Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanogara Kwavo Voga Asi Havana Kukanganwika

Vanogara Kwavo Voga Asi Havana Kukanganwika

Vanogara Kwavo Voga Asi Havana Kukanganwika

MUAPOSTORA Pauro akarayira vaKristu vaainamata navo kuti: “Ngatiitirei vose zvakanaka, asi kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” (VaG. 6:10) Nhasi, tichiri kutevera murayiro iwoyo wakafuridzirwa uye kutsvaka nzira dzokuitira zvakanaka vatinonamata navo. Hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura dzinogara mumisha inotarisira vakwegura ndivo vamwe vevanhu vanoda kutarisirwa norudo neungano yechiKristu.

Zvechokwadi, mune dzimwe nyika, mhuri dzakawanda dzinowanzotarisira vabereki vakwegura pamusha. Zvisinei, mune dzimwewo nyika, vakwegura vakawanda vanowanzogara mumisha inotarisira vakwegura. Zvakadini nevaKristu vakwegura vanogara mumisha inotarisira vakwegura? Vanosangana nematambudziko api? Vangaakurira sei kana vasingatsigirwi nevomumhuri dzavo? Ungano yechiKristu ingavabatsira sei? Uye tinobatsirwa sei kana tikagara tichivashanyira?

Matambudziko Ari Mumisha Inotarisira Vakwegura

VaKristu vakwegura pavanoenda kunogara kumisha inotarisira vakwegura, vangazviona vava mundima yavasina kujaira. Zvinoguma zvaitika ndezvokuti Zvapupu zveko zvingasanzwa zvichida kugara zvichivashanyira. Uyezve, kana vari mumusha unotarisira vakwegura, vangave vachigara nevanhu vane zvitendero zvavowo. Izvi zvingaita kuti Zvapupu zvakwegura zviomerwe noupenyu.

Somuenzaniso, kune dzimwe nzvimbo, misha inotarisira vakwegura inoronga kuti minamato yechitendero iitwe ipapo. Mumwe anotarisira vakwegura akati: “Zvapupu zvakwegura zvisingakwanisi kunyatsotaura zvakajeka zvakatakurwa nemawiricheya kuendeswa kuminamato yechechi zvisina kubvunzwa.” Uyezve, vashandi vomumisha inotarisira vakwegura vanowanzoita mitambo yokuchengeta mazuva okuzvarwa, Krisimasi, kana kuti Isita kuti zvinhu zvimbochinjawo. Zvimwe Zvapupu zviri mumisha inotarisira vakwegura zvakapiwawo zvokudya zvakanga zvisingatenderwi nehana dzazvo. (Mab. 15:29) Kana tikagara tichishanyira hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura, tichakwanisa kudzibatsira kukurira matambudziko akadaro.

Kubatsirwa Neungano

VaKristu vekare vaichenjerera basa ravo rokutarisira vakwegura vakanga vasina mhuri dzaivatsigira. (1 Tim. 5:9) Saizvozvowo, vatariri vanhasi vakachenjerera kuona kuti vakwegura vanogara mumisha iyi iri munharaunda mavo havasiyiwi vakadaro. * Mumwe mukuru anonzi Robert, anoti: “Zvinganaka kana mutariri wechiKristu akashanyira vakwegura kuti aone kuti vanogara sei uye kuti anyengetere navo. Ungano ingaitawo zvakawanda pakuvatarisira.” Kana tikatsaura nguva yokushanyira vakwegura, tinoratidza kuti tinonzwisisa kuti Jehovha anokoshesa chaizvo kuti titarisire vaya vanoda kubatsirwa.—Jak. 1:27.

Kana zvakakodzera, vakuru vanoronga kubatsira hama nehanzvadzi dzavo dziri mumisha inotarisira vakwegura iri munharaunda yavo. Robert anotaura chimwe chinhu chingangodiwa achiti: “Tinofanira kukurudzira hama nehanzvadzi kuti dzipinde misangano yechiKristu kana dzichikwanisa kudaro.” Zvisinei, vakuru vangaita humwe urongwa kuitira vaya vasingachakwanisi kufamba kuenda kuImba yoUmambo. Jacqueline, ava nemakore okuma80 uye ane chirwere chemajoini, anoteerera misangano parunhare. Anoti: “Ndinobatsirwa chaizvo nezvandinonzwa misangano painenge ichiitwa. Hapana chinhu chinonditadzisa kuiteerera!”

