Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba ‘Zvinhu Zvisingakoshi Uye Zvisina Zvazvinobatsira’

Ramba ‘Zvinhu Zvisingakoshi Uye Zvisina Zvazvinobatsira’

Ramba ‘Zvinhu Zvisingakoshi Uye Zvisina Zvazvinobatsira’

“Anotevera zvinhu zvisingakoshi ane mwoyo usina njere.”—ZVIR. 12:11.

1. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinokosha zvatinazvo, uye tingazvishandisa sei zvakanakisisa?

ZVATIRI vaKristu, tose tine zvimwe zvinhu zvinokosha zvatinazvo. Zvingasanganisira utano huri nani nesimba, mano atakaberekwa nawo okukwanisa kuita zvimwe zvinhu, kana kuti pfuma. Nokuti tinoda Jehovha, tinofara kushandisa zvinhu izvi mubasa rake uye izvi zvinoita kuti titeerere mashoko akafuridzirwa anoti: “Kudza Jehovha nezvinhu zvako zvinokosha.”—Zvir. 3:9.

2. Bhaibheri rinoti chii nezvezvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira, uye yambiro iyi inoshanda sei muupenyu chaihwo?

2 Ukuwo, Bhaibheri rinotaurawo nezvezvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira uye rinotiyambira kuti tisapambadze pfuma yedu tichizvitsvaka. Panyaya iyi, funga mashoko ari pana Zvirevo 12:11 anoti: “Munhu anorima munda wake achaguta zvokudya, asi uya anotevera zvinhu zvisingakoshi ane mwoyo usina njere.” Hazvina kuoma kuona kuti mashoko ari pana Zvirevo anoshanda sei muupenyu chaihwo. Kana munhu akapedza nguva yake nesimba achishanda zvakaoma kuti ariritire mhuri yake, angangonzwa akachengeteka mune zvemari iye nemhuri yake. (1 Tim. 5:8) Zvisinei, kana akapambadza pfuma yake achitsvaka zvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira, anoratidza kuti ane “mwoyo usina njere,” uye kuti haana mano. Zvingangozoitika ndezvokuti munhu akadaro anozoguma ava murombo.

3. Yambiro yeBhaibheri yezvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira inoshanda sei pakunamata kwedu?

3 Zvisinei, zvakadini kana tikashandisa zvinotaurwa nechirevo ichi pakunamata kwedu? Tikadaro tinobva taona kuti muKristu anoshumira Jehovha nomwoyo wose uye akatendeka achanyatsochengeteka. Anova nechivimbo chokuti Mwari ari kumukomborera iye zvino uye anova netariro yechokwadi yeramangwana. (Mat. 6:33; 1 Tim. 4:10) Zvisinei, muKristu anotsauswa nezvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira anoisa pangozi ukama hwake naJehovha uye tariro yake youpenyu husingaperi. Tingazvinzvenga sei? Tinofanira kuziva zvinhu ‘zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira’ muupenyu hwedu totsunga kuzviramba.—Verenga Tito 2:11, 12.

4. Kazhinji kacho, zvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira zvinosanganisirei?

4 Saka zvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira zvinosanganisirei? Kazhinji kacho, zvinogona kunge zviri chero zvinhu zvipi zvazvo zvinotitsausa pakushumira Jehovha nomweya wose. Somuenzaniso, zvingasanganisira nzira dzakasiyana-siyana dzokuzvivaraidza nadzo. Chokwadi, kuzvivaraidza kunobatsira. Asi kana tikapedza nguva yakawandisa tichiita zvinhu “zvemafaro” tichiregeredza zvinhu zvine chokuita nokunamata, kuzvivaraidza kunova chinhu chisingakoshi uye chisina zvachinobatsira, chinokanganisa ukama hwedu naMwari. (Mup. 2:24; 4:6) Kuti asaita izvi, muKristu anova pakati nepakati, achinyatsoongorora kushandisa kwaanoita nguva yake inokosha. (Verenga VaKorose 4:5.) Zvisinei, pane zvinhu zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira zvine ngozi zvikuru kupfuura kuzvivaraidza. Zvimwe zvacho ndivanamwari venhema.

