Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

Vazivi venyeredzi vakashanyira Jesu rini?

Rimwe Bhaibheri rinoti: “Vazivi venyeredzi havana kushanyira Jesu ari muchidyiro usiku hwaakaberekwa sezvakaita vafudzi. Vakazouya papera mwedzi yakati kuti.” Panguva iyoyo Jesu aiva ‘mwana’ uye akanga achigara mumba. (Mat. 2:7-11) Kudai Jesu akanga apiwa ndarama nezvimwe zvipo zvinokosha usiku ihwohwo hwaakazvarwa, Mariya angadai akapa shiri mbiri chete here paakaenda kutemberi kwapera mazuva 40?—1/1, peji 31.

• Vakawanda vangaitei kuti upenyu hwavo huve nechinangwa?

Mumwe angabvunza kuti, ‘Ndingagadzirisa zvinhu zvangu here kuti ndirarame nezvinhu zvishoma?’ Amy akaita saizvozvo. Akanga akapfuma uye aifamba chaizvo asi akanga asingafari. Akaziva kuti nokuomerera kushandira nyika ino akanga ava pedyo nokutsauka pakutenda. Ataura nevakuru, akasarudza kuisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga uye akakwanisa kupayona kwekanguva. Amy anoti, “Iye zvino ndiri kugutsikana zvandisina kumboita” kupfuura pandaiomerera pazvinangwa zvenyika.—1/15, peji 19.

Chii chingabatsira vamwe vanaamai kuti vagutsikane?

Vanaamai vakawanda vanoenda kumabasa. Vamwe vanoshanda kuti variritire mhuri, uye vamwe, kuti vazviwanirewo mari yavo pachavo kana kuti vatenge zvinhu zvomutambarakede. Vamwewo vanoshanda nokuti vanenge vachinakidzwa nebasa racho. Vanaamai vechiKristu vanoita basa rinokosha pamba, kunyanya mwana paanenge achiri rusvava. Vamwe vakasarudza kupedza nguva shoma kubasa kwavo kana kutorega basa racho, kuti vapedze nguva yakawanda nemhuri, zvichiita kuti vagutsikane zvikuru.—2/1, mapeji 28-31.

Jesu aitaura nezve“chizvarwa” chipi mumashoko ake ari pana Mateu 24:34?

Kakawanda Jesu akashandisa shoko rokuti “chizvarwa” achitaura nevanhu vakaipa vomuzuva rake kana kuti achitaura nezvavo. Asi haana kudaro paaitaura nevadzidzi vake, avo pasina nguva vaizozodzwa nomudzimu mutsvene. Ndivo vaizonyatsonzwisisa zvairehwa nemashoko aakataura pana Mateu 24:32, 33. Saka zvinoita sokuti Jesu akanga achitaura nezvevateveri vake vakazodzwa vomuzana remakore rokutanga uye kuti mashoko acho aizoshanda sei mazuva ano.—2/15, mapeji 23-4.

• Mutemo waiva sei muperekedzi, sezvinotaurwa pana VaGaratiya 3:24?

Kazhinji muperekedzi wekare aiva muranda aivimbwa aidzivirira mwana pangozi uye aiva nechokwadi chokuti zvaidiwa nababa vomwana wacho zvaitwa. Muperekedzi wacho aiperekedza mwana wacho nguva dzose, aiongorora zvidzidzo zvomwana wacho, uye angadaro aitopa mirayiridzo zvisina kunanga uye kunyange kumutsiura. Saizvozvowo, Mutemo waidzivirira vaJudha patsika dzakaipa, dzakadai sokuroorerana nevahedheni. Asi sezvaingoita muperekedzi womwana, Mutemo wakangoshanda kwenguva pfupi, wakashanda kusvikira Kristu asvika.—3/1, mapeji 18-21.

• Maererano naJakobho 3:17, tinofanira kuratidza unhu hupi?

Zvatiri vanhu vakachena, tinofanira kuramba zvinhu zvakaipa pakarepo. (Gen. 39:7-9) Tinofanirawo kuva norugare nevamwe, tisingagari tichivhiringidza vamwe kana kuita zvinhu zvinokanganisa rugare. Saka mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Ndinozivikanwa somunhu anoita kuti pave norugare here kana kuti anoita kuti pasave norugare? Ndinogara ndichipesana nevamwe here? Ndinokurumidza kugumbuka kana kuti kugumbura vamwe here? Kana kuti ndinokurumidza kukanganwira vamwe here uye ndisingakurumidzi kuomerera pakuti zvandinoda ndizvo zvinofanira kutevedzerwa?’—3/15, mapeji 24-5.

• Chikonzero nei Jesu akaporesa murume aiva bofu zvishoma nezvishoma? (Mako 8:22-26)

Bhaibheri haritsananguri zvakajeka. Zvisinei, zvingangoita kuti panguva iyi, nokuporesa murume aiva bofu zvishoma nezvishoma, Jesu akamupa nguva yokuti ajairane nechiedza. Izvi zvingave zvakaratidza kuti Jesu aiva nehanya nomurume wacho aiva bofu.—4/1, peji 30.