvume mafungiro evamwe.”—TITO 3:1, 2, Ref., mashoko omuzasi.

1, 2. Magwaro anoti chii nezvokubvuma mafungiro evamwe, uye nei izvi zvakakodzera?

JEHOVHA, Baba vedu vokudenga vane rudo, munhu akachenjera zvikuru. Zvatiri zvisikwa zvake, tinotarisira kuti atitungamirire muupenyu hwedu. (Pis. 48:14) Mudzidzi wechiKristu Jakobho anotiudza kuti “uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa [“hunobvuma mafungiro evamwe, Ref., mashoko omuzasi”], hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka, hahusaruri, hahunyengeri.”—Jak. 3:17.

2 Muapostora Pauro anokurudzira achiti: “Kunzwisisa [“kubvuma mafungiro evamwe,” Kingdom Interlinear] kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.” * (VaF. 4:5) Kristu Jesu ndiye Ishe uye Musoro weungano yechiKristu. (VaEf. 5:23) Chokwadi zvinokosha zvikuru kuti mumwe nomumwe wedu ave munhu anonzwisisa, abvume utungamiriri hwaKristu uye kuti abvume mafungiro evamwe muupenyu hwedu!

3, 4. (a) Enzanisira kubatsira kwazvinoita patinobvuma mafungiro evamwe. (b) Tichakurukurei?

3 Zvinotibatsira kana tiri vanhu vasingaomereri pakodzero dzedu. Somuenzaniso, pashure pokunge zano raifungidzirwa kuti nderemagandanga razivikanwa muBritain, zvakaita sokuti vanhu vazhinji vanofamba nendege vakakurumidza kuteerera mirayiro yokuti vasatakura zvimwe zvinhu zvavaichimbobvumirwa kutakura mundege. Patinotyaira motokari, tinoona tichifanira kubvumira vamwe vatyairi kuti vatange kufamba paya panosangana migwagwa kuitira kuti tive nechokwadi chokuti hapana anopinda mutsaona, uye kuti dzimwe motokari dzifambe zvakanaka.

4 Zvakaomera vakawanda vedu kubvuma mafungiro evamwe. Kuti tibatsirwe, ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvinoratidza kuti tinobvuma mafungiro evamwe, zvinoti, vavariro dzedu, maonero atinoita vanhu vane simba, uye kuti tinofanira kusvika papi pakuzviita.

Nei Tichifanira Kubvuma Mafungiro Evamwe?

5. MuMutemo waMosesi, chii chaiita kuti muranda asarudze kuramba achigara natenzi wake?

5 Mumwe muenzaniso wezvaiitika chiKristu chisati chavapo unoratidza vavariro yakanaka yokubvuma mafungiro evamwe. MuMutemo waMosesi, vaHebheru vakanga vaitwa varanda vaifanira kusunungurwa mugore rechinomwe rokuva kwavo varanda kana kuti mugore reJubheri, chero chaitanga kusvika. Asi muranda aigona kusarudza kuramba ari muranda. (Verenga Eksodho 21:5, 6.) Chii chaiita kuti muranda asarudze izvi? Rudo ndirwo rwaiita kuti muranda wacho arambe ari muranda pasi patenzi wake ane hanya.

6. Rudo runei chokuita nokubvuma mafungiro evamwe?

6 Saizvozvowo, kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti titsaurire upenyu hwedu kwaari tobva tararama maererano nokuzvitsaurira kwedu. (VaR. 14:7, 8) Muapostora Johani akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Joh. 5:3) Rudo rwakadai haruzvitsvakiri zvarwo. (1 VaK. 13:4, 5) Pakurarama kwatinoita nevamwe vanhu, kuda muvakidzani kunoita kuti tibvume mafungiro evamwe toaisa panzvimbo yokutanga. Pane kuva noudyire, tinova nehanya nezvinofunga vamwe.—VaF. 2:2, 3.

7. Kusaomerera pakodzero dzedu kunoshanda sei muushumiri?

7 Zvatinotaura nezvatinoita hazvifaniri kugumbura vamwe. (VaEf. 4:29) Zvechokwadi, rudo ruchaita kuti tisaita chimwe chinhu chingatadzisa vanhu vane tsika dzakasiyana nedzedu uye vane mamiriro ezvinhu akasiyana needu kufambira mberi pakushumira Jehovha. Izvi zvinowanzosanganisira kusaomerera pakodzero dzedu. Somuenzaniso, hanzvadzi dzinoita basa roumishinari dzakajaira kupoda-poda kana kuti kupfeka mapurin’i sokisi hadziomereri kushandisa zvinhu izvi munzvimbo dzadzingafungirwa kuti inzenza uye kwazvingagumbura vamwe.—1 VaK. 10:31-33.

