Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuva Nemba Nokuva Mubereki Munguva Ino Yomugumo

Kuva Nemba Nokuva Mubereki Munguva Ino Yomugumo

Kuva Nemba Nokuva Mubereki Munguva Ino Yomugumo

“Nguva yasara ipfupi.”—1 VAK. 7:29.

1. (a) Zvii zvachinja mazuva ano zviri zvimwewo zvezvinhu ‘zvakaoma kubata nazvo’? (b) Nei tichinetseka nokuchinja kuri kuita tsika mumhuri?

SHOKO raMwari rakafanotaura kuti ‘nguva yokuguma’ yaizooneka nehondo, kudengenyeka kwenyika, nzara, uye matenda. (Dhan. 8:17, 19; Ruka 21:10, 11) Bhaibheri rakanyeverawo kuti nguva iyi inokosha munhoroondo yevanhu yaizova nguva yaizochinja magariro evanhu zvikuru. Matambudziko muupenyu hwemhuri aizovawo zvimwe zvezvinhu ‘zvakaoma kubata nazvo mumazuva ano okupedzisira’ anonetsa. (2 Tim. 3:1-4) Nei tichinetseka nokuchinja kwezvinhu uku? Nokuti kuri kuitika kwose kwose uye kune simba zvokuti kunogona kuvhiringidza vaKristu nhasi pamaonero avanoita kuroorana uye kuva mubereki. Munzirai?

2. Nyika inoona sei kuroorana nokudimbura muchato?

2 Mazuva ano, zvava nyore kudimbura muchato uye zvapararira, uye munyika dzakawanda vanodimbura muchato vari kuwedzera. Zvisinei, tinofanira kunyatsoziva kuti Jehovha Mwari ane maonero akasiyana zvachose neevanhu vari munyika panyaya yokuroorana uye yokudimbura muchato. Saka Jehovha anozviona sei?

3. Jehovha naJesu Kristu vanoona sei kuroorana?

3 Jehovha Mwari anotarisira vaya vakaroorana kuti varambe vakavimbika kumhiko yavo yomuchato. Paakabatanidza murume nomukadzi vokutanga, Jehovha akati “murume . . . achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.” Jesu Kristu akazodzokorora mashoko aya achibva awedzera kuti: “Naizvozvo, ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.” Jesu akatizve: “Munhu wose anoramba mudzimai wake, kunze kwokunge aita ufeve, akaroora mumwe, iye anoita upombwe.” (Gen. 2:24; Mat. 19:3-6, 9) Saka Jehovha naJesu vanoona muchato somubatanidzwa weupenyu hwose hunongoguma kana mumwe afa. (1 VaK. 7:39) Sezvo urongwa hwokuroorana huri hutsvene, nyaya yokudimbura muchato haifaniri kurerutswa. Kutaura zvazviri, Shoko raMwari rinotaura kuti Jehovha anovenga kudimbura muchato pasina chikonzero chomuMagwaro. *Verenga Maraki 2:13-16; 3:6.

Koshesa Imba

4. Nei vamwe vaKristu vechiduku vachidemba kuti vakamhanyirira kuroora kana kuti kuroorwa?

4 Nyika isingadi Mwari yatinorarama mairi iri kupenga mune zvepabonde. Zuva roga roga tinosangana nemifananidzo inokurudzira kuita zvepabonde. Hatigoni kusava nehanya nezvaingaita patiri kunyanya kune vechiduku vedu vari muungano. VaKristu vechiduku vanofanira kuitei nezvinhu izvi zvisina kunaka, zvinogona kuita kuti vanzwe vachida kuita zvepabonde kunyange vasingazvidi? Vamwe vakada kukunda chishuwo ichi nokuroora kana kuroorwa vachiri vaduku zvikuru. Pavanoita izvi, vanenge vachifunga kuti havazoiti unzenza. Zvisinei, pasina nguva vakawanda vakademba zvavakanga vasarudza. Nei? Pavanopedza kanguva varoorana, vanoona kuti zvinhu zvishoma zvavanopindirana muzvinhu zvoupenyu hwezuva nezuva. Zvinonzwisisika kuti vaviri vakadaro vanova nedambudziko rakakura.

