Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vechiduku, Yeukai Musiki Wenyu Mukuru Iye Zvino

Vechiduku, Yeukai Musiki Wenyu Mukuru Iye Zvino

Vechiduku, Yeukai Musiki Wenyu Mukuru Iye Zvino

“Yeukawo Musiki wako Mukuru mumazuva oujaya hwako.”—MUP. 12:1.

1. Jehovha anoratidza sei kuti anovimba nevechiduku vanomunamata?

JEHOVHA anoona vaKristu vechiduku sevanokosha uye vanozorodza semadonhwe edova. Zvechokwadi, akafanotaura kuti pazuva ‘rehondo’ yeMwanakomana wake, majaya nemhandara vaizo“zvipa nomwoyo unoda” mubasa raKristu. (Pis. 110:3) Uprofita uhwu hwaizozadzika panguva yedu, voruzhinji pavanenge vasingadi Mwari, vachinyanya kuzvida uye kuda mari, uye vasingateereri. Asi Jehovha aiziva kuti vechiduku vaizomunamata vaizova vakasiyana nevoruzhinji. Chokwadi anovimba nemi imi hama nehanzvadzi dzechiduku!

2. Kuyeuka Jehovha kunosanganisirei?

2 Chimbofungidzira kuti Mwari anofara sei paanoona vechiduku vachimuyeuka soMusiki wavo Mukuru. (Mup. 12:1) Kutaura zvazviri, kuyeuka Jehovha kunosanganisira zvinopfuura kungofunga nezvake. Kunoreva kuita chimwe chinhu, kubvuma kutungamirirwa nemitemo nemirayiridzo yake zuva nezuva muupenyu hwedu. Kunorevawo kuvimba naJehovha, tichiziva kuti anoda nomwoyo wose kutibatsira. (Pis. 37:3; Isa. 48:17, 18) Ndiwo manzwiro aunoita here nezvoMusiki wako Mukuru?

“Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose”

3, 4. Jesu akaratidza sei kuti aivimba naJehovha, uye nei zvichikosha kuti tivimbe naJehovha nhasi?

3 Zvechokwadi, Jesu Kristu ndiye muenzaniso wakanaka zvikuru womunhu aivimba naMwari. Akararama maererano nemashoko ari pana Zvirevo 3:5, 6 anoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako. Funga nezvake munzira dzako dzose, uye iye acharuramisa makwara ako.” Nguva pfupi abhabhatidzwa, Satani akaenda kuna Jesu ndokumuedza kuti abvume umambo hwenyika nokubwinya kwahwo. (Ruka 4:3-13) Jesu haana kutsauswa. Aiziva kuti ‘pfuma yechokwadi nokukudzwa noupenyu mugumisiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha.’—Zvir. 22:4.

4 Nyika yanhasi iri kutongwa nevanhu vane makaro uye vane udyire. Munyika yakadai, kuchenjera kuti titevedzere Jesu. Yeukawo kuti Satani achaita zvose zvaanogona kuti anyengedze vashumiri vaJehovha kuti vabve pamugwagwa wakamanikana unoendesa kuupenyu. Anoda kuona munhu wose achifamba mumugwagwa wakapamhama unoendesa kunoparadzwa. Usambonyengedzwa naye! Pane kudaro, tsunga kuyeuka Musiki wako Mukuru. Nyatsovimba naye, uye batisisa “upenyu chaihwo,” huchavapo zvechokwadi uye hwava pedyo.—1 Tim. 6:19.

Vechiduku, Chenjerai!