8. Kuda Mwari kungatibatsira sei kuti ‘tizvione sevaduku’?

8 Kuda kwatinoita Jehovha kunotibatsira kuti tisanyanya kuzvida. Pashure pokunge vadzidzi vaitirana nharo dzokuti ndiani aiva mukuru pakati pavo, Jesu akamisa mwana muduku pakati pavo. Akatsanangura kuti: “Munhu wose anogamuchira mwana muduku uyu nokuda kwezita rangu anondigamuchirawo, uye munhu wose anondigamuchira anogamuchirawo iye akandituma. Nokuti anozviita muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.” (Ruka 9:48; Mako 9:36) Somunhu mumwe nomumwe, tingaona zvakaoma chaizvo ‘kuzviita muduku.’ Kusakwana kwatakaberekwa tiinako uye kudada zvingaita kuti titsvake mukurumbira, asi kuzvininipisa kuchatibatsira kuti tizvione sevaduku.—VaR. 12:10.

9. Kuti tizviise pasi, tinofanira kuzivei?

9 Kuti tizviise pasi, tinofanira kuziva simba rine vaya vakagadzwa naMwari. VaKristu vose vechokwadi vanoziva murayiro unokosha woumusoro. Muapostora Pauro akanyatsojekesa izvi kuvaKorinde paakati: “Ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu; uyewo musoro womukadzi murume; uyewo musoro waKristu ndiMwari.”—1 VaK. 11:3.

10. Kuzviisa kwedu pasi pechiremera chaJehovha kunoratidzei?

10 Kuzviisa pasi pechiremera chaMwari kunoratidza kuti tinovimba naye kuti ndiye Baba vedu vane rudo. Anoziva zvose zvinoitika uye anotikomborera zvakakodzera. Zvinobatsira kuti tifunge izvozvo vamwe pavasingatiremekedzi kana kuti pavanotigumbukira votipopotera. Pauro akanyora kuti: “Kana zvichibvira, nepamunogona napo, ivai norugare nevanhu vose.” Pauro akasimbisa zano iroro nomurayiro uyu unoti: “Musatsiva, vadiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndokwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’”—VaR. 12:18, 19.

11. Tingaratidza sei kuti tiri kuzviisa pasi pokutungamirira kwaKristu?

11 Tinofanirawo kuzviisa pasi pechiremera chaMwari muungano yechiKristu. Chitsauko 1 chaZvakazarurwa chinorondedzera Kristu Jesu seakabata “nyeredzi” dzeungano muruoko rwake rworudyi. (Zvak. 1:16, 20) Kazhinji, “nyeredzi” idzi dzinomiririra matare evakuru, kana kuti vatariri vari muungano. Vatariri vakadaro vakagadzwa vanozviisa pasi pokutungamirira kwaKristu uye vanotevedzera mabatiro aanoita vamwe nomutsa. Vose vari muungano vanozviisa pasi pourongwa hwaJesu hwokuti “muranda akatendeka, akangwara” ape zvokudya zvokunamata panguva yakakodzera. (Mat. 24:45-47) Mazuva ano, kuda kwatinoita kudzidza uye kushandisa mashoko aya kunoratidza kuti tinozviisa pasi pokutungamirira kwaKristu, kunoita kuti tive norugare uye tibatane.—VaR. 14:13, 19.

Tinofanira Kuzviisa Pasi Kusvika Papi?

12. Nei kuzviisa pasi kuine pakunogumira?

12 Zvisinei, kuzviisa pasi hakurevi kuti tinoita zvisingaenderani nokutenda kwedu kana kuti nemitemo yaMwari. VaKristu vekare vakaitei pavakarayirwa nevatungamiriri vechitendero kuti vasaparidza muzita raJesu? Petro nevamwe vaapostora vakataura noushingi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mab. 4:18-20; 5:28, 29) Saka mazuva ano, hurumende padzinotimanikidza kuti tisaparidza mashoko akanaka, hatiregi, kunyange zvazvo tingachinja nounyanzvi nzira dzedu dzokuparidza. Kana tichirambidzwa kuita ushumiri hwedu hwepamba nemba, tinofanira kuedza kushandisa dzimwe nzira kuti tione vanasaimba uye tirambe tichiita basa ratakapiwa naMwari. Saizvozvowo, kana “vane masimba makuru” vakatirambidza kuita misangano yedu, tinoungana tisingaoneki mumapoka maduku.—VaR. 13:1; VaH. 10:24, 25.

