Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wanai Mufaro Mumba Menyu

Wanai Mufaro Mumba Menyu

Wanai Mufaro Mumba Menyu

“Imba inovakwa nouchenjeri, uye inosimbiswa kwazvo noungwaru.”—ZVIR. 24:3.

1. Mwari akaratidza sei uchenjeri paakasika munhu wokutanga?

BABA vedu vokudenga vakachenjera vanoziva zvakatinakira. Somuenzaniso, Mwari akaziva kuti, kuti chinangwa chake chiitike, ‘zvakanga zvisina kunaka kuti munhu arambe ari oga’ mumunda weEdheni. Chinhu chainyanya kukosha kuti chinangwa ichocho chiitike chaiva chokuti vakaroorana vave nevana uye ‘vazadze nyika.’—Gen. 1:28; 2:18.

2. Jehovha akaita urongwa hupi hwakanakira vanhu?

2 Jehovha akati: “Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.” Mwari akabva aita kuti munhu wokutanga arare hope huru, uye akatora mbabvu yake pamuviri wake wakanga wakakwana akaumba mukadzi nembabvu iyoyo. Adhamu paakapiwa naJehovha mukadzi akanga akakwana, Evha, akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu. Uyu achanzi Mukadzi, nokuti uyu akatorwa pamurume.” Chokwadi Evha akanga ari mubatsiri waAdhamu. Mumwe nomumwe aiva nounhu hwake, asi vose vakanga vakakwana uye vakasikwa mumufananidzo waMwari. Saka Jehovha ndiye akaronga muchato wokutanga. Adhamu naEvha vakabva vangobvuma urongwa hwaMwari uhwu hwaizoita kuti vabatsirane uye vatsigirane.—Gen. 1:27; 2:21-23.

3. Vakawanda vanoita sei nechipo chomuchato, zvichiita kuti pave nemibvunzo ipi?

3 Zvinosuruvarisa kuti nhasi munyika makazara pfungwa yokupandukira. Matambudziko anokonzerwa nepfungwa iyi haabvi kuna Mwari. Vakawanda vanozvidza chipo chaMwari chomuchato, vachiti ndechechinyakare, uye chinokonzera kuora mwoyo uye kunetsana. Pane vakawanda vakaroorana, kurambana hakuzivani. Vana vangasaratidzwa rudo uye vabereki pavanenge vachinetsana vangashandisa vana kuti zvinhu zvivanakire. Vabereki vakawanda havadi kushandira pamwe kuti mhuri ive norugare uye ibatane. (2 Tim. 3:3) Saka vakaroorana vangaramba sei vachifara munguva dzino dzakaoma? Kushandira pamwe kunobatsira sei kuti imba isaputsike? Tingadzidzei pamienzaniso yemazuva ano yevaya vari kuita kuti mumba mavo murambe muine mufaro?

Kuzviisa Pasi Pokutungamirira kwaJehovha

4. (a) Pauro akapa zano ripi panyaya yokuroorana? (b) VaKristu vanoteerera vanotevedzera sei zano raPauro?

4 Muapostora Pauro akapa chirikadzi zano rakafuridzirwa rokuti kana dzaizosarudza kuroorwazve, dzaifanira kuroorwa “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Iyi yakanga isiri pfungwa itsva kuvaKristu vaimbova pasi pomutemo wechiJudha. Mutemo waMwari waakapa vaIsraeri waitaura zvakananga kuti ‘vaisafanira kuroorerana’ nevanhu chero vapi zvavo vemarudzi echihedheni avakanga vakavakidzana nawo. Jehovha akawedzera kutsanangura ngozi yaizovapo pakuzvidza murayiro uyu waMwari. “Nokuti [munhu asiri muIsraeri] achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, uye vachashumira vamwe vanamwari; Jehovha achakutsamwirai kwazvo, uye achakurumidza kukutsakatisai.” (Dheut. 7:3, 4) Jehovha anotarisira vashumiri vake vemazuva ano kuti vaite sei panyaya iyi? Zviri pachena kuti mushumiri waMwari anofanira kusarudza wokuroorana naye, akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa, achiita izvozvo “munaShe.” Kuzviisa pasi pokutungamirira kwaJehovha pakusarudza wokuroorana naye ndiyo nzira yokuchenjera.

