Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anonzwa Patinochemera Kubatsirwa

Jehovha Anonzwa Patinochemera Kubatsirwa

Jehovha Anonzwa Patinochemera Kubatsirwa

“Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.”—PIS. 34:15.

1, 2. (a) Nhasi vakawanda vanonzwa sei? (b) Nei tisingashamiswi neizvi?

UNE zviri kukunetsa here? Kana zvakadaro, hausi woga. Mamiriyoni evanhu ari kuita gwakumukwaku kuti ararame nezvinetso zvoupenyu hwezuva nezuva munyika ino yakaipa. Vamwe vanonzwa vachida kukanda mapfumo pasi. Vanonzwa sezvakaita munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akanyora kuti: “Ndarukutika uye ndanetseka kwazvo; ndauura nokuda kwokugomera kwomwoyo wangu. Mwoyo wangu wakarova kwazvo, simba rangu rakapera, uyewo handisisina chiedza chemaziso angu.”—Pis. 38:8, 10.

2 Zvatiri vaKristu, hatishamiswi nezvinetso zvoupenyu. Tinoziva kuti “marwadzo enhamo” chimwe chezviratidzo zvakafanotaurwa zvokuvapo kwaJesu. (Mako 13:8; Mat. 24:3) Shoko repakutanga rakashandurwa kuti “marwadzo enhamo” rinoreva kurwadziwa zvikuru pakuzvarwa kwemwana. Izvi zvinonyatsorondedzera kutambura kukuru kuri kuita vanhu munguva dzino “dzinonetsa,” kana kuti “dzinotyisa,” “dzakaoma kubata nadzo”!—2 Tim. 3:1; Kingdom Interlinear.

Jehovha Anonzwisisa Nhamo Dzedu

3. Vanhu vaMwari vanonyatsozivei?

3 Vanhu vaJehovha vanonyatsoziva kuti vanotofanira kurwadziwawo nezvinetso izvi, uye zvinetso izvi zvichatoramba zvichiipa. Kuwedzera pane zviri kutambudza vanhu vakawanda, isu vashumiri vaMwari tinorwisanawo ‘nemhandu yedu Dhiyabhorosi,’ akatsunga kuparadza kutenda kwedu. (1 Pet. 5:8) Zviri nyore chaizvo kuti tinzwe sezvakaita Dhavhidhi uyo akati: “Kuzvidza kwakaputsa mwoyo wangu, ronda racho harirapiki. Ndakaramba ndichitarisira kuti mumwe munhu anzwe tsitsi, asi pakanga pasina; ndichitarisira vanyaradzi, asi handina wandakawana”!—Pis. 69:20.

4. Chii chinotinyaradza patinenge tichinetseka?

4 Dhavhidhi aireva here kuti akanga asina tariro zvachose? Kwete. Ona mamwe mashoko ake ari mupisarema iroro anoti: “Jehovha anoteerera varombo, chokwadi haazozvidzi vasungwa vake,” kana kuti “vanhu vake vakasungwa.” (Pis. 69:33; Ref., mashoko omuzasi) Dzimwe nguva tinganzwa sokunge kuti takasungwa mbiradzakondo nenhamo dzedu. Zvingaita sokuti vamwe havanyatsonzwisisi mamiriro edu ezvinhu, uye zvichida vanenge vasingatoanzwisisi. Asi kufanana naDhavhidhi, tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anonyatsonzwisisa nhamo dzedu.—Pis. 34:15.

5. Mambo Soromoni aiva nechivimbo chei?

5 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa pfungwa iyi paitsaurirwa temberi muJerusarema. (Verenga 2 Makoronike 6:29-31.) Akakumbira Jehovha kuti anzwe munyengetero womunhu mumwe nomumwe aiva nemwoyo wakatendeseka ainyengetera kwaari nezve“dambudziko rake nokurwadziwa kwake.” Mwari aizopindura sei minyengetero yevanhu ava vaiva nematambudziko? Soromoni akaratidza kuti aivimba kuti Mwari aisazongonzwa minyengetero yavo chete asiwo aizovaitira chimwe chinhu. Nei? Nokuti anonyatsoziva zviri mu“mwoyo yevanakomana vevanhu.”

