Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoona Vamwe Sezvinoita Jehovha Here?

Unoona Vamwe Sezvinoita Jehovha Here?

Unoona Vamwe Sezvinoita Jehovha Here?

“Parege kuva nokupesana mumuviri . . . Nhengo dzawo dzitarisirane zvakafanana.”—1 VAK. 12:25.

1. Wakanzwa sei pawakatanga kupinda muparadhiso yezvokunamata?

PATAKABUDA munyika yakaipa ndokutanga kuwadzana nevanhu vaJehovha, zvimwe takafarira rudo uye ushamwari zvine vanhu vacho. Chokwadi vakasiyana chaizvo nevanhu vanodzorwa naSatani, vakasindimara, vane ruvengo uye vanokakavara! Takapinda muparadhiso yezvokunamata mune rugare nokubatana.—Isa. 48:17, 18; 60:18; 65:25.

2. (a) Chii chingakanganisa maonero atinoita vamwe? (b) Chii chatingafanira kuita?

2 Zvisinei, nokufamba kwenguva, tingatanga kuona hama dzedu zvisiri izvo nemhaka yokusakwana. Kusakwana kwedu kungaita kuti tikudziridze zvinokanganiswa nehama dzedu pane kuti titarire unhu hwadzo hwakanaka hwechiKristu. Kutaura zvazviri, tinokanganwa kuvaona sezvinoita Jehovha. Kana izvi zvikaitika kwatiri, ndiyo nguva yakanaka yokuti tiongorore maonero edu toita kuti aenderane nemaonero aJehovha akajeka.—Eks. 33:13.

Jehovha Anoona Sei Hama Dzedu?

3. Bhaibheri rinoenzanisa ungano yechiKristu nechii?

3 Sezvakanyorwa pana 1 VaKorinde 12:2-26, muapostora Pauro akaenzanisa ungano yevaKristu vakazodzwa nomuviri une “nhengo zhinji.” Sezvo muviri uine nhengo dzakasiyana-siyana, nhengo dzeungano dzine unhu nemano zvakasiyana-siyana. Asi Jehovha anovagamuchira vakasiyana-siyana kudaro. Anoda uye anokoshesa nhengo imwe neimwe. Saka Pauro anokurudzirawo kuti nhengo dzeungano ‘dzinofanira kutarisirana zvakafanana.’ Izvi zvingaoma nokuti unhu hwevamwe hungasiyana nohwedu.

4. Nei tingada kugadzirisa maonero atinoita hama dzedu?

4 Tingatorerekera pakungotarira zvinokanganiswa nehama dzedu. Patinoita izvi, chokwadi tinenge tiri kungotarira chikamu chepikicha. Zvisinei, Jehovha anoona zvakatopfuura apa, anoona pikicha yose. Tingarerekera pakutarira chimwe chinhu chatisingafariri, asi Jehovha anoona munhu wacho sezvaari, kusanganisira unhu hwake hwose hwakanaka. Patinoedza kutevedzera Jehovha, tinosimudzira kudanana nokubatana muungano.—VaEf. 4:1-3; 5:1, 2.

5. Nei zvisina kukodzera kutonga vamwe?

5 Jesu ainyatsoziva kuti vanhu vasina kukwana vanowanzoda kutonga vamwe. Akapa zano rokuti: “Regai kutonga kuti murege kutongwawo.” (Mat. 7:1) Ona kuti Jesu haana kuti: “Musatonga”; asi akati: “Regai kutonga.” Aiziva kuti vateereri vake vakawanda vaitova netsika yokutsoropodza vamwe. Kungava kuti tava netsika yakadaro here? Kana tava nayo, tinofanira kushanda nesimba kuti tichinje kuitira kuti tisazotongwe zvakaipa. Chaizvoizvo, ndisu vanaani kuti titonge mumwe munhu akagadzwa ari kushandiswa naJehovha kana kuti kutaura kuti haafaniri kuva muungano? Hama ingava nezvimwe zvainokanganisa, asi kana Jehovha achiramba achiigamuchira, zvingava zvakanaka here kuti isu tiirambe? (Joh. 6:44) Tinodavira zvechokwadi here kuti Jehovha ndiye ari kutungamirira sangano rake uye kuti kana paine zvimwe zvinoda kugadziriswa, achazvigadzirisa panguva yake yakakodzera?—Verenga VaRoma 14:1-4.

