Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka Kutungamirirwa naMwari Muzvinhu Zvose

Tsvaka Kutungamirirwa naMwari Muzvinhu Zvose

Tsvaka Kutungamirirwa naMwari Muzvinhu Zvose

“Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi. Iye achatitungamirira kusvikira tafa.”—PIS. 48:14.

1, 2. Nei tichifanira kutevera utungamiriri hwaJehovha pane kuvimba nouchenjeri hwedu, uye mibvunzo ipi inovapo?

PATINOFUNGA nezvezvinhu zvisina zvazvinobatsira kana kuti zvinokuvadza, zviri nyore kuti tizvinyengedze. (Zvir. 12:11) Kana tichinyanya kuda kuita chimwe chinhu chisina kukodzera muKristu, mwoyo wedu unowanzova nezvikonzero zvinotinyengetedza kuti tizviite. (Jer. 17:5, 9) Nokudaro, munyori wepisarema akaratidza uchenjeri paakanyengetera kuna Jehovha kuti: “Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu. Izvi ngazvinditungamirire.” (Pis. 43:3) Aivimba naJehovha, kwete nouchenjeri hwake hwaiva nepahwaigumira, uye aiziva kuti Jehovha ndiye aigona kunyatsomutungamirira. Kufanana nomunyori wepisarema, zvakanaka kuti tide kutungamirirwa naMwari.

2 Zvisinei, nei tichifanira kuvimba noutungamiriri hwaJehovha kupfuura zvimwe zvinhu zvose? Tinofanira kutsvaka kutungamirirwa naye rini? Mafungiro api atinofanira kuva nawo kuitira kuti tibatsirwe noutungamiriri hwake, uye Jehovha ari kutitungamirira sei nhasi? Mibvunzo iyi inokosha ichakurukurwa munyaya ino.

Nei Tichifanira Kuvimba Noutungamiriri hwaJehovha?

3-5. Tine zvikonzero zvipi zvokuti tinyatsovimba noutungamiriri hwaJehovha?

3 Jehovha ndiye Baba vedu vokudenga. (1 VaK. 8:6) Anonyatsoziva mumwe nomumwe wedu uye anoziva zviri mumwoyo yedu. (1 Sam. 16:7; Zvir. 21:2) Mambo Dhavhidhi akati kuna Mwari: “Munoziva kugara kwangu pasi nokusimuka kwangu. Makanzwisisa kufunga kwangu muri kure. Nokuti shoko risati ravapo parurimi rwangu, tarirai! Haiwa Jehovha, imi munotoriziva rose.” (Pis. 139:2, 4) Sezvo Jehovha achinyatsotiziva, tinofanira kuva nechokwadi chokuti anonyatsoziva zvakatinakira. Uyezve, Jehovha akachenjera kupfuura zvinhu zvose. Anoona zvinhu zvose, anotarisa zvinhu nenzira yakadzama kupfuura zvinoita vanhu, uye kubvira pakutanga anoziva zvinozoitika pakupedzisira. (Isa. 46:9-11; VaR. 11:33) Iye ndiye “Mwari, akachenjera oga.”—VaR. 16:27.

4 Uyezve, Jehovha anotida uye nguva dzose anoda kuti zvinhu zvitinakire. (Joh. 3:16; 1 Joh. 4:8) Zvaari Mwari ane rudo, anotipa zvinhu zvatinoda. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga.” (Jak. 1:17) Vaya vanobvuma kutungamirirwa naMwari vanobatsirwa zvikuru nezvinhu zvaanovapa.