6. Tingakunda sei kuzvidya mwoyo, uye nei?

6 Tinogonawo kunyengetera kuna Jehovha tichitaura ‘nezvematambudziko edu nokurwadziwa kwedu,’ nhamo dzedu dzinotinetsa somunhu mumwe nomumwe. Tinofanira kunyaradzwa nokuziva kuti anonzwisisa nhamo dzedu uye kuti ane hanya nesu. Muapostora Petro akapupurira izvi paakati: ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari, nokuti iye ane hanya nemi.’ (1 Pet. 5:7) Jehovha ane hanya chaizvo nezvinoitika kwatiri. Jesu akasimbisa kuti Jehovha anotitarisira norudo paakati: “Shiri duku mbiri hadzitengeswi nemari isingakoshi here? Asi hapana imwe yadzo ingawira pasi Baba venyu vasingazivi. Asi imi kunyange bvudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Naizvozvo musatya: imi munokosha kupfuura shiri duku zhinji.”—Mat. 10:29-31.

Vimba Nokubatsira kwaJehovha

7. Tinovimbiswa kutsigirwa nei?

7 Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anoda uye anokwanisa kutibatsira patinenge tiri munhamo. “Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu, rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.” (Pis. 34:15-18; 46:1) Anotibatsira sei? Ona zvinotaurwa pana 1 VaKorinde 10:13 panoti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” Jehovha angafambisa zvinhu neimwe nzira kuti abvise dambudziko redu, kana kuti angatipa simba ratinoda kuti titsungirire. Chero zvazvingava, anotibatsira.

8. Tingaitei kuti tibatsirwe naMwari?

8 Tingaitei kuti tibatsirwe? Ona zvatinorayirwa kuita: ‘Kandai kuzvidya mwoyo kwenyu kwose paari.’ Izvi zvinoreva kuti tinoita setinoturira Jehovha kuti atarisire zvose zvinotinetsa. Tinoedza kurega kuzvidya mwoyo uye tichishivirira tinovimba kuti anotarisira zvatinoda. (Mat. 6:25-32) Chivimbo chakadaro chinoda kuzvininipisa torega kuvimba nesimba redu kana kuti uchenjeri hwedu. Kana tichizvininipisa “pasi poruoko rwaMwari rune simba,” tinobvuma nzvimbo yedu yakaderera. (Verenga 1 Petro 5:6.) Izviwo zvinotibatsira kuti titsungirire chero zvinenge zvabvumirwa naMwari. Tinganzwa tichida kukurumidza kuyamurwa, asi tinovimba kuti Jehovha anonyatsoziva kuti achatibatsira rini uye sei.—Pis. 54:7; Isa. 41:10.

9. Dhavhidhi aifanira kukanda mutoro wakaita sei pana Jehovha?

9 Yeuka mashoko aDhavhidhi ari pana Pisarema 55:22 anoti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira. Haazombobvumiri munhu akarurama kuti azununguke.” Dhavhidhi paakanyora mashoko aya ainetseka zvikuru. (Pis. 55:4) Zviri pachena kuti akanyora pisarema iri mwanakomana wake Absaromu paaironga kumutorera umambo. Ahitoferi, chipangamazano aivimbwa zvikuru naDhavhidhi akabatanawo nevapanduki vacho. Dhavhidhi aitofanira kubva muJerusarema kuti apone. (2 Sam. 15:12-14) Kunyange mumamiriro ezvinhu iwayo airwadza, Dhavhidhi akaramba achivimba naMwari, uye haana kuodzwa mwoyo.

10. Tinofanira kuitei patinenge tichinetseka?

10 Zvinokosha kuti tinyengetere kuna Jehovha tichitaura zvose zviri kutinetsa sezvaiita Dhavhidhi. Ngationei zvatinokurudzirwa kuita nomuapostora Pauro panyaya iyi. (Verenga VaFiripi 4:6, 7.) Chii chichaitika kana tikanyengetera nomwoyo wose saizvozvo? “Rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo [yedu] nesimba [redu] rokufunga pachishandiswa Kristu Jesu.”

11. “Rugare rwaMwari” runodzivirira sei mwoyo yedu nemasimba edu okufunga?

11 Munyengetero ungachinja mamiriro ako ezvinhu here? Unogona kudaro. Zvisinei, tinofanira kuziva kuti Jehovha haagari achipindura minyengetero yedu nenzira yatinoda. Kunyange zvakadaro, munyengetero unotibatsira kuti tive nepfungwa dzakagadzikana kuitira kuti tisanyanye kuzvidya mwoyo. “Rugare rwaMwari” rungatidzikamisa patinenge takaremerwa nepfungwa uye tichishushikana. Kufanana neuto remasoja rinotumwa kuti rinodzivirira guta rinenge rapindwa nechisimba, “rugare rwaMwari” ruchadzivirira mwoyo yedu uye masimba edu okufunga. Ruchaitawo kuti tigone kukurira kusava nechokwadi, kutya, pfungwa dzinoodza mwoyo uye kuti tisaite zvinhu nechipatapata uye zvisina kuchenjera.—Pis. 145:18.