Kana muKristu akwegura asingakwanisi kuteerera misangano parunhare, vakuru vangaronga kuti misangano yacho irekodhwe. Munhu achaendesa zvakarekodhwa kune hama kana hanzvadzi yacho anogona kushandisa mukana wacho kuti aikurudzire. Mumwe mutariri anoti, “Kuudza hama nehanzvadzi dzakwegura pamusoro penhengo dzeungano kunoita kuti dzinzwe kuti dzichiri hama nehanzvadzi dzomuungano.”

Rambai Muchikurukura Navo

Zvinonzwisisika kuti vakwegura vakawanda vanozvidya mwoyo uye vanonzwa vasiyiwa kana vatamira kumisha yavanotarisirwa. Saka vamwe vanoguma vava vanazindoga. Zvisinei, kana tikashanyira hama nehanzvadzi dzedu dzakwegura dzichangotamira kunzvimbo idzi todziudza kuti ticharamba tichidzitsigira, tichadzibatsira chaizvo kuti dzive norugare nomufaro.—Zvir. 17:22.

Kana hama nehanzvadzi dzakwegura dzava kurasika pfungwa kana kuti dzisingachanyatsonzwi kana kuti dzisingachakwanisi kutaura zvakanaka, vamwe vangati hazvibatsiri kudzishanyira. Zvisinei, zvose zvatinoita kuti tirambe tichivashanyira, pasinei nokuti zvingave zvakaoma kutaura navo, zvinoratidza kuti tinoramba ‘tichitungamirira’ asi tichikudza vatinonamata navo. (VaR. 12:10) Kana hama yakwegura yava nehanganwa, tinogona kuikurudzira kuti irondedzere zvakaitika kare, kunyange kubvira pauduku hwayo kana kuti itiudze kuti yakawana sei chokwadi. Tingaitei kana zvichiinetsa kuwana mashoko akarurama? Teerera nokushivirira, uye kana zvakakodzera, taura mashoko maviri kana kuti matatu aingave ichitsvaka, kana kuti pfupikisa pfungwa dzayo uye ikurudzire kuti irambe ichipfuurira. Kana yakavhiringidzika kana kuti ichinetseka kutaura uye zvichitiomera kunzwisisa, tingaedza kunzwa zvainotaura kana tikanyatsoteerera matauriro ayo.

Kana vasingachagoni kutaura, pangashandiswa dzimwe nzira. Mumwe piyona anonzi Laurence anogara achishanyira Madeleine, hanzvadzi yechiKristu ine makore 80 isingachagoni kutaura. Laurence anotsanangura kutaura kwaanoita nehanzvadzi iyi: “Ndinobata ruoko rwaMadeleine patinonyengetera pamwe chete. Ukuwo, iye anokwiza ruoko rwangu zvinyoronyoro oboira maziso ake achiratidza kuonga nguva iyi yaanoratidzwa rudo.” Kubata maoko eshamwari dzedu dzakwegura kana kuti kuvambundira norudo zvechokwadi kungavakurudzira zvikuru.

Zvinokosha Kuti Uvepo

Kugara uchishanyira vanhu vakwegura kungabatsira pakutarisirwa kwavanoitwa. Danièle, ave achishanyira zvimwe Zvapupu zvinogara mumisha inotarisira vakwegura kwemakore 20 anoti: “Vashandi vepamisha inotarisira vakwegura pavanoona kuti pane munhu anogara achishanyira munhu akwegura, munhu wacho anobva atarisirwa zvakanaka.” Robert ambotaurwa, anoti: “Vashandi vepamisha iyi kazhinji vangangoteerera munhu anogara achishanyira munhu anotarisirwa ipapo. Munhu anoita zvokushanya apo neapo angasaremekedzwa zvakadaro.” Sezvo vashandi vepo vachiwanzotarisira vanhu vakwegura vemhuri dzisingagutsikani, vanoonga mashoko okuonga anotaurwa nevanhu vanoshanya. Uyezve, kana tikava noukama hwakanaka nevashandi vepo, vangangoremekedza tsika nezvinotendwa neZvapupu zvakwegura zvavanotarisira.

Tinogonawo kuva noukama hwakanaka nevashandi vepo kana tikakumbira kuvabatsira kuita tumabasa turi nyore. Mune dzimwe nzvimbo dambudziko rokushayikwa kwevashandi vane unyanzvi rinoita kuti vakwegura vasanyatsotarisirwa zvakanaka. Rébecca, mumwe anotarisira vakwegura anoti: “Nguva dzokudya chinongova chipatapata. Saka idzi dzingava nguva dzakanaka dzokushanyira shamwari uye kuibatsira kudya.” Hatifaniri kuzeza kukumbira mazano kuvashandi vepo okuti tingabatsira sei.