Ramba Vanamwari Vasina Zvavanobatsira

5. Bhaibheri rinowanzoshandisa sei mashoko okuti “vasina zvavanobatsira”?

5 Zvinofadza kuti mundima dzakawanda dzeBhaibheri munowanika mashoko okuti “vasina zvavanobatsira,” anenge achireva vanamwari venhema. Somuenzaniso, Jehovha akati kuna Israeri: “Musazvigadzirira vanamwari vasina zvavanobatsira, musazvimisira mufananidzo wakavezwa kana kuti shongwe tsvene, musamisa dombo rine mifananidzo munyika yenyu kuti murikotamire.” (Revh. 26:1) Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, anofanira kutyiwa kupfuura vamwe vanamwari vose. Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira. Asi Jehovha, ndiye akasika matenga.”—1 Mak. 16:25, 26.

6. Nei vanamwari venhema vasina zvavanobatsira?

6 Sezvakataurwa naDhavhidhi, tinoona uchapupu hunoratidza kuti Jehovha mukuru. (Pis. 139:14; 148:1-10) Chokwadi yaiva ropafadzo kuti vaIsraeri vave musungano yaJehovha! Hwaiva ufuza chaihwo kuti vabve kwaari vachikotamira zvidhori zvakavezwa uye matanda matsvene! Munguva dzenhamo, vanamwari vavo venhema vakaratidza kuti vakanga vasingabatsiri zvachose, vasina simba rokuzviponesa kana rokuponesa vanamati vavo.—Vat. 10:14, 15; Isa. 46:5-7.

7, 8. “Pfuma” ingava sei mwari?

7 Munyika dzakawanda, vanhu vachiri kunamata zvidhori zvakagadzirwa nevanhu, uye vanamwari vakadaro havabatsiri nhasi uno sezvavaingoitawo kare. (1 Joh. 5:21) Zvisinei, Bhaibheri rinorondedzera zvimwe zvinhu zvisiri zvidhori richiti ndivanamwari. Somuenzaniso, chimbofunga mashoko aJesu aya anoti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.”—Mat. 6:24.

8 “Pfuma” ingava sei mwari? Somuenzaniso, chimbofunga nezvedombo raiva musango muIsraeri yekare. Dombo rakadaro raigona kushandiswa kuvaka imba kana rusvingo. Ukuwo, kana raizomiswa kuva “shongwe tsvene” kana kuti se“dombo rine mifananidzo,” raizokanganisa vanhu vaJehovha. (Revh. 26:1) Saizvozvowo, mari inodiwa. Tinoida kuti tirarame, uye tinogona kuishandisa mubasa raJehovha. (Mup. 7:12; Ruka 16:9) Asi kana tikaisa kutsvaka mari pakutanga kupfuura mabasa edu echiKristu, kutaura zvazviri, mari inobva yava mwari wedu. (Verenga 1 Timoti 6:9, 10.) Munyika ino ine vanhu vanonyanya kukoshesa kutsvaka pfuma, tinofanira kuva nechokwadi chokuti tiri pakati nepakati panyaya iyi.—1 Tim. 6:17-19.

9, 10. (a) MuKristu anoona sei dzidzo? (b) Dzidzo yepamusoro yakaipira papi?

9 Mumwe muenzaniso wechinhu chinobatsira asi chinogona kuva chinhu chisingakoshi idzidzo yokunyika. Tinoda kuti vana vedu vanyatsodzidza kuitira kuti vazozviriritira muupenyu. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti muKristu akanyatsodzidza anokwanisa kuverenga Bhaibheri achinzwisisa, anogona kuona pane zvinetso ozvigadzirisa zvakanaka, anogona kudzidzisa chokwadi chomuBhaibheri zvakajeka nenzira yokunyengetedza. Zvinotora nguva kuti munhu awane dzidzo yakanaka, asi inguva inenge yashandiswa zviripo.