5. Jehovha uye vaKristu vakaroora vanoona sei mhiko dzomuchato?

5 Mhiko dzomuchato itsvene mukuona kwaMwari. Achitaura nezvomuchato wokutanga, Jesu Mwanakomana waMwari akati: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” (Mat. 19:6) Munyori wepisarema anotiyeuchidza kuti mhiko dzinokosha achiti: “Ipa kuonga sechibayiro chako kuna Mwari, ripa mhiko dzako kune Wokumusorosoro.” (Pis. 50:14) Kunyange zvazvo murume nomudzimai wake vangazofara zvikuru, mhiko dzavanoita pazuva romuchato dzinokosha uye dzinoita kuti vazozvidavirira.—Dheut. 23:21.

6. Tingadzidzei pane zvakaitwa naJefta?

6 Chimbofunga nezvaJefta, aiva mutongi muIsraeri muzana remakore rechi12 B.C.E. Akaita mhiko iyi kuna Jehovha: “Chokwadi kana mukaisa vanakomana vaAmoni muruoko rwangu, munhu achabuda, anobuda mumasuo eimba yangu kuzondichingura pandinodzokera norugare ndichibva kuvanakomana vaAmoni, achavawo waJehovha, uye ndichapa iyeye sechinopiwa chinopiswa.” Paakaona kuti mwanasikana wake, aiva zai regondo, ndiye akabuda kuzomuchingura paakadzoka kumba kwake kuMizpa, Jefta akaedza kuputsa mhiko yake here? Aiwa. Akati: “Ini ndashama muromo wangu kuna Jehovha, uye handikwanisi kurega.” (Vat. 11:30, 31, 35) Jefta akachengeta mhiko yake yaakanga aita kuna Jehovha kunyange zvazvo izvi zvaireva kuti paisazova neaizopfuudzira zita rake. Mhiko yaJefta yakanga yakasiyana nemhiko dzomuchato, asi kuichengeta kwaakaita kunoshanda somuenzaniso wakanaka pamhiko dzinoitwa nevarume nemadzimai echiKristu.

Chii Chinoita Kuti Imba Ibudirire?

7. Vanhu vanenge vachangoroorana vanofanira kugadzirisei?

7 Vanhu vakawanda vakaroorana vanofara zvikuru pavanoyeuka nguva yavaipfimbana. Zvaifadza chaizvo kuziva zvakaita munhu wavaizoroorana naye! Pavaipedza nguva yakawanda vari vose, vaibva vanyanya kudanana. Asi pasinei nokuti vakaroorana mushure mokunge vapfimbana kwenguva yakati kana kuti varongerwa, pavakazova murume nomudzimai, zvaikosha kuti vachinje zvimwe zvinhu. Mumwe murume anoti: “Chinetso chikuru chataiva nacho pakutanga chakanga chiri chokuti takanga tisingachafaniri kuita zvinhu somunhu asina kuroora kana kuti kuroorwa. Kwenguva yakati takaona zvakaoma kuchengetedza ukama hwedu neshamwari dzedu uye nevomumhuri.” Mumwe murume ava nemakore 30 akaroora, akaziva achangoroora kuti, kuti aratidze kuti anonzwisisa, aifanira “kufunga nezvevanhu vaviri.” Asati abvuma kukokwa kana kuti kuita chimwe chinhu, anofanira kubvunza mudzimai wake ozosarudza achifunga zvinhu zvavanofarira vose. Kubvuma mafungiro omumwe kunobatsira pakadai.—Zvir. 13:10.

8, 9. (a) Nei kukurukurirana zvakanaka kuchikosha? (b) Kuchinja-chinja kunobatsira papi, uye nei?

8 Dzimwe nguva muchato unobatanidza vanhu vaviri vane tsika dzakasiyana. Pakadai ndipo panonyanya kuda kuti vataure vachibudirana pachena. Matauriro avanoita pfungwa dzavo anenge akasiyana. Kucherechedza matauriro anoita mumwe wako nehama dzake kunobatsira kuti umunzwisise zviri nani. Dzimwe nguva mafungiro omunhu anobuda pachena nematauriro aanoita kwete zvaanenge ataura. Uye unogona kudzidza zvakawanda nezvake iye asina kuzvitaura. (Zvir. 16:24; VaK. 4:6) Ungwaru hunokosha kuti mufare.—Verenga Zvirevo 24:3.

9 Pavanenge vachisarudza zvinhu zvinovavaraidza, vakawanda vanoona zvichikosha kuchinja voitawo zvinoda mumwe. Musati maroorana, mumwe wako angave aipedzera nguva mumitambo kana kuti mune zvimwe zvinhu zvinovaraidza. Iye zvino mungafanira kuchinja here? (1 Tim. 4:8) Tingabvunzawo saizvozvo nezvenguva yatinopedza nevoukama. Zvinonzwisisika kuti vanhu vakaroorana vanofanira kuva nenguva yokuita pamwe chete zvinhu zvokunamata uye mamwe mabasa.—Mat. 6:33.