5 Pakupedzisira, Jehovha ndiye wemasimbaose. Nezvazvo, munyori wepisarema akati: “Ani naani anogara munzvimbo yakavanda yoWokumusorosoro achawana pokugara pasi pomumvuri woWemasimbaose. Ndichati kuna Jehovha: ‘Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare yangu, Mwari wangu, wandinovimba naye.’” (Pis. 91:1, 2) Patinenge tichitungamirirwa naJehovha, tinenge tichipotera kuna Mwari asingambotirasi. Kunyange kana tikashorwa, Jehovha anotitsigira. Haambotiodzi mwoyo. (Pis. 71:4, 5; Verenga Zvirevo 3:19-26.) Chokwadi, Jehovha anoziva zvakatinakira uye ane simba rokutipa zvakatinakira. Hungava upenzi chaihwo kana tikaramba kutungamirirwa naye! Zvisinei, ndirini patinoda kutungamirirwa naye?

Ndirini Patinoda Kutungamirirwa?

6, 7. Ndirini patinoda kutungamirirwa naJehovha?

6 Kutaura zvazviri, tinoda kutungamirirwa naMwari muupenyu hwedu hwose, kubvira pauduku kusvika takwegura. Munyori wepisarema akati: “Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi. Iye achatitungamirira kusvikira tafa.” (Pis. 48:14) Kufanana nomunyori wepisarema, vaKristu vakachenjera vanongoramba vachitarisa kuna Mwari kuti avatungamirire.

7 Chokwadi, pane dzimwewo nguva patinonzwa tichida kubatsirwa nokukurumidza. Dzimwe nguva tinozviwana tava ku“tambudzika kwazvo,” zvichida nechirwere chakakomba, kuerekana tapererwa nebasa kana kuti tava kutambudzwa. (Pis. 69:16, 17) Panguva yakadaro, zvinonyaradza kuti tinonyengetera kuna Jehovha, tichivimba kuti achatisimbisa kuti titsungirire uye kuti tisarudze nenzira yakanaka. (Verenga Pisarema 102:17.) Zvisinei, tinodawo kubatsirwa pane zvimwe zviitiko. Somuenzaniso, patinoudza vavakidzani vedu nezvemashoko akanaka oUmambo, tinoda kutungamirirwa naJehovha kana tichida kuti uchapupu hwedu hubudirire. Uye pose patinosarudza zvinhu—zvingava zvokuzvivaraidza nazvo, zvokupfeka nokushambidzika, shamwari, basa, dzidzo, kana kuti chero chii zvacho—tinenge takachenjera kana bedzi tikatevera mirayiridzo yaJehovha. Kutaura chokwadi, tinoda kutungamirirwa muzvinhu zvose.

Ngozi Dzokusada Kutungamirirwa naMwari

8. Evha paakadya muchero wakarambidzwa, zvairevei?

8 Zvisinei, yeuka kuti tinofanira kunge tichida kutevera utungamiriri hwaJehovha. Mwari haazombotimanikidzi kuti tidaro kana isu tisingadi kutungamirirwa naye. Munhu akatanga kusarudza kusada kutevera utungamiriri hwaJehovha aiva Evha, uye zvaakaita zvinoratidza kuti kusarudza saizvozvo kunogona kuva nengozi zvikuru. Chimbofungazve kuti zvairevei. Evha akadya muchero wakanga warambidzwa nokuti aida ‘kuva akafanana naMwari, achiziva zvakanaka nezvakaipa.’ (Gen. 3:5) Paakaita izvi, akazviisa panzvimbo yaMwari, achizvisarudzira zvakanaka nezvakaipa pane kutevera mirayiridzo yaJehovha. Saka akaramba kuti Jehovha ndichangamire. Aida kuzvisarudzira oga. Murume wake Adhamu, akateverawo nzira iyoyo yokupandukira.—VaR. 5:12.

