Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJohani

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJohani

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raJohani

JOHANI, “mudzidzi aidiwa naJesu” ndiye munhu wokupedzisira kunyora nhoroondo yakafuridzirwa youpenyu noushumiri hwaKristu. (Joh. 21:20) Zvayakanyorwa munenge muna 98 C.E., Evhangeri yaJohani inongodzokorora zvishomanana zviri mune dzimwe Evhangeri nhatu.

Muapostora Johani akanyora Evhangeri yake aine chinangwa chaicho. Nezvezvinhu zvaakanyora, anoti: “Izvi zvakanyorwa kuti imi mutende kuti Jesu ndiye Kristu Mwanakomana waMwari, uye kuti, nokuda kwokutenda, muve noupenyu nomuzita rake.” (Joh. 20:31) Zvechokwadi mashoko arimo anokosha zvikuru kwatiri.—VaH. 4:12.

“ONAI, GWAYANA RAMWARI”

(Joh. 1:1–11:54)

Aona Jesu, Johani Mubhabhatidzi akataura nechivimbo kuti: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” (Joh. 1:29) Sezvo Jesu anofamba muSamariya yose, Garireya, Judhiya uye nenyika iri kumabvazuva kweJodhani, achiparidza, achidzidzisa, uye achiita mabasa anoratidza simba, ‘vanhu vakawanda vanouya kwaari uye vanotenda maari.’—Joh. 10:41, 42.

Chimwe chezvishamiso zvikuru zvinoitwa naJesu kumutsa Razaro. Vakawanda vanotenda muna Jesu pavanoona achimutsa murume anga akafa kwemazuva mana. Zvisinei, vapristi vakuru nevaFarisi vanoronga kuuraya Jesu. Saka Jesu anobvapo oenda “kunyika yaiva pedyo nerenje, muguta rainzi Efremu.”—Joh. 11:53, 54.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:35, 40—Kunze kwaAndireya, mudzidzi upi akanga akamira naJohani Mubhabhatidzi? Murondedzeri anowanzotaura Johani Mubhabhatidzi achimuti “Johani” uye iye pachake haambozvitauri nezita muEvhangeri yake. Saka zviri pachena kuti mudzidzi uyu asingazvitauri nezita ndiJohani munyori weEvhangeri yacho.

2:20—Itemberi ipi “yakavakwa mumakore makumi mana nematanhatu”? VaJudha vaitaura nezvokuvakwazve kwetemberi yaZerubhabheri naMambo Herodhi weJudhiya. Maererano nomunyori wenhau dzakaitika kare anonzi Josephus, basa iroro rakatanga mugore rechi18 rokutonga kwaHerodhi kana kuti muna 18/17 B.C.E. Nzvimbo tsvene yetemberi nezvimwe zvivako zvikuru zvakavakwa mumakore masere. Zvisinei, basa rokuvaka temberi rakaramba richiitwa pashure pePaseka muna 30 C.E. vaJudha pavakati zvakavatorera makore 46 kuivaka.

5:14—Kurwara kunokonzerwa nechivi here? Kwete chaizvoizvo. Mumwe murume akarapwa naJesu akanga achirwara kwemakore 38 pamusana pokusakwana kwaakanga aberekwa nako. (Joh. 5:1-9) Zvakanga zvichirehwa naJesu ndezvokuti sezvo murume wacho akanga aratidzwa ngoni, iye zvino aifanira kutevera nzira inoponesa orega kutadza nemaune nokuti chimwe chinhu chinopfuura urwere chaigona kuzoitika kwaari. Murume wacho aigona kuzova nemhosva yokuita chivi chisingakanganwiri chakakodzera rufu rusina rumuko.—Mat. 12:31, 32; Ruka 12:10; VaH. 10:26, 27.

5:24, 25—Ndivanaani ‘vanopfuura vachibva murufu vachienda kuupenyu’? Jesu ari kutaura nezvevaya vakanga vakambofa mune zvokunamata asi pavakanzwa shoko rake vakatenda maari vachibva varega kufamba muchivi. ‘Vanopfuura vachibva murufu vachienda kuupenyu’ pakuti havawani shurikidzo yorufu uye vanopiwa tariro youpenyu husingaperi nokuti vanotenda muna Mwari.—1 Pet. 4:3-6.

