Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndiani Akachenjera uye Anonzwisisa Pakati Penyu?”

“Ndiani Akachenjera uye Anonzwisisa Pakati Penyu?”

“Ndiani Akachenjera uye Anonzwisisa Pakati Penyu?”

“Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri.”—JAK. 3:13.

1, 2. Tingati chii nezvevanhu vakawanda vanonzi vakachenjera?

NDIANI waunofunga kuti akachenjera zvechokwadi? Vabereki vako, murume akwegura here, kana kuti zvimwe ndipurofesa wepakoreji? Maonero aunoita munhu waunoti akachenjera angaenderana nokuti wakakura sei uye zvauri. Zvisinei, vashumiri vaMwari vanonyanya kufarira maonero anoita Mwari.

2 Havasi vose vanonzi vakachenjera nenyika vakanyatsochenjera mukuona kwaMwari. Somuenzaniso, Jobho akataura nevarume vaizviti vaitaura mashoko okuchenjera achiti: ‘Handiwani akachenjera pakati penyu.’ (Job. 17:10) Nezvevamwe vairamba zivo yaMwari, muapostora Pauro akanyora kuti: “Kunyange zvazvo vaitaura kuti vakanga vakachenjera, vakava mapenzi.” (VaR. 1:22) Uye achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akataura zvakananga kuti: “Vane nhamo vaya vanozviti vakachenjera.”—Isa. 5:21.

3, 4. Chii chinodiwa kuti munhu anzi akachenjera zvechokwadi?

3 Zviri pachena kuti tinofanira kuziva chinoita kuti munhu anzi akachenjera zvechokwadi uye zvinobva zvaita kuti adiwe naMwari. Zvirevo 9:10 inotijekesera kuti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri, uye kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.” Munhu akachenjera anofanira kunge achitya Mwari zvakakodzera uye achiremekedza mitemo yake. Zvisinei, zvakawanda zvinodiwa kupfuura kungobvuma kuti kuna Mwari uye kubvuma kuita zvaanoda. Mudzidzi Jakobho anoita kuti tifunge nezvazvo. (Verenga Jakobho 3:13.) Ona mashoko aya anoti: “Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake.” Uchenjeri hwechokwadi hunofanira kuoneka mune zvaunoita uye zvaunotaura zuva nezuva.

4 Uchenjeri hwechokwadi hunosanganisira kugona kusarudza, kushandisa zivo uye kunzwisisa uchibudirira. Zvinhu zvipi zvatinoita zvicharatidza kuti tine uchenjeri hwakadaro? Jakobho anotaura zvinhu zvinoverengeka zvinooneka pane zvinoitwa nevaya vakachenjera. * Chii chaakataura kuti chinogona kutibatsira paukama hwedu nevatinonamata navo, uyewo nevanhu vatisinganamati navo?

Mabasa Anoratidza Munhu Akachenjera Zvechokwadi

5. Munhu akachenjera zvechokwadi achazvibata sei?

5 Zvakakodzera kuti titaurezve kuti Jakobho anoratidza kuti uchenjeri hunoenderana nomufambiro wakanaka. Munhu akachenjera anoedza kuzvibata maererano nenzira dzaMwari uye nezvaanoda, nokuti kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri. Hatiberekwi tiine uchenjeri hwaMwari. Zvisinei, tinogona kuhuwana kana tikagara tichidzidza Bhaibheri uye kufungisisa zvatinoverenga. Izvi zvichatibatsira kuita zvatinokurudzirwa pana VaEfeso 5:1 panoti: “Ivai vatevedzeri vaMwari.” Patinoramba tichitevedzera unhu hwaJehovha ticharambawo tichiratidza uchenjeri mune zvatinoita. Nzira dzaJehovha dzinopfuura dzevanhu nokure. (Isa. 55:8, 9) Saka patinotevedzera nzira yaJehovha yokuita nayo zvinhu, vanhu vasiri muungano yechiKristu vanoona kuti pane chimwe chinhu chatakasiyana navo.

6. Nei kuva munyoro kuchiratidza kuti une unhu hwakafanana nohwaMwari, uye unhu uhwu hunosanganisirei?

6 Jakobho anoratidza kuti kuva “nounyoro hwouchenjeri” ndiyo imwe nzira inoita kuti munhu aite saJehovha. Kunyange zvazvo unyoro huchisanganisira rupfave, panguva imwe chete muKristu anogona kuva noushingi hunomubatsira kuita zvinhu nenzira yakanaka. Kunyange zvazvo aine simba risingaperi, Mwari munyoro uye hatityi kuswedera pedyo naye. Mwanakomana waMwari akaratidza zvakanaka zvikuru unyoro hwaBaba vake zvokuti aigona kuti: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.”—Mat. 11:28, 29; VaF. 2:5-8.