Kana tikagara tichishanyira nzvimbo yacho, tichakwanisa kuona zvinenge zvichida hama kana hanzvadzi yedu yakwegura, uye tinogona kuipa zvinhu zvainoda izvozvo. Somuenzaniso, tingaita kuti mumba mayo munake nokuisa mifananidzo yevanhu vainoda kana mifananidzo yakadhirowewa nevana vaduku. Tichifunga nezvokuti munhu wacho akwegura agare zvakanaka, tingamuunzira chipfeko chakanaka kana kuti zvimwe zvinhu zvishomanana zvokuti azvitarisire oga. Kana pamusha pacho paine bindu, tingambobuda panze neshamwari yedu here kuti ifurwe nemhepo? Laurence, ambotaurwa, anoti: “Madeleine anogara achitarisira kumushanyira kwandinoita vhiki nevhiki. Pandinoenda kunomuona ndiine vana, anokurumidza kunyemwerera uye maziso ake anochangamuka!” Kuita zvakadai kunobatsira zvikuru vaya vanogara mumisha inotarisira vakwegura.—Zvir. 3:27.

Tose Tinobatsirwa

Kugara tichishanyira munhu akwegura kunoratidza “uchokwadi hworudo” rwedu. (2 VaK. 8:8) Sei? Zvingatirwadza kuona utano hweshamwari yedu huchingodzikira. Laurence anoti: “Pakutanga, ndairwadziwa chaizvo pandaiona utano hwaMadeleine huchidzikira zvokuti ndaichema pashure pokunge ndamushanyira. Asi ndakaziva kuti munyengetero womwoyo wose unogona kutibatsira kuti tisatya tokurudzirwa zvikuru.” Kwemakore, Robert ave achishanyira imwe hama yechiKristu inonzi Larry anorwara nechirwere chinonzi Parkinson. Robert anoti: “Larry anotambura chaizvo nechirwere chake zvokuti handichanzwisisi zvaanotaura. Asi patinonyengetera pamwe chete, ndinogona kuona kuti achine kutenda.”

Patinoshanyira vanhu vakwegura vatinonamata navo, hatingovabatsiri chete asi isu tinobatsirwawo. Kutsunga kwavo kuramba vari pedyo naJehovha vachirarama nevanhu vasingadaviri zvavanotenda kunotidzidzisa kuti tivewo nokutenda uye ushingi. Kuda kwavanoita zvokudya zvokunamata pasinei nokuti havachanzwi uye havachaoni zvakanaka kunoratidza kuti “munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:4) Zvavanongonakidzwa nezvinhu zvisingashamisiri zvakadai sokunyemwerera kwomwana kana kuti kudya pamwe chete navo, vakwegura vanotiyeuchidza kuti tinofanira kugutsikana nezvatiinazvo. Kuda kwavanoita zvinhu zvokunamata kungatibatsira kuti tirambe tichiisa zvinhu zvinokosha pakutanga.

Chokwadi, ungano yose inobatsirwa nokutsigira kwatinoita vanhu vakwegura. Nei zvakadaro? Sezvo vaya vasina utano hwakanaka vachibatsirwa norudo rwehama, vanopa ungano mikana yokuti iwedzere kuratidza tsitsi. Saka, tose tinofanira kuona kutarisira vakwegura kunyange kwenguva yakareba, senzira yokushumirana. (1 Pet. 4:10, 11) Kana vakuru vakatanga kuita izvi, vachabatsira vamwe vari muungano kuti vaone kuti izvi hazvifaniri kumboregeredzwa nesu vaKristu. (Ezek. 34:15, 16) Nokuvatsigira nomwoyo wose uye norudo, tinovimbisa vakwegura vatinonamata navo kuti hatina kuvakanganwa!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kana munyori weungano angoziva chete kuti pane hama kana kuti hanzvadzi yomuungano yava kugara kumusha unotarisira vakwegura kune imwe nharaunda, zvingabatsira uye kuti kungava kuratidza rudo kuti akurumidze kuudza vakuru vomuungano yomunharaunda iyoyo.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 28]

“Vashandi vepamisha inotarisira vakwegura pavanoona kuti pane munhu anogara achishanyira munhu akwegura, munhu wacho anobva atarisirwa zvakanaka”

[Mufananidzo uri papeji 26]

Minyengetero yemwoyo wose ingabatsira Chapupu chakwegura chatinonamata nacho kuwanazve rugare

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mashoko atinotaura tichiratidza rudo achasimbisa vakwegura vatinonamata navo