12. Enzanisira kuti munhu angava sei norugare mupfungwa.

12 Tingava sei norugare mupfungwa patinenge tiri mumatambudziko? Chimbofunga muenzaniso unoenderana nemamiriro edu ezvinhu. Mumwe munhu angashanda ari pasi pamaneja anotaura pfocho. Zvisinei, anowana mukana wokutaura manzwiro ake kumuridzi wekambani yacho, murume ane mutsa uye anonzwisisa. Muridzi wacho anovimbisa mushandi iyeye kuti anonzwisisa mamiriro acho ezvinhu uye anomuudza kuti maneja wacho achakurumidza kubviswa pachinzvimbo chake. Izvi zvinoita kuti mushandi wacho anzwe sei? Aine chokwadi nezvaanenge audzwa izvozvo uye achiziva zvinenge zvava kuda kuitika, achasimbiswa kuti arambe achipfuurira, kunyange zvazvo panguva ino angafanira kusangana nezvimwe zvinetso. Saizvozvowo, tinoziva kuti Jehovha anonzwisisa mamiriro edu ezvinhu, uye anotivimbisa kuti nokukurumidza “mutongi wenyika ino achadzingwa.” (Joh. 12:31) Izvozvo zvinonyaradza kwazvo!

13. Kuwedzera pakunyengetera, tinofanira kuitei zvekare?

13 Saka zvakakwana here kungoudza Jehovha zvinetso zvedu mumunyengetero? Aiwa. Pane zvimwe zvinodiwa. Tinofanira kutora matanho anoenderana nezvatinenge tanyengeterera. Mambo Sauro paakatuma varume kuti vanouraya Dhavhidhi kumba kwake, Dhavhidhi akanyengetera achiti: “Ndinunurei pavavengi vangu, haiwa Mwari wangu; ndidzivirirei pane vaya vari kundimukira. Ndinunurei pavanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza, ndiponesei pavarume vane mhosva yeropa.” (Pis. 59:1, 2) Kuwedzera pakunyengetera, Dhavhidhi akateerera mudzimai wake nokutora matanho anodiwa okutiza. (1 Sam. 19:11, 12) Saizvozvowo, tinogona kunyengeterera uchenjeri hunoshanda kuti hutibatsire kutsungirira uye zvichida kugadzirisa zvinhu zvinenge zvichitinetsa.—Jak. 1:5.

Kuwana Kwatingaita Simba Rokutsungirira

14. Chii chingatibatsira kutsungirira patinosangana nematambudziko?

14 Matambudziko edu angasabviswa pakarepo. Angatoita nguva aripo. Kana zvakadaro, chii chichatibatsira kutsungirira? Chokutanga, yeuka kuti patinoramba tichishumira Jehovha takatendeka pasinei nezvinetso, tinoratidza kuti tinomuda. (Mab. 14:22) Yeuka kupomerwa kwakaitwa Jobho naSatani: “Jobho aizokunamatai here kana pasina chaanowana? Mave muchimudzivirira nguva dzose iye neimba yake nezvinhu zvose zvaainazvo. Munokomborera zvose zvaanoita, uye makamupa mombe zhinji dzinozadza nyika yose. Asi ngatitii mamutorera zvose zvaanazvo—chokwadi achakutukai!” (Job. 1:9-11, Today’s English Version) Kuvimbika kwaJobho kwakaratidza kuti zvaaipomerwa zvaiva zvenhema. Tikaramba tichitsungirira mumamiriro ezvinhu akaoma tinogonawo kuratidza kuti Satani murevi wenhema. Zvadaro, kutsungirira kunosimbisa tariro uye chivimbo chedu.—Jak. 1:4.