7. Nei tichigona kutevedzera Mosesi somuenzaniso wakanaka wokuva munyoro?

7 Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vanhu vaiva vanyoro zvikuru. Mumwe wacho aiva Mosesi. Aiva nebasa rakakura, asi anonzi “ndiye akanga ari munhu munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva panyika.” (Num. 11:29; 12:3) Uye yeuka simba rakapiwa Mosesi naJehovha kuti aite basa rake. Jehovha aifara kushandisa vanhu vanyoro kuti vazadzise chinangwa chake.

8. Vanhu vasina kukwana vangaratidza sei “unyoro hwouchenjeri”?

8 Zviri pachena kuti vanhu vasina kukwana vanogona kuratidza “unyoro hwouchenjeri.” Ko isu? Tingawedzera sei pakuratidza unhu uhwu? Unyoro chimwe chezvibereko zvomudzimu mutsvene waJehovha. (VaG. 5:22, 23) Tinogona kunyengeterera mudzimu wake totora matanho okuratidza chibereko chawo, tichivimba kuti Mwari achatibatsira kuwedzera pakuratidza unyoro ihwohwo. Tinokurudzirwa zvikuru kuita izvozvo nezvatinovimbiswa nomunyori wepisarema paanoti: “[Mwari] achadzidzisa vanyoro nzira yake.”—Pis. 25:9.

9, 10. Chii chatinofanira kuita kuti tiratidze unyoro hwakaita sehwaMwari, uye nei?

9 Kunyange zvakadaro, zvingada kushanda nesimba kuti tiwedzere pakuratidza unyoro. Nemhaka yemarererwo atakaitwa, vamwe vedu tingasava vanyoro. Uyezve, vanhu vatinorarama navo vangatikurudzira kuti tisava vanyoro, vachitaura kuti munhu anofanira “kudzima moto nemoto.” Zvisinei, uku kuchenjera here? Kana kamoto kakatanga mumba mako, waizokadzima neoiri here kana kuti nemvura? Kudira oiri pamoto wacho kungaita kuti utonyanya kubvira, nepo mvura ingangoudzima. Saizvozvowo, Bhaibheri rinotipa zano rokuti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvir. 15:1, 18) Panomuka zvinetso muungano kana kuti kunze kweungano, tingaona here kuti tingaratidza sei uchenjeri hwechokwadi nokuva vanyoro?—2 Tim. 2:24.

10 Sezvataurwa pamusoro apa, vakawanda vanodzorwa nomudzimu wenyika havasi vanyoro, havadi rugare, uye havana kudzikama. Asi kune vakawanda vane ukasha uye vanozvikudza. Jakobho aiziva izvi, saka akapa nyevero kuitira kuti vanhu vari muungano vasakanganiswe nomudzimu iwoyo. Ndezvipi zvimwe zvatingadzidza pazano raakapa?

Zvinoitwa Nevasina Kuchenjera

11. Zvinhu zvipi zvinopikisana nouchenjeri hwaMwari?

11 Jakobho akanyora zvakajeka zvinhu zvinonyatsopikisana nouchenjeri hwaMwari. (Verenga Jakobho 3:14.) Godo nokukakavara zvinhu zvinoratidzwa nevanhu vasina kusimba pakunamata. Chimbofunga zvinoitika kana mafungiro enyama akapararira. Kune mapoka matanhatu “echiKristu” anodzora zvikamu zveChechi yeGuva Dzvene iri muJerusalem, ingangove yakavakwa panzvimbo yakaurayirwa Jesu uye paakavigwa. Mapoka acho ave achikakavadzana kasingaperi. Muna 2006, magazini inonzi Time yakataura kuti pane imwe nguva mamongi akaita mhirizhonga kwemaawa, . . . achirovana nezvigadziko zvihombe zvemakenduru.” Saka kusavimbana kwavo kwakakura zvokuti kiyi dzechechi yavo dzinogara nomumwe muMuslim.