5. Unonzwa sei nezveramangwana renyika ino?

5 Vechiduku vanoyeuka Musiki wavo Mukuru vanenge vakachenjera kupfuura vezera ravo. (Verenga Pisarema 119:99, 100.) Zvavanoona zvinhu sezvinoita Mwari, vanonyatsoziva kuti nyika ino yava pedyo nokuguma. Kunyange muupenyu hwenyu hupfupi, hapana mubvunzo kuti imi vechiduku makaona kuti vanhu vari kuwedzera kutya uye kuzvidya mwoyo. Kana muchiri kuchikoro, mungave makanzwa nezvokusvibiswa kwenyika nemhepo, kuparadzwa kwemasango, kuti pasi rava kunyanya kudziya, nezvimwewo zvinetso zvakada kufanana neizvi. Zvinhu izvi zviri kuita kuti vanhu vanetseke zvikuru, asi Zvapupu zvaJehovha chete ndizvo zvinonyatsonzwisisa kuti zvinongova zvimwe zvezvinhu zvinoratidza kuguma kwenyika yaSatani.—Zvak. 11:18.

6. Vamwe vechiduku vakanyengedzwa sei?

6 Zvinosuruvarisa kuti vamwe vechiduku vanoshumira Mwari havana kurinda uye vakarerutsa chokwadi chokuti nyika ino yangosarirwa nenguva pfupi. (2 Pet. 3:3, 4) Vamwe vakanyengedzwa kuita zvivi zvakakomba neshamwari dzakaipa uye nokuona kana kuverenga zvinonyadzisira. (Zvir. 13:20) Zvingasuruvarisa zvikuru kana ukama hwedu naMwari hukapera isu tava pedyo nomugumo kudai! Asi dzidzai kune zvakaitika kuvaIsraeri muna 1473 B.C.E. pavakanga vakadzika misasa paMapani eMoabhi, vava pedyo nokuda kupinda muNyika Yakapikirwa. Chii chakaitika ipapo?

Vakatadza Vava Pedyo Nokusvika

7, 8. (a) Satani akashandisa nzira dzipi paMapani eMoabhi? (b) Satani ari kushandisa nzira ipi nhasi?

7 Kare ikako, zviri pachena kuti Satani aida kuti vaIsraeri vasawane nhaka yavakanga vapikirwa. Atadza kuita kuti vashurikidzwe nomuprofita Bharami, Satani akashandisa imwe nzira yokunyengera yaisanyatsooneka; akaedza kuita kuti vasakomborerwe naJehovha. Vakadzi vaikwezva vokuMoabhi vakashandiswa kuvanyengera, uye apa Dhiyabhorosi akabudirira. Vanhu vacho vakatanga kuita unzenza nevanasikana vevaMoabhi uye kunamata Bhaari wePeori! Kunyange zvazvo vakanga vava pedyo nokupiwa nhaka yavo inokosha, Nyika Yakapikirwa, vaIsraeri vanenge 24 000 vakafa. Chokwadi zvakaguma netsekwende!—Num. 25:1-3, 9.

8 Nhasi, tiri kuswedera pedyo chaizvo nenyika yakapikirwa iri nani zvikuru, nyika itsva. Sezvaagara achiita, Satani ari kungoshandisa unzenza kukanganisa vanhu vaMwari. Tsika dzenyika dzaderera chaizvo zvokuti ufeve hunoonekwa sehusina kuipa uye ungochani hunoonekwa somuitiro wokuti munhu anongozvisarudzirawo hake. Imwe hanzvadzi yechiKristu yakati, “Kunongova kumba nokuImba yoUmambo chete uko vana vangu vanodzidza kuti ungochani uye kuita zvepabonde nomunhu wausina kuroorana naye kwakaipa mukuona kwaMwari.”