9. Kana tikaramba utungamiriri hwaJehovha, chaizvoizvo tinenge tiri kuitei, uye nei uku kusiri kuchenjera?

9 Mazuva ano, kana tikarega kutungamirirwa naJehovha, tinenge tichikundikanawo kubvuma kuti ndiye changamire. Somuenzaniso, chimbofunga nezvomunhu anova netsika yokuona zvinonyadzisira. Kana ari muungano yechiKristu, anenge achiziva mirayiridzo yaJehovha nezvenyaya iyi. Zvinhu zvisina kuchena hazvitombofaniri kutaurwa, ndoda kuzozviona achivaraidzwa nazvo. (VaEf. 5:3) Nokuramba mirayiridzo yaJehovha, munhu akadaro anenge achiramba kuti Jehovha ndiye changamire, achiramba utungamiriri hwake. (1 VaK. 11:3) Chokwadi uku hakusi kuchenjera sezvakataurwa naJeremiya kuti, “munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.”—Jer. 10:23.

10. Nei tichifanira kuziva kuti tine mutoro panzira yatinoshandisa nayo rusununguko rwedu rwokusarudza?

10 Vamwe vangasava nechokwadi nezvakataurwa naJeremiya, vachiti sezvo Jehovha akatipa rusununguko rwokuzvisarudzira, haafaniri kutishora kana tikashandisa rusununguko irworwo. Kunyange zvakadaro, usakanganwa kuti kuzvisarudzira mutoro uyewo chipo. Tinozvidavirira pazvinhu zvatinosarudza kutaura uye kuita. (VaR. 14:10) Jesu akati: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” Akatiwo: “Mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa, umhondi, upombwe, ufeve, umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura.” (Mat. 12:34; 15:19) Saka zvatinotaura nezvatinoita zvinoratidza zviri mumwoyo medu. Zvinoratidza zvatiri chaizvo. Ndosaka muKristu akachenjera achitsvaka kutungamirirwa naJehovha mune zvose. Akadaro, Jehovha anomuona somunhu ane ‘mwoyo wakarurama’ uye ‘achamuitira zvakanaka.’—Pis. 125:4.

11. Tinodzidzei kubva munhoroondo yevaIsraeri?

11 Yeuka nhoroondo yevaIsraeri. Pavaisarudza nenzira yakanaka, vachiteerera mirayiro yaJehovha, iye aivadzivirira. (Josh. 24:15, 21, 31) Kunyange zvakadaro, kazhinji vaitadza kushandisa zvakanaka rusununguko rwavo rwokusarudza. Muzuva raJeremiya, Jehovha akati nezvavo: “Havana kuteerera, uyewo havana kurereka nzeve dzavo, asi vakafamba maererano nemazano avo, maererano nokuoma kwemwoyo yavo yakaipa, zvokuti vakadzokera shure, vakasaenda mberi.” (Jer. 7:24-26) Zvinosuruvarisa chaizvo! Pamusana pokuomesa musoro kana pezvishuvo zvedu zvakanyanyisa, ngatisambofa taramba kutungamirirwa naJehovha tofamba maererano nemafungiro edu uye tobva ‘tadzoka shure tisingaendi mberi’!

Chii Chinodiwa Kuti Titevere Mazano aMwari?

12, 13. (a) Unhu hupi hungaita kuti tide kutevera utungamiriri hwaJehovha? (b) Nei kutenda kuchikosha?

12 Kuda kwatinoita Jehovha kunoita kuti tide kutungamirirwa naye. (1 Joh. 5:3) Zvisinei, Pauro akataura chimwewo chinhu chatinoda paakati: “Tinofamba nokutenda, kwete nokuona.” (2 VaK. 5:6, 7) Nei kutenda kuchikosha? Jehovha anotitungamirira “mumakwara okururama,” asi makwara iwayo haaiti kuti tive noupfumi kana mukurumbira munyika ino. (Pis. 23:3) Nokudaro, ziso redu rokutenda rinofanira kuramba rakatarira zvikomborero zvisingaenzaniswi zvinobva pakushumira Jehovha. (Verenga 2 VaKorinde 4:17, 18.) Uye kutenda kunotibatsira kuti tigutsikane kana tiine zvinhu zvishoma zvinodiwa muupenyu.—1 Tim. 6:8.