10 Zvisinei, zvakadini nedzidzo yepamusoro inowanikwa kumakoreji kana kuti kumayunivhesiti? Vakawanda vanoona seinokosha pakuita kuti munhu abudirire. Asi vakawanda vanotsvaka dzidzo iyoyo vanoguma vava nepfungwa dzakazara ruzivo runokuvadza. Dzidzo yakadaro inopambadza nguva inokosha youduku inogona kushandiswa zvakanaka kuita basa raJehovha. (Mup. 12:1) Zvichida hazvishamisi kuti munyika dzine vanhu vakawanda vakawana dzidzo yakadaro, vanhu vanotenda muna Mwari vava vashoma. Pane kuti aone dzidzo yepamusoro yenyika ino sokunge kuti ndiyo ichaita kuti achengeteke, muKristu anovimba naJehovha.—Zvir. 3:5.

Usarega Zvishuwo Zvenyama Zvichiva Mwari

11, 12. Nei Pauro akati nezvevamwe: “Mwari wavo idumbu ravo”?

11 MUtsamba yaakanyorera vaKorinde, muapostora Pauro anotaurazve chimwe chinhu chinogona kuva mwari. Anotaura nezvevamwe vaaimbonamata navo uye anoti: “Kune vazhinji vari kufamba sevavengi vedanda rokutambudzikira raKristu, vandaitaura nezvavo kazhinji, asi zvino ndiri kutaurawo nezvavo ndichisvimha misodzi, kupera kwavo kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, . . . uye pfungwa dzavo dziri pazvinhu zviri panyika.” (VaF. 3:18, 19) Dumbu romunhu ringava sei mwari wake?

12 Zvinoita sokuti vaya vaizivana naPauro, kwavari zvishuvo zvenyama zvakava zvinhu zvinokosha chaizvo kudarika kuti vashumire Jehovha vachiita izvi naPauro. Vamwe vangave vakanga vava kudyisa nokunwisa kusvika pakuva nemakaro kana kuva zvidhakwa. (Zvir. 23:20, 21; enzanisa naDheuteronomio 21:18-21.) Vamwe vangave vakasarudza kunyatsoshandisa mikana yaivapo munyika yomuzana remakore rokutanga uye izvi zvakaita kuti vatsauswe pakushumira Jehovha. Ngatisambofa takabvumira chishuvo chokuda upenyu huya hunonzi hwomutambarakede chichiita kuti tidzikire pakushumira Jehovha nomweya wose.—VaK. 3:23, 24.

13. (a) Zvinorevei kuti kuchochora, uye Pauro akakurondedzera sei? (b) Tingaita sei kuti tirege kuchochora?

13 Pauro akataurawo nezvemamwe manamatiro enhema. Akanyora kuti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.” (VaK. 3:5) Kuchochora chishuvo chakasimba chokuda chimwe chinhu chatinenge tisina. Chinogona kunge chiri chishuvo chokuda zvinhu. Chingatosanganisira kuda kuita zvepabonde zvisiri pamutemo. (Eks. 20:17) Izvi hazvingadi kuti tifungisise here sezvo zvishuvo zvakadai zvichinzi zvakafanana nokunamata zvidhori uye nokunamata vanamwari venhema? Jesu akatsanangura achiratidza zvakajeka kuti zvinokosha sei kuti tiedze nepatinogona napo kuti tisave nezvishuvo izvozvo zvakaipa.—Verenga Mako 9:47; 1 Joh. 2:16.

Ngwarira Mashoko Asingabatsiri

14, 15. (a) ‘Chinhu chipi chisingabatsiri’ chakavhiringidza vakawanda muzuva raJeremiya? (b) Nei mashoko aMosesi aibatsira?

