Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuparadzira Mashoko Akanaka Pamusoro Pemakomo eAndes

Kuparadzira Mashoko Akanaka Pamusoro Pemakomo eAndes

Kuparadzira Mashoko Akanaka Pamusoro Pemakomo eAndes

NDISU zvedu tiri 18 taiva takarara pauriri husina simendi. Tichigwagwadza nechando tiri mumabhegi edu okurara, taiteerera madzvotsvotsvo emvura yainaya ichirova padenga remarata reimba yedu. Tichifunga zvakanga zvakaita kamba kacho, takazvibvunza kuti ndisu here taiva vanhu vokutanga kugara mukamba aka.

Nei vanhu 18 vaizoshanyira nzvimbo iyi? Mhinduro yomubvunzo uyu inobva pachido chedu chokuita zvakarayirwa naJesu zvokuti tiparidze mashoko akanaka “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8; Mat. 24:14) Taiva parwendo rwokuparidza kundima yaiva kure zvikuru mumakomo okuBolivia.

Zvakanga Zvakaoma Kusvika Ikoko

Kungosvika ikoko chete kwaiva chipingamupinyi chokutanga. Takaziva kuti mabhazi anoenda kunzvimbo dzakadaro dziri kure akanga asina nguva chaiyo yakarongwa yokufamba. Bhazi redu parakasvika, takaona kuti rakanga riri duku kupfuura zvataitarisira, saka vamwe vedu vakashaya pokugara. Asi tose takazosvika kwataienda.

Chinangwa chedu chaiva chokuenda kumisha yaiva pamusoro pemakomo muBolivia. Saka taburuka bhazi, tose takatakura zvinhu zvedu ndokutanga kufamba takaita mudungwe tichitevedza tunzira twaiva mumakomo acho aiva nemikwidza yairwadza.

Kunyange zvazvo misha yacho yaiita semiduku, dzimba dzacho dzakanga dziri apo neapo, saka zvaida nguva refu kushanyira musha mumwe nomumwe. Pasinei nokufamba kwataiita, kumberi kwedu kwairamba kuchiita sokunge kwaiva neimwe imba. Taiwanzorasika nemhaka yokuvhiringidzwa notunzira tunomonyoroka twomuminda.

“Nei Musina Kuuya Kare?”

Mumwe mukadzi akashamiswa zvikuru nedaro ratakanga tafamba zvokuti akatibvumira kushandisa kicheni yake nehuni dzake kuti tibike zvokudya zvemasikati. Paakaziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvevakafa, mumwe murume akabvunza kuti, “Nei musina kuuya kare?” Akafarira zvikuru zvokuti patakabva mumusha waaigara, akatiperekedza kuti abvunze mimwe mibvunzo sezvataifamba. Mumwe murume akanga asati ambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha uye akafarira zvikuru mabhuku edu. Akatitenda zvikuru kuti takanga tauya achibva atipa kiyi dzepane imwe shedhi mataizorara.

Humwe usiku, kwaiva nerima gobvu zvokuti takadzika matende edu pakati chaipo pemwena yemashingishingi tisingazivi. Akaratidza kuti akanga asina kufara nazvo saka akatiruma. Takanga takaneta zvikuru zvokutadza kutama, uye tinotenda kuti nenguva isipi, masvosve acho akaita seasina basa nesu.

Pakutanga misana yedu nembabvu zvakarwadza nemhaka yokurara pasi, asi hwava usiku takasvika pakujaira. Chero kurwadziwa kupi zvako takazokukanganwa mangwanani sezvataiona mipata isina chinhu nemakore aifamba zvishoma nezvishoma ari kumativi emipata yacho uyewo taiona makomo aiva kure akanaka kwazvo aiva nesinou. Mapopoma orukova nokuimba kweshiri ndizvo chete zvaikanganisa runyararo.

Pashure pokunge tageza murukova, takakurukura rugwaro rweBhaibheri pamwe chete, takadya zvokudya zvemangwanani, uye takatanga kukwidza tichienda kune mimwe misha yaiva kure. Kukwira gomo racho kwakava nemigumisiro yakanaka. Takasangana nevamwe ambuya vakasvimha misodzi pavakaziva kuti zita raMwari, Jehovha, riri muBhaibheri. Vakatadza kuzvidzora. Iye zvino vava kutaura zita raMwari muminyengetero yavo!