9. Chii chingaitika munguva yoku“yaruka,” uye vechiduku vangakunda sei nguva iyi?

9 Vechiduku vanoyeuka Musiki wavo Mukuru vanoziva kuti zvepabonde chipo chitsvene chine chokuita noupenyu uye kuberekana. Saka vanoziva kuti zvepabonde zvinofanira kuitwa maererano nezvinorayirwa naMwari, muurongwa hwokuroorana. (VaH. 13:4) Zvisinei, munguva yoku“yaruka”—nguva iya wechiduku paanenge achida zvepabonde zvikuru uye chido chakadaro pachinogona kukanganisa mafungiro ake—ingava hondo chaiyo kuti arambe akachena. (1 VaK. 7:36) Ungaitei kana ukatanga kufunga zvisina kunaka? Nyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti akubatsire kuramba uchifunga zvinhu zvakanaka. Nguva dzose Jehovha anoteerera vaya vanonyengetera kwaari nemwoyo wose. (Verenga Ruka 11:9-13.) Kutaura zvinhu zvakachena uye zvinosimbisa kutenda kunogona kubatsirawo kuti pfungwa dzifunge zvakanaka.

Sarudza Zvinangwa Zvako Nokuchenjera!

10. Mafungiro api asina kunaka atisingafaniri kuva nawo, uye izano ripi ratinofanira kuteerera nokuchenjera?

10 Chimwe chikonzero nei vechiduku vakawanda vari munyika vasingadzoreki uye vachiraramira kufadza nyama yavo ndechokuti ‘havaoni,’ havatungamirirwi naMwari kana kuti havana chokwadi neramangwana. (Zvir. 29:18) Vakafanana nevaIsraeri vakanga vasingadi Mwari vomuzuva raIsaya vairaramira ‘mafaro, kudya nyama nokunwa waini.’ (Isa. 22:13) Pane kuchiva vanhu ava, unodii hako kufungisisa nezvetariro inokosha yakavimbiswa naJehovha kuvanhu vakavimbika. Kana uri wechiduku anoshumira Mwari, uri kunyatsotarisira mberi kuzorarama munyika itsva here? Uri kuedza nepaunokwanisa ‘kurarama nepfungwa dzakanaka uchimirira tariro inofadza’ yawakavimbiswa naJehovha here? (Tito 2:12, 13) Mhinduro yako ichava nezvainoita pazvinangwa zvako nezvaunoisa pakutanga.

11. Nei vaKristu vechiduku vachiri kuchikoro vachishanda nesimba?

11 Nyika inoda kuti vechiduku vapedzere simba ravo muzvinangwa zvayo. Zvinongotarisirwa kuti imi muchiri kuchikoro munofanira kushanda nesimba kuti muwane dzidzo yakanaka inodiwa. Munofanira kuyeuka kuti chinangwa chenyu hachifaniri kuva chokungowana basa rakakodzera asiwo chokuti mushandiswe muungano uye muve vazivisi voUmambo vanobudirira. Kuti muite chinangwa ichi, munofanira kunge muchigona kukurukura zvakanaka, kufunga zvine musoro, uye kufunga zvakadzikama uye muchiremekedza vamwe. Kunyange zvakadaro, vechiduku vanodzidza Bhaibheri uye vanoedza kushandisa mitemo yaro muupenyu hwavo vanowana dzidzo yakanaka chaizvo kubva mariri vozvigadzirira fandesheni yakanaka yeramangwana risingaperi.—Verenga Pisarema 1:1-3. *

12. Mhuri dzechiKristu dzinofanira kutevedzera muenzaniso upi?

12 MuIsraeri, kudzidziswa kwaiitwa vana nevabereki vavo kwaikosheswa chaizvo. Dzidzo yacho yaisanganisira zvinenge zvinhu zvose zvoupenyu, zvikurukuru zvaiva nechokuita nokunamata. (Dheut. 6:6, 7) Saka vaIsraeri vechiduku vaiteerera vabereki vavo nevamwewo vechikuru vaitya Mwari havana kungowana zivo chete asiwo uchenjeri, kunzwisisa, uye mano okufunga—zvisina vanhu vakawanda asi zvinowanika nokudzidza nezvaMwari nemirayiro yake. (Zvir. 1:2-4; 2:1-5, 11-15) Mhuri dzechiKristu nhasi dzinofanira kukoshesawo dzidzo yakadaro.