6. Jehovha anoona sei vashumiri vake?

6 Jehovha anoshamisa pakuti anoona zvinogona kuzoitwa nevaKristu somunhu mumwe nomumwe kana vava vanhu vakakwana munyika itsva. Anozivawo kufambira mberi kwavakatoita pakunamata. Naizvozvo, haana chikonzero chokutarisa chinhu chimwe nechimwe chavanokanganisa. Pana Pisarema 103:12 tinoverenga kuti: “Sokuva kure kwakaita kunobuda zuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa kudarika kwedu kure nesu.” Chokwadi izvozvo tinozvionga zvikuru!—Pis. 130:3.

7. Chii chatinodzidza pamaonero ayo Jehovha akaita Dhavhidhi?

7 Magwaro anotiratidza kuti Jehovha anogona zvikuru kuona unhu hwakanaka hwomunhu. Mwari akarondedzera Dhavhidhi achiti “mushumiri wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu, akanditevera nomwoyo wake wose nokuita zvakarurama chete pamberi pangu.” (1 Madz. 14:8) Chokwadi, tinoziva kuti Dhavhidhi akaita zvimwe zvinhu zvakanga zvakaipa. Zvisinei, Jehovha akangotarira zvakanaka zvacho nokuti aiziva kuti mwoyo waDhavhidhi wakanga wakarurama.—1 Mak. 29:17.

Ona Hama Dzako Sezvinoita Jehovha

8, 9. (a) Tingaita saJehovha munzira ipi? (b) Izvi zvingaenzanisirwa sei, uye tinodzidzei?

8 Jehovha anoziva zviri pamwoyo, asi isu hatizivi. Ichi chikonzero chakanaka chokuti isu tisatonge vamwe. Hatizivi zvose zvinovavarirwa nomumwe munhu. Tinofanira kuedza kutevedzera Jehovha nokusangotarira kusakwana kwevanhu, uko kuchazonyangarika pakupedzisira. Hachaizova chinangwa chakanaka here kuti tiite saJehovha panyaya iyi? Tikaita izvi zvichaita kuti tive norugare nehama nehanzvadzi dzedu.—VaEf. 4:23, 24.

9 Somuenzaniso, chimbofunga nezveimba iri kusakara, magata ari kudonha, mahwindo apwanyika, uye sirin’i yakuvadzwa nemvura. Vanhu vakawanda vangatarira imba iyoyo vogumisa kuti inofanira kuputswa; haichatarisiki. Asi panouya mumwe munhu ane maonero akasiyana zvachose. Angasakanganiswa nezvaari kuona nemaziso asi anoona kuti mudhuri wacho wakanaka uye kuti imba yacho inogona kugadziriswa. Anotenga imba yacho ogadzirisa zvinhu zvakafa uye anoita kuti iratidzike zvakanaka. Zvadaro, vanhu vanozopfuura napo vanotaura nezvokuyevedza kweimba yacho. Tingaitawo somunhu uyu akaedza zvose zvaaigona kuti agadzirise imba yacho here? Pane kungotarira zvinhu zviduku zvinokanganiswa nehama dzedu, tingatarirawo here unhu hwadzo hwakanaka toziva kuti dzinogona kufambira mberi pakunamata? Kana tikaita izvozvo, tichasvika pakuda hama dzedu pamusana pezvadzinoita pakunamata, sezvinoita Jehovha.—Verenga VaHebheru 6:10.

10. Mazano atinowana pana VaFiripi 2:3, 4 angatibatsira sei?

10 Muapostora Pauro akapa mazano anogona kutibatsira paukama hwedu nevose vari muungano. Akakurudzira vaKristu kuti: “[Musaita] chinhu nokukakavara kana kuzvikudza, asi nepfungwa dzinozvininipisa muchifunga kuti vamwe vakuru kwamuri, musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvamunoda imi pachenyu, asi muchiva nehanya nezvinhu zvinodiwawo nevamwe.” (VaF. 2:3, 4) Kuzvininipisa kuchatibatsira kuti tione vamwe zvakanaka. Kufarira vamwe uye kutarira zvakanaka zvavanoita kuchatibatsirawo kuti tione vamwe sezvinoita Jehovha.

11. Kuchinja kupi kwakaitika mune dzimwe ungano?

11 Munguva ichangopfuura, kuchinja kwezvinhu munyika yose kwakaita kuti vanhu vakawanda vatame-tame. Mamwe maguta ava kugara vanhu vanobva kunyika dzakasiyana-siyana. Vamwe vanhu vakatamira munharaunda yedu vakasvika pakufarira chokwadi chomuBhaibheri, uye vakabatana nesu pakunamata Jehovha. Ava “vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvak. 7:9) Naizvozvo, ungano dzedu dzakawanda dzava kuumbwa nevanhu vanobva pasi pose.