10. Kunzwisisa kuchabatsira sei vabereki nevana vavo vakaroora kuti vave noukama hwakanaka?

10 Murume paanoroora anosiya baba vake naamai vake uye ndizvo zvinoitawo mukadzi. (Verenga Genesisi 2:24.) Zvisinei, murayiro waMwari wokuti munhu akudze baba vake naamai vake unoramba uchishanda. Saka kunyange vanhu varoorana, vangangopedza nguva vaine vabereki vavo kana kuti madzitezvara. Mumwe murume ave akaroora kwemakore 25, anoti: “Dzimwe nguva zvakaoma kugutsa zvinodiwa nomumwe wako nezvinoda vabereki vake, vana vaamai vake, uye madzitezvara. Pakusarudza nzira yakanakisisa yezvandingaita, ndinoona Genesisi 2:24 ichibatsira. Ichokwadi kuti munhu anofanira kutsigira mhuri yake uye kuiitira zvimwe zvinhu asi ndima iyi yakandiratidza kuti ndinofanira kutanga ndatsigira mudzimai wangu.” Saizvozvowo, vabereki vechiKristu vanonzwisisa vacharemekedza vana vavo vakaroora kuti vatovawo imwe mhuri ine murume ane basa rokutungamirira mhuri iyoyo.

11, 12. Nei zvichikosha kuti vakaroorana vadzidze uye vanyengetere semhuri?

11 Purogiramu yakanaka yokudzidza semhuri inokosha. Zvinoitika zvinoratidza kuti mhuri dzakawanda dzechiKristu dzinobvumirana nazvo. Zvingasava nyore kuva nechidzidzo chakadaro uye kuramba muchichiita. Vamwe baba vanoti: “Kudai nguva yaidzoka kumashure uye tichikwanisa kuchinja zvinhu, taizova nechokwadi chokuti kubva patakaroorana, taizoramba tiine purogiramu yokudzidza semhuri.” Vanowedzera kuti: “Chipo chikuru kuona mudzimai wangu achifara kana anakidzwa nechokwadi chatinenge tawana pamwe chete pakudzidza kwatinoita Bhaibheri.”

12 Kunyengetera pamwe chete kunobatsirawo. (VaR. 12:12) Kana murume nomudzimai wake vachinamata Jehovha vakabatana, ukama hwavo hwepedyo naMwari hunogona kusimbisa muchato wavo. (Jak. 4:8) Mumwe murume wechiKristu anoti: “Kukurumidza kukumbira ruregerero uye kutaura zvaunenge wakanganisa pamunonyengetera pamwe chete inzira yokuratidza kusuruvara kwepachokwadi kunyange pakanhu kaduku kanogumbura.”—VaEf. 6:18.

Ivai Vanonzwisisa Mumba

13. Pauro akapa vakaroorana zano rei rine chokuita nezvenyaya dzepabonde?

13 VaKristu vakaroorana havafaniri kuita zvinhu zvinoita kuti mumwe anzwe asingaremekedzeki muukama hwavo, zvakadai sezvakazara munyika ino iri kupenga mune zvepabonde. Panyaya iyi, Pauro akapa zano rokuti: “Murume ngaape mudzimai wake zvaanofanira kuwana; uye mudzimai ngaaitire murume wake saizvozvowo. Mudzimai haana simba pamuviri wake, asi murume wake anaro; saizvozvowo, murume haana simba pamuviri wake, asi mudzimai wake anaro.” Adaro Pauro akazopa murayiro wakajeka uyu unoti: “Musanyimana, asi mubvumirane kwenguva yakatarwa.” Nei? “Kuti mutsaure nguva yokunyengetera movazve pamwe chete, kuti Satani arege kuramba achikuedzai nokuda kwokushaya kwenyu kuzvidzora.” (1 VaK. 7:3-5) Paanotaura nezvomunyengetero, Pauro ari kuratidza muKristu zvinhu zvinofanira kuenda pakutanga. Asi anojekesawo kuti muKristu wose akaroora anofanira kuziva zvinodiwa nomumwe wake mupfungwa nomumuviri.