13 Jesu akaratidza kuti kunamata kwechokwadi kunosanganisira kurega zvimwe zvinhu uyewo kunoda kutenda. (Ruka 9:23, 24) Vamwe vashumiri vakatendeka vakarega zvimwe zvinhu zvikuru, vachitsungirira nhamo, kudzvinyirirwa, kusarurwa, kunyange kutambudzwa zvikuru. (2 VaK. 11:23-27; Zvak. 3:8-10) Kutenda kwakasimba chete ndiko kwakaita kuti vaite izvi vachifara. (Jak. 1:2, 3) Kutenda kwakasimba kunoita kuti tinyatsova nechivimbo chokuti kutevera utungamiriri hwaJehovha nguva dzose ndiko kwakanakisisa. Nguva dzose kunotibatsira zvechigarire. Tine chokwadi chokuti mubayiro wevaya vanotsungirira vakavimbika mukuru zvikuru kupfuura kutambura chero kupi kwenguva pfupi.—VaH. 11:6.

14. Nei Hagari aifanira kuzvininipisa?

14 Chimbofungazve kuti kuzvininipisa kunodiwa zvakadini mukutevera utungamiriri hwaJehovha. Muenzaniso hwaHagari, mushandikadzi waSara unoratidza izvi. Sara paakaziva kuti aisazova nomwana, akapa Hagari kuna Abrahamu, uye Hagari akabata pamuviri paAbrahamu. Zvadaro, Hagari akazvikudza kuna tenzikadzi wake akanga asingabereki. Somugumisiro, Sara akabva “atanga kumutambudza,” uye Hagari akatiza. Ngirozi yaJehovha yakasangana naHagari ndokumuudza kuti: “Dzokera kuna tenzikadzi wako uzvininipise kwaari.” (Gen. 16:2, 6, 8, 9) Zvichida Hagari angadai akasarudza kutungamirirwa neimwe nzira. Kuti aite maererano nezvakanga zvataurwa nengirozi, aifanira kurega kuzvikudza. Kunyange zvakadaro, Hagari akabvuma nokuzvininipisa zvakanga zvataurwa nengirozi, uye mwanakomana wake, Ishmaeri, akaberekwa mumusasa wababa vake wakanga wakachengeteka.

15. Tsanangura mamwe mamiriro ezvinhu angada kuti tizvininipise pakutevera utungamiriri hwaJehovha nhasi.

15 Kutevera utungamiriri hwaJehovha kungareva kuti isuwo tinofanira kuzvininipisa. Vamwe vangafanira kubvuma kuti dzimwe nzira dzokuzvivaraidza nadzo dzavanoda hadzifadzi Jehovha. Mumwe muKristu angave akagumbura mumwe munhu uye achida kukumbira ruregerero. Kana kuti angave akakanganisa uye achifanira kubvuma zvaakakanganisa. Zvakadini kana mumwe munhu akaita chivi chakakomba? Anofanira kuzvininipisa uye kureurura kuvakuru. Mumwe angatodzingwa. Kuti adzorerwe muungano, anofanira kupfidza nokuzvininipisa otendeuka. Mumamiriro ezvinhu akadai nemamwewo akafanana, mashoko ari pana Zvirevo 29:23 anonyaradza anoti: “Kuzvikudza kwomunhu wepanyika kuchamuninipisa, asi anozvininipisa achakudzwa.”

Jehovha Ari Kutitungamirira Sei?

16, 17. Tinganyatsobatsirwa sei neBhaibheri sebhuku raMwari rinogona kutitungamirira?

16 Bhaibheri, Shoko raMwari rakafuridzirwa ndiro chinhu chikuru chinogona kutitungamirira. (Verenga 2 Timoti 3:16, 17.) Kuti Shoko racho rinyatsotibatsira, kuchenjera kuti tisamirire kuti zvinhu zvitange zvaoma kwava kuzotsvaka kuda kubatsirwa neMagwaro. Pane kudaro, tichaiita tsika kuverenga Bhaibheri zuva nezuva. (Pis. 1:1-3) Tikaita izvi, tichaziva mashoko akafuridzirwa. Tinobva tava nemafungiro aMwari, uye tinenge tagadzirira kutarisana nezvinetso zvipi zvazvo zvisingatarisirwi.