12. Tinofanira kuramba tichiona mumwe nomumwe sei, uye nei dzimwe nguva izvi zvingaoma?

12 Muungano yedu, tingada kuramba tichiona mumwe nomumwe wedu zvakanaka. Izvozvo zvinotiyeuchidza nezvezano romuapostora Petro ‘rokudanana sehama kusina unyengeri’ uye ‘kudanana kwazvo zvichibva pamwoyo.’ (1 Pet. 1:22) Kudanana zvinobva pamwoyo kwakaoma kana vanhu vacho vachibva munyika dzakasiyana-siyana. Tsika dzevamwe vatinonamata navo dzingasiyana zvikuru nedzedu, uye tingasiyanawo padzidzo, pfuma, uye pamadzinza. Unoona zvakaoma kunzwisisa mafungiro kana kuti zvinoitwa nevanhu vemamwe madzinza here? Ndizvo zvavangafungawo nezvako. Kunyange zvakadaro, tose zvedu tinorayirwa kuti: “Idai sangano rose rehama.”—1 Pet. 2:17.

13. Ndezvipi zvatingada kugadzirisa mumafungiro edu?

13 Zvingava zvakanaka kuti tigadzirise mafungiro edu kuitira kuti tiwedzere kuda hama dzedu dzose. (Verenga 2 VaKorinde 6:12, 13.) Tinombozviwana here tichitaura mashoko akadai sokuti, “Handina rusaruro asi . . . ” tobva tayeuka humwe unhu hwakaipa hwatinofunga kuti ndihwo hwakazara mune rimwe boka redzinza? Manzwiro akadaro angaratidza kuti tinofanira kubvisa rusaruro ruchiri matiri. Tingazvibvunza kuti, ‘Ndinogara ndichiedza kusvika pakuziva vanhu vane tsika dzakasiyana nedzangu here?’ Kuzviongorora kwakadaro kungatibatsira kuwedzera kugamuchira uye kuda hama dzedu dzomunyika yose.

14, 15. (a) Taura mienzaniso yevanhu vakagadzirisa maonero avanoita vamwe. (b) Tingavatevedzera sei?

14 Bhaibheri rine mienzaniso yakanaka yevanhu vakagadzirisa mafungiro avo, mumwe wacho aiva muapostora Petro. Zvaaiva muJudha, Petro angadai asina kupinda mumusha womunhu Wemamwe Marudzi. Chimbofungidzira manzwiro aakaita paakakumbirwa kuti ashanyire musha womumwe munhu aiva Worumwe Rudzi akanga asina kudzingiswa ainzi Koneriyo! Petro akagadzirisa mafungiro ake, achinzwisisa kuti Mwari aida kuti vanhu vemarudzi ose vave nhengo dzeungano yechiKristu. (Mab. 10:9-35) Sauro, uyo akazova muapostora Pauro, aifanirawo kuchinja mafungiro ake uye kubvisa rusaruro. Akabvuma kuti aivenga vaKristu kwazvo zvokuti ‘akaramba achitambudza ungano yaMwari zvakanyanya uye achiiparadza.’ Zvisinei, Ishe Jesu paakaruramisa Pauro, akachinja zvikuru muupenyu hwake uye akatotanga kugamuchira mirayiridzo yaibva kune vaya vaaimbotambudza.—VaG. 1:13-20.

15 Hapana mubvunzo kuti tinogona kuchinja mafungiro edu tichibatsirwa nomudzimu waJehovha. Kana tikaona kuti tichine karusaruro, ngatishandei kuti tikabvise uye kuti ‘tichengete kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare.’ (VaEf. 4:3-6) Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tipfeke rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.’—VaK. 3:14.

Kutevedzera Jehovha Muushumiri Hwedu

16. Chinangwa chaMwari nokuda kwevanhu ndechei?

16 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari haasaruri.” (VaR. 2:11) Chinangwa chaJehovha ndechokuti vanhu vemarudzi ose vamunamate. (Verenga 1 Timoti 2:3, 4.) Kuti aite izvozvo, akaronga kuti “mashoko akanaka asingaperi” aziviswe “kumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvak. 14:6) Jesu akati: “Munda inyika.” (Mat. 13:38) Izvozvo zvinorevei kwauri nemhuri yako?