5:26; 6:53—Zvinorevei ‘kuva noupenyu maari’? Kuna Jesu Kristu, izvi zvinoreva kuti Mwari akaita kuti akwanise kuita zvinhu zviviri zvinokosha—kukwanisa kuita kuti vanhu vave noukama hwakanaka naJehovha uye simba rokumutsa vakafa. Kuvateveri vaJesu, ‘kuva noupenyu mavari’ kunoreva kuva noupenyu hwakakwana. VaKristu vakazodzwa vanohuwana pavanomutsirwa kuupenyu hwokudenga. Vanhu vakatendeka vane tariro yokurarama pasi pano vachava noupenyu hwakakwana pashure chaipo poKutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.—1 VaK. 15:52, 53; Zvak. 20:5, 7-10.

6:64—Jesu aiziva here kubvira panguva yaakasarudza Judhasi Iskariyoti kuti Judhasi aizomutengesa? Zviri pachena kuti akanga asingazivi. Zvisinei, pane imwe nguva mugore ra32 C.E., Jesu akaudza vaapostora vake kuti: “Mumwe wenyu mucheri.” Zvichida, panguva iyi Jesu akaona kuti Judhasi Iskariyoti akanga ‘atanga’ kutevera nzira isiri iyo.—Joh. 6:66-71.

Zvatinodzidza:

2:4. Jesu akanga achiudza Mariya kuti zvaakanga ari Mwanakomana waMwari akabhabhatidzwa akazodzwa, aifanira kutungamirirwa naBaba vake vokudenga. Kunyange zvazvo Jesu akanga achangotanga ushumiri hwake, akanga achinyatsoziva awa, kana kuti nguva yokuti aite basa rake raakanga apiwa, kusanganisira rufu rwake rwechibayiro. Hapana kunyange munhu womumhuri akadai saMariya aigona kubvumirwa kumukanganisa kuita kuda kwaBaba vake. Tinofanira kushumira Jehovha Mwari takatsungawo saizvozvo.

3:1-9. Zvakaitwa naNikodhimo, mutongi wevaJudha, zvinotidzidzisa zvinhu zviviri. Chokutanga, Nikodhimo akaratidza kuzvininipisa, kunzwisisa, uye kuziva kuti aidawo zvinhu zvine chokuita nokunamata, achibvuma mwanakomana womuvezi murombo kuti aiva mudzidzisi akatumwa naMwari. Nhasi vaKristu vechokwadi vanofanira kuzvininipisa. Chechipiri, Nikodhimo haana kuda kuva mudzidzi Jesu paakanga achiri pasi pano. Zvichida izvi zvakakonzerwa nokutya vanhu, kutyira chinzvimbo chake muSanihedrini, kana kuda pfuma yake. Kubva mune izvi tinogona kuwana chidzidzo chinonyevera: Hatifaniri kurega zvinhu zvatinoda zvichititadzisa ‘kutora danda redu toramba tichitevera Jesu.’—Ruka 9:23.

4:23, 24. Kuti kunamata kwedu kugamuchirwe naMwari, kunofanira kuenderana nechokwadi chinoratidzwa mumapeji eBhaibheri uye kunofanira kutungamirirwa nomudzimu mutsvene.

6:27. Kushandira “zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi” zvinoreva kushanda nesimba kuti tigutse zvatinoda mune zvokunamata. Kana tikaita izvi tinofara.—Mat. 5:3.

6:44. Jehovha ane hanya nesu. Anoita kuti tive pedyo noMwanakomana wake somunhu mumwe nomumwe achiita izvi nebasa rokuparidza uye kutibatsira kunzwisisa uye kushandisa chokwadi chiri muBhaibheri kuburikidza nomudzimu wake mutsvene.

11:33-36. Kuratidza manzwiro edu hachisi chiratidzo chokushaya simba.

‘RAMBA UCHIMUTEVERA’

(Joh. 11:55–21:25)

Paseka yomuna 33 C.E. zvainoswedera pedyo, Jesu anodzokera kuBhetani. Musi waNisani 9, anopinda muJerusarema akatasva mwana wembongoro. Musi waNisani 10, Jesu anopindazve mutemberi. Achipindurwa munyengetero wake wokuti zita raBaba vake rikudzwe, inzwi rinobva kudenga richiti: “Ndakarikudza uye ndicharikudzazve.”—Joh. 12:28.

