Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa?

Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa?

Chii Chinoita Kuti Upenyu Huve Nechinangwa?

“Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake.”—MUP. 12:13.

1, 2. Tingabatsirwa sei nokudzidza bhuku raMuparidzi?

CHIMBOFUNGIDZIRA mumwe munhu anoita seane zvinhu zvose. Ndimambo ane mukurumbira, mumwe wevanhu vakapfuma zvikuru panyika, uye ane njere zvikuru kupfuura vose vepanguva yake. Asi pasinei nezvose zvaanazvo, achiri kungozvibvunza kuti, ‘Chii chinoita kuti upenyu huve nechinangwa?’

2 Murume akadaro akamborarama zviuru zvitatu zvemakore zvakapfuura. Ainzi Soromoni, uye mubhuku raMuparidzi, tinowana achirondedzerwa kuti aitsvaka kugutsikana. (Mup. 1:13) Tinogona kudzidza zvakawanda muupenyu hwaSoromoni. Zvechokwadi, uchenjeri huri mubhuku raMuparidzi hunogona kutibatsira kuti tive nezvinangwa zvichaita kuti tinyatsogutsikana muupenyu.

“Kudzingana Nemhepo”

3. Ichokwadi chipi chine chokuita noupenyu hwevanhu chatinofanira kusangana nacho tose?

3 Soromoni anotsanangura kuti Mwari akasika zvinhu zvakanaka zvakawanda pasi pano, uye zvimwe zvinhu zvisingaperi zvinoshamisa zvatinoramba tichinakidzwa nazvo. Zvisinei, hatigoni kuongorora zvinhu zvose zvakasikwa naMwari nokuti upenyu hwedu hupfupi zvikuru. (Mup. 3:11; 8:17) Sokutaura kunoita Bhaibheri, mazuva edu mashoma uye anokurumidza kupfuura. (Job. 14:1, 2; Mup. 6:12) Izvi zvinofanira kuita kuti tishandise upenyu hwedu nouchenjeri. Hazvisi nyore kudaro nokuti nyika yaSatani ingaita kuti tirarame tichitevera gwara risiri iro.

4. (a) Mashoko okuti “hazvina zvazvinobatsira” anorevei? (b) Zvinhu zvipi zvinotsvakwa muupenyu zvatichakurukura?

4 Achiratidza ngozi yokurarama tichitsvaka zvinhu zvisingabatsiri, Soromoni anoshandisa mashoko okuti “hazvina zvazvinobatsira” ka30 muna Muparidzi. Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “hazvina zvazvinobatsira” rinoreva chimwe chinhu chisina maturo, chisina chinangwa, kana kuti chisingakoshi. (Mup. 1:2, 3) Dzimwe nguva Soromoni anoshandisa mashoko okuti “hazvina zvazvinobatsira” achiafananidza no“kudzingana nemhepo.” (Mup. 1:14; 2:11) Zviri pachena kuti zvose zvingaitwa kuedza kubata mhepo hazvina maturo. Munhu wose anoedza kuzviita haana chaanobata. Kuita zvinangwa zvisingaratidzi uchenjeri kuchangotiodza mwoyo. Upenyu munyika ino hupfupi zvikuru zvokuti hatifaniri kuhutambisa tichiita zvinhu zvinotisiya tisina chatakabata. Saka kuti tisaita chikanganiso chakadaro, ngatimboona mimwe mienzaniso yatinoudzwa naSoromoni yezvinhu zvinowanzotsvakwa muupenyu. Tichatanga takurukura nezvokutsvaka mafaro uye zvinhu. Uye tozokurukura kukosha kunoita basa rinofadza Mwari.

Kutsvaka Mafaro Kuchaita Kuti Tifare Here?

5. Soromoni akatsvaka kugutsikana sei?

5 Sezvinongoita vakawanda vedu nhasi, Soromoni akaedza kuita kuti agutsikane nokutsvaka mafaro. Anoti: “Handina kudzivisa mwoyo wangu chero kufara kworudzi rupi zvako.” (Mup. 2:10) Ndokupi kwaakatsvaka mafaro? Maererano nechitsauko 2 chaMuparidzi, ‘aifadza nyama yake newaini’ panguva imwe chetewo achizvidzora uye achiita zvimwe zvinhu zvakadai sokugadzira bindu, kuvaka mizinda yamambo, kuteerera mimhanzi, uye kudya zvakanaka.

6. (a) Nei zvisina kuipa kuita zvimwe zvinhu zvakanaka muupenyu? (b) Panyaya yokutandara, tinofanira kuva nemafungiro api ari pakati nepakati?