12. Kana tisina uchenjeri, chii chingaitika?

12 Zvechokwadi kukakavadzana kwakanyanya kudaro hakufaniri kuwanikwa muungano yechiKristu. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva kusakwana kunoita kuti vamwe vaomerere pamaonero avo. Izvozvo zvingaita kuti pave nokupopotedzana uye kukakavadzana. Muapostora Pauro akacherechedza izvi muungano yokuKorinde, saka akanyora kuti: “Pakati penyu zvapaine godo nokukakavadzana, hamusi venyama here uye hamusi kufamba sezvinoita vanhu here?” (1 VaK. 3:3) Mamiriro ezvinhu iwayo anosiririsa akavapo kwenguva yakati muungano iyi yomuzana remakore rokutanga. Naizvozvo, tinofanira kungwarira kuti mafungiro akadaro asapinda muungano nhasi.

13, 14. Taura mienzaniso ingaratidza mafungiro enyama.

13 Mafungiro akadaro angapinda sei muungano? Angatanga netunhu tuduku. Somuenzaniso, panenge pachivakwa Imba yoUmambo, vanhu vangataura zvakasiyana pakuti zvinhu zvofambiswa sei. Imwe hama ingakakavara kana vamwe vakasagamuchira mazano ayo, zvichida ichiramba ichitsoropodza zvinenge zvasarudzwa. Ingatoramba kupfuurira kushanda pabasa racho! Munhu anodaro anenge achikanganwa kuti kupedza basa rinoitwa neungano kazhinji kacho kunoenderana nokuti ungano yacho ine rugare here panzvimbo penzira dzinoshandiswa. Jehovha haazokomboreri kukakavadzana, asi unyoro.—1 Tim. 6:4, 5.

14 Mumwe muenzaniso ungava wokuti vakuru vomuungano vanoona kuti kunyange zvazvo mumwe mukuru ashumira kwemakore, zviri pachena kuti iye zvino haachasvitsi zvinodiwa neMagwaro. Mutariri wedunhu aona kuti mukuru uyu akambobatsirwa zvakananga asi akakundikana kuchinja, anobvumirana nezvinenge zvataurwa nevamwe vakuru kuti anofanira kubviswa pakuva mukuru. Mukuru wacho achazviona sei? Achagamuchira nokuzvininipisa uye nounyoro zvinenge zvasarudzwa nevakuru vose uye mazano omuMagwaro obva atsunga kuti ave nezvinodiwa neMagwaro kuti azokwanisa kugadzwazve here? Kana kuti acharamba aine chigumbu uye aine godo pamusana pokuti haasisina ropafadzo yaaimbova nayo? Nei hama ingaita zvinhu sokunge kuti inokodzera kuva mukuru, asi chaizvoizvo isingakodzeri? Kwaizova kuchenjera zvikuru kuti munhu azvininipise uye anzwisise!

15. Nei uchifunga kuti zano rakafuridzirwa riri pana Jakobho 3:15, 16 rinokosha kwazvo?

15 Chokwadi, mamwe mamiriro ezvinhu angaita kuti mumwe munhu ave nounhu hwakadaro. Asi pasinei nemamiriro ezvinhu angamuka, tinofanira kuedza kudzivisa unhu hwakadaro. (Verenga Jakobho 3:15, 16.) Mudzidzi Jakobho akati unhu hwakadaro “ndohwepanyika” nokuti ndohwenyama, uye hahubvi kumusoro. ‘Ndohwemhuka’ pakuti ihwo chibereko chezvinodiwa nenyama, kufanana nezvinoitwa nezvisikwa zvisingafungi. Unhu hwakadaro nde“hwoudhimoni,” pakuti hunoratidza zvinoitwa nevavengi vaMwari vomudzimu. Chokwadi hazvina kukodzera kuti muKristu aratidze unhu hwakadaro!

16. Chii chatingafanira kugadzirisa, uye tingabudirira sei kuzviita?

16 Nhengo imwe neimwe yeungano ingaita zvakanaka kuzviongorora yoshanda kuti ibvise unhu hwakadaro. Zvavari vadzidzisi muungano, vatariri vanofanira kuziva kuti vanofanira kubvisa unhu hwakaipa. Kuita izvi hakusi nyore nemhaka yokusakwana kwedu uye zvinoitwa nenyika ino. Kuita izvi kungafanana nokuedza kukwira mukwidza une madhaka uye unotsvedza. Kana tisina chimwe chinhu chokubatirira, tingatsvedza. Zvisinei, tinogona kuenda mberi kana takabatirira pazano riri muBhaibheri, uyewo tichibatsirwa neungano yaMwari yepasi pose.—Pis. 73:23, 24.