Vamwe sekuru vakataura kuti Mwari akanga avayeuka, uye vakatanga kuimba rwiyo rwaitaura kuti takanga tatumwa nengirozi. Mumwe murume airwara zvokuti akanga asingakwanisi kubuda mumba make, akatiudza kuti hapana munhu womumusha mavo akanga ambomushanyira. Akashamisika kuti takanga tabva kure zvikuru kuLa Paz. Zvisinei, mumwe murume akafara kwazvo kuziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoshanyira vanhu mumisha yavo, nepo zvimwe zvitendero zvichingovadana nemabhero okuchechi.

Hapana imba yomunzvimbo iyoyo ine magetsi, saka vanhu vanorara pakunongosviba vomuka zuva rabuda. Naizvozvo, kuti tiwane vanhu pamba, taifanira kutanga kuparidza nenguva dza6 mangwanani. Dai taisadaro taiwana vanhu vakawanda vaenda kuminda yavo. Pava paya, vamwe vakanga vatova muminda vaimbomira kuti vateerere mashoko ataivaudza aibva muShoko raMwari, zvichiitawo kuti mombe dzimbozorora. Vanhu vakawanda vaiwanikwa pamba vaitiwaridzira matehwe emakwai kuti tigare vounganidza mhuri yose kuti izoteerera. Vamwe varimi vaitipa masaga makuru echibage vachionga mabhuku eBhaibheri ataivasiyira.

“Hamuna Kundikanganwa”

Chokwadi, kuti vanhu vafambire mberi pakuziva Bhaibheri, vanofanira kushanyirwa kakawanda. Vakawanda vaitikumbira kuti tidzoke tizovadzidzisa zvakawanda. Nemhaka yeizvi, takaita nzendo dzinoverengeka munharaunda iyi yeBolivia.

Pane rumwe rwendo rwatakazoenda, vamwe ambuya vakafara kuti takanga tadzoka, vakati: “Munoita kunge vana vangu. Hamuna kundikanganwa.” Mumwe murume akatitenda pamusana pebasa redu uye akatikumbira kuti tizogara pamba pake pataizoshanyazve. Zvichida mubayiro mukuru chaizvo watakawana pane zvatakaita waiva wokunzwa kuti mumwe mukadzi watakanga tamboshanyira pane imwe yenzendo dzedu akazotamira kuguta uye iye zvino akanga ava kuparidza mashoko akanaka.

Pakazosvika zuva rokupedzisira rorwendo rwokutanga, parafini yechitofu chedu yakapera uye zvokudya zvedu zvakanga zvava kupera. Takatsvaka huni kuti tivese moto, ndokubika zvokudya zvokupedzisira zvataiva nazvo, ndokutanga kufamba netsoka tichidzoka. Paiva nemakiromita akawanda kuti tisvike kutaundi kwataizogona kukwira bhazi. Takazosvikako kwatosviba.

Kudzokera Kumba

Rwendo rwokudzokera kumba rwaiva nezvinetso zvarwo nokuti bhazi rakafa. Nokufamba kwenguva, takakwanisa kukwira rimwe rori raiva rakati pamu nevanhu. Izvi zvakatipa mukana wokuparidzira vamwe vaiva murori vaida kuziva kuti nei takanga tiri ikoko. Kunyange zvazvo vachinyara, vanhu vacho vanofara uye vane ushamwari.

Tafamba nerori kwemaawa mapfumbamwe, takasvika kumusha takatota uye tichitonhorwa chaizvo. Asi takanga tafambira zviripo. Tiri munzira, takakwanisa kuronga kuti tidzidze Bhaibheri nomumwe mukadzi anogara muguta.

Chokwadi wakanga uri mukana wakaisvonaka wokuzivisa mashoko akanaka kuvanhu vari kure zvakadaro. Takanga taparidzira mumisha mikuru mina uye nedzimwe dzimba dzakawanda. Izvi zvinongoita kuti tifunge nezvemashoko anoti: “Dzakanaka sei pamusoro pemakomo tsoka dzaiye ari kuuya nemashoko akanaka, iye ari kuzivisa rugare, iye ari kuuya nemashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani, iye ari kuzivisa ruponeso.”—Isa. 52:7; VaR. 10:15.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Tagadzirira kuenda kunozivisa mashoko akanaka