13. Jesu akati chii nezvokuzviisa pasi pevaya vane simba?

13 MuMharidzo yake yepaGomo, Jesu akaudza vanhu kuti vanofanira kuzviisa pasi pevane simba achiti: “Kana mumwe munhu achida kukukwirira kudare kuti akutorere nguo yako yomukati, rega nguo yako yokunze iendewo kwaari; uye kana mumwe munhu ane simba akakumanikidza kuti uite basa kwemaira imwe chete, enda naye kwemamaira maviri.” (Mat. 5:40, 41) * Kuva nehanya nevamwe uye kuda kuvabatsira kunoitawo kuti tivaitire zvakawanda kupfuura zvinotarisirwa.—1 VaK. 13:5; Tito 3:1, 2.

14. Nei tisingambofaniri kubvumirana nevakaramba kutenda?

14 Zvisinei, kuda kwatinoita kuzviisa pasi hakumbofaniri kuita kuti tibvumirane nevakaramba kutenda. Panyaya iyi tinofanira kutsigira zvakasimba uye zvakajeka patimire chaipo kuti tichengetedze chokwadi chakachena uye kubatana kweungano. Nezve“hama dzenhema,” Pauro akanyora kuti: “Kune ivava isu hatina kumbobvuma senzira yokuzviisa pasi, aiwa, kunyange kweawa imwe chete zvayo, kuti chokwadi chemashoko akanaka chirambe chiinemi.” (VaG. 2:4, 5) Kunyange zvazvo kuramba kutenda kusingawanzoitiki, vaKristu vakazvipira vacharamba vachinyatsotsigira zvakarurama.

Vatariri Vanofanira Kubvuma Mafungiro Evamwe

15. Vatariri vechiKristu vangabvuma sei mafungiro evamwe pavanenge vachiita musangano?

15 Chimwe chinhu chinoita kuti munhu agadzwe somutariri kubvuma mafungiro evamwe. Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo mutariri anofanira kuva . . . anonzwisisa [“anobvuma mafungiro evamwe,” Ref., mashoko omuzasi].” (1 Tim. 3:2, 3) Izvi zvinonyanya kukosha panoungana varume vakagadzwa kuti vakurukure nyaya dzeungano. Vasati vasvika pakusarudza kuti voitei, mumwe nomumwe anenge aripo akasununguka kutaura zvakajeka mafungiro ake, kunyange zvazvo usiri mutemo kuti mukuru wose anofanira kutaura. Pavanenge vachikurukura, munhu angachinja mafungiro ake paanonzwa vamwe vachitaura Magwaro anoshanda panyaya yacho. Pane kuramba kana kuti kuomerera pamafungiro ake, mukuru ane ruzivo anobvuma mafungiro evamwe. Pakutanga, vangava nemafungiro akasiyana, asi kufungisisa vachibatsirwa nomunyengetero kunoita kuti vakuru vanozvininipisa uye vanobvuma mafungiro evamwe vabatane.—1 VaK. 1:10; Verenga VaEfeso 4:1-3.

16. Mutariri wechiKristu anofanira kuratidza mafungiro api mune zvaanoita?

16 Mune zvose zvaanoita, mukuru wechiKristu anofanira kuedza kutsigira urongwa hune chokuita nokunamata. Izvi zvinofanira kuoneka kunyange paanenge achifudza boka, zvichimubatsira kuti ave nehanya uye ave munyoro kune vamwe. Petro akanyora kuti: “Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira; musingaitiri kuda pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose.”—1 Pet. 5:2.

17. Munhu wose ari muungano angaratidza sei kuti anozviisa pasi pane zvaanoita nevamwe?

17 Vanhu vakura vari muungano vanoonga kubatsirwa kwavanoitwa nevechiduku uye vanovaremekedza. Ukuwo, vechiduku vanoremekedza vanhu vakura vava nemakore akawanda vachishumira Jehovha. (1 Tim. 5:1, 2) Vakuru vechiKristu vanotsvaka varume vakakodzera vavangapa mamwe mabasa, vachivadzidzisa kuti vabatsire kutarisira boka raMwari. (2 Tim. 2:1, 2) MuKristu mumwe nomumwe anofanira kukoshesa zano raPauro rakafuridzirwa rinoti: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu sevanhu vachazozvidavirira; kuti vaite izvi nomufaro kwete nokugomera, nokuti izvi zvaizokukuvadzai.”—VaH. 13:17.