5. Chii chichabatsira vakaroorana kuti varambe vakatendeka kumhiko dzavo dzomuchato? (Onawo mashoko omuzasi.)

5 Chokwadi zvingava zvakaoma kuroorana nomumwe munhu kunyange anenge ari muKristu waunozoona kuti akasiyana zvikuru nezvawaitarisira. (1 VaK. 7:28) Kunyange zvakadaro, pasinei nokuti mamiriro acho ezvinhu akaoma sei, vaKristu vechokwadi vanoziva kuti kurambana zvisiri zvepamagwaro kuti vagadzirise zvinetso zvine chokuita nemba isina mufaro hakusi nzira inogamuchirika. Saka vaya vanoramba vachishanda nesimba kuchengetedza imba yavo nokuti vanoda kuramba vakatendeka kumhiko dzavo dzomuchato, vanofanira kuremekedzwa uye kubatsirwa norudo neungano yechiKristu. *

6. VaKristu vechiduku vanofanira kuona sei nyaya yokuva nemba?

6 Uchiri muduku uye hausati waroora here kana kuroorwa? Kana zvakadaro, unofanira kuona sei nyaya yokuva nemba? Unogona kudzivisa kurwadziwa kana ukamirira kuti ukure mumuviri, mupfungwa, uye uve noruzivo mune zvokunamata runokubatsira mumba usati watanga kudanana nomumwe muKristu. Chokwadi, Magwaro haatauri kuti munhu anofanira kuroora kana kuroorwa pazera ripi. * Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti unofanira kumirira kusvikira wapfuura makore aya chido chokuita zvepabonde pachinenge chakanyanya kusimba. (1 VaK. 7:36) Nei? Nokuti chido chakasimba chokuita zvepabonde chinogona kukanganisa mafungiro ako wotadza kusarudza nouchenjeri izvo zvingazoita kuti urwadziwe. Yeuka kuti zano raJehovha rouchenjeri riri muBhaibheri rinotaura zvemba riripo kuti ubatsirwe uye ufare.—Verenga Isaya 48:17, 18.

Koshesa Nyaya Yokuva Mubereki

7. Vamwe vechiduku vakaroorana vanotarisana nei, uye nei izvi zvingavhiringidza imba?

7 Vamwe vanoroora kana kuroorwa vachiri vaduku vanozviwana vava kutarisira kuva nemwana ivo vachiri vaduku zvikuru. Vanenge vasina kuwana nguva chaiyo yokunyatsozivana vasati vabereka mwana, uyo anoda kutarisirwa kwemaawa 24 zuva nezuva. Ndezvemuzvarirwo kuti amai vanyanye kufarira mwana wavanenge vachangozvara uye izvi zvinobva zvaita kuti murume wavo achiri muduku anzwe godo. Uyezve, kutadza kunoita vabereki kurara vachitarisira kacheche kunogona kukonzera kushushikana mupfungwa kwovhiringidza ukama hwevabereki. Vabereki vechiduku ava vanobva vakurumidza kuona kuti vanenge vasisina rusununguko rwavaimbova narwo. Panguva ino vanenge vasingachakwanisi kushanyira dzimwe nzvimbo uye kuita zvinhu vakasununguka sezvavaimboita. Vanofanira kuona sei kuchinja kunenge kwaita zvinhu uku?

8. Kuva mubereki kunofanira kuonekwa sei, uye nei?

8 Sokukosheswa kunongofanira kuitwa imba, kuva mubereki kunofanirawo kuonekwa seropafadzo uye basa zvinobva kuna Mwari. Chero zvipi zvazvo izvo vaKristu vakaroorana vangada kugadzirisa zvinokonzerwa nokuva nomwana, vanofanira kuzviita nepavanogona napo nenzira inoratidza kukoshesa kuva mubereki. Sezvo Jehovha akapa vanhu simba rokuti vaite vana, vabereki vanofanira kuona mwana wavo mucheche se“nhaka inobva kuna Jehovha.” (Pis. 127:3) Amai nababa vechiKristu vachaedza kuita mabasa avo ‘sevabereki munaShe.’—VaEf. 6:1.

9. (a) Kurera mwana kunosanganisirei? (b) Murume angaitei kuti abatsire mudzimai wake kuti arambe akasimba mune zvokunamata?

9 Kurera mwana kunosanganisira makore akawanda okuzvipira. Zvinoda nguva yakawanda nesimba rakawanda. Murume wechiKristu anofanira kunzwisisa kuti kwemakore akawanda mwana aberekwa, mudzimai wake angangovhiringidzwa pamisangano uye kuti angangova nemikana mishoma yokuverenga nokufungisisa Bhaibheri ari oga. Izvi zvinogona kuita kuti atadze kusimba mune zvokunamata. Zvinoda kuti murume aite zvose zvaanogona kubatsirawo kutarisira mwana wacho achiratidza kukoshesa kuva vabereki. Anoedza kutsiva zviya zvisina kunzwiwa nomudzimai pamisangano nokuzokurukura naye zvimwe zvikamu zvepurogiramu yacho kumba. Angabatsirawo kutarisira mwana wacho kuitira kuti ape mudzimai wake mukana wokuparidza mashoko oUmambo zvine chinangwa.—Verenga VaFiripi 2:3, 4.

