Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Urongwa Hunokosha Zvikuru Hwokuzoona Mumwe Munhu

Urongwa Hunokosha Zvikuru Hwokuzoona Mumwe Munhu

Urongwa Hunokosha Zvikuru Hwokuzoona Mumwe Munhu

NDINE urongwa hunokosha zvikuru hwokuzoona mumwe munhu. Regai nditsanangure kuti chii chakaita kuti ini, mudzimai wechiduku wokuSpain, ndiite urongwa uhwu.

Mumhuri medu makanga musina rugare nechinzwano. Mhuri yedu yakarwadziwa kwazvo hanzvadzi yangu duku yaiva nemakore mana payakafa mutsaona. Uyezve, tsika dzakaipa dzababa vangu dzaiita kuti amai vasawana mufaro mumba mavo. Zvisinei, izvozvo hazvina kuita kuti amai varege kutidzidzisa tsika dzakanaka ini nehanzvadzi yangu huru.

Nokufamba kwenguva, hanzvadzi yangu yakaroora, uye ini ndakaroorwa. Pasina nguva, amai vangu vakabatwa kenza yakazovauraya. Asi vasati vafa, vakatipa pfuma.

Mumwe wevanhu vavaizivana navo akanga ataura navo nezvetariro yorumuko iri muMagwaro, uye amai vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Vava pedyo nokufa, mashoko omuBhaibheri etariro akaita kuti upenyu hwavo huve nezvahunoreva uye akavabatsira kuti vafare.

Patakaona kuchinjwa kwakanaka kwavakaitwa neshoko reBhaibheri, ini nehanzvadzi yangu ta- katangawo kudzidza Shoko raMwari. Ndakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha mwedzi mumwe chete ndisati ndazvara mwanasikana wangu wechipiri, tsvarakadenga yomusikana yatakatumidza kuti Lucía.

Musi wandakabhabhatidzwa waikosha zvikuru kwandiri. Chimwe chikonzero chaiva chokuti ndakanga ndava waJehovha, zvandakanga ndazvitsaurira kwaari kuti ndimushumire nokusingaperi. Chimwe chacho chaiva chokuti ndaigona kuudza mwanakomana nomwanasikana wangu zvandinotenda.

Kunyange zvakadaro, chimwe chinhu chechipiri chaiita kuti ndifare chakanga choda kuvhiringidzwa. Paaiva nemakore mana, Lucía akatanga kurwadziwa nomudumbu zvikuru. Pashure pokuongororwa kanoverengeka, chiremba anotora ekisirei akatsanangura kuti chiropa chake chaiva nebundu rakakura seranjisi. Chiremba wacho akatsanangura kuti Lucía aiva nechirwere chinonzi neuroblastoma, bundu rinokurumidza kukura rinokonzera kenza. Saka Lucía akatanga kutambura nekenza kwemakore manomwe, zvaisanganisira kugara muchipatara kwenguva refu.

Kuzvipira

Mumakore aya akaoma, Lucía aiwanzondikurudzira nokundimbundira noushamwari uye kunditsvoda. Kukwanisa kurarama kwaakaita nechirwere ichi kwakashamisawo vashandi vepachipatara chacho. Aigara achida kushandira pamwe nemanesi, achivabatsira kuendesa yogati, zvinwiwa, nezvimwe zvinhu kuvana vaiva mumawadhi aiva pedyo. Manesi acho akatopa Lucía bhachi jena nebheji zvairatidza kuti aiva “mubatsiri wanesi.”

Mumwe mushandi wepachipatara ichi anoti, “Lucía akandibaya mwoyo. Aiva mwana aishingaira, aiva nemano okuita zvinhu uye aifarira kudhirowa. Akanga akachangamuka uye aiita somunhu mukuru.”