14. Zvinotaurwa neMagwaro zvinoshanda sei munyaya dzezvepabonde mumba?

14 Murume nomudzimai wake vanofanira kubudirana pachena uye vanofanira kuziva kuti kusava nehanya nomumwe munyaya dzepabonde kungakonzera zvinetso. (Verenga VaFiripi 2:3, 4; enzanisa naMateu 7:12.) Izvi zvave zvichiitika mune dzimwe mhuri dzine vamwe vasingatendi. Kunyange kana vakava nezvimwe zvinhu zvavasingawirirani, kazhinji muKristu angaita kuti zvinhu zvive nani nokuzvibata, nokuva nomutsa uye nokushandira pamwe chete. (Verenga 1 Petro 3:1, 2.) Kuda Jehovha nomumwe wako, pamwe chete nokunzwisisa zvichabatsira panyaya iyi ine chokuita nezvepabonde.

15. Ruremekedzo runoita sei kuti mumba muve nomufaro?

15 Murume ane mutsa acharemekedza mudzimai wake mune zvimwewo zvinhu. Somuenzaniso, achafunga manzwiro ake kunyange muzvinhu zviduku. Mumwe murume ane makore 47 anoti: “Ndichiri kudzidza nezvazvo.” Vakadzi vechiKristu vanorayirwa kuti varemekedze varume vavo zvikuru. (VaEf. 5:33) Kutaura zvakaipa nezvevarume vavo, vachitaura zvavanokanganisa pane vanhu hazviratidzi kuvaremekedza. Zvirevo 14:1 inotiyeuchidza kuti: “Mukadzi akachenjera zvechokwadi anovaka imba yake, asi benzi rinoiputsa nemaoko aro.”

Musabvumira Dhiyabhorosi Nzvimbo

16. Vakaroorana vangashandisa sei mashoko ari pana VaEfeso 4:26, 27 mumba mavo?

16 “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEf. 4:26, 27) Kana tikashandisa mashoko aya angabatsira kuti tigadzirise zvinetso zvomumba kana kuti zvisamboitika. Imwe hanzvadzi inoti: “Handiyeuki ndichiitisana nharo nomurume wangu uye tisingazvitauri kunyange kana izvi zvaireva kuti taifanira kupedza nguva yakareba tichigadzirisa nyaya yacho.” Vachangoroorana, iye nomurume wake vakasarudza kuti zuva rirege kuvira vasina kugadzirisa zvavanenge vatadza kuwirirana. “Pasinei nokuti chinetso chacho chainge chakaita sei, taisarudza kukanganwirana uye kukanganwa totanga zuva idzva tava kufunga zvitsva.” Saka vakaramba ‘kubvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.’

17. Kunyange kana vakaroorana vachiita sevasinganyatsopindirani, chii chingabatsira?

17 Zvakadini kana wakaroorwa kana kuti kuroora usina kushandisa uchenjeri? Iye zvino ungawana wava muukama hunoita sohusina rudo urwo vamwe vanenge vanarwo. Kunyange zvakadaro, kuyeuka maonero anoita Musiki ukama hwokuroorana kuchakubatsira. Afuridzirwa, Pauro akapa vaKristu zano rokuti: “Kuroorana ngakukudzwe navose, mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaH. 13:4) Uye hatifaniri kukanganwa mashoko anoti: “Tambo yakakoswa netambo nhatu haingakurumidzi kudambuka.” (Mup. 4:12) Kana murume nomudzimai wake vaine hanya zvikuru nokutsvenesa zita raJehovha, vanenge vaine ukama hwakasimba pakati pavo uye naMwari. Vanofanira kushandira kuti imba yavo ibudirire, vachiziva kuti izvi zvinoita kuti Jehovha akudzwe, akatanga mhuri.—1 Pet. 3:11.

18. Ungava nechokwadi chei nezvenyaya yokuroorana?

18 Chokwadi vaKristu vakaroorana vanogona kufara. Asi kuti vadaro, vanofanira kushanda nesimba uye kuratidza unhu hwechiKristu hunosanganisira kunzwisisa. Nhasi, muungano dzeZvapupu zvaJehovha dziri pasi pose, mune vakaroorana vakawanda vari kuratidza kuti zvinoita.

UNGAPINDURA SEI?

• Nei vakaroorana vachigona kufara mumba mavo?

• Chii chinogona kubatsira kuti imba ibudirire?

• Vakaroorana vanofanira kuva nounhu hupi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Vakaroorana vanotaura vose nokuchenjera vasati vabvuma kukokwa kana kuti kuita chimwe chinhu

[Mufananidzo uri papeji 10]

Edzai kugadzirisa kusawirirana zuva rimwe chete iroro ‘musingabvumiri Dhiyabhorosi nzvimbo’