10, 11. (a) Vana vanorerwa sei “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha”? (b) Nei vabereki vechiKristu vakawanda vachifanira kurumbidzwa?

10 Kuratidza kuti munokoshesa kuva vabereki zvinosanganisira zvakawanda kupfuura kungopa mwana zvokudya, zvokupfeka, pokugara uye zvoutano. Kunyanya munguva ino yakaoma yomugumo, vechiduku vanofanira kudzidza kubvira vachiri vaduku kurarama vachitevera tsika dzakanaka. Vana vanofanira kurerwa “mukuranga nokutungamirira pfungwa kunoitwa naJehovha.” (VaEf. 6:4) Uku “kutungamirira pfungwa” kunosanganisira kudyara pfungwa dzaJehovha mupfungwa dzomwana kubva achiri rusvava kusvikira pamakore anokosha okuyaruka.—2 Tim. 3:14, 15.

11 Jesu paakaudza vateveri vake kuti vaifanira kuita “kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi,” airevawo kuti vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kuti vave vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Izvozvo zvakaoma pamusana pezvinokurudzirwa vechiduku nenyika ino. Naizvozvo, vabereki vanobudirira kurera vana vavo kuti vave vaKristu vakazvitsaurira zvechokwadi vanofanira kurumbidzwa zvikuru navose vari muungano. Va“kakunda” kunyengera kwenyika nokutenda kwavo uye nokutendeseka sevabereki vanokoshesa basa ravo.—1 Joh. 5:4.

Kusaita Imba Kana Mwana Nechinangwa Chakanaka

12. Nei vamwe vaKristu vachisarudza kuramba vasina kuroora kana kuti kuroorwa kwenguva yakati?

12 Sezvo ‘nguva yasara iri pfupi’ uye “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja,” Shoko raMwari rinotikurudzira kuona zvakanakira kusaroora kana kuroorwa. (1 VaK. 7:29-31) Saka vamwe vaKristu vanosarudza kuramba vasina kuroora kana kuroorwa kwoupenyu hwose kana kuti kwemakore akati vasati varoora. Zvinofadza kuti havashandisi rusununguko rwavo rwokusaroora kana kuroorwa vachitsvaka zvinhu zvoudyire. Vakawanda vanoramba vasina kuroora kana kuroorwa kuti vashumire Jehovha “pasina kudzongonyedzwa.” (Verenga 1 VaKorinde 7:32-35.) Vamwe vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanoshanda semapiyona kana kuti paBheteri. Vanoverengeka vanoita kuti sangano raJehovha riwedzere kuvashandisa nokusvitsa zvinodiwa kuti vapinde Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri. Kutaura zvazviri, vaya vakashumira munguva yakazara kwenguva yakati vasina kuroora ndokuzosarudza kuroora vanowanzoona kuti imba yavo inobatsirwa nezvinhu zvinokosha zvavakadzidza mumakore iwayo.

13. Nei vamwe vaKristu vakaroorana vachisarudza kuramba vasina vana?

13 Mune dzimwe nyika makachinja upenyu hwemhuri vakawanda vakaroorana vakasarudza kusaita vana. Vamwe vanoita izvi nokuda kwezvikonzero zvemari; vamwe vanozviita nokuti vanoda kuita basa rinobhadhara zvikuru. PavaKristu pane vamwewo vakaroorana vasingadi kuva nevana. Zvisinei, vanowanzoita izvi kuti vashumire Jehovha vakasununguka. Izvi hazvirevi kuti vakaroorana vakadaro havasi kurarama upenyu sezvinoita vamwe vakaroorana. Vari kurarama saizvozvo. Kunyange zvakadaro, vanorega zvimwe zvikomborero zvinowanikwa nokuroorana vachiisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga. (1 VaK. 7:3-5) Vamwe vakaroorana ivavo vanoshumira Jehovha nehama dzavo mubasa redunhu, reruwa kana kuti paBheteri. Vamwe vacho mapiyona kana kuti mamishinari. Jehovha haazokanganwi basa ravo norudo rwavakaratidza vachiitira zita rake.—VaH. 6:10.

“Dambudziko Munyama”

14, 15. Vabereki vechiKristu vangava ne‘dambudziko ripi munyama’?