6 Bhaibheri rinorambidza kuti tive nenguva yokushamwaridzana nevamwe here? Kwete. Somuenzaniso, Soromoni anoti kudya wakazorora zvako pashure pokunge washanda nesimba chipo chinobva kuna Mwari. (Verenga Muparidzi 2:24; 3:12, 13.) Uyezve, Jehovha pachake anoudza vechiduku kuti ‘vafare zvavo, uye mwoyo yavo ivaitire zvakanaka’ vachiziva zvavanoita. (Mup. 11:9) Tinoda kutandara uye kuvaraidzwa nezvinhu zvakanaka. (Enzanisa naMako 6:31.) Zvisinei, kutandara hakufaniri kuva chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu. Panzvimbo paizvozvo, kutandara kunofanira kuita sezvokudya zvokuseredzera kwete zvokudya zvinokosha zvacho. Unobvumirana nazvo kuti pasinei nokuti unofarira zvakadini zvokuseredzera zvinotapira, uchakurumidza kufinhwa nazvo kana usina zvimwe zvaunodya, uye hazvikuvaki muviri. Saizvozvowo, Soromoni akaona kuti upenyu hwokutsvaka mafaro chete kwaiva “kudzingana nemhepo.”—Mup. 2:10, 11.

7. Nei tichifanira kungwarira pakusarudza kutandara kwatinoita?

7 Uyezve, hakusi kutandara kwose kwakanaka. Kwakawanda kwacho kunokuvadza zvikuru pakunamata uye mutsika. Mamiriyoni mangani evanhu vakaisa upenyu hwavo mumatope nemhaka bedzi yokuti ‘vaida kuva nenguva yakanaka,’ kushandisa zvinodhaka, kunyanya kunwa doro kana kubhejera? Jehovha anotinyevera nomutsa kuti kana tikabvumira mwoyo yedu kana maziso edu zvichiita kuti tide kuita zvinhu zvinokuvadza, tinofanira kutarisira kutambura migumisiro yacho.—VaG. 6:7.

8. Nei kuri kuchenjera kuongorora mararamiro edu?

8 Uyezve, kusadzikama pakutsvaka mafaro kungatikanganisa pakuita zvinhu zvinokosha. Yeuka kuti upenyu imhute uye hapana chinotivimbisa kuti muupenyu hwedu hupfupi ticharamba tiine utano hwakanaka uye tisina matambudziko. Ndosaka sokutaura kwakaita Soromoni, tichibatsirwa kwazvo patinoenda kumariro zvikurukuru kana ari ehama kana ehanzvadzi yechiKristu yakatendeka pane kuenda “kuimba yemabiko.” (Verenga Muparidzi 7:2, 4.) Nei zvakadaro? Sezvatinoteerera hurukuro yemariro uye kufungisisa upenyu hwevashumiri vaJehovha vakatendeka vakafa, tingakurudzirwa kuongorora upenyu hwedu pachedu. Nokudaro, tingagumisa kuti tinofanira kugadzirisa zvinangwa zvedu kuitira kuti tishandise nguva inenge yasara youpenyu hwedu nokuchenjera.—Mup. 12:1.

Kuva Nezvinhu Kuchaita Kuti Tigutsikane Here?

9. Soromoni akaonei nezvokuva nepfuma?

9 Soromoni ndomumwe wevanhu vakanga vakapfuma zvikuru panyika panguva yaakanyora bhuku raMuparidzi. (2 Mak. 9:22) Aigona kuwana chero chipi zvacho chaaida. Akanyora kuti, “Handina kunyima maziso angu chero chinhu chipi zvacho chaakakumbira.” (Mup. 2:10) Kunyange zvakadaro, akaona kuti kuva nezvinhu kwoga hakuiti kuti munhu agutsikane. Akapedzisa achiti, “Munhu anoda sirivha haazogutswi nesirivha, uyewo munhu anoda pfuma haazogutswi nemari inowanikwa.”—Mup. 5:10.

10. Chii chinoita kuti munhu agutsikane zvechokwadi uye awane pfuma chaiyo?

10 Pasinei nokukosha kwezvinhu kusingagari, pfuma inogona kukwezva zvikuru. Muongororo yakaitwa muUnited States munguva pfupi yadarika, 75 muzana yevadzidzi vose vari mugore rokutanga payunivhesiti vakati chinangwa chavo chikuru muupenyu ndechokuva “nemari yakawanda.” Kunyange vakaiwana vanozofara zvechokwadi here? Kwete chaizvoizvo. Vatsvakurudzi vakacherechedza kuti kunyanya kusimbisa kuti munhu ave nezvinhu zvakawanda chokwadi ndiko kunoshayisa mufaro nokugutsikana. Kare, Soromoni akanga atombozvitaura. Akanyora kuti: “Ndakazviunganidzira sirivha nendarama, nepfuma yaingowanikwa nemadzimambo . . . Asi tarira! zvinhu zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo.” * (Mup. 2:8, 11) Kusiyana neizvi, kana tikashandisa upenyu hwedu kushumira Jehovha nomwoyo wose uye akatikomborera, tichawana pfuma chaiyo.—Verenga Zvirevo 10:22.