17. Tingabatsira sei vanhu vemarudzi ose?

17 Hatisi tose tinokwanisa kuendesa mashoko akanaka oUmambo kune vamwe kunzvimbo dziri kure dzenyika. Kunyange zvakadaro, tingakwanisa kuendesa mashoko aya kune vanhu vanobva munzvimbo dzose dzenyika vanogara mundima yedu. Tinongwaririra mikana yokuparidzira vanhu vemarudzi ose here, kwete bedzi vaya vatagara tichiparidzira kwemakore akawanda? Wadii kuvavarira kutanga kuparidzira vamwe vasati vamboparidzirwa?—VaR. 15:20, 21.

18. Jesu akaratidza sei kuti aida kubatsira vanhu?

18 Jesu ainzwa achida kubatsira vanhu vose. Haana kungoparidzira munharaunda imwe chete. Imwe nhoroondo yeBhaibheri inotiudza kuti “akatanga kushanyira maguta ose nemisha.” Uye zvadaro, “achiona mapoka evanhu akasiririswa navo” achibva aratidza kuti aida kuvabatsira.—Mat. 9:35-37.

19, 20. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti Jehovha naJesu vane hanya nevanhu vemarudzi ose?

19 Ndedzipi dzimwe nzira dzaungaratidza nadzo maitiro akadaro? Vamwe vakaedza kupupurira mune dzimwe nzvimbo dziri mundima yavo dzisingagari dzichishandwa. Idzi dzingasanganisira nzvimbo dzemabhizimisi, mapaki, zviteshi, kana kuti pamberi pezvivako zvinogara vanhu zvisiri nyore kupinda. Vamwe vakadzidza mumwe mutauro kuti vaparidzire mamwe mapoka emadzinza ava kugara munharaunda yavo kana kuti mapoka asina kumbobvira aparidzirwa. Kudzidza kukwazisa vanhu ivavo mumutauro wavo kungaratidza kuti unovafarira zvikuru. Kana tisingakwanisi kudzidza mumwe mutauro, tingakurudzira vaya vari kuudzidza here? Chokwadi hatingadi kuodza vanhu mwoyo kana kuti kuva nomubvunzo kuti nei vachiedza zvakadaro kuti vaparidzire vanhu vanobva kune imwe nyika. Vanhu vose vanokosha kuna Mwari uye tinoda kuona zvinhu sezvaanoita.—VaK. 3:10, 11.

20 Kuona vanhu sezvinoita Mwari kunorevawo kuparidzira vose, pasinei nemamiriro avo ezvinhu. Vamwe vangava vasina pokugara, vasingaratidziki zvakanaka, kana kuti vachitova nzenza. Kana vamwe vanhu vakasatibata zvakanaka, izvozvo hazvifaniri kuita kuti tione rudzi rwavo kana kuti dzinza rose nepfungwa yakaipa. Pauro akabatwa zvakaipa nevamwe vanhu, asi izvozvo hazvina kumuita kuti arege kuparidzira vanhu vakadaro. (Mab. 14:5-7, 19-22) Aivimba kuti vamwe vanhu vaizogamuchira mashoko akanaka nokuonga.

21. Uchabatsirwa sei nokuva nemaonero anoita Jehovha vamwe?

21 Iye zvino zvava pachena zvikuru kuti zvinoda kuva nemaonero akanaka—maonero aJehovha—pakubata nehama dzedu dzomuungano, hama dzedu dzomunyika yose, uye vanhu vatinoona mundima. Patinonyanya kuratidza maonero aJehovha, ndipo patinonyanya kuita kuti pave norugare nokubatana. Uye tichange tava kukwanisa kubatsira vamwe kuti vade Jehovha, Mwari “asingasaruri” asi anofarira vanhu vose, “nokuti vose zvavo ibasa remaoko ake.”—Job. 34:19.

Ungapindura Here?

• Tinofanira kuedza kusava nemaonero api pahama dzedu?

• Tingatevedzera sei Jehovha pamaonero atinoita hama dzedu?

• Wadzidzei pamaonero atinoita hama dzedu dzomunyika yose?

• Tingatevedzera sei maonero anoita Jehovha vanhu patinenge tiri muushumiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ungasvika sei pakuziva vanhu vane dzimwe tsika?

[Mifananidzo iri papeji 28]

Ungaudza vanhu vakawanda mashoko akanaka munzira dzipi?