14 Zvinhu zvisingabatsiri zvinosanganisirawo mashoko. Somuenzaniso, Jehovha akati kuna Jeremiya: “Vaprofita vacho vari kuprofita nhema nezita rangu. Handina kuvatuma, uyewo handina kuvarayira kana kutaura navo. Vari kutaura vachiprofita kwamuri zvinhu zvakaratidzwa zvenhema nokushopera uye chinhu chisina zvachinobatsira nokunyengera kwemwoyo yavo.” (Jer. 14:14) Vaprofita venhema ivavo vaiti vaitaura muzita raJehovha, asi vaisimudzira pfungwa dzavo, uchenjeri hwavo pachavo. Saka, mashoko avo akanga ‘asingabatsiri.’ Akanga asingakoshi uye aikanganisa vanhu zvikuru pakunamata. Muna 607 B.C.E., vakawanda vakateerera mashoko iwayo akanga asingabatsiri vakakurumidza kufa vachiita zvokuurayiwa nemasoja eBhabhironi.

15 Kusiyana neizvi, Mosesi akaudza vaIsraeri kuti: “Isai mashoko ose andiri kutaura nhasi ndichikunyeverai mumwoyo menyu . . . Nokuti harisi shoko risina zvarinobatsira kwamuri, asi rinoreva upenyu hwenyu, uye neshoko iri mungaita kuti mazuva enyu ave mazhinji panyika yamuri kuyambukira Jodhani kuti muitore ive yenyu.” (Dheut. 32:46, 47) Chokwadi, mashoko aMosesi akanga akafuridzirwa naMwari. Saka aibatsira, chokwadi aikosha, kuti zvinhu zvifambire zvakanaka rudzi rwacho. Vaya vakateerera mashoko aya vakararama kwemakore akawanda uye vaine rugare. Nguva dzose ngatirambei mashoko asingabatsiri tobatisisa mashoko echokwadi.

16. Tinoona sei zvinotaurwa nemasayendisiti zvinopesana neShoko raMwari?

16 Nhasi tinonzwa mashoko asingabatsiri achitaurwa here? Hungu. Somuenzaniso, mamwe masayendisiti anoti dzidziso yokuti munhu akashanduka achibva kumhuka uye zvimwe zvavakawana zvinoratidza kuti vanhu havafaniri havo kudavira muna Mwari, kuti zvinhu zvose zvinogona kutsanangurwa maererano nokuitika kwazvo zvoga. Tinofanira kunetseka nemashoko iwayo anoratidza kudada here? Kwete! Uchenjeri hwevanhu hwakasiyana nouchenjeri hwaMwari. (1 VaK. 2:6, 7) Zvisinei, tinoziva kuti panopesana dzidziso dzevanhu nezvinenge zvakataurwa naMwari, nguva dzose dzidziso dzevanhu ndidzo dzinenge dzisina kururama. (Verenga VaRoma 3:4.) Pasinei nokufambira mberi mune zvesayenzi, zvinotaurwa neBhaibheri nezvouchenjeri hwevanhu zvinongoramba zviri zvechokwadi: “Uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari.” Kana huchienzaniswa nouchenjeri hwaMwari husingaperi, kufunga kwevanhu hakubatsiri.—1 VaK. 3:18-20.

17. Tinofanira kuona sei mashoko evatungamiriri vechiKristudhomu uye evakaramba kutenda?

17 Mumwe muenzaniso wemashoko asina zvaanobatsira unowanika pavatungamiriri vezvitendero zvechiKristudhomu. Vanoti vanotaura mu- zita raMwari, asi zvakawanda zvavanotaura hazvibvi muMagwaro, uye zvavanotaura hazvibatsiri zvachose. Vakaramba kutenda vanotaurawo mashoko asingabatsiri, vachiti vane uchenjeri chaizvo kupfuura “muranda akatendeka, akangwara” akagadzwa. (Mat. 24:45-47) Zvisinei, vakaramba kutenda vanotaura uchenjeri hwavo pachavo uye zvavanotaura hazvibatsiri, zvinokanganisa chero ani zvake anovateerera. (Ruka 17:1, 2) Tingaita sei kuti tisatsauswe navo?