17 Uyezve, zvinokosha kuti tifungisise zvatinoverenga muMagwaro tonyengetera nezvazvo. Patinofungisisa ndima dziri muBhaibheri tinofunga kuti dzingashanda sei mune mamwe mamiriro ezvinhu. (1 Tim. 4:15) Patinosangana nezvinetso zvakakura, tinonyengetera kuna Jehovha, tichimukumbira kuti atitungamirire. Mudzimu waJehovha uchatibatsira kuti tiyeuke mashoko ari muMagwaro atinenge taverenga muBhaibheri kana mumabhuku anotsanangura Bhaibheri.—Verenga Pisarema 25:4, 5.

18. Jehovha anoshandisa sei hama dzedu dzechiKristu kuti atitungamirire?

18 Ukama hwedu hwechiKristu ndechimwe chinhu chinogona kutibatsira patinenge tichatsvaka kutungamirirwa naJehovha. Chinokosha paukama uhwu ndiye “muranda akatendeka, akangwara,” anomiririrwa neDare Rinodzora, uyo anotipa zvokudya zvokunamata nguva dzose achishandisa mabhuku nepurogiramu dzemisangano nemagungano. (Mat. 24:45-47; enzanisa naMabasa 15:6, 22-31.) Uyezve, pahama dzedu dzechiKristu pane vanhu vane ruzivo, zvikurukuru vakuru, avo vanogona kubatsira uye kupa mazano omuMagwaro. (Isa. 32:1) Vechiduku vari mumhuri dzechiKristu vanogona kubatsirwazve mumhuri dzavo. Kana vabereki vavo vari Zvapupu, vanorayirwa naMwari kuti vavadzidzise mirayiridzo yake, uye vechiduku vacho vanofanira kutsvaka mazano kuvabereki vavo.—VaEf. 6:1-3.

19. Zvikomborero zvipi zvatinowana nokuramba tichitevera utungamiriri hwaJehovha?

19 Chokwadi Jehovha anotitungamirira munzira dzakawanda, uye zvakanaka kuti tinyatsoshandisa nzira idzi. Achitaura nezvenguva iya vaIsraeri pavaiva vakatendeka, Mambo Dhavhidhi akati: “Madzibaba edu akavimba nemi; akavimba nemi, uye makaramba muchiapukunyutsa. Akachema kwamuri, akapukunyuka; akavimba nemi, uye haana kunyadziswa.” (Pis. 22:3-5) Kana tikatevera utungamiriri hwaJehovha takavimbika, isuwo ‘hatizonyadziswi.’ Hatizoodzwi mwoyo patariro yedu. Kana ‘tikaisa nzira dzedu pana Jehovha,’ pane kuvimba nouchenjeri hwedu, tinoguma takomborerwa zvikuru kunyange iye zvino. (Pis. 37:5) Uye kana tikatsungirira takavimbika, tichakomborerwa nokusingaperi. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha anoda kururamisira, haazosiyi vakavimbika vake. Vachachengetedzwa nokusingagumi . . . Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.”—Pis. 37:28, 29.

Ungatsanangura Here?

• Nei tichivimba noutungamiriri hwaJehovha?

• Zvinenge zvichirevei kana tikaramba utungamiriri hwaJehovha?

• MuKristu anofanira kuzvininipisa mumamiriro ezvinhu api?

• Jehovha ari kutitungamirira sei nhasi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 8]

Mune zvose zvaunoita muupenyu hwako, unotarira kuna Jehovha here?

[Mufananidzo uri papeji 9]

Evha akaramba uchangamire hwaJehovha

[Mufananidzo uri papeji 10]

Hagari aifanira kuva nounhu hupi kuti aite zvakanga zvataurwa nengirozi?