Unhu Hunotsvakwa Nevanhu Vakachenjera

17. Vanhu vakachenjera vanowanzoita sei pavanotarisana nezvinhu zvakaipa?

17 Verenga Jakobho 3:17. Tinogona kubatsirwa nokufunga humwe unhu hunovapo nokuratidza “uchenjeri hunobva kumusoro.” Kuva vakachena kunosanganisira kuva nevavariro dzakanaka uye mabasa akanaka. Tinofanira kuramba zvinhu zvakaipa pakarepo. Izvi tinofanira kungoerekana tazviita. Zvichida mumwe munhu ari kuda kukubaya muziso. Unobva wanzvengesa musoro wako kana kubva wamubata ruoko rwake. Izvi zvinongoerekana zvaitika; haumbofaniri kufunga nezvazvo. Ndizvo zvatinofanirawo kuita patinoedzwa kuti tiite zvakaipa. Kuva vanhu vakachena uye hana yedu yakadzidziswa neBhaibheri zvinofanira kuita kuti tingoerekana taramba zvinhu zvakaipa. (VaR. 12:9) Bhaibheri rinopa mienzaniso yevaya vakaita izvi, vakadai saJosefa naJesu.—Gen. 39:7-9; Mat. 4:8-10.

18. Zvinorevei (a) kuva norugare nevamwe? (b) kuita kuti pave norugare?

18 Uchenjeri hwaMwari hunoda kuti isuwo tive norugare nevamwe. Izvi zvinosanganisira kuti tisagara tichivhiringidza vamwe, tichirwisana nevamwe, izvo zvinokanganisa rugare. Jakobho anotaura zvakawanda nezvepfungwa iyi paanoti: “Mbeu yechibereko chokururama inodyarwa murugare nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.” (Jak. 3:18) Cherechedza mashoko aya anoti “vanoita kuti pave norugare.” Muungano, tinozivikanwa sevanhu vanoita kuti pave norugare here kana kuti vanoita kuti pasave norugare? Tinogara tichipesana nevamwe here, kana kuti kukurumidza kugumbuka kana kuti kugumbura vamwe? Tinoomerera pakuti vamwe vatitore sezvatiri here, kana kuti nokuzvininipisa tinoshanda kuti tibvise unhu hunogumbura vamwe? Tinozivikanwa sevanhu vanoda kurega zvakavanakira kuti pave norugare, tichikurumidza kukanganwira uye kukanganwa zvinokanganiswa nevamwe here? Kuzviongorora nomwoyo wose kungatibatsira kuona kana tichifanira kuwedzera pakuratidza uchenjeri hwaMwari panyaya iyi.

19. Munhu anosvika sei pakuzivikanwa somunhu anonzwisisa?

19 Jakobho akataurawo nezvokunzwisisa paaitsanangura zvinoratidza uchenjeri hunobva kumusoro. Tinozivikanwa sevanhu vanoitawo zvinoda vamwe kana pasina murayiro weMagwaro unokanganiswa, tisingakurumidzi kuomerera pakuti zvatinoda ndizvo zvinofanira kutevedzerwa here? Tine mukurumbira wokuva vanhu vanyoro uye vari nyore kutaura navo here? Izvi zvinoratidza kuti takadzidza kunzwisisa.

20. Chii chichaitika patinoratidza unhu hunodiwa naMwari huchangobva kukurukurwa?

20 Chokwadi muungano mungava nomufaro zvikuru hama nehanzvadzi padzinoedza kuratidza nomwoyo wose unhu hunodiwa naMwari hwakataurwa naJakobho! (Pis. 133:1-3) Kana tiri vanyoro, tiine rugare, uye tichinzwisisana nevamwe zvechokwadi zvichaita kuti tive noukama huri nani nevamwe uye zvichava pachena kuti tine “uchenjeri hunobva kumusoro.” Munyaya inotevera tichadzidza kuti kuona vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha kungatibatsira sei panyaya iyi.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Ndima dziri pedyo dzinoratidza kuti pakutanga Jakobho aifunga nezvevarume vakuru, kana kuti “vadzidzisi,” veungano. (Jak. 3:1) Zvechokwadi varume ava vanofanira kuva mienzaniso yakanaka pakuratidza uchenjeri hwaMwari, asi tose zvedu tinogona kudzidza pazano rake.

UNGATSANANGURA HERE?

• Chii chinoita kuti muKristu ave akachenjera zvechokwadi?

• Tingawedzera sei pakuratidza unhu hunodiwa naMwari?

• Zvinhu zvipi zvinooneka pane vanhu vasingaratidzi “uchenjeri hunobva kumusoro”?

• Ndohupi unhu hwawatsunga kuwedzera zvikuru?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kukakavadzana kungaitika sei nhasi?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Unongoerekana waramba zvakaipa here?