Tingaramba Sei Mashoko Asingabatsiri?

18. Tingashandisa zano riri pana 1 Johani 4:1 munzira dzipi?

18 Muapostora Johani akanga akwegura akapa zano rakanaka kwazvo panyaya iyi. (Verenga 1 Johani 4:1.) Maererano nezano raJohani, nguva dzose tinokurudzira vanhu vatinoona mubasa rokuparidza kuti vaongorore zvavanenge vakadzidziswa vachizvienzanisa nezviri muBhaibheri. Nesuwo tinogona kuita saizvozvo. Kana tikanzwa mashoko anotsoropodza chokwadi kana kuti anoshora ungano, vakuru, kana kuti mumwe wehama dzedu, hatifaniri kungoabvuma tisina kuongorora. Pane kudaro, tinofanira kuzvibvunza kuti: “Munhu ari kuparadzira nyaya iyi ari kuita zvinoenderana nezvinotaura Bhaibheri here? Nyaya idzi kana kuti mashoko okupomera aya ari kusimudzira chinangwa chaJehovha here? Anosimudzira rugare muungano here?” Chero mashoko api atinonzwa anokanganisa ukama hwedu nehama dzedu asingavaki haabatsiri.—2 VaK. 13:10, 11.

19. Vakuru vanova sei nechokwadi chokuti mashoko avo haasi aya asina zvaanobatsira?

19 Nezvemashoko asina zvaanobatsira, vakuru vanodzidzawo chidzidzo chinokosha. Pose pavanofanira kupa zano, vanoyeuka kuti vane pavanogumira uye havapi zano vachingoomerera paruzivo rwavo. Nguva dzose vanoshandisa Bhaibheri. Murayiro wakanaka unofanira kushandiswa nevakuru unowanika mumashoko omuapostora Pauro anoti: “Musapfuura zvinhu zvakanyorwa.” (1 VaK. 4:6) Vakuru havafaniri kupfuura zvinhu zvakanyorwa muBhaibheri. Panotonyanya kushanda mashoko aya ndepaya vakuru pavanopa zano romuBhaibheri asi vasingafaniri kupfuura zvakanyorwa mumabhuku omuranda akatendeka neakangwara.

20. Tinobatsirwa kuramba zvinhu zvisina zvazvinobatsira munzira dzipi?

20 Zvinhu zvisina zvazvinobatsira zvingava “vanamwari,” mashoko, kana kuti chimwewo chinhu, zvinhu zvinokuvadza zvikuru. Nokuda kwechikonzero ichocho, nguva dzose tinonyengetera kuti Jehovha atibatsire kuziva zvinhu izvozvo, uye tinotsvaka kutungamirirwa naye kuti tizvirambe. Patinoita izvozvo, zvechokwadi tinobvumirana nomunyori wepisarema uyo akati: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira; ndichengetedzei ndiri mupenyu panzira yenyu.” (Pis. 119:37) Munyaya inotevera, tichakurukurazve kuti zvinokosha kubvuma kutungamirirwa naJehovha.

Ungatsanangura Here?

• Kazhinji kacho, ‘zvinhu zvipi zvisingakoshi uye zvisina zvazvinobatsira’ zvatinofanira kuramba?

• Tingaita sei kuti mari isava mwari wedu?

• Zvido zvenyama zvingava chidhori munzira ipi?

• Tingaramba sei mashoko asina zvaanobatsira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 3]

VaIsraeri vakakurudzirwa ‘kurima munda wavo,’ kwete kutsvaka zvinhu zvisina zvazvinobatsira

[Mufananidzo uri papeji 5]

Usambofa wakabvumira kuda zvinhu kuchiita kuti kushumira kwaunoita Jehovha kudzikire

[Mufananidzo uri papeji 6]

Mashoko evakuru anokosha zvikuru