Teererai Vaya Vanokudai

13. Vamwe vechiduku vanowana mazano erudzii, uye nei vachifanira kungwarira?

13 Vechiduku vanowana mazano kubva kuvanhu vakasiyana-siyana—kusanganisira vanachipangamazano vokuchikoro vanowanzofunga nezvokubudirira munyika ino chete. Tapota nyengetera paunenge uchiyera mazano iwayo uchishandisa Shoko raMwari uye mabhuku anobudiswa neboka romuranda akatendeka akangwara. Kubva pane zvawakadzidza muBhaibheri, unoziva kuti vechiduku uye vanhu vasina ruzivo rwakawanda ndivo vanonyanya kudiwa naSatani. Somuenzaniso, mumunda weEdheni, Evha akanga asina ruzivo rwakawanda akateerera Satani, munhu waakanga asingazivi asina kumbobvira aratidza kuti aiva nehanya naye. Chokwadi zvinhu zvingadai zvakafamba zvakanaka kudai akateerera Jehovha, uyo akanga aratidza kuti anomuda munzira dzakawanda!—Gen. 3:1-6.

14. Nei tichifanira kuteerera Jehovha uye vabereki vedu vanoda Mwari?

14 Musiki wako Mukuru anokudawo uye anodaro nechinangwa chakanaka. Anoda kuti ufare nokusingaperi, kwete zvanhasi chete! Nokudaro, achiita nounyoro somubereki ane hanya, anoti kwauri nevamwe vose vanomunamata: “Iyi ndiyo nzira. Fambai nayo.” (Isa. 30:21) Kana uine vabereki vanoda Jehovha zvepachokwadi, une chimwezve chikomborero. Teerera mazano avo uchivaremekedza paunenge uchida kuita zvinangwa zvako uye zvimwe zvinhu zvaunokoshesa. (Zvir. 1:8, 9) Kutaura zvazviri, vanoda kuti uwane upenyu, chiri chinhu chinokosha zvikuru kupfuura pfuma kana mukurumbira wenyika ino.—Mat. 16:26.

15, 16. (a) Tingava nechivimbo chei muna Jehovha? (b) Chidzidzo chipi chinokosha chatinodzidza munyaya yaBharuki?

15 Vaya vanoyeuka Musiki wavo Mukuru vanosarudza kurarama nezvinhu zvishoma, vachivimba kuti Jehovha ‘haangambovaregi kana kumbovasiya.’ (Verenga VaHebheru 13:5.) Nokuti mafungiro aya akanaka anopesana nemafungiro enyika, tinofanira kungwarira kuti tisadzorwa nemafungiro enyika. (VaEf. 2:2) Nezveizvi, chimbofunga nezvomunyori waJeremiya, Bharuki, akararama mumazuva okupedzisira akanga akaoma muJerusarema akazoteverwa nokuparadzwa kweguta racho muna 607 B.C.E.

16 Zvichida Bharuki aida kunatsiridza upenyu hwake mune zvokunyama. Jehovha akazviona uye akanyevera nomutsa Bharuki kwete kuramba achizvitsvakira “zvinhu zvikuru.” Bharuki akazvininipisa uye akaratidza uchenjeri nokuti akateerera Jehovha uye akapona pakaparadzwa Jerusarema. (Jer. 45:2-5) Ukuwo, vaya vakararama naBharuki vaiunganidza “zvinhu zvikuru” zvokunyama, vachiisa kunamatwa kwaJehovha panzvimbo yechipiri, vakaurayiwa nenguva isipi nevaKadheya (vaBhabhironi). Vakawandawo vakafa. (2 Mak. 36:15-18) Nyaya yaBharuki inotibatsira kuona kuti ukama hwakanaka naMwari hunokosha zvikuru kupfuura pfuma nomukurumbira zvenyika ino.