Lucía aisimbiswa uye aitsigiswa neShoko raMwari. (VaH. 4:12) Aiva nechivimbo chokuti munyika itsva, “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve,” sezvinovimbiswa neShoko raMwari. (Zvak. 21:4) Sezvo aifarira vanhu, aishandisa mikana yose kuvaudza mashoko anobva muBhaibheri. Tariro yorumuko yaLucía yakanga yakasimba yakamubatsira kuramba aine pfungwa dzakagadzikana uye achifara pasinei nokuti akanga asingatarisiri kuti aizopora. (Isa. 25:8) Akaramba aine mafungiro iwayo kusvikira musi waakafa nekenza.

Musi iwoyo ndiwo wandakaita urongwa hwaikosha zvikuru. Lucía akanga asingachakwanisi kusvinura. Baba vake vakanga vakabata rumwe ruoko rwake ini ndakabata rumwe rwacho. Ndakazevezera kuti, “Usanetseke zvako, handikusiyi. Ingofema zvishoma nezvishoma. Pauchamuka, unenge wava noutano hwakanaka. Hauzorwadziwizve, uye ndichange ndiinewe.”

Zvino ndinofanira kuchengeta urongwa hwacho. Ndinoziva kuti kumirira kuchange kusiri nyore. Asi ndinozivawo kuti kana ndichivimba naJehovha nokushivirira ndoramba ndakavimbika kwaari, ndichange ndiripo paachamutswa.

Nhaka Yatakasiyirwa naLucía

Muenzaniso unokurudzira waLucía uye kutsigirwa neungano zvinoshamisa zvakabaya mwoyo womurume wangu, akanga asiri Chapupu. Musi wakafa Lucía, murume wangu akandiudza kuti aifanira kugadzirisa mafungiro ake. Papera vhiki shomanana, akakumbira mumwe mukuru womuungano kuti amudzidzise Bhaibheri. Nokukurumidza, murume wangu akatanga kupinda misangano yose. Achibatsirwa naJehovha, akarega kusvuta fodya, chinhu chaakanga ambokundikana kurega.

Kurwadziwa kwandinoita pamusana pokufa kwaLucía hakusati kwanyatsopera, asi ndinoonga Jehovha zvikuru nokuda kwenhaka yakasiyiwa naLucía. Ini nomurume wangu tinonyaradzana netariro inoshamisa yorumuko, tichitofungidzira nguva yatichaonazve Lucía, nemaziso ake akachangamuka anenge nyimo uye matama ane tumakomba twokunyemwerera.

Kurwara kwomwanasikana wangu kwakanyanyawo kurwadza mumwe muvakidzani wedu. Mumwe Mugovera mangwanani kuchinaya, mumwe mukadzi aiva nomwanakomana aidzidza pachikoro chakadzidza Lucía akauya kumba kwedu. Mumwe mwanakomana wake akanga afa nechirwere ichi paaiva nemakore 11. Paakaziva zvakanga zvaitika kuna Lucía, mukadzi uyu akatsvaka kwataigara achibva atishanyira. Aida kuziva kuti ndakanga ndichitsungirira sei kufirwa naLucía achibva auya nezano rokuti tiumbe boka rokubatsirana kuti tinyaradze vamwe vanaamai vaiva nedambudziko iri.

Ndakamutsanangurira kuti ndakanga ndawana nyaradzo yechokwadi kubva mune chimwe chipikirwa chomuBhaibheri, nyaradzo inopfuura nokure chero ipi zvayo ingapiwa nevanhu. Maziso ake akabva apenya pandaimuverengera mashoko aJesu ari pana Johani 5:28, 29. Akabvuma kudzidza Bhaibheri uye pasina nguva akatanga kunzwa aine “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (VaF. 4:7) Kazhinji patinodzidza Bhaibheri pamwe chete, tinombomira tozviona tiri munyika itsva, tichitambira vadiwa vedu vanenge vamutswa.

Chokwadi, upenyu hwaLucía hupfupi hwakasiya nhaka isingaperi. Kutenda kwake kwabatsira kuti mhuri yedu ibatane pakushumira Mwari uye izvi zvaita kuti ndinyanye kutsunga pakutenda. Hapana mubvunzo kuti tose zvedu takafirwa nevanhu vatinoda vangangomutswa tine urongwa hunokosha zvikuru.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Paradhiso yakadhirowewa naLucía