Zvavari kudya Paseka, Jesu anopa vateveri zano rokuonekana navo uye anovanyengeterera. Asungwa, atongwa, uye arovererwa padanda, Jesu anomutswa.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

14:2Jesu ‘aizogadzirira sei vateveri vake vakatendeka nzvimbo’ kudenga? Izvi zvaizosanganisira kutanga sungano itsva nokuenda pamberi paMwari achimupa ukoshi hweropa rake. Kugadzirira kwacho kwaizosanganisirawo kugamuchira kwaKristu simba roumambo, zvichiteverwa nokutanga kumutsirwa kudenga kwevateveri vake vakazodzwa.—1 VaT. 4:14-17; VaH. 9:12, 24-28; 1 Pet. 1:19; Zvak. 11:15.

14:16, 17; 16:7, 8, 13, 14—Pakutaura nezvomubatsiri, kana kuti mudzimu wechokwadi, nei chisazitasingwi chokuti “iwo” chakashandiswa pana Johani 14:16, 17, asi pana Johani 16:7, 8, 13, 14 pakashandiswa chokuti “ndichamu-” uye chokuti “iyeye”? Chikonzero chacho ndechegirama chete. Mumutauro wechiGiriki, wakashandiswa pakunyora Evhangeri yaJohani, shoko rokuti “mubatsiri” rakashandiswa zvichiita sokuti munhurume, asi shoko rokuti “mudzimu” hariratidzi kuti munhurume here kana kuti munhukadzi. Saka paakanyora mashoko aJesu, Johani akashandisa chisazitasingwi chinoratidza munhu chakadai seichi “ndichamu-” uye chokuti “iyeye” paaireva zvaizoitwa nomubatsiri. Chisazitasingwi chisingaratidzi kuti munhu here chokuti “iwo” chakashandiswa paitaurwa zvaizoitwa nomudzimu wechokwadi.

19:11Jesu aireva Judhasi Iskariyoti here paakataura kuna Pirato nezvomunhu akamugamuchidza kwaari? Pane kutaura zvakananga zita raJudhasi kana romumwe munhu upi zvake, zvinoita sokuti Jesu aifunga nezvevose vakanga vabatanidzwa pakuita chivi chokumuuraya. Vaisanganisira Judhasi, “vapristi vakuru neSanihedrini yose,” uye kunyange “mapoka evanhu” akabvuma kunyengetedzwa kukumbira kuti Bharabhasi asunungurwe.—Mat. 26:59-65; 27:1, 2, 20-22.

20:17Nei Jesu akaudza Mariya Magadharini kuti arege kumunamatira? Zviri pachena kuti Mariya akanamatira kuna Jesu nokuti aifunga kuti akanga oda kuenda kudenga uye kuti aisazomuonazve. Kuti amuvimbise kuti akanga asati ava kuenda, Jesu akamuudza kuti arege kumunamatira asi kuti aende onoudza vadzidzi vake kuti akanga amutswa.

Zvatinodzidza:

12:36. Kuti tive “vanakomana vechiedza,” kana kuti vatakuri vechiedza, tinofanira kuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri. Tinofanirawo kushandisa zivo kuti tibudise vamwe murima rokunamata tovapinza muchiedza chaMwari.

14:6. Hapana nzira yatinogona kuita kuti Mwari atide kunze kwokuenda nokuna Jesu Kristu. Nokutenda bedzi muna Jesu uye kutevera muenzaniso wake tinogona kuswedera pedyo naJehovha.—1 Pet. 2:21.

14:15, 21, 23, 24; 15:10. Kuteerera tichiita zvinoda Mwari kunotibatsira kuti tirambe tichidiwa naMwari noMwanakomana wake.—1 Joh. 5:3.

14:26; 16:13. Mudzimu mutsvene waJehovha unoshanda somudzidzisi uye muyeuchidzi. Unobudisawo chokwadi pachena. Saka unogona kutibatsira kuwedzera zivo, uchenjeri, kunzwisisa, kugona kusarudza, uye mano okufunga. Naizvozvo tinofanira kuramba tichinyengetera, tichikumbira zvakananga mudzimu iwoyo.—Ruka 11:5-13.

21:15, 19. Petro akabvunzwa kana aida Jesu zvikuru kupfuura “idzi,” kureva hove dzaiva pamberi pavo. Saka Jesu akanyatsoratidza Petro kuti aifanira kusarudza kumutevera munguva yakazara pane kuita basa rokuredza. Pashure pokufungisisa nhoroondo idzi dzeEvhangeri, chishuvo chedu chokuda Jesu zvikuru kupfuura chero zvimwe zvinhu zvipi zvazvo zvingatikwezva ngachisimbiswe. Chokwadi, ngatipfuurirei kumutevera nomwoyo wose.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Tingadzidzei pane zvakaitwa naNikodhimo?