Kubvuma Mafungiro Evamwe Mumhuri

18. Nei zvakakodzera kubvuma mafungiro evamwe mumhuri?

18 Vose vari mumhuri vanofanirawo kubvuma mafungiro evamwe. (Verenga VaKorose 3:18-21.) Bhaibheri rinotaura zvinofanira kuitwa nevanhu vakasiyana-siyana vari mumhuri yechiKristu. Baba ndivo musoro womudzimai uye vane basa guru pakutungamirira vana. Mudzimai anofanira kuziva nzvimbo yomurume wake, uye vana vanofanira kuedza kwazvo kuteerera, izvi zvinofadza chaizvo Ishe. Munhu wose ari mumhuri anogona kuita kuti mhuri ibatane uye ive norugare nokubvuma mafungiro evamwe pazvinenge zvakakodzera. Bhaibheri rine mienzaniso inobatsira kuratidza pfungwa iyi.

19, 20. (a) Pakubvuma mafungiro evamwe, taura kusiyana kwezvakaitwa naEri nezvakaitwa naJehovha. (b) Vabereki vangadzidzei kubva mumienzaniso iyi?

19 Samueri paaiva mukomana, Eri ndiye aishumira ari mupristi mukuru muIsraeri. Zvisinei, vanakomana vaEri, Hofini naFiniyasi vakanga “vari varume pasina” vaiva vasina “hanya naJehovha.” Eri ainzwa mashoko akaipa nezvevanakomana vake, aisanganisira kuti vaiita ufeve nevakadzi vaishanda pasuo retende rokusonganira. Akaita sei? Eri akavaudza kuti kana vakanga vachitadzira Jehovha, hapana aigona kuvanyengeterera. Asi haana kuvaruramisa kana kuvaranga. Saka vanakomana vaEri vakaramba vachiita zvakaipa. Pakupedzisira, Jehovha akaona zvakakodzera kuvaranga norufu. Paakanzwa kuti vakanga vafa, Eri akabva afawo. Chokwadi zvinosiririsa! Zviri pachena kuti zvaiitwa naEri zvakanga zvakaipa zvokutendera vana vake vachiita zvakaipa.—1 Sam. 2:12-17, 22-25, 34, 35; 4:17, 18.

20 Kusiyana neizvi, chimbofunga zvinoita Mwari kungirozi dzake. Muprofita Mikaya akaona zvinhu zvakamushamisa, Jehovha paaiita musangano nengirozi dzake. Jehovha akadzibvunza kuti ndiani aizonyengedza Mambo Ahabhi weIsraeri akanga akaipa kuti aurayiwe. Jehovha akateerera zvakataurwa nevanakomana vake vomudzimu vakasiyana-siyana. Imwe ngirozi yakabva yati ndiyo yaizozviita. Jehovha akaibvunza kuti yaizozviita sei. Agutsikana, Jehovha akabva aituma kuti idaro. (1 Madz. 22:19-23) Kana totaura nezvevanhu, nhengo dzemhuri hadzigoni here kudzidza munhoroondo iyi kubvuma zvinotaura vamwe? Baba vechiKristu vanofanira kufungawo pfungwa nemazano zvinotaurwa nomudzimai wavo nevana vavo. Ukuwo, madzimai nevana vanofanira kuziva kuti kana vakataura pfungwa dzavo kana kuti zvavanofarira, vangangozofanira kuzviisa pasi vachiremekedza zvinotaurwa neanonzi neMagwaro ndiye ane simba rokusarudza.

21. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

21 Tinoonga zvikuru zviyeuchidzo zvaJehovha zvinoratidza rudo zvokuti tibvume mafungiro evamwe! (Pis. 119:99) Nyaya yedu inotevera icharatidza kuti kubvuma mafungiro evamwe kunobatsira sei kuti mumba muve nomufaro.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Muapostora Pauro akashandisa shoko rakaoma kushandura neshoko rimwe chete. Rimwe bhuku rinoti: “Kunzwisisa kunosanganisira kusaomerera pakodzero dzako, kuva nehanya uye kuva munyoro kune vamwe.” Saka shoko racho rine pfungwa yokubvuma mafungiro evamwe uye kunzwisisa kwete kuomerera pane zvinotaurwa nomutemo kana kuti pakodzero dzako.

^ ndima 13 Ona nyaya inoti ‘Kana Ukamanikidzwa Kuti Uite Basa,’ iri muNharireyomurindi yaFebruary 15, 2005, mapeji 23-6.

UNGAPINDURA SEI?

• Zvinhu zvipi zvakanaka zvingavapo nokubvuma mafungiro evamwe?

• Vatariri vangaratidza sei kuti vanobvuma mafungiro evamwe?

• Nei kubvuma mafungiro evamwe mumhuri kuchikosha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 4]

Vakuru vanotevedzera mabatiro anoita Kristu vamwe nomutsa

[Mufananidzo uri papeji 6]

Vakuru vechiKristu pavanoungana, kufungisisa vachibatsirwa nomunyengetero uye kubvuma mafungiro evamwe kunoita kuti vabatane