15. Mienzaniso ipi ingatisimbisa?

15 Chechipiri, ziva kuti ‘zvinhu zvizhinji izvozvo zvauri kutambura nazvo zviri kuitika musangano rose rehama dzako dziri munyika.’ (1 Pet. 5:9) Chokwadi, “hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu.” (1 VaK. 10:13) Naizvozvo, unogona kuwana simba noushingi kana ukafungisisa mienzaniso yevamwe pane kuramba uchingofunga matambudziko ako. (1 VaT. 1:5-7; VaH. 12:1) Wana nguva yokufunga nezvevaya vaunoziva vakatsungirira vakatendeka pasinei nokuti vaiva mumatambudziko anorwadza. Wakambotsvakurudza dzimwe nyaya dzoupenyu dzakabudiswa, uchitsvaka nyaya dzevaya vakasangana nezvauri kusanganawo nazvo here? Ungaona nyaya dzakadaro dzichisimbisa chaizvo.

16. Mwari anotisimbisa sei patinosangana nemiedzo yakasiyana-siyana?

16 Chechitatu, yeuka kuti Jehovha ndi“Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose, anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti tikwanise kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo nokunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.” (2 VaK. 1:3, 4) Zvinoita sokuti Mwari ari padivi pedu kuti atikurudzire uye atisimbise, kwete mumatambudziko edu epanguva ino chete asi “pakutambudzika kwedu kwose.” Izvi zvinobva zvaita kuti tikwanise kunyaradza vamwe “pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo.” Pauro akazvionera oga kuti mashoko aya ndeechokwadi.—2 VaK. 4:8, 9; 11:23-27.

17. Bhaibheri ringatibatsira sei kurarama nematambudziko oupenyu?

17 Chechina, tine Shoko raMwari Bhaibheri, ‘rinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari akwanise zvizere, akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ (2 Tim. 3:16, 17) Shoko raMwari haringoiti kuti ‘tikwanise zvizere chete uye tive vakashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.’ Rinoitawo kuti tikwanise kurarama nematambudziko oupenyu. Rinoita kuti ‘tikwanise zvizere’ uye ‘tive vakashongedzerwa zvakakwana.’ Shoko romutauro wepakutanga rakashandurwa kuti “vakashongedzerwa zvakakwana” rinoreva kuti “kurongedzerwa.” Shoko iri ringave raishandiswa kare kutaura nezvengarava yairongedzerwa zvinhu zvose zvaidiwa parwendo kana kuti muchina waikwanisa kuita chero chinhu chawaitarisirwa kuita. Saizvozvowo, Jehovha achishandisa Shoko rake anotipa zvose zvatinoda kuti tikwanise kurarama nematambudziko chero api anenge amuka. Saka tingati, “Kana Mwari azvibvumira, ndinozvigona.”

Kununurwa Pamatambudziko Edu Ose

18. Kuramba tichifunga nezvechii kuchatibatsira kutsungirira takatendeka?

18 Chechishanu, ramba uchifunga chokwadi chinofadza chokuti Jehovha achakurumidza kununura vanhu pamatambudziko avo ose. (Pis. 34:19; 37:9-11; 2 Pet. 2:9) Pakupedzisira, kununurwa naMwari hakurevi kungonunurwa pamatambudziko aripo iye zvino chete asiwo mukana wokuwana upenyu husingaperi, kungava kudenga naJesu kana kuti muparadhiso pasi pano.

19. Munhu anogona sei kutsungirira akatendeka?

19 Kutozosvikira nguva iyoyo, ticharamba tichirarama nematambudziko enyika ino yakaipa. Tiri kutarisira mberi chaizvo nguva ichange isisina matambudziko aya! (Pis. 55:6-8) Ngatiyeukei kuti kutsungirira kwedu takatendeka kunoratidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema. Ngatisimbiswei neminyengetero yedu uye nehama dzedu dzechiKristu tichiziva kuti hama dzedu dziri kusangana nemiedzo yakafanana neyedu. Ramba uri munhu akashongedzerwa zvakakwana uye anokwanisa zvizere nokushandisa zvakanaka Shoko raMwari. Usamborega kuvimba kwaunoita nokutarisirwa norudo na“Mwari wokunyaradza kwose” kuchiderera. Yeuka kuti “maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.”—Pis. 34:15.

Ungapindura Here?

• Dhavhidhi akanzwa sei nezvematambudziko aakava nawo?

• Mambo Soromoni akaratidza chivimbo chei?

• Chii chingatibatsira kutsungirira zvinenge zvabvumirwa naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Soromoni aivimba kuti Jehovha aizobatsira vanhu vake vaitambudzika

[Mufananidzo uri papeji 15]

Dhavhidhi akakanda mutoro wake pana Jehovha mumunyengetero achibva aita maererano nezvaakanyengeterera