14 Muapostora Pauro akaudza vaKristu vakaroorana kuti vaizova “nedambudziko munyama yavo.” (1 VaK. 7:28) Izvi zvinosanganisira kurwara kwavangaita, vana vavo, kana kuti vabereki vakwegura. Zvingasanganisirawo matambudziko nokuzvidya mwoyo kune chokuita nokurera vana vavo. Sezvambotaurwa kwokutanga kwenyaya ino, Bhaibheri rakafanotaura kuti “mazuva okupedzisira” aizounza “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Pazvinhu zvakaoma kubata nazvo paizova nevana “vasingateereri vabereki.”—2 Tim. 3:1-3.

15 Kurera vana idambudziko rakaomera vabereki vechiKristu. Hatidzivirirwi pane zvose zvakaipa zvinokonzerwa ne“nguva dzinonetsa” dzemazuva ano. Saka vabereki vechiKristu vanofanira kuramba vachirwisa kunyengerwa kungaitwa vana vavo ne“mamiriro ezvinhu enyika ino.” (VaEf. 2:2, 3) Uye hondo yacho haiwanzokundiki! Kana zvikaitika kuti mwanakomana kana kuti mwanasikana womumhuri yechiKristu arega kushumira Jehovha, zvechokwadi, rinova ‘dambudziko’ kuvabereki vanenge vakaedza kumurera muchodwadi chaMwari.—Zvir. 17:25.

“Pachava Nokutambudzika Kukuru”

16. Jesu akaprofita nezvo“kutambudzika” kupi?

16 Zvisinei, “kutambudzika” kupi nokupi kunoitika mumba uye kunokonzerwa nokurera vana, kuchakundwa nokumwe kutambudzika kukuru zvikuru. Muuprofita hwake hune chokuita nokuvapo kwake uye kuguma kwenyika, Jesu akati: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mat. 24:3, 21) Jesu akazozivisa kuti boka guru revanhu raizopona pa“kutambudzika kukuru” uku. Zvisinei, nyika yaSatani icharamba ichirwisa kokupedzisira Zvapupu zvaJehovha zvine rugare. Hapana mubvunzo kuti ichange iri nguva inenge yakatiomera tose, vakuru nevaduku.

17. (a) Nei tichitarisira remangwana nechivimbo? (b) Chii chinofanira kutibatsira kuti tione zvakanaka nyaya yokuroorana kana kuti yokuva mubereki?

17 Kunyange zvakadaro, hatifaniri kunyanya kutya remangwana. Vabereki vakatendeka kuna Jehovha vanogona kutarisira kudzivirirwa pamwe chete nevana vavo vaduku. (Verenga Isaya 26:20, 21; Zef. 2:2, 3; 1 VaK. 7:14) Zvisinei, iye zvino kuziva kuti tiri kurarama mumazuva anonetsa ngakutibatsire kuva nemaonero akanaka nyaya yokuroorana uye yokuva mubereki munguva ino yomugumo. (2 Pet. 3:10-13) Kana tikaita izvi, upenyu hwedu huchaita kuti Jehovha akudzwe uye arumbidzwe pamwe chete neungano yechiKristu, zvisinei nokuti takaroora here kana kuti kwete uye kuti tine vana here kana kuti hatina.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Ona bhuku rinonzi Rarama Uchifunga Nezvezuva raJehovha pasi pomusoro muduku unoti “Anovenga Kurambana,” papeji 125.

^ ndima 5 Vaya vanenge vachida kugadzirisa zvinetso zvemba vachasimbiswa nokudzokorora nyaya dzinotaura zvemba dziri muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2003, uye muAwake! yaJanuary 8, 2001.

^ ndima 6 Ona chitsauko 30 chinoti, “Ndagadzirira Roorano Here?” mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.

Kudzokorora

• Nei vaKristu vechiduku vasingafaniri kumhanyirira kuita zvemba?

• Kurera mwana kunosanganisirei?

• Nei vaKristu vakawanda vachiramba vasina kuroora kana kuti kusava nevana pavanenge vakaroorana?

• Vabereki vechiKristu vangasangana no“kutambudzika” kupi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Nei kuri kuchenjera kuti vaKristu vechiduku vambomira zvokuroora kana zvokuroorwa?

[Mufananidzo uri papeji 18]

Murume angaita zvakawanda kuti abatsire mudzimai wake kuti aite mabasa okunamata zvine chinangwa

[Mufananidzo uri papeji 19]

Nei vamwe vaKristu vakaroorana vachisarudza kusaita vana?