Ibasa Rorudzii Rinonyatsogutsa?

11. Magwaro anoratidzei nezvokukosha kwebasa?

11 Jesu akati: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.” (Joh. 5:17) Hapana mubvunzo kuti Jehovha naJesu vanogutsikana nokushanda kwavanoita. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akagutsikana nezvaakanga asika parinoti: “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.” (Gen. 1:31) Ngirozi ‘dzakatanga kushevedzera dzichirumbidza’ padzakaona zvose zvakanga zvaiitwa naMwari. (Job. 38:4-7) Saizvozvowo Soromoni aikoshesa basa rine chinangwa.—Mup. 3:13.

12, 13. (a) Vanhu vaviri vanoratidza sei kugutsikana kwavanoita nokushanda vakatendeka? (b) Nei dzimwe nguva basa rokunyika richiodza mwoyo?

12 Vanhu vakawanda vanoziva kuti kushanda nesimba kunokosha. Somuenzaniso, José, nyanzvi yokudhirowa mifananidzo, anoti, “Kana uchikwanisa kudhirowa pajira mufananidzo waunenge uchifunga, unonzwa sokuti unenge waita chimwe chinhu chikuru zvikuru.” Miguel, * mumwe muzvinabhizimisi, anoti: “Basa rinoita kuti ugutsikane nokuti rinoita kuti ukwanise kuriritira mhuri yako. Rinoita kuti unzwe kuti uri kuitawo chimwe chinhu.”

13 Ukuwo, mabasa akawanda ndeokungoita chinhu chimwe chete uye anopa mikana mishoma yokuita zvinhu zvakasiyana-siyana. Dzimwe nguva vanhu vanoodzwa mwoyo uye vanotobatwa zvisina kunaka kumabasa. Sezvinotaurwa naSoromoni, munhu ane unyope, zvichida pamusana pokuti anoshamwaridzana nevanhu vane zvinzvimbo, angawana mubayiro womunhu anoshanda nesimba. (Mup. 2:21) Pane zvimwe zvingaitawo kuti munhu aore mwoyo. Bhizimisi rinoita serinobudirira pakutanga ringaguma nokubhuroka pamusana pokuderera kwoupfumi hwenyika kana kuti pezviitiko zvisingafanoonekwi. (Verenga Muparidzi 9:11.) Kakawanda, munhu anoshanda nesimba kuti abudirire anoguma agumbuka uye aora mwoyo, achiziva kuti ‘aingoshandira mhepo zvakaoma.’—Mup. 5:16.

14. Nguva dzose ibasa ripi rinoita kuti munhu anyatsogutsikana?

14 Pane basa risingamboodzi mwoyo here? José, nyanzvi yokudhirowa yambotaurwa, anoti: “Sezvo makore anofamba, mifananidzo ingarasika kana kuti kuparara. Izvi zvakasiyana nebasa ratinoitira Mwari. Nokuteerera Jehovha pakuparidza mashoko akanaka, ndakabatsira vakawanda kuti vave vaKristu vakanaka vanotya Mwari. Izvi zvinokosha zvikuru.” (1 VaK. 3:9-11) Miguel anotiwo kuparidza mashoko oUmambo kunomugutsa kupfuura basa rake rokunyika.” Anoti, “Hapana chinhu chinogona kufadza kupfuura zvaunoita paunoudza mumwe munhu chokwadi chomuMagwaro woona kuti chasvika pamwoyo pomunhu wacho.”

“Kanda Zvokudya Zvako”

15. Chii chinoita kuti upenyu hunyatsova nechinangwa?

15 Pakupedzisira, chaizvoizvo chii chinoita kuti upenyu huve nechinangwa? Tinogutsikana zvechokwadi kana tikashandisa nguva yedu shoma munyika ino kuti tiite zvakanaka uye tifadze Jehovha. Tinova noukama hwepedyo naMwari, tinosiyira vana vedu nhaka yezvokunamata, tinogona kubatsira vamwe kuti vazive Jehovha, uye tinova noushamwari husingaperi nehama nehanzvadzi dzedu. (VaG. 6:10) Zvose izvi zvatinoita zvinokosha zvechigarire uye zvinoita kuti vaya vanozviita vakomborerwe. Soromoni akashandisa muenzaniso unonakidza paairondedzera kukosha kwokuita zvakanaka. Akati: “Kanda zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti kwapera mazuva mazhinji uchazviwanazve.” (Mup. 11:1) Jesu akakurudzira vadzidzi vake achiti: “Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.” (Ruka 6:38) Uyezve, Jehovha anopikira kupa mubayiro vaya vanoitira vamwe zvakanaka.—Zvir. 19:17; verenga VaHebheru 6:10.