Tevedzerai Vanoita Zvakanaka

17. Nei Jesu, Pauro, naTimoti vari mienzaniso yakanaka kuvashumiri vaJehovha nhasi?

17 Shoko raMwari rine mienzaniso yakanaka yakawanda inotibatsira kufamba munzira inoendesa kuupenyu. Somuenzaniso, Jesu ndiye munhu aiva nemano okuita zvinhu kupfuura vanhu vose vakamborarama, asi akaramba achiita zvinobatsira vanhu nokusingaperi—“kuzivisa mashoko akanaka oumambo.” (Ruka 4:43) Kuti ape Jehovha zvakanakisisa, muapostora Pauro akasiya basa rakanaka ndokushandisa nguva yake nesimba kuparidza mashoko akanaka. Timoti, “mwana chaiye mukutenda,” akatevedzera zvakanaka zvaiitwa naPauro. (1 Tim. 1:2) Jesu, Pauro, naTimoti vakademba upenyu hwavakasarudza here? Kana! Zvechokwadi, Pauro akataura kuti aiona zvinhu zvinopiwa nenyika “semarara mazhinji” paaizvienzanisa neropafadzo yokushumira Mwari.—VaF. 3:8-11.

18. Imwe hama yechiduku yakachinja mararamiro ayo zvakadini, uye nei isingazvidembi?

18 Vechiduku vakawanda vechiKristu nhasi vanotevedzera kutenda kwaJesu, kwaPauro, uye kwaTimoti. Somuenzaniso, imwe hama yechiduku yaimbova nebasa raibhadhara yakanyora kuti: “Nokuti ndinorarama ndichitevedzera mirayiro yeBhaibheri, ndakakurumidza kukwidziridzwa pabasa. Pasinei nokuwana mari yakawanda, ndakaona kuti ndakanga ndichingodzingana nemhepo. Pandakaenda kumamaneja makuru epakambani yacho ndokuvaudza kuti ndaida kuita ushumiri hwenguva yakazara, vakabva vakurumidza kundiudza kuti vaizondiwedzera mari vachitarisira kuti ndaizogara. Asi ndakanga ndatsunga kusiya basa racho. Vanhu vakawanda havana kunzwisisa kuti nei ndaizosiya basa raibhadhara kudaro kuti ndiite ushumiri hwenguva yakazara. Chiripo apa ndechokuti ndinoda kurarama maererano nokuzvitsaurira kwandakaita kuna Mwari. Sezvo iye zvino upenyu hwangu hwava hwokungoita zvinhu zvokunamata, ndiri kufara nokugutsikana zvandisingagoni kuwaniswa nemari chero yakawanda sei kana nomukurumbira.”

19. Vechiduku vari kukurudzirwa kuti vasarudzei nokuchenjera?

19 Munyika yose, zviuru zvevechiduku zvakasarudzawo saizvozvo. Saka, imi vechiduku, pamunenge muchifunga nezveramangwana, rambai muchifunga zuva raJehovha. (2 Pet. 3:11, 12) Musachiva vaya vari kushandisa nyika ino zvizere. Asi, teererai vaya vanonyatsokudai. Kuunganidza “pfuma kudenga” ndiko kunyatsochengetedza pfuma uye kunoita kuti muwane upenyu husingaperi. (Mat. 6:19, 20; verenga 1 Johani 2:15-17.) Chokwadi, yeukai Musiki wenyu Mukuru. Kana mukadaro, Jehovha achakukomborerai.

[Mashoko Omuzasi]

Ungayeuka Here?

• Tinoratidza sei kuti tinovimba naMwari?

• Idzidzo ipi yakanakisisa?

• Tingadzidzei kuna Bharuki?

• Ndivanaani vari mienzaniso yakanaka uye nei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 13]

Jehovha anopa dzidzo yakanaka zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 15]

Bharuki akateerera Jehovha uye akapona pakaparadzwa Jerusarema. Ungadzidzei panyaya yake?