16. Ndirini pazvakakodzera kuti tironge zvatichazoita noupenyu hwedu?

16 Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisarudze nokuchenjera tichiri vaduku kuti tichazoitei noupenyu hwedu. Nokuita izvi, tichakwanisa kuita kuti tisazoora mwoyo mumakore anotevera. (Mup. 12:1) Zvingasuruvarisa zvikuru kana tikatambisa makore oupenyu hwedu tichiine simba tichimhanyisana nezvinhu zvenyika ino zvinokwezva, tozongoona kuti zvakangofanana nokudzingirirana nemhepo!

17. Chii chichakubatsira kuti usarudze nzira youpenyu yakanaka kupfuura dzose?

17 Kufanana nababa vane rudo, Jehovha anoda kuti unakidzwe noupenyu, kuti uite zvakanaka, uye kuti udzivise kuora mwoyo. (Mup. 11:9, 10) Chii chichakubatsira kuita izvi? Iva nezvinangwa pakunamata wobva washanda nesimba kuti uzviite. Anoda kusvika makore 20 akapfuura, Javier aifanira kusarudza kuti oita basa rinobhadhara rokuva chiremba kana kuti kuva mushumiri wenguva yakazara. Anoti, “Kunyange zvazvo kuva chiremba kuchigutsa, hapana chinoenzana nomufaro wandakawana pandakabatsira vanhu vanoverengeka kuti vazive chokwadi. Basa renguva yakazara rakaita kuti ndinakidzwe noupenyu zvizere. Ndinongodemba kuti ndakanonoka kutanga.”

18. Nei upenyu hwaJesu ari pasi pano hwaiva nechinangwa?

18 Saka chinhu chipi chinokosha zvikuru chatinofanira kuedza kuti tive nacho? Bhuku raMuparidzi rinoti: “Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka, uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.” (Mup. 7:1) Upenyu hwaJesu hunonyatsoratidza izvi. Zvechokwadi akaita zita rakanaka kwazvo naJehovha. Jesu paakafa akatendeka, akareverera uchangamire hwaBaba vake uye akapa chibayiro chorudzikinuro chakazarura mukana wokuti isu tipone. (Mat. 20:28) Panguva shomanana yaakararama pasi pano, Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana, watinoedza kutevedzera wemararamiro chaiwo ane chinangwa.—1 VaK. 11:1; 1 Pet. 2:21.

19. Soromoni akapa zano ripi rouchenjeri?

19 Isu tinogonawo kuva nezita rakanaka naMwari. Kuva nomukurumbira wakanaka mukuona kwaJehovha kunokosha chaizvo kwatiri kupfuura kuva nepfuma. (Verenga Mateu 6:19-21.) Zuva nezuva, tinogona kuwana mikana yokuti tiite zvinhu zvakanaka mukuona kwaJehovha uye ichaita kuti upenyu hwedu huve nechinangwa. Somuenzaniso, tinogona kuudza vamwe mashoko akanaka, kusimbisa muchato wedu nemhuri yedu, uye kuvandudza ukama hwedu naMwari nokudzidza tiri toga uye nokupinda misangano. (Mup. 11:6; VaH. 13:16) Naizvozvo, unoda kuva noupenyu hune chinangwa zvechokwadi here? Kana uchihuda, ramba uchitevera zano raSoromoni rinoti: “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake. Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.”—Mup. 12:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Pagore Soromoni aiwana matarenda 666 egoridhe (airema makirogiramu anopfuura 22 000).—2 Mak. 9:13.

^ ndima 12 Zita rakachinjwa.

Ungapindura Sei?

• Chii chinofanira kuita kuti tifungisise zvinangwa zvedu muupenyu?

• Tinofanira kuona sei kutsvaka mafaro uye zvinhu?

• Ibasa ripi richaita kuti tigutsikane zvechigarire?

• Chinhu chipi chinokosha chatinofanira kuedza kuva nacho?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kutandara kunofanira kuva nenzvimbo yakadini muupenyu hwedu?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Chii chinoita kuti basa rokuparidza rigutse zvikuru?